1 Samuel 22 (BOSCB)

1 Dhavhidhi akabva kuGati akatizira kubako reAdhurami. Hama dzake uye neveimba yababa vake vakazvinzwa, vakaburuka vakaenda ikoko kwaakanga ari. 2 Vose vaitambudzika kana kuti vaiva nezvikwereti, kana vainyunyuta vakaungana kwaari uye akava mutungamiri wavo. Varume vanenge mazana mana vakanga vanaye. 3 Kubva ipapo Dhavhidhi akaenda kuMizipa muMoabhu akati kuna mambo weMoabhu, “Ungatendera here baba vangu namai vangu kuti vauye kuzogara newe kusvikira ndaziva zvandichaitirwa naMwari?” 4 Saka akavasiya kuna mambo weMoabhu, ivo vakagara naye nguva yose yakagara Dhavhidhi munhare. 5 Asi muprofita Gadhi akati kuna Dhavhidhi, “Usagara munhare. Enda kunyika yeJudha.” Saka Dhavhidhi akabva akaenda kusango reHereti. 6 Zvino Sauro akanzwa kuti Dhavhidhi navanhu vake vakanga vawanikwa. Uye Sauro akanga akabata pfumo muruoko rwake, akagara pasi pomuti womutamarisiki pachikomo cheGibhea, uye vabati vake vose vakamira vakamupoteredza. 7 Sauro akati kwavari, “Inzwai, imi varume veBhenjamini! Ko, mwanakomana waJese achakupai imi mose minda neminda yemizambiringa here? Ko, achakuitai imi mose vakuru vezviuru navakuru vamazana here? 8 Ndizvo here zvaita kuti imi mose murangane kundimukira? Hakuna anondiudza nguva inoita mwanakomana wangu sungano nomwanakomana waJese. Hakuna kana mumwe wenyu ane hanya neni kana anondizivisa kuti mwanakomana wangu akarunzira muranda wangu kuti andivandire, sezvaanoita nhasi.” 9 Asi Dhoegi muEdhomu, uyo akanga amire navaranda vaSauro, akati, “Ndakaona mwanakomana waJese achisvika kumba kwaAhimereki mwanakomana waAhitubhi paNobhi. 10 Ahimereki akamubvunzira kuna Jehovha; akamupazve mbuva uye nomunondo waGoriati muFiristia.” 11 Ipapo mambo akatuma nhume kumuprista Ahimereki mwanakomana waAhitubhi uye nokumhuri yose yababa vake, avo vakanga vari vaprista paNobhi, vose vakauya kuna mambo. 12 Sauro akati, “Zvino chinzwa, iwe mwanakomana waAhitubhi.”Akapindura akati, “Ndiri pano, ishe wangu.” 13 Sauro akati kwaari, “Seiko mandirangana, iwe nomwanakomana waJese, uchimupa chingwa nomunondo uye nokumubvunzira kuna Mwari, zvokuti andimukira uye anondivandira, sezvaanoita nhasi?” 14 Ahimereki akapindura mambo akati, “Ndianiko pakati pavaranda venyu vose akatendeka saDhavhidhi, mukuwasha wamambo, mukuru wavarindi venyu uye anokudzwa kwazvo mumba menyu? 15 Ko, ndiro rakanga riri zuva rokutanga here randakamubvunzira kuna Mwari? Zvirokwazvo kwete! Mambo ngaarege kupa mhosva muranda wenyu kana mumwe upi zvake wemhuri yababa vake, nokuti muranda wenyu haana kana chaanoziva pamusoro penyaya iyi yose.” 16 Asi mambo akati, “Zvirokwazvo uchafa, Ahimereki, iwe nemhuri yose yababa vako.” 17 Ipapo mambo akarayira varindi vaiva padivi pake akati, “Tendeukai muuraye vaprista vaJehovha, nokuti naivowo vatsigira Dhavhidhi. Vaiziva kuti akanga achitiza, asi havana kundiudza.”Asi varanda vamambo vakanga vasingadi kusimudza ruoko kuti vauraye vaprista vaJehovha. 18 Ipapo mambo akarayira Dhoegi akati, “Iwe, tendeuka uuraye vaprista.” Saka Dhoegi muEdhomu akatendeuka akavauraya. Pazuva iroro akauraya varume makumi masere navashanu vakanga vakapfeka efodhi yomucheka. 19 Akaparadzawo Nobhi, guta ravaprista, navarume varo navakadzi, navana navacheche, nemombe dzaro, mbongoro namakwai. 20 Asi Abhiatari, mwanakomana waAhimereki, mwanakomana waAhitubhi, akapunyuka akatiza akandobatana naDhavhidhi. 21 Akaudza Dhavhidhi kuti Sauro akanga auraya vaprista vaJehovha. 22 Ipapo Dhavhidhi akati kuna Abhiatari “Zuva riya, Dhoegi muEdhomu paakanga aripo, ndakaziva kuti zvirokwazvo aizoudza Sauro. Ndini ndaurayisa baba vako nemhuri yavo yose. 23 Gara neni; usatya; munhu ari kutsvaka mweya wako anotsvaka nowanguwo. Uchagara wakachengetedzeka kana uneni.”

In Other Versions

1 Samuel 22 in the ANGEFD

1 Samuel 22 in the ANTPNG2D

1 Samuel 22 in the AS21

1 Samuel 22 in the BAGH

1 Samuel 22 in the BBPNG

1 Samuel 22 in the BBT1E

1 Samuel 22 in the BDS

1 Samuel 22 in the BEV

1 Samuel 22 in the BHAD

1 Samuel 22 in the BIB

1 Samuel 22 in the BLPT

1 Samuel 22 in the BNT

1 Samuel 22 in the BNTABOOT

1 Samuel 22 in the BNTLV

1 Samuel 22 in the BOATCB

1 Samuel 22 in the BOATCB2

1 Samuel 22 in the BOBCV

1 Samuel 22 in the BOCNT

1 Samuel 22 in the BOECS

1 Samuel 22 in the BOGWICC

1 Samuel 22 in the BOHCB

1 Samuel 22 in the BOHCV

1 Samuel 22 in the BOHLNT

1 Samuel 22 in the BOHNTLTAL

1 Samuel 22 in the BOICB

1 Samuel 22 in the BOILNTAP

1 Samuel 22 in the BOITCV

1 Samuel 22 in the BOKCV

1 Samuel 22 in the BOKCV2

1 Samuel 22 in the BOKHWOG

1 Samuel 22 in the BOKSSV

1 Samuel 22 in the BOLCB

1 Samuel 22 in the BOLCB2

1 Samuel 22 in the BOMCV

1 Samuel 22 in the BONAV

1 Samuel 22 in the BONCB

1 Samuel 22 in the BONLT

1 Samuel 22 in the BONUT2

1 Samuel 22 in the BOPLNT

1 Samuel 22 in the BOSNC

1 Samuel 22 in the BOTLNT

1 Samuel 22 in the BOVCB

1 Samuel 22 in the BOYCB

1 Samuel 22 in the BPBB

1 Samuel 22 in the BPH

1 Samuel 22 in the BSB

1 Samuel 22 in the CCB

1 Samuel 22 in the CUV

1 Samuel 22 in the CUVS

1 Samuel 22 in the DBT

1 Samuel 22 in the DGDNT

1 Samuel 22 in the DHNT

1 Samuel 22 in the DNT

1 Samuel 22 in the ELBE

1 Samuel 22 in the EMTV

1 Samuel 22 in the ESV

1 Samuel 22 in the FBV

1 Samuel 22 in the FEB

1 Samuel 22 in the GGMNT

1 Samuel 22 in the GNT

1 Samuel 22 in the HARY

1 Samuel 22 in the HNT

1 Samuel 22 in the IRVA

1 Samuel 22 in the IRVB

1 Samuel 22 in the IRVG

1 Samuel 22 in the IRVH

1 Samuel 22 in the IRVK

1 Samuel 22 in the IRVM

1 Samuel 22 in the IRVM2

1 Samuel 22 in the IRVO

1 Samuel 22 in the IRVP

1 Samuel 22 in the IRVT

1 Samuel 22 in the IRVT2

1 Samuel 22 in the IRVU

1 Samuel 22 in the ISVN

1 Samuel 22 in the JSNT

1 Samuel 22 in the KAPI

1 Samuel 22 in the KBT1ETNIK

1 Samuel 22 in the KBV

1 Samuel 22 in the KJV

1 Samuel 22 in the KNFD

1 Samuel 22 in the LBA

1 Samuel 22 in the LBLA

1 Samuel 22 in the LNT

1 Samuel 22 in the LSV

1 Samuel 22 in the MAAL

1 Samuel 22 in the MBV

1 Samuel 22 in the MBV2

1 Samuel 22 in the MHNT

1 Samuel 22 in the MKNFD

1 Samuel 22 in the MNG

1 Samuel 22 in the MNT

1 Samuel 22 in the MNT2

1 Samuel 22 in the MRS1T

1 Samuel 22 in the NAA

1 Samuel 22 in the NASB

1 Samuel 22 in the NBLA

1 Samuel 22 in the NBS

1 Samuel 22 in the NBVTP

1 Samuel 22 in the NET2

1 Samuel 22 in the NIV11

1 Samuel 22 in the NNT

1 Samuel 22 in the NNT2

1 Samuel 22 in the NNT3

1 Samuel 22 in the PDDPT

1 Samuel 22 in the PFNT

1 Samuel 22 in the RMNT

1 Samuel 22 in the SBIAS

1 Samuel 22 in the SBIBS

1 Samuel 22 in the SBIBS2

1 Samuel 22 in the SBICS

1 Samuel 22 in the SBIDS

1 Samuel 22 in the SBIGS

1 Samuel 22 in the SBIHS

1 Samuel 22 in the SBIIS

1 Samuel 22 in the SBIIS2

1 Samuel 22 in the SBIIS3

1 Samuel 22 in the SBIKS

1 Samuel 22 in the SBIKS2

1 Samuel 22 in the SBIMS

1 Samuel 22 in the SBIOS

1 Samuel 22 in the SBIPS

1 Samuel 22 in the SBISS

1 Samuel 22 in the SBITS

1 Samuel 22 in the SBITS2

1 Samuel 22 in the SBITS3

1 Samuel 22 in the SBITS4

1 Samuel 22 in the SBIUS

1 Samuel 22 in the SBIVS

1 Samuel 22 in the SBT

1 Samuel 22 in the SBT1E

1 Samuel 22 in the SCHL

1 Samuel 22 in the SNT

1 Samuel 22 in the SUSU

1 Samuel 22 in the SUSU2

1 Samuel 22 in the SYNO

1 Samuel 22 in the TBIAOTANT

1 Samuel 22 in the TBT1E

1 Samuel 22 in the TBT1E2

1 Samuel 22 in the TFTIP

1 Samuel 22 in the TFTU

1 Samuel 22 in the TGNTATF3T

1 Samuel 22 in the THAI

1 Samuel 22 in the TNFD

1 Samuel 22 in the TNT

1 Samuel 22 in the TNTIK

1 Samuel 22 in the TNTIL

1 Samuel 22 in the TNTIN

1 Samuel 22 in the TNTIP

1 Samuel 22 in the TNTIZ

1 Samuel 22 in the TOMA

1 Samuel 22 in the TTENT

1 Samuel 22 in the UBG

1 Samuel 22 in the UGV

1 Samuel 22 in the UGV2

1 Samuel 22 in the UGV3

1 Samuel 22 in the VBL

1 Samuel 22 in the VDCC

1 Samuel 22 in the YALU

1 Samuel 22 in the YAPE

1 Samuel 22 in the YBVTP

1 Samuel 22 in the ZBP