1 Samuel 6 (BOSCB)

1 Areka yaJehovha yakati yava nemwedzi minomwe iri munyika yavaFiristia, 2 vaFiristia vakadana vaprista navavuki vakati, “Toitei neareka yaJehovha? Tiudzei kuti toidzosera sei kunzvimbo yayo.” 3 Vakapindura vachiti, “Kana muchidzosera areka yamwari weIsraeri, musaidzosera isina chinhu, asi edzai nepamunogona kumutumira chipiriso chemhosva. Ipapo muchaporeswa, uye muchaziva kuti sei ruoko rwake rusina kubviswa pamusoro penyu.” 4 VaFiristia vakabvunza vakati, “Chipiriso chemhosva chatinofanira kumutumira ndecheiko?”Vakapindura vachiti, “Mamota mashanu egoridhe nembeva shanu dzegoridhe, zvichienderana nouwandu hwavatongi vavaFiristia, nokuti nedenda rimwe chetero akakurovai imi navatongi venyu. 5 Itai zviumbwa zvamamota nembeva dzacho, izvo zviri kuparadza nyika, uye mugopa kukudzwa kuna Mwari weIsraeri. Zvikada achasimudza ruoko rwake kubva pamuri napana vamwari venyu nenyika yenyu. 6 Sei muchiomesa mwoyo yenyu sezvakaitwa navaIjipita naFaro? Paakavabata nehasha, havana kubudisa vaIsraeri here kuti vaende? 7 “Naizvozvo torai mugadzirire ngoro itsva, nemhou mbiri dzinonwisa uye dzisina kumbosungwa pajoko. Sungai mhou pangoro, asi torai mhuru dzadzo mugodzipfigira muchirugu. 8 Torai areka yaJehovha mugoiisa pangoro, uye mubhokisi parutivi payo isai zviumbwa zvegoridhe zvamuri kutumirako kwaari sechipo chemhosva. Mugoituma iende, 9 asi, murambe makaitarisa. Kana ikakwidza kuenda kunyika yayo, kwakadziva kuBhetishemeshi, zvoreva kuti Jehovha ndiye anenge auyisa njodzi pamusoro pedu. Asi kana ikarega, ipapo tichaziva kuti harusi ruoko rwake rwakatirova uye kuti zvakangotiwirawo.” 10 Saka vakaita izvi. Vakatora mhou mbiri dzakadai vakadzisungirira pangoro uye vakapfigira mhuru dzadzo muchirugu. 11 Vakaisa areka yaJehovha pangoro pamwe chete nebhokisi rakanga rine mbeva dzegoridhe nezviumbwa zvamamota. 12 Ipapo mhou dzakakwidza kuenda Bhetishemeshi, dzakati tande nenzira uye dzichikuma nzira yose; hadzina kutendeukira kurudyi kana kuruboshwe. Vatongi vavaFiristia vakadzitevera kusvikira kumuganhu weBhetishemeshi. 13 Zvino vanhu veBhetishemeshi vakanga vachikohwa gorosi ravo mumupata, uye pavakasimudza misoro yavo vakaona areka, uye vakafara nokuiona. 14 Ngoro yakauya kumunda waJoshua weBhetishemeshi uye ipapo yakamira parutivi rwedombo guru. Vanhu vakatema-tema mapuranga engoro uye vakabayira mhou idzi sechipiriso chinopiswa kuna Jehovha. 15 VaRevhi vakaburutsa areka yaJehovha, pamwe chete nebhokisi raiva nezviumbwa zvegoridhe, vakazvigadzika padombo guru. Musi iwoyo vanhu veBhetishemeshi vakapa zvipiriso zvinopiswa vakabayira zvibayiro kuna Jehovha. 16 Vatongi vashanu vavaFiristia vakaona zvose izvi vakadzokera kuEkironi musi iwoyo. 17 Aya ndiwo mamota egoridhe akatumirwa navaFiristia sechipiriso chemhosva kuna Jehovha, rimwe kuAshidhodhi, rimwe kuGaza, rimwe kuAshikeroni, rimwe kuGati nerimwe kuEkironi. 18 Uye uwandu hwembeva dzegoridhe hwaienderana nouwandu hwamaguta avaFiristia akanga ari avatongi vashanu, maguta aiva namasvingo nemisha yawo yomumaruwa. Dombo guru ravakagadzika areka yaJehovha, riripo nanhasi sechapupu mumunda waJoshua weBhetishemeshi. 19 Asi Mwari akauraya vamwe vavarume veBhetishemeshi, akauraya vanhu makumi manomwe vavo nokuti vakanga vadongorera mukati meareka yaJehovha. Vanhu vakachema nokuti Jehovha akanga auraya vanhu nokuuraya kukuru, 20 uye varume veBhetishemeshi vakabvunza vachiti, “Ndiani angamira pamberi paJehovha, Mwari uyu mutsvene? Areka iyi ichaenda kuna ani ichibva pano?” 21 Ipapo vakatumira nhume kuvanhu veKiriati Jearimi vachiti, “VaFiristia vadzosa areka yaJehovha. Dzikai kuno muzoitora kuti muende nayo kwenyu.”

In Other Versions

1 Samuel 6 in the ANGEFD

1 Samuel 6 in the ANTPNG2D

1 Samuel 6 in the AS21

1 Samuel 6 in the BAGH

1 Samuel 6 in the BBPNG

1 Samuel 6 in the BBT1E

1 Samuel 6 in the BDS

1 Samuel 6 in the BEV

1 Samuel 6 in the BHAD

1 Samuel 6 in the BIB

1 Samuel 6 in the BLPT

1 Samuel 6 in the BNT

1 Samuel 6 in the BNTABOOT

1 Samuel 6 in the BNTLV

1 Samuel 6 in the BOATCB

1 Samuel 6 in the BOATCB2

1 Samuel 6 in the BOBCV

1 Samuel 6 in the BOCNT

1 Samuel 6 in the BOECS

1 Samuel 6 in the BOGWICC

1 Samuel 6 in the BOHCB

1 Samuel 6 in the BOHCV

1 Samuel 6 in the BOHLNT

1 Samuel 6 in the BOHNTLTAL

1 Samuel 6 in the BOICB

1 Samuel 6 in the BOILNTAP

1 Samuel 6 in the BOITCV

1 Samuel 6 in the BOKCV

1 Samuel 6 in the BOKCV2

1 Samuel 6 in the BOKHWOG

1 Samuel 6 in the BOKSSV

1 Samuel 6 in the BOLCB

1 Samuel 6 in the BOLCB2

1 Samuel 6 in the BOMCV

1 Samuel 6 in the BONAV

1 Samuel 6 in the BONCB

1 Samuel 6 in the BONLT

1 Samuel 6 in the BONUT2

1 Samuel 6 in the BOPLNT

1 Samuel 6 in the BOSNC

1 Samuel 6 in the BOTLNT

1 Samuel 6 in the BOVCB

1 Samuel 6 in the BOYCB

1 Samuel 6 in the BPBB

1 Samuel 6 in the BPH

1 Samuel 6 in the BSB

1 Samuel 6 in the CCB

1 Samuel 6 in the CUV

1 Samuel 6 in the CUVS

1 Samuel 6 in the DBT

1 Samuel 6 in the DGDNT

1 Samuel 6 in the DHNT

1 Samuel 6 in the DNT

1 Samuel 6 in the ELBE

1 Samuel 6 in the EMTV

1 Samuel 6 in the ESV

1 Samuel 6 in the FBV

1 Samuel 6 in the FEB

1 Samuel 6 in the GGMNT

1 Samuel 6 in the GNT

1 Samuel 6 in the HARY

1 Samuel 6 in the HNT

1 Samuel 6 in the IRVA

1 Samuel 6 in the IRVB

1 Samuel 6 in the IRVG

1 Samuel 6 in the IRVH

1 Samuel 6 in the IRVK

1 Samuel 6 in the IRVM

1 Samuel 6 in the IRVM2

1 Samuel 6 in the IRVO

1 Samuel 6 in the IRVP

1 Samuel 6 in the IRVT

1 Samuel 6 in the IRVT2

1 Samuel 6 in the IRVU

1 Samuel 6 in the ISVN

1 Samuel 6 in the JSNT

1 Samuel 6 in the KAPI

1 Samuel 6 in the KBT1ETNIK

1 Samuel 6 in the KBV

1 Samuel 6 in the KJV

1 Samuel 6 in the KNFD

1 Samuel 6 in the LBA

1 Samuel 6 in the LBLA

1 Samuel 6 in the LNT

1 Samuel 6 in the LSV

1 Samuel 6 in the MAAL

1 Samuel 6 in the MBV

1 Samuel 6 in the MBV2

1 Samuel 6 in the MHNT

1 Samuel 6 in the MKNFD

1 Samuel 6 in the MNG

1 Samuel 6 in the MNT

1 Samuel 6 in the MNT2

1 Samuel 6 in the MRS1T

1 Samuel 6 in the NAA

1 Samuel 6 in the NASB

1 Samuel 6 in the NBLA

1 Samuel 6 in the NBS

1 Samuel 6 in the NBVTP

1 Samuel 6 in the NET2

1 Samuel 6 in the NIV11

1 Samuel 6 in the NNT

1 Samuel 6 in the NNT2

1 Samuel 6 in the NNT3

1 Samuel 6 in the PDDPT

1 Samuel 6 in the PFNT

1 Samuel 6 in the RMNT

1 Samuel 6 in the SBIAS

1 Samuel 6 in the SBIBS

1 Samuel 6 in the SBIBS2

1 Samuel 6 in the SBICS

1 Samuel 6 in the SBIDS

1 Samuel 6 in the SBIGS

1 Samuel 6 in the SBIHS

1 Samuel 6 in the SBIIS

1 Samuel 6 in the SBIIS2

1 Samuel 6 in the SBIIS3

1 Samuel 6 in the SBIKS

1 Samuel 6 in the SBIKS2

1 Samuel 6 in the SBIMS

1 Samuel 6 in the SBIOS

1 Samuel 6 in the SBIPS

1 Samuel 6 in the SBISS

1 Samuel 6 in the SBITS

1 Samuel 6 in the SBITS2

1 Samuel 6 in the SBITS3

1 Samuel 6 in the SBITS4

1 Samuel 6 in the SBIUS

1 Samuel 6 in the SBIVS

1 Samuel 6 in the SBT

1 Samuel 6 in the SBT1E

1 Samuel 6 in the SCHL

1 Samuel 6 in the SNT

1 Samuel 6 in the SUSU

1 Samuel 6 in the SUSU2

1 Samuel 6 in the SYNO

1 Samuel 6 in the TBIAOTANT

1 Samuel 6 in the TBT1E

1 Samuel 6 in the TBT1E2

1 Samuel 6 in the TFTIP

1 Samuel 6 in the TFTU

1 Samuel 6 in the TGNTATF3T

1 Samuel 6 in the THAI

1 Samuel 6 in the TNFD

1 Samuel 6 in the TNT

1 Samuel 6 in the TNTIK

1 Samuel 6 in the TNTIL

1 Samuel 6 in the TNTIN

1 Samuel 6 in the TNTIP

1 Samuel 6 in the TNTIZ

1 Samuel 6 in the TOMA

1 Samuel 6 in the TTENT

1 Samuel 6 in the UBG

1 Samuel 6 in the UGV

1 Samuel 6 in the UGV2

1 Samuel 6 in the UGV3

1 Samuel 6 in the VBL

1 Samuel 6 in the VDCC

1 Samuel 6 in the YALU

1 Samuel 6 in the YAPE

1 Samuel 6 in the YBVTP

1 Samuel 6 in the ZBP