2 Chronicles 1 (BOSCB)

1 Soromoni mwanakomana waDhavhidhi akasimbisa kwazvo ushe hwake, nokuti Jehovha Mwari wake akanga anaye uye akamuita kuti ave mukuru kwazvo. 2 Ipapo Soromoni akataura kuIsraeri yose, kuvatungamiri vezviuru nokuvatungamiri vamazana, kuvatongi nokuvatungamiri vose muIsraeri, vakuru vemhuri, 3 uye Soromoni neungano yose vakaenda kunzvimbo yakakwirira yeGibheoni, nokuti Tende Rokusangana raMwari rakanga ririko, iro rakanga ragadzirwa naMozisi muranda waMwari murenje. 4 Zvino Dhavhidhi akanga auyisa areka yaMwari kubva kuKiriati Jearimi kunzvimbo yaakanga aigadzirira nokuti akanga aidzikira tende muJerusarema. 5 Asi aritari yendarira yakanga yagadzirwa naBhezareri mwanakomana waUri, mwanakomana waHuri, yakanga iri muGibheoni pamberi peTabhenakeri yaJehovha; saka Soromoni neungano vakandomubvunza ipapo. 6 Soromoni akakwira kuaritari yendarira pamberi paJehovha muTende Rokusangana akandobayira zvipiriso zvinopiswa zvinokwana chiuru pairi. 7 Usiku ihwohwo Mwari akazviratidza kuna Soromoni akati kwaari, “Kumbira chose chaungada kuti ndikupe.” 8 Soromoni akapindura Mwari akati, “Makaratidza unyoro hwenyu hukuru kwazvo kuna Dhavhidhi baba vangu uye mukandiita mambo pachinzvimbo chavo. 9 Zvino, Jehovha Mwari, itai henyu kuti chivimbiso chenyu kuna baba vangu Dhavhidhi chizadziswe, nokuti makandiita mambo pamusoro pavanhu vakawanda seguruva renyika. 10 Ndipeiwo uchenjeri noruzivo, kuti ndigotungamirira vanhu ava, nokuti ndiani angagona kutonga vanhu venyu vakawanda ava?” 11 Mwari akati kuna Soromoni, “Sezvo ichi chiri chido chemwoyo wako uye hauna kukumbira upfumi hwakawanda kana kukudzwa, kana kufa kwavavengi vako, uye nokuti hauna kukumbira upenyu hurefu asi uchenjeri noruzivo kuti utonge vanhu vangu avo vandakuita mambo pamusoro pavo, 12 naizvozvo uchapiwa uchenjeri noruzivo. Uye ini ndichakupawo upfumi, hwakawanda nokukudzwa zvisati zvambowanikwa namadzimambo ose akakutangira zvakare hakunazve mambo achauya shure kwako achava nazvo.” 13 Ipapo Soromoni akaenda kuJerusarema achibva kunzvimbo yakakwirira paGibheoni, kubva paTende Rokusangana. Uye akatonga Israeri. 14 Soromoni akazviunganidzira ngoro namabhiza; aiva nengoro chiuru namazana mana, nezviuru gumi nezviviri zvamabhiza, zvaaichengetera mumaguta engoro uye nokuJerusarema kwaaivawo. 15 Mambo akaita kuti sirivha negoridhe zviwanikwe kwose kwose muJerusarema samatombo uye misidhari ikawanda semionde mujinga mezvikomo. 16 Mabhiza aSoromoni aitengwa kuIjipiti nokuKuwe, vatengi vamambo vaitenga kubva kuKuwe. 17 Vaitenga ngoro imwe chete kubva kuIjipiti ichiita mashekeri mazana matanhatu esirivha uye bhiza rimwe chete richiita mashekeri zana namakumi mashanu. Ivo vaizoatengeserawo kumadzimambo ose avaHiti navaAramu.

In Other Versions

2 Chronicles 1 in the ANGEFD

2 Chronicles 1 in the ANTPNG2D

2 Chronicles 1 in the AS21

2 Chronicles 1 in the BAGH

2 Chronicles 1 in the BBPNG

2 Chronicles 1 in the BBT1E

2 Chronicles 1 in the BDS

2 Chronicles 1 in the BEV

2 Chronicles 1 in the BHAD

2 Chronicles 1 in the BIB

2 Chronicles 1 in the BLPT

2 Chronicles 1 in the BNT

2 Chronicles 1 in the BNTABOOT

2 Chronicles 1 in the BNTLV

2 Chronicles 1 in the BOATCB

2 Chronicles 1 in the BOATCB2

2 Chronicles 1 in the BOBCV

2 Chronicles 1 in the BOCNT

2 Chronicles 1 in the BOECS

2 Chronicles 1 in the BOGWICC

2 Chronicles 1 in the BOHCB

2 Chronicles 1 in the BOHCV

2 Chronicles 1 in the BOHLNT

2 Chronicles 1 in the BOHNTLTAL

2 Chronicles 1 in the BOICB

2 Chronicles 1 in the BOILNTAP

2 Chronicles 1 in the BOITCV

2 Chronicles 1 in the BOKCV

2 Chronicles 1 in the BOKCV2

2 Chronicles 1 in the BOKHWOG

2 Chronicles 1 in the BOKSSV

2 Chronicles 1 in the BOLCB

2 Chronicles 1 in the BOLCB2

2 Chronicles 1 in the BOMCV

2 Chronicles 1 in the BONAV

2 Chronicles 1 in the BONCB

2 Chronicles 1 in the BONLT

2 Chronicles 1 in the BONUT2

2 Chronicles 1 in the BOPLNT

2 Chronicles 1 in the BOSNC

2 Chronicles 1 in the BOTLNT

2 Chronicles 1 in the BOVCB

2 Chronicles 1 in the BOYCB

2 Chronicles 1 in the BPBB

2 Chronicles 1 in the BPH

2 Chronicles 1 in the BSB

2 Chronicles 1 in the CCB

2 Chronicles 1 in the CUV

2 Chronicles 1 in the CUVS

2 Chronicles 1 in the DBT

2 Chronicles 1 in the DGDNT

2 Chronicles 1 in the DHNT

2 Chronicles 1 in the DNT

2 Chronicles 1 in the ELBE

2 Chronicles 1 in the EMTV

2 Chronicles 1 in the ESV

2 Chronicles 1 in the FBV

2 Chronicles 1 in the FEB

2 Chronicles 1 in the GGMNT

2 Chronicles 1 in the GNT

2 Chronicles 1 in the HARY

2 Chronicles 1 in the HNT

2 Chronicles 1 in the IRVA

2 Chronicles 1 in the IRVB

2 Chronicles 1 in the IRVG

2 Chronicles 1 in the IRVH

2 Chronicles 1 in the IRVK

2 Chronicles 1 in the IRVM

2 Chronicles 1 in the IRVM2

2 Chronicles 1 in the IRVO

2 Chronicles 1 in the IRVP

2 Chronicles 1 in the IRVT

2 Chronicles 1 in the IRVT2

2 Chronicles 1 in the IRVU

2 Chronicles 1 in the ISVN

2 Chronicles 1 in the JSNT

2 Chronicles 1 in the KAPI

2 Chronicles 1 in the KBT1ETNIK

2 Chronicles 1 in the KBV

2 Chronicles 1 in the KJV

2 Chronicles 1 in the KNFD

2 Chronicles 1 in the LBA

2 Chronicles 1 in the LBLA

2 Chronicles 1 in the LNT

2 Chronicles 1 in the LSV

2 Chronicles 1 in the MAAL

2 Chronicles 1 in the MBV

2 Chronicles 1 in the MBV2

2 Chronicles 1 in the MHNT

2 Chronicles 1 in the MKNFD

2 Chronicles 1 in the MNG

2 Chronicles 1 in the MNT

2 Chronicles 1 in the MNT2

2 Chronicles 1 in the MRS1T

2 Chronicles 1 in the NAA

2 Chronicles 1 in the NASB

2 Chronicles 1 in the NBLA

2 Chronicles 1 in the NBS

2 Chronicles 1 in the NBVTP

2 Chronicles 1 in the NET2

2 Chronicles 1 in the NIV11

2 Chronicles 1 in the NNT

2 Chronicles 1 in the NNT2

2 Chronicles 1 in the NNT3

2 Chronicles 1 in the PDDPT

2 Chronicles 1 in the PFNT

2 Chronicles 1 in the RMNT

2 Chronicles 1 in the SBIAS

2 Chronicles 1 in the SBIBS

2 Chronicles 1 in the SBIBS2

2 Chronicles 1 in the SBICS

2 Chronicles 1 in the SBIDS

2 Chronicles 1 in the SBIGS

2 Chronicles 1 in the SBIHS

2 Chronicles 1 in the SBIIS

2 Chronicles 1 in the SBIIS2

2 Chronicles 1 in the SBIIS3

2 Chronicles 1 in the SBIKS

2 Chronicles 1 in the SBIKS2

2 Chronicles 1 in the SBIMS

2 Chronicles 1 in the SBIOS

2 Chronicles 1 in the SBIPS

2 Chronicles 1 in the SBISS

2 Chronicles 1 in the SBITS

2 Chronicles 1 in the SBITS2

2 Chronicles 1 in the SBITS3

2 Chronicles 1 in the SBITS4

2 Chronicles 1 in the SBIUS

2 Chronicles 1 in the SBIVS

2 Chronicles 1 in the SBT

2 Chronicles 1 in the SBT1E

2 Chronicles 1 in the SCHL

2 Chronicles 1 in the SNT

2 Chronicles 1 in the SUSU

2 Chronicles 1 in the SUSU2

2 Chronicles 1 in the SYNO

2 Chronicles 1 in the TBIAOTANT

2 Chronicles 1 in the TBT1E

2 Chronicles 1 in the TBT1E2

2 Chronicles 1 in the TFTIP

2 Chronicles 1 in the TFTU

2 Chronicles 1 in the TGNTATF3T

2 Chronicles 1 in the THAI

2 Chronicles 1 in the TNFD

2 Chronicles 1 in the TNT

2 Chronicles 1 in the TNTIK

2 Chronicles 1 in the TNTIL

2 Chronicles 1 in the TNTIN

2 Chronicles 1 in the TNTIP

2 Chronicles 1 in the TNTIZ

2 Chronicles 1 in the TOMA

2 Chronicles 1 in the TTENT

2 Chronicles 1 in the UBG

2 Chronicles 1 in the UGV

2 Chronicles 1 in the UGV2

2 Chronicles 1 in the UGV3

2 Chronicles 1 in the VBL

2 Chronicles 1 in the VDCC

2 Chronicles 1 in the YALU

2 Chronicles 1 in the YAPE

2 Chronicles 1 in the YBVTP

2 Chronicles 1 in the ZBP