2 Chronicles 28 (BOSCB)

1 Ahazi aiva namakore makumi maviri paakava mambo, uye akatonga muJerusarema kwamakore gumi namatanhatu. Haana kufanana naDhavhidhi baba vake, haana kuita zvakanaka pamberi paJehovha. 2 Akafamba nomunzira dzamadzimambo eIsraeri akagadzirawo zvifananidzo zvokunamatisa vaBhaari. 3 Akapisa zvipiriso zvinopiswa mumupata weBheni Hinomi akabayira vanakomana vake mumoto, achitevedzera nzira dzinonyangadza dzendudzi dzakanga dzadzingwa naJehovha pamberi pavaIsraeri. 4 Akapa zvibayiro uye akapisira zvinonhuhwira panzvimbo dzakakwirira, pamusoro pezvikomo napasi pomuti wose wakapfumvutira. 5 Naizvozvo Jehovha Mwari wake akamuisa mumaoko amambo weAramu. VaAramu vakamukunda uye vakatora vanhu vake vazhinji senhapwa vakauya navo kuDhamasiko.Akaiswawo mumaoko amambo weIsraeri uyo akauraya vanhu vazhinji kwazvo. 6 Pazuva rimwe chete, Peka mwanakomana waRemaria akauraya varwi zviuru zana namakumi maviri muJudha, nokuti Judha yakanga yarasa Jehovha, Mwari wamadzibaba avo. 7 Zikiri murwi wokuEfuremu, akauraya Maaseya mwanakomana wamambo, Azirikami mutariri mukuru womuzinda naErikana, mutevedzeri wamambo. 8 VaIsraeri vakatapa kubva kuhama dzavo vakadzi navanakomana navanasikana zviuru mazana maviri. Vakapambawo zvinhu zvakawanda, zvavakatakura vakadzokera nazvo kuSamaria. 9 Asi muprofita waJehovha ainzi Odhedhi akanga aripo, uye akabuda kundosangana nehondo payakadzoka kubva kuSamaria. Akati kwavari, “Nokuti Jehovha, Mwari wamadzibaba enyu akanga atsamwira Judha, akavaisa muruoko rwenyu. Asi mavauraya nehasha dzinosvika kudenga. 10 Uye zvino mava kuda kuita varume navakadzi veJudha neJerusarema nhapwa dzenyu. Asi imiwo hamuna here mhosva dzezvivi zvamakaitira Jehovha Mwari wenyu? 11 Zvino chiteererai kwandiri! Dzorerai kwakare hama dzenyu dzamatora savasungwa, nokuti kutsamwa kwaMwari kunotyisa kuri pamusoro penyu.” 12 Ipapo vamwe vatungamiri vemuEfuremu vaiti Azaria, mwanakomana waJehohanani, Bherekia mwanakomana waMeshiremoti, Jehizikia mwanakomana waSharumi naAmasa mwanakomana waHadhirai, vakandotongesa avo vakanga vachisvika vachibva kuhondo. 13 Vakati, “Hamufaniri kuuyisa vasungwa ivavo kuno kuti tirege kuva nemhosva pamberi paJehovha. Munoda kuwedzera here pamusoro pechivi chedu nemhosva yedu? Nokuti mhosva yedu yatokura kare, uye kutsamwa kwake kunotyisa kwava pamusoro peIsraeri.” 14 Saka varwi vakasiya vasungwa nezvose zvavakanga vapamba pamberi pavakuru neungano yose. 15 Varume varehwa namazita avo vakatora vasungwa uye kubva pane zvavakanga vapamba vakapfekedza vakanga vakashama. Vakavapa nguo neshangu, zvokudya nezvokunwa, uye namafuta okuporesa. Avo vose vakanga vasina simba vakavakwidza pambongoro. Saizvozvo vakavadzorera kunyika yavo kuJeriko, muGuta reMichindwe uye vakadzokera kuSamaria. 16 Panguva iyoyo mambo Ahazi akatsvaka rubatsiro kubva kuna mambo weAsiria. 17 VaEdhomu vakanga vauyazve vakarwisa Judha uye vakaenda navasungwa. 18 Panguva imwe cheteyo vaFiristia vakanga vapamba maguta omujinga mezvikomo nomuNegevhi yeJudha. Vakatora uye vakagara muBheti Shemeshi, Aijaroni neGedheroti pamwe chete neSoko, Timina neGimizo nemisha yawo yose yakaapoteredza. 19 Jehovha akaninipisa Judha nokuda kwaAhazi mambo weIsraeri, nokuti akanga akurudzira zvakaipa muJudha uye akanga anyanya kusatendeka kuna Jehovha. 20 Tigirati-Pireseri mambo weAsiria akauya kwaari, asi akamupa matambudziko pano kuti amubatsire. 21 Ahazi akatora zvimwe zvezvinhu zvaiva mutemberi yaJehovha, uye kubva mumuzinda wamambo nokumachinda amambo, akazvipa kuna mambo weAsiria, asi izvi hazvina kumubatsira. 22 Munguva yake yokutambudzika mambo Ahazi akatonyanya kusatendeka kuna Jehovha. 23 Akapa zvibayiro kuna vamwari veDhamasiko vakanga vamukunda; nokuti akafunga akati, “Sezvo vamwari vemadzimambo eAramu vakavabatsira ini ndichapa zvibayiro kwavari kuti vangondibatsira.” Asi ndivo vakava kuwa kwake nokweIsraeri yose. 24 Ahazi akaunganidza midziyo yose yomutemberi akaitakura akaenda nayo. Akapfiga masuo etemberi yaJehovha akagadzira aritari pamakona ose emigwagwa yeJerusarema. 25 Muguta rimwe nerimwe reJudha akavaka nzvimbo dzakakwirira kuti agopisira zvipiriso kuna vamwe vamwari uye zvikamutsa kutsamwa kwaJehovha, Mwari wamadzibaba ake. 26 Zvimwe zvaakaita pamazuva okutonga kwake nenzira dzake dzose kubva pakutanga kusvikira pakupedzisira zvakanyorwa mubhuku ramadzimambo eJudha neIsraeri. 27 Ahazi akazorora namadzibaba ake akavigwa muguta reJerusarema, asi haana kuradzikwa mumakuva amadzimambo eIsraeri. Uye Hezekia mwanakomana wake akamutevera paumambo.

In Other Versions

2 Chronicles 28 in the ANGEFD

2 Chronicles 28 in the ANTPNG2D

2 Chronicles 28 in the AS21

2 Chronicles 28 in the BAGH

2 Chronicles 28 in the BBPNG

2 Chronicles 28 in the BBT1E

2 Chronicles 28 in the BDS

2 Chronicles 28 in the BEV

2 Chronicles 28 in the BHAD

2 Chronicles 28 in the BIB

2 Chronicles 28 in the BLPT

2 Chronicles 28 in the BNT

2 Chronicles 28 in the BNTABOOT

2 Chronicles 28 in the BNTLV

2 Chronicles 28 in the BOATCB

2 Chronicles 28 in the BOATCB2

2 Chronicles 28 in the BOBCV

2 Chronicles 28 in the BOCNT

2 Chronicles 28 in the BOECS

2 Chronicles 28 in the BOGWICC

2 Chronicles 28 in the BOHCB

2 Chronicles 28 in the BOHCV

2 Chronicles 28 in the BOHLNT

2 Chronicles 28 in the BOHNTLTAL

2 Chronicles 28 in the BOICB

2 Chronicles 28 in the BOILNTAP

2 Chronicles 28 in the BOITCV

2 Chronicles 28 in the BOKCV

2 Chronicles 28 in the BOKCV2

2 Chronicles 28 in the BOKHWOG

2 Chronicles 28 in the BOKSSV

2 Chronicles 28 in the BOLCB

2 Chronicles 28 in the BOLCB2

2 Chronicles 28 in the BOMCV

2 Chronicles 28 in the BONAV

2 Chronicles 28 in the BONCB

2 Chronicles 28 in the BONLT

2 Chronicles 28 in the BONUT2

2 Chronicles 28 in the BOPLNT

2 Chronicles 28 in the BOSNC

2 Chronicles 28 in the BOTLNT

2 Chronicles 28 in the BOVCB

2 Chronicles 28 in the BOYCB

2 Chronicles 28 in the BPBB

2 Chronicles 28 in the BPH

2 Chronicles 28 in the BSB

2 Chronicles 28 in the CCB

2 Chronicles 28 in the CUV

2 Chronicles 28 in the CUVS

2 Chronicles 28 in the DBT

2 Chronicles 28 in the DGDNT

2 Chronicles 28 in the DHNT

2 Chronicles 28 in the DNT

2 Chronicles 28 in the ELBE

2 Chronicles 28 in the EMTV

2 Chronicles 28 in the ESV

2 Chronicles 28 in the FBV

2 Chronicles 28 in the FEB

2 Chronicles 28 in the GGMNT

2 Chronicles 28 in the GNT

2 Chronicles 28 in the HARY

2 Chronicles 28 in the HNT

2 Chronicles 28 in the IRVA

2 Chronicles 28 in the IRVB

2 Chronicles 28 in the IRVG

2 Chronicles 28 in the IRVH

2 Chronicles 28 in the IRVK

2 Chronicles 28 in the IRVM

2 Chronicles 28 in the IRVM2

2 Chronicles 28 in the IRVO

2 Chronicles 28 in the IRVP

2 Chronicles 28 in the IRVT

2 Chronicles 28 in the IRVT2

2 Chronicles 28 in the IRVU

2 Chronicles 28 in the ISVN

2 Chronicles 28 in the JSNT

2 Chronicles 28 in the KAPI

2 Chronicles 28 in the KBT1ETNIK

2 Chronicles 28 in the KBV

2 Chronicles 28 in the KJV

2 Chronicles 28 in the KNFD

2 Chronicles 28 in the LBA

2 Chronicles 28 in the LBLA

2 Chronicles 28 in the LNT

2 Chronicles 28 in the LSV

2 Chronicles 28 in the MAAL

2 Chronicles 28 in the MBV

2 Chronicles 28 in the MBV2

2 Chronicles 28 in the MHNT

2 Chronicles 28 in the MKNFD

2 Chronicles 28 in the MNG

2 Chronicles 28 in the MNT

2 Chronicles 28 in the MNT2

2 Chronicles 28 in the MRS1T

2 Chronicles 28 in the NAA

2 Chronicles 28 in the NASB

2 Chronicles 28 in the NBLA

2 Chronicles 28 in the NBS

2 Chronicles 28 in the NBVTP

2 Chronicles 28 in the NET2

2 Chronicles 28 in the NIV11

2 Chronicles 28 in the NNT

2 Chronicles 28 in the NNT2

2 Chronicles 28 in the NNT3

2 Chronicles 28 in the PDDPT

2 Chronicles 28 in the PFNT

2 Chronicles 28 in the RMNT

2 Chronicles 28 in the SBIAS

2 Chronicles 28 in the SBIBS

2 Chronicles 28 in the SBIBS2

2 Chronicles 28 in the SBICS

2 Chronicles 28 in the SBIDS

2 Chronicles 28 in the SBIGS

2 Chronicles 28 in the SBIHS

2 Chronicles 28 in the SBIIS

2 Chronicles 28 in the SBIIS2

2 Chronicles 28 in the SBIIS3

2 Chronicles 28 in the SBIKS

2 Chronicles 28 in the SBIKS2

2 Chronicles 28 in the SBIMS

2 Chronicles 28 in the SBIOS

2 Chronicles 28 in the SBIPS

2 Chronicles 28 in the SBISS

2 Chronicles 28 in the SBITS

2 Chronicles 28 in the SBITS2

2 Chronicles 28 in the SBITS3

2 Chronicles 28 in the SBITS4

2 Chronicles 28 in the SBIUS

2 Chronicles 28 in the SBIVS

2 Chronicles 28 in the SBT

2 Chronicles 28 in the SBT1E

2 Chronicles 28 in the SCHL

2 Chronicles 28 in the SNT

2 Chronicles 28 in the SUSU

2 Chronicles 28 in the SUSU2

2 Chronicles 28 in the SYNO

2 Chronicles 28 in the TBIAOTANT

2 Chronicles 28 in the TBT1E

2 Chronicles 28 in the TBT1E2

2 Chronicles 28 in the TFTIP

2 Chronicles 28 in the TFTU

2 Chronicles 28 in the TGNTATF3T

2 Chronicles 28 in the THAI

2 Chronicles 28 in the TNFD

2 Chronicles 28 in the TNT

2 Chronicles 28 in the TNTIK

2 Chronicles 28 in the TNTIL

2 Chronicles 28 in the TNTIN

2 Chronicles 28 in the TNTIP

2 Chronicles 28 in the TNTIZ

2 Chronicles 28 in the TOMA

2 Chronicles 28 in the TTENT

2 Chronicles 28 in the UBG

2 Chronicles 28 in the UGV

2 Chronicles 28 in the UGV2

2 Chronicles 28 in the UGV3

2 Chronicles 28 in the VBL

2 Chronicles 28 in the VDCC

2 Chronicles 28 in the YALU

2 Chronicles 28 in the YAPE

2 Chronicles 28 in the YBVTP

2 Chronicles 28 in the ZBP