2 Kings 21 (BOSCB)

1 Manase akanga ava namakore gumi namaviri paakava mambo, uye akatonga muJerusarema kwamakore makumi mashanu namashanu. Zita ramai vake rainzi Hefizibha. 2 Akaita zvakaipa pamberi paJehovha, achitevera zvinonyangadza zvendudzi dzakadzingwa pamberi pavaIsraeri naJehovha. 3 Akavakazve matunhu akakwirira akanga aparadzwa nababa vake Hezekia; uye akavaka aritari dzaBhaari akaita danda raAshera, sezvakanga zvaitwa naAhabhu mambo weIsraeri. Akapfugamira nyeredzi dzose dzedenga akadzinamata. 4 Akavaka aritari mutemberi yaJehovha, makanga manzi naJehovha, “Ndichaisa zita rangu muJerusarema.” 5 Muzvivanze zvose zviri zviviri zvetemberi yaJehovha, akavakira nyeredzi dzose dzokudenga aritari. 6 Akabayira mwanakomana wake mumoto, akaita uroyi nokuvuka, akabvunza masvikiro navavuki. Akaita zvakaipa zvakawanda pamberi paJehovha, akamutsa hasha dzake. 7 Akatora mufananidzo waAshera wakavezwa waakanga aita akauisa mutemberi, yakanga yanzi naJehovha kuna Dhavhidhi nokumwanakomana wake Soromoni, “Mutemberi iyi nomuJerusarema, mandakasarudza pakati pamarudzi ose aIsraeri, ndichaisamo Zita rangu nokusingaperi. 8 Handichaitizve kuti tsoka dzavaIsraeri dzidzungaire kubva munyika yandakapa madzitateguru avo, kana vakangochenjera chete kuita zvose zvandakavarayira uye vakachengeta Murayiro wose wavakapiwa nomuranda wangu Mozisi.” 9 Asi vanhu havana kuteerera. Manase akavatsausa, zvokuti vakanyanya kuita zvakaipa kupfuura dzimwe ndudzi dzakaparadzwa pamberi pavaIsraeri naJehovha. 10 Jehovha akataura kubudikidza navaranda vake ivo vaprofita akati, 11 “Manase mambo weJudha aita zvivi zvinonyangadza izvi. Aita zvakaipa zvakawanda kupfuura vaAmori vakamutangira uye atungamirira Judha muzvivi nezvifananidzo zvake. 12 Naizvozvo zvanzi naJehovha, Mwari waIsraeri: Ndichauyisa dambudziko pamusoro peJerusarema neJudha zvokuti nzeve dzomumwe nomumwe achanzwa nezvazvo dzichaunga. 13 Ndichatambanudzira kuJerusarema tambo yokuyeresa yandakayera nayo Samaria nerwodzi rwandakashandisa kuyera narwo imba yaAhabhu. Ndichapukuta Jerusarema somunhu anonopukuta ndiro, anoipukuta uye agoitsindikira. 14 Ndichafuratira vakasara venhaka yangu uye ndichavapa kuvavengi vavo. Vachabirwa uye vachapambwa navavengi vavo, 15 nokuti vakaita zvakaipa pamberi pangu vakanditsamwisa kubva pazuva rakabuda madzitateguru avo kubva muIjipiti kusvikira zuva ranhasi.” 16 Pamusoro pezvo, Manase akateura ropa risina mhosva rakawanda zvokuti akazadza Jerusarema kubva kuno rumwe rutivi kusvika kuno rumwe, zvisiri izvozvo chete, asi nezvivi zvaakaita kuti Judha iite, zvokuti vakaita zvakaipa pamberi paJehovha. 17 Kana zviri zvimwe zvakaitika panguva yokutonga kwaManase, nezvose zvaakaita, pamwe chete nechivi chaakaita, hazvina kunyorwa here mubhuku renhoroondo dzamadzimambo eJudha? 18 Manase akazorora namadzibaba ake akavigwa mubindu romumuzinda wake, bindu raUza. Uye Amoni mwanakomana wake akamutevera paumambo. 19 Amoni akanga ava namakore makumi maviri namaviri paakava mambo, uye akatonga muJerusarema kwamakore maviri. Zita ramai vake rainzi Meshuremeti mwanasikana waHaruzi; akanga achibva kuJotibha. 20 Akaita zvakaipa pamberi paJehovha, sezvakanga zvaita Manase baba vake. 21 Akafamba munzira dzose dzababa vake; akanamata zvifananidzo zvakanga zvanamatwa nababa vake, akazvipfugamira. 22 Akafuratira Jehovha, Mwari wamadzibaba ake, haana kufamba munzira yaJehovha. 23 Vabati vaAmoni vakamumukira vakauraya mambo mumuzinda wake. 24 Ipapo vanhu venyika vakauraya vose vakanga vamukira Mambo Amoni, vakagadza mwanakomana wake Josia kuti ave mambo panzvimbo yake. 25 Kana zviri zvimwe zvakaitika panguva yokutonga kwaAmoni, nezvaakaita, hazvina kunyorwa here mubhuku renhoroondo dzamadzimambo eJudha? 26 Akavigwa muguva rake mubindu raUza. Josia mwanakomana wake akamutevera paumambo.

In Other Versions

2 Kings 21 in the ANGEFD

2 Kings 21 in the ANTPNG2D

2 Kings 21 in the AS21

2 Kings 21 in the BAGH

2 Kings 21 in the BBPNG

2 Kings 21 in the BBT1E

2 Kings 21 in the BDS

2 Kings 21 in the BEV

2 Kings 21 in the BHAD

2 Kings 21 in the BIB

2 Kings 21 in the BLPT

2 Kings 21 in the BNT

2 Kings 21 in the BNTABOOT

2 Kings 21 in the BNTLV

2 Kings 21 in the BOATCB

2 Kings 21 in the BOATCB2

2 Kings 21 in the BOBCV

2 Kings 21 in the BOCNT

2 Kings 21 in the BOECS

2 Kings 21 in the BOGWICC

2 Kings 21 in the BOHCB

2 Kings 21 in the BOHCV

2 Kings 21 in the BOHLNT

2 Kings 21 in the BOHNTLTAL

2 Kings 21 in the BOICB

2 Kings 21 in the BOILNTAP

2 Kings 21 in the BOITCV

2 Kings 21 in the BOKCV

2 Kings 21 in the BOKCV2

2 Kings 21 in the BOKHWOG

2 Kings 21 in the BOKSSV

2 Kings 21 in the BOLCB

2 Kings 21 in the BOLCB2

2 Kings 21 in the BOMCV

2 Kings 21 in the BONAV

2 Kings 21 in the BONCB

2 Kings 21 in the BONLT

2 Kings 21 in the BONUT2

2 Kings 21 in the BOPLNT

2 Kings 21 in the BOSNC

2 Kings 21 in the BOTLNT

2 Kings 21 in the BOVCB

2 Kings 21 in the BOYCB

2 Kings 21 in the BPBB

2 Kings 21 in the BPH

2 Kings 21 in the BSB

2 Kings 21 in the CCB

2 Kings 21 in the CUV

2 Kings 21 in the CUVS

2 Kings 21 in the DBT

2 Kings 21 in the DGDNT

2 Kings 21 in the DHNT

2 Kings 21 in the DNT

2 Kings 21 in the ELBE

2 Kings 21 in the EMTV

2 Kings 21 in the ESV

2 Kings 21 in the FBV

2 Kings 21 in the FEB

2 Kings 21 in the GGMNT

2 Kings 21 in the GNT

2 Kings 21 in the HARY

2 Kings 21 in the HNT

2 Kings 21 in the IRVA

2 Kings 21 in the IRVB

2 Kings 21 in the IRVG

2 Kings 21 in the IRVH

2 Kings 21 in the IRVK

2 Kings 21 in the IRVM

2 Kings 21 in the IRVM2

2 Kings 21 in the IRVO

2 Kings 21 in the IRVP

2 Kings 21 in the IRVT

2 Kings 21 in the IRVT2

2 Kings 21 in the IRVU

2 Kings 21 in the ISVN

2 Kings 21 in the JSNT

2 Kings 21 in the KAPI

2 Kings 21 in the KBT1ETNIK

2 Kings 21 in the KBV

2 Kings 21 in the KJV

2 Kings 21 in the KNFD

2 Kings 21 in the LBA

2 Kings 21 in the LBLA

2 Kings 21 in the LNT

2 Kings 21 in the LSV

2 Kings 21 in the MAAL

2 Kings 21 in the MBV

2 Kings 21 in the MBV2

2 Kings 21 in the MHNT

2 Kings 21 in the MKNFD

2 Kings 21 in the MNG

2 Kings 21 in the MNT

2 Kings 21 in the MNT2

2 Kings 21 in the MRS1T

2 Kings 21 in the NAA

2 Kings 21 in the NASB

2 Kings 21 in the NBLA

2 Kings 21 in the NBS

2 Kings 21 in the NBVTP

2 Kings 21 in the NET2

2 Kings 21 in the NIV11

2 Kings 21 in the NNT

2 Kings 21 in the NNT2

2 Kings 21 in the NNT3

2 Kings 21 in the PDDPT

2 Kings 21 in the PFNT

2 Kings 21 in the RMNT

2 Kings 21 in the SBIAS

2 Kings 21 in the SBIBS

2 Kings 21 in the SBIBS2

2 Kings 21 in the SBICS

2 Kings 21 in the SBIDS

2 Kings 21 in the SBIGS

2 Kings 21 in the SBIHS

2 Kings 21 in the SBIIS

2 Kings 21 in the SBIIS2

2 Kings 21 in the SBIIS3

2 Kings 21 in the SBIKS

2 Kings 21 in the SBIKS2

2 Kings 21 in the SBIMS

2 Kings 21 in the SBIOS

2 Kings 21 in the SBIPS

2 Kings 21 in the SBISS

2 Kings 21 in the SBITS

2 Kings 21 in the SBITS2

2 Kings 21 in the SBITS3

2 Kings 21 in the SBITS4

2 Kings 21 in the SBIUS

2 Kings 21 in the SBIVS

2 Kings 21 in the SBT

2 Kings 21 in the SBT1E

2 Kings 21 in the SCHL

2 Kings 21 in the SNT

2 Kings 21 in the SUSU

2 Kings 21 in the SUSU2

2 Kings 21 in the SYNO

2 Kings 21 in the TBIAOTANT

2 Kings 21 in the TBT1E

2 Kings 21 in the TBT1E2

2 Kings 21 in the TFTIP

2 Kings 21 in the TFTU

2 Kings 21 in the TGNTATF3T

2 Kings 21 in the THAI

2 Kings 21 in the TNFD

2 Kings 21 in the TNT

2 Kings 21 in the TNTIK

2 Kings 21 in the TNTIL

2 Kings 21 in the TNTIN

2 Kings 21 in the TNTIP

2 Kings 21 in the TNTIZ

2 Kings 21 in the TOMA

2 Kings 21 in the TTENT

2 Kings 21 in the UBG

2 Kings 21 in the UGV

2 Kings 21 in the UGV2

2 Kings 21 in the UGV3

2 Kings 21 in the VBL

2 Kings 21 in the VDCC

2 Kings 21 in the YALU

2 Kings 21 in the YAPE

2 Kings 21 in the YBVTP

2 Kings 21 in the ZBP