2 Kings 24 (BOSCB)

1 Mumazuva okutonga kwaJehoyakimi Nebhukadhinezari mambo weBhabhironi akakunda nyika, Jehoyakimi akava muranda wake kwamakore matatu. Asi akazoshandura pfungwa dzake akamukira Nebhukadhinezari. 2 Jehovha akatuma vaBhabhironi navaAramu navaMoabhu uye navaAmoni kuti vazorwisa. Akavatuma kunoparadza Judha, sezvakarehwa neshoko raJehovha rakataurwa navaranda vake navaprofita. 3 Zvirokwazvo zvinhu izvi zvakaitika kuna Judha sezvazvakarayirwa naJehovha, kuitira kuti avabvise pamberi pake nokuda kwezvivi zvaManase nezvose zvaakaita, 4 zvinosanganisira kuteura ropa risina mhosva. Nokuti akanga azadza Jerusarema neropa risina mhosva, uye Jehovha akanga asingadi kumukanganwira. 5 Kana zviri zvimwe zvakaitika pakutonga kwaJehoyakimi, nezvose zvaakaita, hazvina kunyorwa here mubhuku renhoroondo dzamadzimambo eJudha? 6 Jehoyakimi akazorora namadzibaba ake. Uye Jehoyakini, mwanakomana wake akamutevera paumambo. 7 Mambo weIjipiti haana kuzobudazve kubva munyika yake nokuti mambo weBhabhironi akanga atora nyika yake yose, kubva kuRwizi rweIjipiti kusvikira kuRwizi Yufuratesi. 8 Jehoyakini akanga ava namakore gumi namasere paakava mambo, uye akatonga kwemwedzi mitatu muJerusarema. Zita ramai vake rainzi Nehushita mwanasikana waErinatani; vaibva muJerusarema. 9 Akaita zvakaipa pamberi paJehovha, sezvakanga zvaitwa nababa vake. 10 Panguva iyoyo varanda vaNebhukadhinezari mambo weBhabhironi vakaenda kuJerusarema vakarikomba, 11 uye Nebhukadhinezari pachake akasvika kuguta, varanda vake pavakanga vakarikomba. 12 Jehoyakini mambo weJudha, namai vake, navaranda vake, namakurukota ake, navabati vake vakazvipira vose kwaari.Mugore regumi namasere rokutonga kwamambo weBhabhironi, akatora Jehoyakini akamuita musungwa. 13 Sezvakanga zvarehwa naJehovha, Nebhukadhinezari akabvisa pfuma yose mutemberi yaJehovha nomumuzinda wamambo, uye akatora midziyo yose yegoridhe yakanga yaitirwa temberi yaJehovha naSoromoni mambo weIsraeri. 14 Akatapa Jerusarema rose: vabati vose navarume vehondo vose, navarume voumhizha vose, navapfuri vesimbi, vaiva vanhu zviuru gumi. Varombo vokupedzisira ndivo vakasara chete munyika imomo. 15 Nebhukadhinezari akatora Jehoyakini akamuita nhapwa kuBhabhironi. Akatorawo mai vamambo, navakadzi vake, navabati vake navarume vaitungamirira nyika muJerusarema akavaendesa kuBhabhironi. 16 Mambo weBhabhironi akabudisawo hondo yose yavarume zviuru zvinomwe, vakasimba pakurwa, nechiuru chimwe chete chavarume voumhizha navapfuri vesimbi akavaendesa kuBhabhironi. 17 Akaita Matania babamunini vaJehoyakini, mambo panzvimbo yaJehoyakini uye akashandura zita rake akamutumidza kuti Zedhekia. 18 Zedhekia akanga ana makore makumi maviri nerimwe chete paakava mambo, uye akatonga muJerusarema kwamakore gumi nerimwe. Zita ramai vake rainzi Hamutari mwanasikana waJeremia; vaibva kuRibhina. 19 Akaita zvakaipa pamberi paJehovha, sezvakanga zvaita Jehoyakini. 20 Izvi zvakaitika kuJerusarema neJudha nokuda kwehasha dzaJehovha, uye pakupedzisira akavabvisa pamberi pake.Zvino Zedhekia akamukira mambo weBhabhironi.

In Other Versions

2 Kings 24 in the ANGEFD

2 Kings 24 in the ANTPNG2D

2 Kings 24 in the AS21

2 Kings 24 in the BAGH

2 Kings 24 in the BBPNG

2 Kings 24 in the BBT1E

2 Kings 24 in the BDS

2 Kings 24 in the BEV

2 Kings 24 in the BHAD

2 Kings 24 in the BIB

2 Kings 24 in the BLPT

2 Kings 24 in the BNT

2 Kings 24 in the BNTABOOT

2 Kings 24 in the BNTLV

2 Kings 24 in the BOATCB

2 Kings 24 in the BOATCB2

2 Kings 24 in the BOBCV

2 Kings 24 in the BOCNT

2 Kings 24 in the BOECS

2 Kings 24 in the BOGWICC

2 Kings 24 in the BOHCB

2 Kings 24 in the BOHCV

2 Kings 24 in the BOHLNT

2 Kings 24 in the BOHNTLTAL

2 Kings 24 in the BOICB

2 Kings 24 in the BOILNTAP

2 Kings 24 in the BOITCV

2 Kings 24 in the BOKCV

2 Kings 24 in the BOKCV2

2 Kings 24 in the BOKHWOG

2 Kings 24 in the BOKSSV

2 Kings 24 in the BOLCB

2 Kings 24 in the BOLCB2

2 Kings 24 in the BOMCV

2 Kings 24 in the BONAV

2 Kings 24 in the BONCB

2 Kings 24 in the BONLT

2 Kings 24 in the BONUT2

2 Kings 24 in the BOPLNT

2 Kings 24 in the BOSNC

2 Kings 24 in the BOTLNT

2 Kings 24 in the BOVCB

2 Kings 24 in the BOYCB

2 Kings 24 in the BPBB

2 Kings 24 in the BPH

2 Kings 24 in the BSB

2 Kings 24 in the CCB

2 Kings 24 in the CUV

2 Kings 24 in the CUVS

2 Kings 24 in the DBT

2 Kings 24 in the DGDNT

2 Kings 24 in the DHNT

2 Kings 24 in the DNT

2 Kings 24 in the ELBE

2 Kings 24 in the EMTV

2 Kings 24 in the ESV

2 Kings 24 in the FBV

2 Kings 24 in the FEB

2 Kings 24 in the GGMNT

2 Kings 24 in the GNT

2 Kings 24 in the HARY

2 Kings 24 in the HNT

2 Kings 24 in the IRVA

2 Kings 24 in the IRVB

2 Kings 24 in the IRVG

2 Kings 24 in the IRVH

2 Kings 24 in the IRVK

2 Kings 24 in the IRVM

2 Kings 24 in the IRVM2

2 Kings 24 in the IRVO

2 Kings 24 in the IRVP

2 Kings 24 in the IRVT

2 Kings 24 in the IRVT2

2 Kings 24 in the IRVU

2 Kings 24 in the ISVN

2 Kings 24 in the JSNT

2 Kings 24 in the KAPI

2 Kings 24 in the KBT1ETNIK

2 Kings 24 in the KBV

2 Kings 24 in the KJV

2 Kings 24 in the KNFD

2 Kings 24 in the LBA

2 Kings 24 in the LBLA

2 Kings 24 in the LNT

2 Kings 24 in the LSV

2 Kings 24 in the MAAL

2 Kings 24 in the MBV

2 Kings 24 in the MBV2

2 Kings 24 in the MHNT

2 Kings 24 in the MKNFD

2 Kings 24 in the MNG

2 Kings 24 in the MNT

2 Kings 24 in the MNT2

2 Kings 24 in the MRS1T

2 Kings 24 in the NAA

2 Kings 24 in the NASB

2 Kings 24 in the NBLA

2 Kings 24 in the NBS

2 Kings 24 in the NBVTP

2 Kings 24 in the NET2

2 Kings 24 in the NIV11

2 Kings 24 in the NNT

2 Kings 24 in the NNT2

2 Kings 24 in the NNT3

2 Kings 24 in the PDDPT

2 Kings 24 in the PFNT

2 Kings 24 in the RMNT

2 Kings 24 in the SBIAS

2 Kings 24 in the SBIBS

2 Kings 24 in the SBIBS2

2 Kings 24 in the SBICS

2 Kings 24 in the SBIDS

2 Kings 24 in the SBIGS

2 Kings 24 in the SBIHS

2 Kings 24 in the SBIIS

2 Kings 24 in the SBIIS2

2 Kings 24 in the SBIIS3

2 Kings 24 in the SBIKS

2 Kings 24 in the SBIKS2

2 Kings 24 in the SBIMS

2 Kings 24 in the SBIOS

2 Kings 24 in the SBIPS

2 Kings 24 in the SBISS

2 Kings 24 in the SBITS

2 Kings 24 in the SBITS2

2 Kings 24 in the SBITS3

2 Kings 24 in the SBITS4

2 Kings 24 in the SBIUS

2 Kings 24 in the SBIVS

2 Kings 24 in the SBT

2 Kings 24 in the SBT1E

2 Kings 24 in the SCHL

2 Kings 24 in the SNT

2 Kings 24 in the SUSU

2 Kings 24 in the SUSU2

2 Kings 24 in the SYNO

2 Kings 24 in the TBIAOTANT

2 Kings 24 in the TBT1E

2 Kings 24 in the TBT1E2

2 Kings 24 in the TFTIP

2 Kings 24 in the TFTU

2 Kings 24 in the TGNTATF3T

2 Kings 24 in the THAI

2 Kings 24 in the TNFD

2 Kings 24 in the TNT

2 Kings 24 in the TNTIK

2 Kings 24 in the TNTIL

2 Kings 24 in the TNTIN

2 Kings 24 in the TNTIP

2 Kings 24 in the TNTIZ

2 Kings 24 in the TOMA

2 Kings 24 in the TTENT

2 Kings 24 in the UBG

2 Kings 24 in the UGV

2 Kings 24 in the UGV2

2 Kings 24 in the UGV3

2 Kings 24 in the VBL

2 Kings 24 in the VDCC

2 Kings 24 in the YALU

2 Kings 24 in the YAPE

2 Kings 24 in the YBVTP

2 Kings 24 in the ZBP