2 Kings 7 (BOSCB)

1 Asi Erisha akati, “Inzwai shoko raJehovha. Zvanzi naJehovha: Nenguva yakaita seino mangwana, seya roupfu hwakatsetseka richatengeswa neshekeri rimwe uye maseya maviri ebhari neshekeri pasuo reSamaria.” 2 Ipapo mukuru anova aiva ndiye ane ruoko rwakanga rwakasendamirwa namambo, akati kumunhu waMwari, “Tarira, kunyange dai Jehovha akazarura mawindo amatenga, kuti zvakadai zvingaitika?”Erisha akapindura akati, “Uchazviona iwe nameso ako asi hauna chimwe chazvo chauchadya!” 3 Zvino kwakanga kuna varume vana vaiva namaperembudzi pamukova wesuo reguta. Vakawirirana vakati, 4 “Tichagarireiko pano kusvikira tafa? Kana tikati, ‘Tichaenda muguta,’ nzara irimo uye tichafa. Uye kana tikagara pano, tichafa. Naizvozvo ngatiendei kumusasa wavaAramu tinozvipira hedu. Kana vakatirega tiri vapenyu, tararama, kana vakatiuraya, tafa hedu.” 5 Naizvozvo vakasimuka mambakwedza vakaenda kumusasa wavaAramu. Vakati vasvika pamucheto womusasa, wanei hakuna kana munhu, 6 nokuti Jehovha akanga aita kuti vaAramu vanzwe kutinhira kwengoro namabhiza uye nokwehondo huru, naizvozvo, vakataurirana vachiti, “Tarirai mambo weIsraeri akakoka vaHiti namadzimambo avaIjipita kuti vazotirwisa!” 7 Naizvozvo vakasimuka mambakwedza vakatiza, vakasiya matende avo namabhiza avo nembongoro. Vakasiya musasa wakangodaro vakatiza kuti vaponese upenyu hwavo. 8 Varume vaiva namaperembudzi vakapinda kumucheto kwomusasa ndokupinda mune rimwe tende. Vakadya uye vakanwa, uye vakatakura sirivha, negoridhe nenguo vakabvapo vakandozviviga. Vakadzokazve vakapinda mune rimwe tende vakatora zvimwe zvinhu mariri vakandozvivigazve. 9 Ipapo vakataurirana vakati, “Hatisi kuita chinhu chakanaka. Rino izuva ramashoko akanaka asi isu takangonyarara hedu. Kana tikamira kusvika kwaedza, ticharangwa. Handei izvozvi tinozivisa zvinhu izvi kumuzinda wamambo.” 10 Saka vakaenda vakadanidzira kuvarindi vesuo reguta vakati kwavari, “Takaenda kumusasa wavaAramu tikasawana kana munhumo, kunyange inzwi romunhu, asi mabhiza nembongoro zvakasungirirwa uye matende akangosiyiwa akadaro.” 11 Varindi vesuo vakadaidzira mashoko aya zvikaziviswa mukati momuzinda. 12 Mambo akamuka usiku akati kuvabati vake, “Ndichakuudzai zvataitirwa navaAramu. Ivo vanoziva kuti tine nzara; saka vasiya musasa vakandovanda muminda, vachifunga kuti ‘Zvirokwazvo kana vakabuda kunze ipapo isu tichavabata vari vapenyu tigopinda muguta.’ ” 13 Mumwe wavabati vake akapindura akati, “Vamwe varume ngavatore mabhiza mashanu akasiyiwa muguta. Zvichaitika kwavari zvichafanana nezvichaitika kuvaIsraeri vose vasara muno, hongu vachava chete savaIsraeri vose ava vachaparara. Naizvozvo ngativatumei kuti vandoona kuti chii chakaitika.” 14 Saka vakatsaura ngoro mbiri namabhiza adzo, mambo akavatuma kuti vatevere hondo yavaAramu. Akarayira vachairi akati, “Endai mundoona kuti chii chakaitika.” 15 Vakavatevera kusvikira paJorodhani, vakawana nzira yose izere nguo nenhumbi dzakanga dzakaraswa navaAramu pakutiza kwavo. Saka nhumwa dzakadzoka dzikaudza mambo izvozvo. 16 Ipapo vanhu vakabuda vakandopamba musasa wavaAramu. Saka chiyero choupfu hwakatsetseka chakatengeswa neshekeri rimwe chete uye zviyero zviviri zvebhari zvakatengeswawo neshekeri, sezvakanga zvarehwa naJehovha. 17 Zvino mambo akanga aisa mubati uya waaimbosendamira paruoko rwake kuti ave muchengeti wesuo, ipapo vanhu vakamutsikirira pasi pesuo ipapo, akafa, sezvakanga zvataurwa nomunhu waMwari musi wakauya mambo kwaari. 18 Zvakaitika sezvakanga zvarehwa nomunhu waMwari kuna mambo achiti, “Mangwana, nenguva yakaita seino, chiyero choupfu hwakatsetseka chichatengeswa neshekeri rimwe uye zviyero zviviri zvebhari zvichatengeswawo neshekeri pasuo reSamaria.” 19 Zvino mubati uya akanga ati kumunhu waMwari, “Tarira, kunyange dai Mwari akazarura mawindo okumatenga, zvakadai zvingaitika here?” Munhu waMwari akanga amupindura akati, “Uchazviona nameso ako, asi haungadyi kana chimwe chazvo!” 20 Zvino ndizvo chaizvo zvakaitika kwaari, nokuti vanhu vakamutsikirira pasuo, akafa.

In Other Versions

2 Kings 7 in the ANGEFD

2 Kings 7 in the ANTPNG2D

2 Kings 7 in the AS21

2 Kings 7 in the BAGH

2 Kings 7 in the BBPNG

2 Kings 7 in the BBT1E

2 Kings 7 in the BDS

2 Kings 7 in the BEV

2 Kings 7 in the BHAD

2 Kings 7 in the BIB

2 Kings 7 in the BLPT

2 Kings 7 in the BNT

2 Kings 7 in the BNTABOOT

2 Kings 7 in the BNTLV

2 Kings 7 in the BOATCB

2 Kings 7 in the BOATCB2

2 Kings 7 in the BOBCV

2 Kings 7 in the BOCNT

2 Kings 7 in the BOECS

2 Kings 7 in the BOGWICC

2 Kings 7 in the BOHCB

2 Kings 7 in the BOHCV

2 Kings 7 in the BOHLNT

2 Kings 7 in the BOHNTLTAL

2 Kings 7 in the BOICB

2 Kings 7 in the BOILNTAP

2 Kings 7 in the BOITCV

2 Kings 7 in the BOKCV

2 Kings 7 in the BOKCV2

2 Kings 7 in the BOKHWOG

2 Kings 7 in the BOKSSV

2 Kings 7 in the BOLCB

2 Kings 7 in the BOLCB2

2 Kings 7 in the BOMCV

2 Kings 7 in the BONAV

2 Kings 7 in the BONCB

2 Kings 7 in the BONLT

2 Kings 7 in the BONUT2

2 Kings 7 in the BOPLNT

2 Kings 7 in the BOSNC

2 Kings 7 in the BOTLNT

2 Kings 7 in the BOVCB

2 Kings 7 in the BOYCB

2 Kings 7 in the BPBB

2 Kings 7 in the BPH

2 Kings 7 in the BSB

2 Kings 7 in the CCB

2 Kings 7 in the CUV

2 Kings 7 in the CUVS

2 Kings 7 in the DBT

2 Kings 7 in the DGDNT

2 Kings 7 in the DHNT

2 Kings 7 in the DNT

2 Kings 7 in the ELBE

2 Kings 7 in the EMTV

2 Kings 7 in the ESV

2 Kings 7 in the FBV

2 Kings 7 in the FEB

2 Kings 7 in the GGMNT

2 Kings 7 in the GNT

2 Kings 7 in the HARY

2 Kings 7 in the HNT

2 Kings 7 in the IRVA

2 Kings 7 in the IRVB

2 Kings 7 in the IRVG

2 Kings 7 in the IRVH

2 Kings 7 in the IRVK

2 Kings 7 in the IRVM

2 Kings 7 in the IRVM2

2 Kings 7 in the IRVO

2 Kings 7 in the IRVP

2 Kings 7 in the IRVT

2 Kings 7 in the IRVT2

2 Kings 7 in the IRVU

2 Kings 7 in the ISVN

2 Kings 7 in the JSNT

2 Kings 7 in the KAPI

2 Kings 7 in the KBT1ETNIK

2 Kings 7 in the KBV

2 Kings 7 in the KJV

2 Kings 7 in the KNFD

2 Kings 7 in the LBA

2 Kings 7 in the LBLA

2 Kings 7 in the LNT

2 Kings 7 in the LSV

2 Kings 7 in the MAAL

2 Kings 7 in the MBV

2 Kings 7 in the MBV2

2 Kings 7 in the MHNT

2 Kings 7 in the MKNFD

2 Kings 7 in the MNG

2 Kings 7 in the MNT

2 Kings 7 in the MNT2

2 Kings 7 in the MRS1T

2 Kings 7 in the NAA

2 Kings 7 in the NASB

2 Kings 7 in the NBLA

2 Kings 7 in the NBS

2 Kings 7 in the NBVTP

2 Kings 7 in the NET2

2 Kings 7 in the NIV11

2 Kings 7 in the NNT

2 Kings 7 in the NNT2

2 Kings 7 in the NNT3

2 Kings 7 in the PDDPT

2 Kings 7 in the PFNT

2 Kings 7 in the RMNT

2 Kings 7 in the SBIAS

2 Kings 7 in the SBIBS

2 Kings 7 in the SBIBS2

2 Kings 7 in the SBICS

2 Kings 7 in the SBIDS

2 Kings 7 in the SBIGS

2 Kings 7 in the SBIHS

2 Kings 7 in the SBIIS

2 Kings 7 in the SBIIS2

2 Kings 7 in the SBIIS3

2 Kings 7 in the SBIKS

2 Kings 7 in the SBIKS2

2 Kings 7 in the SBIMS

2 Kings 7 in the SBIOS

2 Kings 7 in the SBIPS

2 Kings 7 in the SBISS

2 Kings 7 in the SBITS

2 Kings 7 in the SBITS2

2 Kings 7 in the SBITS3

2 Kings 7 in the SBITS4

2 Kings 7 in the SBIUS

2 Kings 7 in the SBIVS

2 Kings 7 in the SBT

2 Kings 7 in the SBT1E

2 Kings 7 in the SCHL

2 Kings 7 in the SNT

2 Kings 7 in the SUSU

2 Kings 7 in the SUSU2

2 Kings 7 in the SYNO

2 Kings 7 in the TBIAOTANT

2 Kings 7 in the TBT1E

2 Kings 7 in the TBT1E2

2 Kings 7 in the TFTIP

2 Kings 7 in the TFTU

2 Kings 7 in the TGNTATF3T

2 Kings 7 in the THAI

2 Kings 7 in the TNFD

2 Kings 7 in the TNT

2 Kings 7 in the TNTIK

2 Kings 7 in the TNTIL

2 Kings 7 in the TNTIN

2 Kings 7 in the TNTIP

2 Kings 7 in the TNTIZ

2 Kings 7 in the TOMA

2 Kings 7 in the TTENT

2 Kings 7 in the UBG

2 Kings 7 in the UGV

2 Kings 7 in the UGV2

2 Kings 7 in the UGV3

2 Kings 7 in the VBL

2 Kings 7 in the VDCC

2 Kings 7 in the YALU

2 Kings 7 in the YAPE

2 Kings 7 in the YBVTP

2 Kings 7 in the ZBP