2 Samuel 1 (BOSCB)

1 Mushure mokufa kwaSauro, Dhavhidhi akadzoka kubva kuhondo yaakakunda vaAmareki uye akagara paZikiragi kwamazuva maviri. 2 Pazuva rechitatu mumwe murume akasvika achibva kumusasa waSauro, zvipfeko zvake zvakabvaruka uye musoro wake uzere guruva. Paakasvika paiva naDhavhidhi, akazviwisira pasi achiratidza rukudzo. 3 Dhavhidhi akabvunza akati, “Wabvepiko?”Iye akapindura akati, “Ndapunyuka kumisasa yavaIsraeri.” 4 Dhavhidhi akabvunza akati, “Chii chaitika ikoko? Ndiudze.”Iye akati, “Vanhu vatiza kubva pavanga vachirwira. Vazhinji vavo vafa. Sauro nomwanakomana wake Jonatani vafa.” 5 Ipapo Dhavhidhi akabvunza jaya rakanga rauya neshoko iri akati, “Unoziva sei kuti Sauro nemwanakomana wake Jonatani vafa?” 6 Jaya riya rakati, “Ini ndakanga ndiri pamusoro peGomo reGiribhoa, uye ndikaona Sauro akasendamira papfumo rake, ipapo ngoro dzavarwi navatasvi zvichivirima zvotosvika paari. 7 Zvino iye akati acheuka akandiona, akandidana, ini ndikati, ‘Ndiri pano?’ 8 “Akandibvunza akati, ‘Ndiwe aniko?’“Ndakamupindura ndikati, ‘Ndiri muAmareki.’ 9 “Ipapo iye akati kwandiri, ‘Uya umire pandiri undiuraye! Ndiri mukurwadziwa kukuru asi ndichiri mupenyu.’ 10 “Naizvozvo ndakamira paari ndikamuuraya, nokuti ndaiziva kuti mushure mokunge awira pasi haaizorarama. Uye ndakatora korona yakanga iri mumusoro make norundarira rwaiva muruoko rwake, uye ndauya nazvo kuno kuna ishe wangu.” 11 Ipapo Dhavhidhi navarume vose vaakanga anavo vakabata nguo dzavo vakadzibvarura. 12 Vakachema nokuungudza vakazvinyima zvokudya kusvikira manheru nokuda kwaSauro nomwanakomana wake Jonatani, uye nokuda kwehondo yaJehovha neimba yaIsraeri, nokuti vakanga vaurayiwa nomunondo. 13 Dhavhidhi akati kujaya rakanga rauya neshoko kwaari, “Iwe unobvepiko?”Akapindura akati, “Ndiri mwanakomana womutorwa, muAmareki.” 14 Dhavhidhi akamubvunza akati, “Sei iwe usina kutya kusimudza ruoko rwako uchiparadza muzodziwa waJehovha?” 15 Ipapo Dhavhidhi akadana mumwe wavarume vaaiva navo akati, “Enda, umuuraye!” Naizvozvo akamubaya, akafa. 16 Nokuti Dhavhidhi akanga ati kwaari, “Ropa rako ngarive pamusoro pako. Muromo wako ndiwo wazvipupurira pawati, ‘Ndauraya muzodziwa waJehovha.’ ” 17 Dhavhidhi akaimba rwiyo urwu rwokuchema Sauro nomwanakomana wake Jonatani, 18 uye akarayira kuti vanhu veJudha vadzidziswe rwiyo urwu rwokuchema rwouta (rwakanyorwa mubhuku raJashari): 19 “Haiwa Israeri, kubwinya kwako kwaparadzwa pamitunhu yako yakakwirira.Haiwa, vane simba wawira pasi sei! 20 “Musazvireva muGati,musazviparidza mumigwagwa yeAshikeroni,kuti vanasikana vavaFiristia vasazofara,kuti vanasikana vevasina kudzingiswa varege kupembera. 21 “Haiwa imi makomo eGiribhoa,ngakurege kuva nedova kana mvura pamusoro penyu,kana minda inobereka zviyo zvakawanda.Nokuti ipapo ndipo pakasvibiswa nhoo yemhare,iyo nhoo yaSauro, isisina kuzorwa mafuta. 22 Kubva muropa ravakaurayiwa,kubva munyama yemhare,uta hwaJonatani hahuna kudzoka,munondo waSauro hauna kudzoka usina kugutswa. 23 “Sauro naJonatani,muupenyu vaidikanwa uye vakanaka,nomurufu havana kuparadzaniswa.Vaimhanya kupfuura makondo,vaiva vakasimba kupfuura shumba. 24 “Haiwa vanasikana veIsraeri,chemai nokuda kwaSauro,iye aikupfekedzai zvishongo zvitsvuku uye zvakaisvonaka,aishongedza nguo dzenyu nezvishongo zvegoridhe. 25 “Haiwa vane simba vawira pasi sei muhondo!Jonatani avete, aurayiwa pamitunhu yenyu yakakwirira. 26 Ndiri kutambudzika kwazvo pamusoro pako, Jonatani mununʼuna wangu;wakanga uchikosha kwazvo kwandiri.Rudo rwako kwandiri rwaishamisa,rwaishamisa kudarika rwavakadzi. 27 “Haiwa vane simba vakawira pasi sei!Zvombo zvehondo zvaparadzwa!”

In Other Versions

2 Samuel 1 in the ANGEFD

2 Samuel 1 in the ANTPNG2D

2 Samuel 1 in the AS21

2 Samuel 1 in the BAGH

2 Samuel 1 in the BBPNG

2 Samuel 1 in the BBT1E

2 Samuel 1 in the BDS

2 Samuel 1 in the BEV

2 Samuel 1 in the BHAD

2 Samuel 1 in the BIB

2 Samuel 1 in the BLPT

2 Samuel 1 in the BNT

2 Samuel 1 in the BNTABOOT

2 Samuel 1 in the BNTLV

2 Samuel 1 in the BOATCB

2 Samuel 1 in the BOATCB2

2 Samuel 1 in the BOBCV

2 Samuel 1 in the BOCNT

2 Samuel 1 in the BOECS

2 Samuel 1 in the BOGWICC

2 Samuel 1 in the BOHCB

2 Samuel 1 in the BOHCV

2 Samuel 1 in the BOHLNT

2 Samuel 1 in the BOHNTLTAL

2 Samuel 1 in the BOICB

2 Samuel 1 in the BOILNTAP

2 Samuel 1 in the BOITCV

2 Samuel 1 in the BOKCV

2 Samuel 1 in the BOKCV2

2 Samuel 1 in the BOKHWOG

2 Samuel 1 in the BOKSSV

2 Samuel 1 in the BOLCB

2 Samuel 1 in the BOLCB2

2 Samuel 1 in the BOMCV

2 Samuel 1 in the BONAV

2 Samuel 1 in the BONCB

2 Samuel 1 in the BONLT

2 Samuel 1 in the BONUT2

2 Samuel 1 in the BOPLNT

2 Samuel 1 in the BOSNC

2 Samuel 1 in the BOTLNT

2 Samuel 1 in the BOVCB

2 Samuel 1 in the BOYCB

2 Samuel 1 in the BPBB

2 Samuel 1 in the BPH

2 Samuel 1 in the BSB

2 Samuel 1 in the CCB

2 Samuel 1 in the CUV

2 Samuel 1 in the CUVS

2 Samuel 1 in the DBT

2 Samuel 1 in the DGDNT

2 Samuel 1 in the DHNT

2 Samuel 1 in the DNT

2 Samuel 1 in the ELBE

2 Samuel 1 in the EMTV

2 Samuel 1 in the ESV

2 Samuel 1 in the FBV

2 Samuel 1 in the FEB

2 Samuel 1 in the GGMNT

2 Samuel 1 in the GNT

2 Samuel 1 in the HARY

2 Samuel 1 in the HNT

2 Samuel 1 in the IRVA

2 Samuel 1 in the IRVB

2 Samuel 1 in the IRVG

2 Samuel 1 in the IRVH

2 Samuel 1 in the IRVK

2 Samuel 1 in the IRVM

2 Samuel 1 in the IRVM2

2 Samuel 1 in the IRVO

2 Samuel 1 in the IRVP

2 Samuel 1 in the IRVT

2 Samuel 1 in the IRVT2

2 Samuel 1 in the IRVU

2 Samuel 1 in the ISVN

2 Samuel 1 in the JSNT

2 Samuel 1 in the KAPI

2 Samuel 1 in the KBT1ETNIK

2 Samuel 1 in the KBV

2 Samuel 1 in the KJV

2 Samuel 1 in the KNFD

2 Samuel 1 in the LBA

2 Samuel 1 in the LBLA

2 Samuel 1 in the LNT

2 Samuel 1 in the LSV

2 Samuel 1 in the MAAL

2 Samuel 1 in the MBV

2 Samuel 1 in the MBV2

2 Samuel 1 in the MHNT

2 Samuel 1 in the MKNFD

2 Samuel 1 in the MNG

2 Samuel 1 in the MNT

2 Samuel 1 in the MNT2

2 Samuel 1 in the MRS1T

2 Samuel 1 in the NAA

2 Samuel 1 in the NASB

2 Samuel 1 in the NBLA

2 Samuel 1 in the NBS

2 Samuel 1 in the NBVTP

2 Samuel 1 in the NET2

2 Samuel 1 in the NIV11

2 Samuel 1 in the NNT

2 Samuel 1 in the NNT2

2 Samuel 1 in the NNT3

2 Samuel 1 in the PDDPT

2 Samuel 1 in the PFNT

2 Samuel 1 in the RMNT

2 Samuel 1 in the SBIAS

2 Samuel 1 in the SBIBS

2 Samuel 1 in the SBIBS2

2 Samuel 1 in the SBICS

2 Samuel 1 in the SBIDS

2 Samuel 1 in the SBIGS

2 Samuel 1 in the SBIHS

2 Samuel 1 in the SBIIS

2 Samuel 1 in the SBIIS2

2 Samuel 1 in the SBIIS3

2 Samuel 1 in the SBIKS

2 Samuel 1 in the SBIKS2

2 Samuel 1 in the SBIMS

2 Samuel 1 in the SBIOS

2 Samuel 1 in the SBIPS

2 Samuel 1 in the SBISS

2 Samuel 1 in the SBITS

2 Samuel 1 in the SBITS2

2 Samuel 1 in the SBITS3

2 Samuel 1 in the SBITS4

2 Samuel 1 in the SBIUS

2 Samuel 1 in the SBIVS

2 Samuel 1 in the SBT

2 Samuel 1 in the SBT1E

2 Samuel 1 in the SCHL

2 Samuel 1 in the SNT

2 Samuel 1 in the SUSU

2 Samuel 1 in the SUSU2

2 Samuel 1 in the SYNO

2 Samuel 1 in the TBIAOTANT

2 Samuel 1 in the TBT1E

2 Samuel 1 in the TBT1E2

2 Samuel 1 in the TFTIP

2 Samuel 1 in the TFTU

2 Samuel 1 in the TGNTATF3T

2 Samuel 1 in the THAI

2 Samuel 1 in the TNFD

2 Samuel 1 in the TNT

2 Samuel 1 in the TNTIK

2 Samuel 1 in the TNTIL

2 Samuel 1 in the TNTIN

2 Samuel 1 in the TNTIP

2 Samuel 1 in the TNTIZ

2 Samuel 1 in the TOMA

2 Samuel 1 in the TTENT

2 Samuel 1 in the UBG

2 Samuel 1 in the UGV

2 Samuel 1 in the UGV2

2 Samuel 1 in the UGV3

2 Samuel 1 in the VBL

2 Samuel 1 in the VDCC

2 Samuel 1 in the YALU

2 Samuel 1 in the YAPE

2 Samuel 1 in the YBVTP

2 Samuel 1 in the ZBP