2 Timothy 2 (BOSCB)
1 Zvino iwe mwanakomana wangu, iva nesimba munyasha dziri muna Kristu Jesu. 2 Uye zvinhu zvawakanzwa ndichitaura pamberi pezvapupu zvizhinji zvipe kuvanhu vakatendeka avo vachazozvidzidzisawo vamwe. 3 Tsungirira pamwe chete nesu somurwi akanaka waKristu Jesu. 4 Hakuna munhu anoshanda somurwi anozviisa pazvinhu zvoupenyu hwavasiri varwi, nokuti anoda kufadza mukuru wake wehondo. 5 Zvimwe chetezvo, kana munhu achikwikwidza somumhanyi, haagoni kuwana korona yokukunda kunze kwokunge apedza nhangemutange sezvakarayirwa. 6 Murimi anoshanda nesimba ndiye anofanira kutanga kudya zvibereko. 7 Funga pamusoro pezvandinoreva, nokuti Ishe achakupa kunzwisisa pane izvi zvose. 8 Rangarirai Jesu Kristu, akamuka kubva kuvakafa, worudzi rwaDhavhidhi. Iri ndiro vhangeri rangu, 9 randinotambudzikira kunyange kusvikira pakusungwa segororo. Asi shoko raMwari harina kusungwa. 10 Naizvozvo ndinotsungirira pazvinhu zvose nokuda kwavasanangurwa, kuti naivowo vawane ruponeso rwuri muna Kristu Jesu, nokubwinya kusingaperi. 11 Herino shoko rechokwadi:Kana takafa pamwe chete naye,tichararamawo pamwe chete naye; 12 kana tikatsungirira,tichabata ushe pamwe chete naye.Kana tikamuramba,iye achatirambawo; 13 kana tikasava nokutenda,iye anoramba akatendeka,nokuti haangazvirambi. 14 Ramba uchivayeuchidza zvinhu izvi. Uvayambire pamberi paMwari kuti varege kuita nharo pamusoro pamashoko; hazvina maturo, zvinongoparadza chete vaya vanoteerera. 15 Shingaira kuti uzviratidze pamberi paMwari, somunhu anogamuchirwa, mushandi asingafaniri kunyadziswa uye anonyatsoruramisa shoko rechokwadi. 16 Nzvenga kutaura kusinei naMwari, nokuti vaya vanhu vanodaro vacharamba vachirasikirwa noumwari. 17 Dzidziso yavo ichanyenga seronda. Pakati pavo pana Himenayasi naFiretasi, 18 vakatsauka kubva pazvokwadi. Vanoti kumuka kwavakafa kwakatopfuura, uye vanoparadza kutenda kwavamwe. 19 Kunyange zvakadaro, nheyo dzakasimba dzaMwari dzinomira, dzine chisimbiso ichi chinoti: “Ishe anoziva vanhu vake,” uye, “Ani naani anopupura zita raShe anofanira kubva pane zvakaipa.” 20 Muimba huru mune midziyo kwete yegoridhe kana yesirivha chete, asiwo yamatanda, neyevhu; mimwe inokudzwa, mimwe isingakudzwi. 21 Kana munhu achizvinatsa kwazvo pazvinhu izvi, achava mudziyo unokudzwa, wakaitwa mutsvene, wakawanirwa basa naTenzi uye wakagadzirirwa basa rose rakanaka. 22 Tiza kuchiva kwose kwoujaya, uye utevere kururama, kutenda, rudo norugare navose vanodana kuna Ishe nomwoyo wakachena. 23 Usava nechokuita nemibvunzo youpenzi isina maturo, nokuti unoziva kuti inongomutsa kukakavara. 24 Zvino muranda waIshe haafaniri kukakavara; asi anofanira kuva munyoro kumunhu wose, achigona kudzidzisa, asingatsamwi. 25 Vaya vanomupikisa anofanira kuvadzidzisa nounyoro, aine tariro yokuti Mwari achavapa kutendeuka vagoziva chokwadi, 26 uye kuti vachapengenuka vagopunyuka kubva mumusungo wadhiabhori, akavaita nhapwa kuti vaite kuda kwake.
In Other Versions
2 Timothy 2 in the ANGEFD
2 Timothy 2 in the ANTPNG2D
2 Timothy 2 in the AS21
2 Timothy 2 in the BAGH
2 Timothy 2 in the BBPNG
2 Timothy 2 in the BBT1E
2 Timothy 2 in the BDS
2 Timothy 2 in the BEV
2 Timothy 2 in the BHAD
2 Timothy 2 in the BIB
2 Timothy 2 in the BLPT
2 Timothy 2 in the BNT
2 Timothy 2 in the BNTABOOT
2 Timothy 2 in the BNTLV
2 Timothy 2 in the BOATCB
2 Timothy 2 in the BOATCB2
2 Timothy 2 in the BOBCV
2 Timothy 2 in the BOCNT
2 Timothy 2 in the BOECS
2 Timothy 2 in the BOGWICC
2 Timothy 2 in the BOHCB
2 Timothy 2 in the BOHCV
2 Timothy 2 in the BOHLNT
2 Timothy 2 in the BOHNTLTAL
2 Timothy 2 in the BOICB
2 Timothy 2 in the BOILNTAP
2 Timothy 2 in the BOITCV
2 Timothy 2 in the BOKCV
2 Timothy 2 in the BOKCV2
2 Timothy 2 in the BOKHWOG
2 Timothy 2 in the BOKSSV
2 Timothy 2 in the BOLCB
2 Timothy 2 in the BOLCB2
2 Timothy 2 in the BOMCV
2 Timothy 2 in the BONAV
2 Timothy 2 in the BONCB
2 Timothy 2 in the BONLT
2 Timothy 2 in the BONUT2
2 Timothy 2 in the BOPLNT
2 Timothy 2 in the BOSNC
2 Timothy 2 in the BOTLNT
2 Timothy 2 in the BOVCB
2 Timothy 2 in the BOYCB
2 Timothy 2 in the BPBB
2 Timothy 2 in the BPH
2 Timothy 2 in the BSB
2 Timothy 2 in the CCB
2 Timothy 2 in the CUV
2 Timothy 2 in the CUVS
2 Timothy 2 in the DBT
2 Timothy 2 in the DGDNT
2 Timothy 2 in the DHNT
2 Timothy 2 in the DNT
2 Timothy 2 in the ELBE
2 Timothy 2 in the EMTV
2 Timothy 2 in the ESV
2 Timothy 2 in the FBV
2 Timothy 2 in the FEB
2 Timothy 2 in the GGMNT
2 Timothy 2 in the GNT
2 Timothy 2 in the HARY
2 Timothy 2 in the HNT
2 Timothy 2 in the IRVA
2 Timothy 2 in the IRVB
2 Timothy 2 in the IRVG
2 Timothy 2 in the IRVH
2 Timothy 2 in the IRVK
2 Timothy 2 in the IRVM
2 Timothy 2 in the IRVM2
2 Timothy 2 in the IRVO
2 Timothy 2 in the IRVP
2 Timothy 2 in the IRVT
2 Timothy 2 in the IRVT2
2 Timothy 2 in the IRVU
2 Timothy 2 in the ISVN
2 Timothy 2 in the JSNT
2 Timothy 2 in the KAPI
2 Timothy 2 in the KBT1ETNIK
2 Timothy 2 in the KBV
2 Timothy 2 in the KJV
2 Timothy 2 in the KNFD
2 Timothy 2 in the LBA
2 Timothy 2 in the LBLA
2 Timothy 2 in the LNT
2 Timothy 2 in the LSV
2 Timothy 2 in the MAAL
2 Timothy 2 in the MBV
2 Timothy 2 in the MBV2
2 Timothy 2 in the MHNT
2 Timothy 2 in the MKNFD
2 Timothy 2 in the MNG
2 Timothy 2 in the MNT
2 Timothy 2 in the MNT2
2 Timothy 2 in the MRS1T
2 Timothy 2 in the NAA
2 Timothy 2 in the NASB
2 Timothy 2 in the NBLA
2 Timothy 2 in the NBS
2 Timothy 2 in the NBVTP
2 Timothy 2 in the NET2
2 Timothy 2 in the NIV11
2 Timothy 2 in the NNT
2 Timothy 2 in the NNT2
2 Timothy 2 in the NNT3
2 Timothy 2 in the PDDPT
2 Timothy 2 in the PFNT
2 Timothy 2 in the RMNT
2 Timothy 2 in the SBIAS
2 Timothy 2 in the SBIBS
2 Timothy 2 in the SBIBS2
2 Timothy 2 in the SBICS
2 Timothy 2 in the SBIDS
2 Timothy 2 in the SBIGS
2 Timothy 2 in the SBIHS
2 Timothy 2 in the SBIIS
2 Timothy 2 in the SBIIS2
2 Timothy 2 in the SBIIS3
2 Timothy 2 in the SBIKS
2 Timothy 2 in the SBIKS2
2 Timothy 2 in the SBIMS
2 Timothy 2 in the SBIOS
2 Timothy 2 in the SBIPS
2 Timothy 2 in the SBISS
2 Timothy 2 in the SBITS
2 Timothy 2 in the SBITS2
2 Timothy 2 in the SBITS3
2 Timothy 2 in the SBITS4
2 Timothy 2 in the SBIUS
2 Timothy 2 in the SBIVS
2 Timothy 2 in the SBT
2 Timothy 2 in the SBT1E
2 Timothy 2 in the SCHL
2 Timothy 2 in the SNT
2 Timothy 2 in the SUSU
2 Timothy 2 in the SUSU2
2 Timothy 2 in the SYNO
2 Timothy 2 in the TBIAOTANT
2 Timothy 2 in the TBT1E
2 Timothy 2 in the TBT1E2
2 Timothy 2 in the TFTIP
2 Timothy 2 in the TFTU
2 Timothy 2 in the TGNTATF3T
2 Timothy 2 in the THAI
2 Timothy 2 in the TNFD
2 Timothy 2 in the TNT
2 Timothy 2 in the TNTIK
2 Timothy 2 in the TNTIL
2 Timothy 2 in the TNTIN
2 Timothy 2 in the TNTIP
2 Timothy 2 in the TNTIZ
2 Timothy 2 in the TOMA
2 Timothy 2 in the TTENT
2 Timothy 2 in the UBG
2 Timothy 2 in the UGV
2 Timothy 2 in the UGV2
2 Timothy 2 in the UGV3
2 Timothy 2 in the VBL
2 Timothy 2 in the VDCC
2 Timothy 2 in the YALU
2 Timothy 2 in the YAPE
2 Timothy 2 in the YBVTP
2 Timothy 2 in the ZBP