Deuteronomy 15 (BOSCB)

1 Pakupera kwamakore manomwe oga oga munofanira kudzima zvikwereti. 2 Iyi ndiyo nzira yazvinofanira kuitwa nayo: Mumwe nomumwe akapa chikwereti anofanira kudzima icho chaakakweretesa hama yake muIsraeri. Haangarevi chikwereti kune wokwake muIsraeri, kana hama yake, nokuti nguva yaJehovha yokudzima zvikwereti yaparidzwa. 3 Ungareva hako chikwereti kubva kumutorwa, asi unofanira kudzima chikwereti chipi zvacho chakakweretwa nehama yako. 4 Kunyange zvakadaro, hapafaniri kuva nomurombo pakati penyu, nokuti munyika iyo Jehovha Mwari wenyu yaari kukupai kuti ive yenyu senhaka, achakuropafadzai kwazvo, 5 kana chete mukanyatsoteerera Jehovha Mwari wenyu nokuchenjerera kutevera mirayiro yake yose yandiri kukupai nhasi. 6 Nokuti Jehovha Mwari wenyu achakuropafadzai sezvaakavimbisa, uye imi muchapa zvikwereti kundudzi zhinji asi imi hamungakwereti kubva kurudzi rupi zvarwo. Muchatonga ndudzi zhinji asi hapana rudzi ruchakutongai. 7 Kana pane murombo pakati pehama dzenyu mune ripi zvaro guta renyika iyo Jehovha ari kukupai musaomesa mwoyo kana kupfumbatira ruoko kuhama yenyu inoshayiwa. 8 Asi munofanira kutambanudzira ruoko uye mugopa hama yenyu pachena chipi nechipi chaanoshayiwa. 9 Muchenjerere kuti murege kuva nomufungo wakaipa uyu wokuti: “Gore rechinomwe, gore rokudzima zvikwereti, rava pedyo,” kuitira kuti murege kuratidza mwoyo wakaipa kuhama yenyu inoshayiwa nokurega kumupa chinhu. Iye achachema kuna Jehovha pamusoro penyu, uye imi muchabatwa nemhosva yokuita chivi. 10 Upe zvakawanda uye urege kumupa nomwoyo unogununʼuna; ipapo nokuda kwechinhu ichi Jehovha Mwari wako achakuropafadza mumabasa ako ose uye pane chimwe nechimwe chaunobata noruoko rwako. 11 Varombo vachagara varimo munyika. Naizvozvo ndinokurayira kuti utambanudze maoko kuhama dzako varombo navanoshayiwa munyika yako. 12 Kana mumwe wako wechiHebheru, murume kana mukadzi, achinge azvitengesa kwauri uye achinge akushandira kwamakore matanhatu, mugore rechinomwe unofanira kumusunungura umurege aende. 13 Zvino kana uchinge wamusunungura usamusiya achienda asina chinhu. 14 Mugovere zvakawanda kubva pamakwai ako, napaburiro rako uye napachisviniro chako chewaini. Mupe sokuropafadzwa kwawakaitwa naJehovha Mwari wako. 15 Rangarirai kuti imi maimbova varanda muIjipiti uye Jehovha Mwari wenyu akakudzikinurai. Nokudaro ndinokupai murayiro uyu nhasi. 16 Asi kana muranda wako akati kwauri, “Handidi kukusiyai,” nokuti anokuda iwe nemhuri yako uye zvakamunakira kuva newe, 17 ipapo utore runji ugourura nzeve yake narwo pagonhi, uye achava muranda wako nokusingaperi. Uite zvimwe chetezvo kumurandakadzi wako. 18 Usachiona sechinhu chakaoma kusunungura muranda wako, nokuti kukushandira kwake pamakore matanhatu kwakapfuura kakapetwa kaviri kushanda kwouyo anoshandira mubayiro. Uye Jehovha Mwari wako achakuropafadza mune zvose zvaunoita. 19 Tsaurira Jehovha Mwari wako chikono chose chokutanga chemombe dzako, makwai ako. Zvikono zvokutanga pakuberekwa zvemombe dzako hazvifaniri kuitiswa basa uye usaveura makushe amakwai ako akatanga kuberekwa. 20 Gore rimwe nerimwe iwe nemhuri yako munofanira kuzvidya muri pamberi paJehovha Mwari wenyu panzvimbo yaachasarudza. 21 Kana chipfuwo chine chachinopomerwa, chakaremara kana kuti chiri bofu, kana kuti chine chimwe chinhu chakanyanyoipa pachiri, haufaniri kuchibayira kuna Jehovha Mwari wako. 22 Unofanira kuchidyira mumaguta ako. Vose vasina kuchena navakachena vangazvidya havo sokunge vanodya mhara kana nondo. 23 Asi haufaniri kudya ropa; riteurire pasi semvura.

In Other Versions

Deuteronomy 15 in the ANGEFD

Deuteronomy 15 in the ANTPNG2D

Deuteronomy 15 in the AS21

Deuteronomy 15 in the BAGH

Deuteronomy 15 in the BBPNG

Deuteronomy 15 in the BBT1E

Deuteronomy 15 in the BDS

Deuteronomy 15 in the BEV

Deuteronomy 15 in the BHAD

Deuteronomy 15 in the BIB

Deuteronomy 15 in the BLPT

Deuteronomy 15 in the BNT

Deuteronomy 15 in the BNTABOOT

Deuteronomy 15 in the BNTLV

Deuteronomy 15 in the BOATCB

Deuteronomy 15 in the BOATCB2

Deuteronomy 15 in the BOBCV

Deuteronomy 15 in the BOCNT

Deuteronomy 15 in the BOECS

Deuteronomy 15 in the BOGWICC

Deuteronomy 15 in the BOHCB

Deuteronomy 15 in the BOHCV

Deuteronomy 15 in the BOHLNT

Deuteronomy 15 in the BOHNTLTAL

Deuteronomy 15 in the BOICB

Deuteronomy 15 in the BOILNTAP

Deuteronomy 15 in the BOITCV

Deuteronomy 15 in the BOKCV

Deuteronomy 15 in the BOKCV2

Deuteronomy 15 in the BOKHWOG

Deuteronomy 15 in the BOKSSV

Deuteronomy 15 in the BOLCB

Deuteronomy 15 in the BOLCB2

Deuteronomy 15 in the BOMCV

Deuteronomy 15 in the BONAV

Deuteronomy 15 in the BONCB

Deuteronomy 15 in the BONLT

Deuteronomy 15 in the BONUT2

Deuteronomy 15 in the BOPLNT

Deuteronomy 15 in the BOSNC

Deuteronomy 15 in the BOTLNT

Deuteronomy 15 in the BOVCB

Deuteronomy 15 in the BOYCB

Deuteronomy 15 in the BPBB

Deuteronomy 15 in the BPH

Deuteronomy 15 in the BSB

Deuteronomy 15 in the CCB

Deuteronomy 15 in the CUV

Deuteronomy 15 in the CUVS

Deuteronomy 15 in the DBT

Deuteronomy 15 in the DGDNT

Deuteronomy 15 in the DHNT

Deuteronomy 15 in the DNT

Deuteronomy 15 in the ELBE

Deuteronomy 15 in the EMTV

Deuteronomy 15 in the ESV

Deuteronomy 15 in the FBV

Deuteronomy 15 in the FEB

Deuteronomy 15 in the GGMNT

Deuteronomy 15 in the GNT

Deuteronomy 15 in the HARY

Deuteronomy 15 in the HNT

Deuteronomy 15 in the IRVA

Deuteronomy 15 in the IRVB

Deuteronomy 15 in the IRVG

Deuteronomy 15 in the IRVH

Deuteronomy 15 in the IRVK

Deuteronomy 15 in the IRVM

Deuteronomy 15 in the IRVM2

Deuteronomy 15 in the IRVO

Deuteronomy 15 in the IRVP

Deuteronomy 15 in the IRVT

Deuteronomy 15 in the IRVT2

Deuteronomy 15 in the IRVU

Deuteronomy 15 in the ISVN

Deuteronomy 15 in the JSNT

Deuteronomy 15 in the KAPI

Deuteronomy 15 in the KBT1ETNIK

Deuteronomy 15 in the KBV

Deuteronomy 15 in the KJV

Deuteronomy 15 in the KNFD

Deuteronomy 15 in the LBA

Deuteronomy 15 in the LBLA

Deuteronomy 15 in the LNT

Deuteronomy 15 in the LSV

Deuteronomy 15 in the MAAL

Deuteronomy 15 in the MBV

Deuteronomy 15 in the MBV2

Deuteronomy 15 in the MHNT

Deuteronomy 15 in the MKNFD

Deuteronomy 15 in the MNG

Deuteronomy 15 in the MNT

Deuteronomy 15 in the MNT2

Deuteronomy 15 in the MRS1T

Deuteronomy 15 in the NAA

Deuteronomy 15 in the NASB

Deuteronomy 15 in the NBLA

Deuteronomy 15 in the NBS

Deuteronomy 15 in the NBVTP

Deuteronomy 15 in the NET2

Deuteronomy 15 in the NIV11

Deuteronomy 15 in the NNT

Deuteronomy 15 in the NNT2

Deuteronomy 15 in the NNT3

Deuteronomy 15 in the PDDPT

Deuteronomy 15 in the PFNT

Deuteronomy 15 in the RMNT

Deuteronomy 15 in the SBIAS

Deuteronomy 15 in the SBIBS

Deuteronomy 15 in the SBIBS2

Deuteronomy 15 in the SBICS

Deuteronomy 15 in the SBIDS

Deuteronomy 15 in the SBIGS

Deuteronomy 15 in the SBIHS

Deuteronomy 15 in the SBIIS

Deuteronomy 15 in the SBIIS2

Deuteronomy 15 in the SBIIS3

Deuteronomy 15 in the SBIKS

Deuteronomy 15 in the SBIKS2

Deuteronomy 15 in the SBIMS

Deuteronomy 15 in the SBIOS

Deuteronomy 15 in the SBIPS

Deuteronomy 15 in the SBISS

Deuteronomy 15 in the SBITS

Deuteronomy 15 in the SBITS2

Deuteronomy 15 in the SBITS3

Deuteronomy 15 in the SBITS4

Deuteronomy 15 in the SBIUS

Deuteronomy 15 in the SBIVS

Deuteronomy 15 in the SBT

Deuteronomy 15 in the SBT1E

Deuteronomy 15 in the SCHL

Deuteronomy 15 in the SNT

Deuteronomy 15 in the SUSU

Deuteronomy 15 in the SUSU2

Deuteronomy 15 in the SYNO

Deuteronomy 15 in the TBIAOTANT

Deuteronomy 15 in the TBT1E

Deuteronomy 15 in the TBT1E2

Deuteronomy 15 in the TFTIP

Deuteronomy 15 in the TFTU

Deuteronomy 15 in the TGNTATF3T

Deuteronomy 15 in the THAI

Deuteronomy 15 in the TNFD

Deuteronomy 15 in the TNT

Deuteronomy 15 in the TNTIK

Deuteronomy 15 in the TNTIL

Deuteronomy 15 in the TNTIN

Deuteronomy 15 in the TNTIP

Deuteronomy 15 in the TNTIZ

Deuteronomy 15 in the TOMA

Deuteronomy 15 in the TTENT

Deuteronomy 15 in the UBG

Deuteronomy 15 in the UGV

Deuteronomy 15 in the UGV2

Deuteronomy 15 in the UGV3

Deuteronomy 15 in the VBL

Deuteronomy 15 in the VDCC

Deuteronomy 15 in the YALU

Deuteronomy 15 in the YAPE

Deuteronomy 15 in the YBVTP

Deuteronomy 15 in the ZBP