Deuteronomy 18 (BOSCB)

1 Vaprista vanova vaRevhi, zvirokwazvo rudzi rwose rwaRevhi, havafaniri kuva nomugove kana nhaka pamwe chete neIsraeri. Vachararama nezvipiriso zvinopiswa zvaJehovha, nokuti ndiyo nhaka yavo. 2 Havazovi nenhaka pakati pehama dzavo: Jehovha ndiye nhaka yavo sezvaakavavimbisa. 3 Uyu ndiwo mugove wakafanira vaprista kubva kuvanhu vanobayira nzombe kana gwai: bandauko neshaya dzacho uye nezvemukati. 4 Munofanira kuvapa zvibereko zvokutanga zvezviyo, waini itsva namafuta, uye namakushe okutanga amakwai ako, 5 nokuti Jehovha Mwari wenyu akavasarudza ivo nezvizvarwa zvavo, kubva pakati pamarudzi ose kuti vamire vachishumira muzita raJehovha nguva dzose. 6 Kana muRevhi akabva mune rimwe ramaguta enyu, kupi zvako muIsraeri kwaanenge achigara, uye akauya nomwoyo wake wose kunzvimbo ichasarudzwa naJehovha, 7 anogona hake kushumira muzita raJehovha Mwari wake savamwe vake vose vaRevhi vanoshumira ipapo pamberi paJehovha. 8 Anofanira kuwana mugove wakaenzana newavo, kunyange zvake akawana mari paakatengesa nhaka yemhuri yake. 9 Kana muchinge mapinda munyika yamuri kupiwa naJehovha Mwari wenyu, musadzidzira kutevedzera nzira dzinonyangadza dzendudzi dzirimo. 10 Ngapasava nomumwe pakati penyu anoita mwanakomana wake kana mwanasikana wake chibayiro chinopiswa, kana anovuka kana anoita zvamazango kana anotenda zvamashura, kana kuita zvouroyi, 11 kana anoita zvounʼanga, kana anotenda zvamasvikiro kana anobvunza vakafa. 12 Ani naani anoita zvinhu izvi anonyangadza pamberi paJehovha, uye nokuda kwetsika idzi dzinonyangadza Jehovha Mwari wenyu achadzinga ndudzi idzi pamberi penyu. 13 Unofanira kuva wakarurama pamberi paJehovha Mwari wako. 14 Ndudzi dzamunotorera nyika dzinoteerera kuna avo vanoita zvamazango kana kuvuka. Asi kana muri imi Jehovha Mwari wenyu haana kukutenderai kuti muite izvozvo. 15 Jehovha Mwari wenyu achakumutsirai muprofita akaita seni kubva pakati pehama dzenyu. Munofanira kumuteerera. 16 Nokuti izvi ndizvo zvamakakumbira Jehovha Mwari wenyu paHorebhi pazuva reungano apo makati, “Hatidi kunzwa inzwi raJehovha Mwari wedu kana kuona moto mukuru uyu zvakare, nokuti tingafa.” 17 Jehovha akati kwandiri, “Zvavataura zvakanaka. 18 Ndichavamutsira muprofita anobva pakati pehama dzavo akaita sewe; ndichaisa mashoko angu mumuromo wake, uye achavaudza zvose zvandichamurayira. 19 Kana pane munhu acharega kuteerera mashoko angu anotaurwa nomuprofita muzita rangu, ini pachangu ndichamubvunza pamusoro pazvo. 20 Asi muprofita achataura muzita rangu mashoko api zvawo andisina kumurayira kuti ataure, kana muprofita anotaura muzita ravamwe vamwari, anofanira kuurayiwa.” 21 Ungati zvako mumwoyo mako, “Tingaziva seiko kuti shoko iri rataurwa naJehovha?” 22 Kana zvakataurwa nomuprofita muzita raJehovha zvikasaitika kana zvikasava chokwadi, shoko iroro harina kutaurwa naJehovha. Muprofita iyeye ataura zvomusoro wake. Musamutya.

In Other Versions

Deuteronomy 18 in the ANGEFD

Deuteronomy 18 in the ANTPNG2D

Deuteronomy 18 in the AS21

Deuteronomy 18 in the BAGH

Deuteronomy 18 in the BBPNG

Deuteronomy 18 in the BBT1E

Deuteronomy 18 in the BDS

Deuteronomy 18 in the BEV

Deuteronomy 18 in the BHAD

Deuteronomy 18 in the BIB

Deuteronomy 18 in the BLPT

Deuteronomy 18 in the BNT

Deuteronomy 18 in the BNTABOOT

Deuteronomy 18 in the BNTLV

Deuteronomy 18 in the BOATCB

Deuteronomy 18 in the BOATCB2

Deuteronomy 18 in the BOBCV

Deuteronomy 18 in the BOCNT

Deuteronomy 18 in the BOECS

Deuteronomy 18 in the BOGWICC

Deuteronomy 18 in the BOHCB

Deuteronomy 18 in the BOHCV

Deuteronomy 18 in the BOHLNT

Deuteronomy 18 in the BOHNTLTAL

Deuteronomy 18 in the BOICB

Deuteronomy 18 in the BOILNTAP

Deuteronomy 18 in the BOITCV

Deuteronomy 18 in the BOKCV

Deuteronomy 18 in the BOKCV2

Deuteronomy 18 in the BOKHWOG

Deuteronomy 18 in the BOKSSV

Deuteronomy 18 in the BOLCB

Deuteronomy 18 in the BOLCB2

Deuteronomy 18 in the BOMCV

Deuteronomy 18 in the BONAV

Deuteronomy 18 in the BONCB

Deuteronomy 18 in the BONLT

Deuteronomy 18 in the BONUT2

Deuteronomy 18 in the BOPLNT

Deuteronomy 18 in the BOSNC

Deuteronomy 18 in the BOTLNT

Deuteronomy 18 in the BOVCB

Deuteronomy 18 in the BOYCB

Deuteronomy 18 in the BPBB

Deuteronomy 18 in the BPH

Deuteronomy 18 in the BSB

Deuteronomy 18 in the CCB

Deuteronomy 18 in the CUV

Deuteronomy 18 in the CUVS

Deuteronomy 18 in the DBT

Deuteronomy 18 in the DGDNT

Deuteronomy 18 in the DHNT

Deuteronomy 18 in the DNT

Deuteronomy 18 in the ELBE

Deuteronomy 18 in the EMTV

Deuteronomy 18 in the ESV

Deuteronomy 18 in the FBV

Deuteronomy 18 in the FEB

Deuteronomy 18 in the GGMNT

Deuteronomy 18 in the GNT

Deuteronomy 18 in the HARY

Deuteronomy 18 in the HNT

Deuteronomy 18 in the IRVA

Deuteronomy 18 in the IRVB

Deuteronomy 18 in the IRVG

Deuteronomy 18 in the IRVH

Deuteronomy 18 in the IRVK

Deuteronomy 18 in the IRVM

Deuteronomy 18 in the IRVM2

Deuteronomy 18 in the IRVO

Deuteronomy 18 in the IRVP

Deuteronomy 18 in the IRVT

Deuteronomy 18 in the IRVT2

Deuteronomy 18 in the IRVU

Deuteronomy 18 in the ISVN

Deuteronomy 18 in the JSNT

Deuteronomy 18 in the KAPI

Deuteronomy 18 in the KBT1ETNIK

Deuteronomy 18 in the KBV

Deuteronomy 18 in the KJV

Deuteronomy 18 in the KNFD

Deuteronomy 18 in the LBA

Deuteronomy 18 in the LBLA

Deuteronomy 18 in the LNT

Deuteronomy 18 in the LSV

Deuteronomy 18 in the MAAL

Deuteronomy 18 in the MBV

Deuteronomy 18 in the MBV2

Deuteronomy 18 in the MHNT

Deuteronomy 18 in the MKNFD

Deuteronomy 18 in the MNG

Deuteronomy 18 in the MNT

Deuteronomy 18 in the MNT2

Deuteronomy 18 in the MRS1T

Deuteronomy 18 in the NAA

Deuteronomy 18 in the NASB

Deuteronomy 18 in the NBLA

Deuteronomy 18 in the NBS

Deuteronomy 18 in the NBVTP

Deuteronomy 18 in the NET2

Deuteronomy 18 in the NIV11

Deuteronomy 18 in the NNT

Deuteronomy 18 in the NNT2

Deuteronomy 18 in the NNT3

Deuteronomy 18 in the PDDPT

Deuteronomy 18 in the PFNT

Deuteronomy 18 in the RMNT

Deuteronomy 18 in the SBIAS

Deuteronomy 18 in the SBIBS

Deuteronomy 18 in the SBIBS2

Deuteronomy 18 in the SBICS

Deuteronomy 18 in the SBIDS

Deuteronomy 18 in the SBIGS

Deuteronomy 18 in the SBIHS

Deuteronomy 18 in the SBIIS

Deuteronomy 18 in the SBIIS2

Deuteronomy 18 in the SBIIS3

Deuteronomy 18 in the SBIKS

Deuteronomy 18 in the SBIKS2

Deuteronomy 18 in the SBIMS

Deuteronomy 18 in the SBIOS

Deuteronomy 18 in the SBIPS

Deuteronomy 18 in the SBISS

Deuteronomy 18 in the SBITS

Deuteronomy 18 in the SBITS2

Deuteronomy 18 in the SBITS3

Deuteronomy 18 in the SBITS4

Deuteronomy 18 in the SBIUS

Deuteronomy 18 in the SBIVS

Deuteronomy 18 in the SBT

Deuteronomy 18 in the SBT1E

Deuteronomy 18 in the SCHL

Deuteronomy 18 in the SNT

Deuteronomy 18 in the SUSU

Deuteronomy 18 in the SUSU2

Deuteronomy 18 in the SYNO

Deuteronomy 18 in the TBIAOTANT

Deuteronomy 18 in the TBT1E

Deuteronomy 18 in the TBT1E2

Deuteronomy 18 in the TFTIP

Deuteronomy 18 in the TFTU

Deuteronomy 18 in the TGNTATF3T

Deuteronomy 18 in the THAI

Deuteronomy 18 in the TNFD

Deuteronomy 18 in the TNT

Deuteronomy 18 in the TNTIK

Deuteronomy 18 in the TNTIL

Deuteronomy 18 in the TNTIN

Deuteronomy 18 in the TNTIP

Deuteronomy 18 in the TNTIZ

Deuteronomy 18 in the TOMA

Deuteronomy 18 in the TTENT

Deuteronomy 18 in the UBG

Deuteronomy 18 in the UGV

Deuteronomy 18 in the UGV2

Deuteronomy 18 in the UGV3

Deuteronomy 18 in the VBL

Deuteronomy 18 in the VDCC

Deuteronomy 18 in the YALU

Deuteronomy 18 in the YAPE

Deuteronomy 18 in the YBVTP

Deuteronomy 18 in the ZBP