Deuteronomy 6 (BOSCB)

1 Iyi ndiyo mitemo, nemirayiro zvandakarayirwa naJehovha Mwari wenyu kuti ndikudzidzisei kuti muzviite munyika yamunoyambukira Jorodhani kuti ive yenyu, 2 kuitira kuti iwe, navana vako navana vavo vachavatevera mutye Jehovha Mwari wenyu pakurarama kwenyu nokuchengeta mitemo nemirayiro yake yose yandinokupai, uye kuitira kuti muve namazuva mazhinji okurarama. 3 Chinzwa, iwe Israeri, uchenjere kuti uzviite kuitira kuti zvikunakire uye kuti muwande kwazvo munyika inoyerera mukaka nouchi, sezvamakavimbiswa naJehovha, iye Mwari wamadzibaba enyu. 4 Chinzwa iwe Israeri: Jehovha Mwari wedu, ndiJehovha mumwe chete. 5 Ida Jehovha Mwari wako nomwoyo wako wose nomweya wako wose uye nesimba rako rose. 6 Mirayiro iyi yandinokupai nhasi inofanira kuva mumwoyo yenyu. 7 Zvisimbisei kuvana venyu. Taurai pamusoro payo kana mugere mudzimba dzenyu uye kana muchifamba munzira, kana muchivata pasi uye kana muchimuka. 8 Isungirirei pamaoko enyu sechiratidzo mugoisungira pahuma dzenyu. 9 Muinyore pamagwatidziro emikova yedzimba dzenyu uye napamasuo enyu. 10 Zvino kana Jehovha Mwari wenyu achinge akupinzai munyika yaakapikira kumadzibaba enyu, Abhurahama, naIsaka, naJakobho, kuti achakupai, nyika ina maguta makuru akanaka, amusina kuvaka imi, 11 dzimba dzizere nezvinhu zvakanaka zvamarudzi ose zvamusina kutsvaka imi, matsime amusina kuchera, minda yemizambiringa namasango nemiti yemiorivhi yamusina kusima, zvino kana muchinge madya uye mukaguta, 12 muchenjerere kuti murege kukanganwa Jehovha, akakubudisai kubva muIjipiti, kubva munyika youranda. 13 Itya Jehovha Mwari wako, ushumire iye oga ugoita mhiko dzako muzita rake. 14 Musatevera vamwe vamwari, vamwari vendudzi dzakakupoteredzai; 15 nokuti Jehovha Mwari wenyu ari pakati penyu ndiMwari ane godo uye hasha dzake dzichapisa pamusoro penyu, uye achakuparadzai kubva pamusoro penyika. 16 Musaedza Jehovha Mwari wenyu sezvamakaita paMasa. 17 Chenjererai kuchengeta mirayiro yaJehovha Mwari wenyu nezvaakatema nemitemo yaakakupai. 18 Itai zvakarurama nezvakanaka pamberi paJehovha, kuitira kuti zvigokunakirai, mugopinda mugotora nyika yakanaka iyo Jehovha akavimbisa nemhiko kumadzitateguru enyu, 19 agoparadza vavengi venyu vose pamberi penyu, sezvakataurwa naJehovha. 20 Panguva inotevera, kana mwanakomana wako akakubvunza achiti, “Ko, zvakatemwa izvi, mitemo nemirayiro yamakarayirwa naJehovha Mwari wedu zvinorevei?” 21 Umuudze kuti, “Takanga tiri varanda vaFaro muIjipiti, asi Jehovha akatibudisa muIjipiti noruoko rune simba. 22 Jehovha akatumira pamberi pedu zviratidzo nezvishamiso zvinotyisa pamusoro peIjipiti naFaro neimba yake yose. 23 Asi akatibudisamo kuti atipinze nokutipa nyika yaakavimbisa nemhiko kumadzibaba edu. 24 Jehovha akatirayira kuti titeerere mitemo iyi yose nokutya Jehovha Mwari wedu, kuitira kuti tibudirire nguva dzose nokurarama sezvatakaita nhasi. 25 Uye kana tichichenjerera kuteerera murayiro uyu wose pamberi paJehovha Mwari wedu, sezvaakatirayira, ndiko kuchava kururama kwedu.”

In Other Versions

Deuteronomy 6 in the ANGEFD

Deuteronomy 6 in the ANTPNG2D

Deuteronomy 6 in the AS21

Deuteronomy 6 in the BAGH

Deuteronomy 6 in the BBPNG

Deuteronomy 6 in the BBT1E

Deuteronomy 6 in the BDS

Deuteronomy 6 in the BEV

Deuteronomy 6 in the BHAD

Deuteronomy 6 in the BIB

Deuteronomy 6 in the BLPT

Deuteronomy 6 in the BNT

Deuteronomy 6 in the BNTABOOT

Deuteronomy 6 in the BNTLV

Deuteronomy 6 in the BOATCB

Deuteronomy 6 in the BOATCB2

Deuteronomy 6 in the BOBCV

Deuteronomy 6 in the BOCNT

Deuteronomy 6 in the BOECS

Deuteronomy 6 in the BOGWICC

Deuteronomy 6 in the BOHCB

Deuteronomy 6 in the BOHCV

Deuteronomy 6 in the BOHLNT

Deuteronomy 6 in the BOHNTLTAL

Deuteronomy 6 in the BOICB

Deuteronomy 6 in the BOILNTAP

Deuteronomy 6 in the BOITCV

Deuteronomy 6 in the BOKCV

Deuteronomy 6 in the BOKCV2

Deuteronomy 6 in the BOKHWOG

Deuteronomy 6 in the BOKSSV

Deuteronomy 6 in the BOLCB

Deuteronomy 6 in the BOLCB2

Deuteronomy 6 in the BOMCV

Deuteronomy 6 in the BONAV

Deuteronomy 6 in the BONCB

Deuteronomy 6 in the BONLT

Deuteronomy 6 in the BONUT2

Deuteronomy 6 in the BOPLNT

Deuteronomy 6 in the BOSNC

Deuteronomy 6 in the BOTLNT

Deuteronomy 6 in the BOVCB

Deuteronomy 6 in the BOYCB

Deuteronomy 6 in the BPBB

Deuteronomy 6 in the BPH

Deuteronomy 6 in the BSB

Deuteronomy 6 in the CCB

Deuteronomy 6 in the CUV

Deuteronomy 6 in the CUVS

Deuteronomy 6 in the DBT

Deuteronomy 6 in the DGDNT

Deuteronomy 6 in the DHNT

Deuteronomy 6 in the DNT

Deuteronomy 6 in the ELBE

Deuteronomy 6 in the EMTV

Deuteronomy 6 in the ESV

Deuteronomy 6 in the FBV

Deuteronomy 6 in the FEB

Deuteronomy 6 in the GGMNT

Deuteronomy 6 in the GNT

Deuteronomy 6 in the HARY

Deuteronomy 6 in the HNT

Deuteronomy 6 in the IRVA

Deuteronomy 6 in the IRVB

Deuteronomy 6 in the IRVG

Deuteronomy 6 in the IRVH

Deuteronomy 6 in the IRVK

Deuteronomy 6 in the IRVM

Deuteronomy 6 in the IRVM2

Deuteronomy 6 in the IRVO

Deuteronomy 6 in the IRVP

Deuteronomy 6 in the IRVT

Deuteronomy 6 in the IRVT2

Deuteronomy 6 in the IRVU

Deuteronomy 6 in the ISVN

Deuteronomy 6 in the JSNT

Deuteronomy 6 in the KAPI

Deuteronomy 6 in the KBT1ETNIK

Deuteronomy 6 in the KBV

Deuteronomy 6 in the KJV

Deuteronomy 6 in the KNFD

Deuteronomy 6 in the LBA

Deuteronomy 6 in the LBLA

Deuteronomy 6 in the LNT

Deuteronomy 6 in the LSV

Deuteronomy 6 in the MAAL

Deuteronomy 6 in the MBV

Deuteronomy 6 in the MBV2

Deuteronomy 6 in the MHNT

Deuteronomy 6 in the MKNFD

Deuteronomy 6 in the MNG

Deuteronomy 6 in the MNT

Deuteronomy 6 in the MNT2

Deuteronomy 6 in the MRS1T

Deuteronomy 6 in the NAA

Deuteronomy 6 in the NASB

Deuteronomy 6 in the NBLA

Deuteronomy 6 in the NBS

Deuteronomy 6 in the NBVTP

Deuteronomy 6 in the NET2

Deuteronomy 6 in the NIV11

Deuteronomy 6 in the NNT

Deuteronomy 6 in the NNT2

Deuteronomy 6 in the NNT3

Deuteronomy 6 in the PDDPT

Deuteronomy 6 in the PFNT

Deuteronomy 6 in the RMNT

Deuteronomy 6 in the SBIAS

Deuteronomy 6 in the SBIBS

Deuteronomy 6 in the SBIBS2

Deuteronomy 6 in the SBICS

Deuteronomy 6 in the SBIDS

Deuteronomy 6 in the SBIGS

Deuteronomy 6 in the SBIHS

Deuteronomy 6 in the SBIIS

Deuteronomy 6 in the SBIIS2

Deuteronomy 6 in the SBIIS3

Deuteronomy 6 in the SBIKS

Deuteronomy 6 in the SBIKS2

Deuteronomy 6 in the SBIMS

Deuteronomy 6 in the SBIOS

Deuteronomy 6 in the SBIPS

Deuteronomy 6 in the SBISS

Deuteronomy 6 in the SBITS

Deuteronomy 6 in the SBITS2

Deuteronomy 6 in the SBITS3

Deuteronomy 6 in the SBITS4

Deuteronomy 6 in the SBIUS

Deuteronomy 6 in the SBIVS

Deuteronomy 6 in the SBT

Deuteronomy 6 in the SBT1E

Deuteronomy 6 in the SCHL

Deuteronomy 6 in the SNT

Deuteronomy 6 in the SUSU

Deuteronomy 6 in the SUSU2

Deuteronomy 6 in the SYNO

Deuteronomy 6 in the TBIAOTANT

Deuteronomy 6 in the TBT1E

Deuteronomy 6 in the TBT1E2

Deuteronomy 6 in the TFTIP

Deuteronomy 6 in the TFTU

Deuteronomy 6 in the TGNTATF3T

Deuteronomy 6 in the THAI

Deuteronomy 6 in the TNFD

Deuteronomy 6 in the TNT

Deuteronomy 6 in the TNTIK

Deuteronomy 6 in the TNTIL

Deuteronomy 6 in the TNTIN

Deuteronomy 6 in the TNTIP

Deuteronomy 6 in the TNTIZ

Deuteronomy 6 in the TOMA

Deuteronomy 6 in the TTENT

Deuteronomy 6 in the UBG

Deuteronomy 6 in the UGV

Deuteronomy 6 in the UGV2

Deuteronomy 6 in the UGV3

Deuteronomy 6 in the VBL

Deuteronomy 6 in the VDCC

Deuteronomy 6 in the YALU

Deuteronomy 6 in the YAPE

Deuteronomy 6 in the YBVTP

Deuteronomy 6 in the ZBP