Deuteronomy 9 (BOSCB)

1 Inzwa, iwe Israeri. Wava kuda kuyambuka Jorodhani zvino kuti upinde ugotorera ndudzi dzakakura uye dzakasimba kukupfuura, dzina maguta makuru ane masvingo akareba kwazvo. 2 Vanhu vacho vakasimba uye varefu vaAnaki! Unoziva nezvavo uye wakanzwa zvichinzi, “Ndiani angamira kuti arwise vaAnaki?” 3 Asi nhasi uzive kuti Jehovha Mwari wako ndiye achayambuka ari pamberi pako somoto unoparadza. Achavaparadza; achavakunda pamberi pako. Uye uchavadzinga ugovaparadza nokukurumidza sezvawakavimbiswa naJehovha. 4 Shure kwokunge Jehovha Mwari wako avadzinga pamberi pako, usataura mumwoyo mako uchiti, “Jehovha akandiuyisa muno kuti nditore nyika ino nokuda kwokururama kwangu.” Kwete, Jehovha achadzinga ndudzi idzi pamberi pako nokuda kwokuipa kwadzo. 5 Haupindi munyika yavo kuti ive yako nokuda kwokururama kwako kana kururama kwomwoyo wako; asi Jehovha Mwari wako achadzinga ndudzi idzi pamberi pako, nokuda kwokuipa kwadzo, kuti azadzise zvaakapika kumadzibaba ako, kuna Abhurahama, kuna Isaka, nokuna Jakobho. 6 Naizvozvo nzwisisa kuti Jehovha Mwari wako haakupi nyika iyi yakanaka kuti ive yako nokuda kwokururama kwako, nokuti uri rudzi rune mutsipa mukukutu. 7 Rangarirai izvi uye musakanganwa kuti makatsamwisa Jehovha Mwari wenyu sei murenje. Kubva nezuva ramakabuda muIjipiti kusvikira muchisvika pano, makaramba muchimukira Jehovha. 8 PaHorebhi makamutsa hasha dzaJehovha zvokuti akatsamwa zvokuda kukuparadzai. 9 Pandakakwira pagomo kundogamuchira mahwendefa amabwe, iwo mahwendefa esungano iyo yakanga yaitwa naJehovha nemi, ndakagara mugomo kwamazuva makumi mana nousiku huna makumi mana; ndakanga ndisingadyi zvokudya kana kunwa mvura. 10 Jehovha akandipa mahwendefa maviri amabwe akanga akanyorwa nomunwe waMwari. Paari pakanga pakanyorwa mirayiro yose yakanga yataurwa kwamuri naJehovha pagomo ari mukati memoto, nezuva reungano. 11 Pakupera kwamazuva makumi mana nousiku huna makumi mana Jehovha akandipa mahwendefa maviri amabwe, iwo mahwendefa esungano. 12 Ipapo Jehovha akandiudza kuti, “Buruka ubve pano iye zvino, nokuti vanhu vako vawakabudisa kubva muIjipiti vaita zvakaipa. Vatsauka nokukurumidza kubva pane zvandakavarayira uye vazviitira chifananidzo chakaumbwa.” 13 Uye Jehovha akati kwandiri, “Ndaona rudzi urwu, uye rudzi rune mutsipa mukukutu kwazvo! 14 Rega ndivaparadze ndigodzima zita ravo pasi pedenga. Uye ndichakuita rudzi rwakasimba rwakawanda kupfuura zvavari.” 15 Saka ndakadzoka ndikaburuka kubva pagomo richiri kupfuta nomoto. Uye ndakanga ndine mahwendefa maviri esungano mumaoko angu. 16 Pandakatarira, ndakaona kuti makanga matadzira Jehovha Mwari wenyu; makanga mazviitira chifananidzo chakaumbwa mumufananidzo wemhuru. Makanga matsauka nokukurumidza kubva panzira yamakanga marayirwa naJehovha. 17 Saka ndakatora mahwendefa maviri ndikaakanda pasi kubva mumaoko angu, akaputsika kuita zvimedu zvimedu muchizviona. 18 Ipapo zvakare ndakawira pasi nechiso changu pamberi paJehovha kwamazuva makumi mana nousiku huna makumi mana; handina kudya zvokudya kana kunwa mvura, nokuda kwechivi chose chamakanga maita, muchiita zvakanga zvakaipa pamberi paJehovha nokudaro mukamutsa hasha dzake. 19 Ndakatya hasha nokutsamwa kwaJehovha, nokuti akanga atsamwa zvokuti angakuparadzai. Asi Jehovha akandinzwa. 20 Uye Jehovha akatsamwira Aroni zvokuti akada kumuparadza, asi panguva iyoyo ndakanyengetererawo Aroni. 21 Uyezve ndakatora chitadzo chenyu, chimhuru chamakanga magadzira, ndikachipisa mumoto. Mushure maizvozvo ndakachiparadza ndikachikuya kusvikira chakuyika seguruva uye ndikakanda guruva racho murukova rwaiyerera kubva mugomo. 22 Makatsamwisazve Jehovha paTabhera, napaMasa uye napaKibhuroti Hataavha. 23 Zvino nenguva iyo makatumwa naJehovha kubva paKadheshi Bharinea, iye akati, “Endai mundotora nyika iyo yandakakupai.” Asi imi makamukira murayiro waJehovha Mwari wenyu. Hamuna kuvimba naye kana kumuteerera. 24 Makagara muchimukira Jehovha kubvira pazuva randakatanga kukuzivai. 25 Ndakawira pasi nechiso changu pamberi paJehovha kwamazuva iwayo ane makumi mana nousiku huna makumi mana nokuda kwokuti Jehovha akanga ati aizokuparadzai. 26 Ndakanyengetera kuna Jehovha ndikati, “Nhai imi Ishe Jehovha, musaparadza vanhu venyu, nhaka yenyu yamakadzikinura nesimba renyu guru mukavabudisa kubva kuIjipiti noruoko rune simba. 27 Rangarirai varanda venyu Abhurahama, Isaka naJakobho. Musatarira kusindimara kworudzi urwu, uipi hwavo nechivi chavo. 28 Nokuti nyika yamakatibudisa kubva mairi ingazoti, ‘Jehovha akavabudisa akavaurayira murenje, nokuti akanga asingagoni kuvapinza munyika yaakanga avapikira, uye nokuti akanga achivavenga.’ 29 Asi ava vanhu venyu, nhaka yenyu yamakabudisa nesimba renyu guru noruoko rwenyu rwakatambanudzwa.”

In Other Versions

Deuteronomy 9 in the ANGEFD

Deuteronomy 9 in the ANTPNG2D

Deuteronomy 9 in the AS21

Deuteronomy 9 in the BAGH

Deuteronomy 9 in the BBPNG

Deuteronomy 9 in the BBT1E

Deuteronomy 9 in the BDS

Deuteronomy 9 in the BEV

Deuteronomy 9 in the BHAD

Deuteronomy 9 in the BIB

Deuteronomy 9 in the BLPT

Deuteronomy 9 in the BNT

Deuteronomy 9 in the BNTABOOT

Deuteronomy 9 in the BNTLV

Deuteronomy 9 in the BOATCB

Deuteronomy 9 in the BOATCB2

Deuteronomy 9 in the BOBCV

Deuteronomy 9 in the BOCNT

Deuteronomy 9 in the BOECS

Deuteronomy 9 in the BOGWICC

Deuteronomy 9 in the BOHCB

Deuteronomy 9 in the BOHCV

Deuteronomy 9 in the BOHLNT

Deuteronomy 9 in the BOHNTLTAL

Deuteronomy 9 in the BOICB

Deuteronomy 9 in the BOILNTAP

Deuteronomy 9 in the BOITCV

Deuteronomy 9 in the BOKCV

Deuteronomy 9 in the BOKCV2

Deuteronomy 9 in the BOKHWOG

Deuteronomy 9 in the BOKSSV

Deuteronomy 9 in the BOLCB

Deuteronomy 9 in the BOLCB2

Deuteronomy 9 in the BOMCV

Deuteronomy 9 in the BONAV

Deuteronomy 9 in the BONCB

Deuteronomy 9 in the BONLT

Deuteronomy 9 in the BONUT2

Deuteronomy 9 in the BOPLNT

Deuteronomy 9 in the BOSNC

Deuteronomy 9 in the BOTLNT

Deuteronomy 9 in the BOVCB

Deuteronomy 9 in the BOYCB

Deuteronomy 9 in the BPBB

Deuteronomy 9 in the BPH

Deuteronomy 9 in the BSB

Deuteronomy 9 in the CCB

Deuteronomy 9 in the CUV

Deuteronomy 9 in the CUVS

Deuteronomy 9 in the DBT

Deuteronomy 9 in the DGDNT

Deuteronomy 9 in the DHNT

Deuteronomy 9 in the DNT

Deuteronomy 9 in the ELBE

Deuteronomy 9 in the EMTV

Deuteronomy 9 in the ESV

Deuteronomy 9 in the FBV

Deuteronomy 9 in the FEB

Deuteronomy 9 in the GGMNT

Deuteronomy 9 in the GNT

Deuteronomy 9 in the HARY

Deuteronomy 9 in the HNT

Deuteronomy 9 in the IRVA

Deuteronomy 9 in the IRVB

Deuteronomy 9 in the IRVG

Deuteronomy 9 in the IRVH

Deuteronomy 9 in the IRVK

Deuteronomy 9 in the IRVM

Deuteronomy 9 in the IRVM2

Deuteronomy 9 in the IRVO

Deuteronomy 9 in the IRVP

Deuteronomy 9 in the IRVT

Deuteronomy 9 in the IRVT2

Deuteronomy 9 in the IRVU

Deuteronomy 9 in the ISVN

Deuteronomy 9 in the JSNT

Deuteronomy 9 in the KAPI

Deuteronomy 9 in the KBT1ETNIK

Deuteronomy 9 in the KBV

Deuteronomy 9 in the KJV

Deuteronomy 9 in the KNFD

Deuteronomy 9 in the LBA

Deuteronomy 9 in the LBLA

Deuteronomy 9 in the LNT

Deuteronomy 9 in the LSV

Deuteronomy 9 in the MAAL

Deuteronomy 9 in the MBV

Deuteronomy 9 in the MBV2

Deuteronomy 9 in the MHNT

Deuteronomy 9 in the MKNFD

Deuteronomy 9 in the MNG

Deuteronomy 9 in the MNT

Deuteronomy 9 in the MNT2

Deuteronomy 9 in the MRS1T

Deuteronomy 9 in the NAA

Deuteronomy 9 in the NASB

Deuteronomy 9 in the NBLA

Deuteronomy 9 in the NBS

Deuteronomy 9 in the NBVTP

Deuteronomy 9 in the NET2

Deuteronomy 9 in the NIV11

Deuteronomy 9 in the NNT

Deuteronomy 9 in the NNT2

Deuteronomy 9 in the NNT3

Deuteronomy 9 in the PDDPT

Deuteronomy 9 in the PFNT

Deuteronomy 9 in the RMNT

Deuteronomy 9 in the SBIAS

Deuteronomy 9 in the SBIBS

Deuteronomy 9 in the SBIBS2

Deuteronomy 9 in the SBICS

Deuteronomy 9 in the SBIDS

Deuteronomy 9 in the SBIGS

Deuteronomy 9 in the SBIHS

Deuteronomy 9 in the SBIIS

Deuteronomy 9 in the SBIIS2

Deuteronomy 9 in the SBIIS3

Deuteronomy 9 in the SBIKS

Deuteronomy 9 in the SBIKS2

Deuteronomy 9 in the SBIMS

Deuteronomy 9 in the SBIOS

Deuteronomy 9 in the SBIPS

Deuteronomy 9 in the SBISS

Deuteronomy 9 in the SBITS

Deuteronomy 9 in the SBITS2

Deuteronomy 9 in the SBITS3

Deuteronomy 9 in the SBITS4

Deuteronomy 9 in the SBIUS

Deuteronomy 9 in the SBIVS

Deuteronomy 9 in the SBT

Deuteronomy 9 in the SBT1E

Deuteronomy 9 in the SCHL

Deuteronomy 9 in the SNT

Deuteronomy 9 in the SUSU

Deuteronomy 9 in the SUSU2

Deuteronomy 9 in the SYNO

Deuteronomy 9 in the TBIAOTANT

Deuteronomy 9 in the TBT1E

Deuteronomy 9 in the TBT1E2

Deuteronomy 9 in the TFTIP

Deuteronomy 9 in the TFTU

Deuteronomy 9 in the TGNTATF3T

Deuteronomy 9 in the THAI

Deuteronomy 9 in the TNFD

Deuteronomy 9 in the TNT

Deuteronomy 9 in the TNTIK

Deuteronomy 9 in the TNTIL

Deuteronomy 9 in the TNTIN

Deuteronomy 9 in the TNTIP

Deuteronomy 9 in the TNTIZ

Deuteronomy 9 in the TOMA

Deuteronomy 9 in the TTENT

Deuteronomy 9 in the UBG

Deuteronomy 9 in the UGV

Deuteronomy 9 in the UGV2

Deuteronomy 9 in the UGV3

Deuteronomy 9 in the VBL

Deuteronomy 9 in the VDCC

Deuteronomy 9 in the YALU

Deuteronomy 9 in the YAPE

Deuteronomy 9 in the YBVTP

Deuteronomy 9 in the ZBP