Ecclesiastes 2 (BOSCB)
1 Ndakati mumwoyo mangu, “Uya zvino, ndichakuedza nomufaro kuti uzive chakanaka.” Asi naizvozviwo hazvina maturo. 2 Ndakati, “Kuseka upenzi, uyezve mafaro anobatsireiko?” 3 Ndakaedza kuzvifadza newaini, uye kumbundikira upenzi, pfungwa dzangu dzichinditungamirira nouchenjeri. Ndaida kuona kuti chii chakafanira kuti vanhu vaite pasi pedenga mumazuva mashoma oupenyu hwavo. 4 Ndakaita mabasa makuru; ndakazvivakira dzimba ndikazvirimira minda yemizambiringa. 5 Ndakazvigadzirira mapindu, neminda yemiti uye ndikasimamo miti yemichero yendudzi dzose. 6 Ndakavaka madhamu kuti ndidiridzire sango remiti yaikura. 7 Ndakatenga varandarume navarandakadzi, uye ndaiva navamwe varanda vakaberekerwa mumba mangu. Ndaivawo nepfuma zhinji yemombe namakwai, kupfuura ani zvake akanditangira kuvapo paJerusarema. 8 Ndakazviunganidzira sirivha negoridhe, uye nepfuma yamadzimambo uye neyamatunhu. Ndakatsvaka vaimbi, varume navakadzi, uye nezviridzwa, nezvinofadza vanakomana vavanhu, navarongowo vazhinji. 9 Saka ndakava mukuru kwazvo kupfuura ani zvake akanditangira paJerusarema. Mune izvi zvose uchenjeri hwangu hwakaramba huneni. 10 Handina kuzvirambidza zvinhu zvaidiwa nameso angu,handina kurambidza mwoyo wangu mufaro.Mwoyo wangu wakafadzwa nebasa rangu rose,uye uyu ndiwo wakava mubayiro wokushanda kwangu kwose. 11 Asi pandakaongorora mabasa ose akanga aitwa namaoko anguuye zvandakatambudzikira kuti ndiwane,zvose zvakanga zvisina maturo, kwaingova kudzingana nemhepo;hapana chaibatsira pasi pezuva. 12 Naizvozvo ndakapindura pfungwa dzangu kuti ndicherechedze uchenjeri,urema uye noupenzi.Chii chimwe chingaitwa nomunhuanotevera mumwe paumambo kunze kwezvakatoitwa kare? 13 Ndakaona kuti uchenjeri huri nani pano upenzi,sezvo chiedza chiri nani pane rima. 14 Meso omunhu akachenjera ari mumusoro make,nokuno rumwe rutivi benzi richifamba murima;asi ndakasvika pakuziva kutivose vanowirwa nedambudziko rimwe chete. 15 Ipapo ndakafunga mumwoyo mangu ndikati,“Magumo ebenzi achandiwanawo neni.Chii zvino chandinowana pakuva munhu akachenjera?”Ndakati mumwoyo mangu,“Izviwo hazvina maturo.” 16 Nokuti munhu akachenjera akafanana nebenzi pakusarangarirwa;mumazuva anouya vose vachazokanganwikwa.Kufanana nebenzi, akachenjera anofanira kufawo! 17 Saka ndakavenga upenyu, nokuti basa rinoitwa pasi pezuva rakandirwadza kwazvo. Zvose hazvo hazvina maturo, kudzingana nemhepo. 18 Ndakavenga zvinhu zvose zvandakashingairira pasi pezuva, nokuti ndinofanira kuzvisiyira anonditevera. 19 Uye ndiani angaziva kana achizova akachenjera kana benzi? Kunyange zvakadaro achava nesimba pamusoro pebasa rose randakatamburira nesimba nounyanzvi hwangu pasi pezuva. Izviwo hazvina maturo. 20 Saka mwoyo wangu wakatanga kushungurudzika pamusoro pokutambudzika nokushanda kwangu pasi pezuva. 21 Nokuti munhu angaite basa rake nouchenjeri, noruzivo uye nounyanzvi, zvino ipapo ozofanira kusiya zvose zvaanazvo kuno mumwe asina kuzvishandira. Naizvozviwo hazvina maturo uye chinhu chakaipa kwazvo. 22 Munhu anowanei pakushanda kwose nokushingaira kwomwoyo nokuda kwokushanda kwake pasi pezuva? 23 Mazuva ake ose basa rake kurwadziwa nokusuwa; kunyange nousiku pfungwa dzake hadzizorori. Naizvozviwo hazvina maturo. 24 Munhu haana chaangaita chinopfuura kudya nokunwa kuti awane kugutswa pakushanda kwake. Naizvozviwo, ndinoona kuti zvinobva muruoko rwaMwari, 25 nokuti kana pasina iye, ndiani angadya kana kuwana mufaro? 26 Kuno munhu anomufadza, Mwari anopa uchenjeri, nezivo nomufaro asi kuno mutadzi, anopa basa rokuunganidza nokuchengetera upfumi kuti agozvipa uyo anofadza Mwari. Naizvozviwo hazvina maturo, kudzingana nemhepo.
In Other Versions
Ecclesiastes 2 in the ANGEFD
Ecclesiastes 2 in the ANTPNG2D
Ecclesiastes 2 in the AS21
Ecclesiastes 2 in the BAGH
Ecclesiastes 2 in the BBPNG
Ecclesiastes 2 in the BBT1E
Ecclesiastes 2 in the BDS
Ecclesiastes 2 in the BEV
Ecclesiastes 2 in the BHAD
Ecclesiastes 2 in the BIB
Ecclesiastes 2 in the BLPT
Ecclesiastes 2 in the BNT
Ecclesiastes 2 in the BNTABOOT
Ecclesiastes 2 in the BNTLV
Ecclesiastes 2 in the BOATCB
Ecclesiastes 2 in the BOATCB2
Ecclesiastes 2 in the BOBCV
Ecclesiastes 2 in the BOCNT
Ecclesiastes 2 in the BOECS
Ecclesiastes 2 in the BOGWICC
Ecclesiastes 2 in the BOHCB
Ecclesiastes 2 in the BOHCV
Ecclesiastes 2 in the BOHLNT
Ecclesiastes 2 in the BOHNTLTAL
Ecclesiastes 2 in the BOICB
Ecclesiastes 2 in the BOILNTAP
Ecclesiastes 2 in the BOITCV
Ecclesiastes 2 in the BOKCV
Ecclesiastes 2 in the BOKCV2
Ecclesiastes 2 in the BOKHWOG
Ecclesiastes 2 in the BOKSSV
Ecclesiastes 2 in the BOLCB
Ecclesiastes 2 in the BOLCB2
Ecclesiastes 2 in the BOMCV
Ecclesiastes 2 in the BONAV
Ecclesiastes 2 in the BONCB
Ecclesiastes 2 in the BONLT
Ecclesiastes 2 in the BONUT2
Ecclesiastes 2 in the BOPLNT
Ecclesiastes 2 in the BOSNC
Ecclesiastes 2 in the BOTLNT
Ecclesiastes 2 in the BOVCB
Ecclesiastes 2 in the BOYCB
Ecclesiastes 2 in the BPBB
Ecclesiastes 2 in the BPH
Ecclesiastes 2 in the BSB
Ecclesiastes 2 in the CCB
Ecclesiastes 2 in the CUV
Ecclesiastes 2 in the CUVS
Ecclesiastes 2 in the DBT
Ecclesiastes 2 in the DGDNT
Ecclesiastes 2 in the DHNT
Ecclesiastes 2 in the DNT
Ecclesiastes 2 in the ELBE
Ecclesiastes 2 in the EMTV
Ecclesiastes 2 in the ESV
Ecclesiastes 2 in the FBV
Ecclesiastes 2 in the FEB
Ecclesiastes 2 in the GGMNT
Ecclesiastes 2 in the GNT
Ecclesiastes 2 in the HARY
Ecclesiastes 2 in the HNT
Ecclesiastes 2 in the IRVA
Ecclesiastes 2 in the IRVB
Ecclesiastes 2 in the IRVG
Ecclesiastes 2 in the IRVH
Ecclesiastes 2 in the IRVK
Ecclesiastes 2 in the IRVM
Ecclesiastes 2 in the IRVM2
Ecclesiastes 2 in the IRVO
Ecclesiastes 2 in the IRVP
Ecclesiastes 2 in the IRVT
Ecclesiastes 2 in the IRVT2
Ecclesiastes 2 in the IRVU
Ecclesiastes 2 in the ISVN
Ecclesiastes 2 in the JSNT
Ecclesiastes 2 in the KAPI
Ecclesiastes 2 in the KBT1ETNIK
Ecclesiastes 2 in the KBV
Ecclesiastes 2 in the KJV
Ecclesiastes 2 in the KNFD
Ecclesiastes 2 in the LBA
Ecclesiastes 2 in the LBLA
Ecclesiastes 2 in the LNT
Ecclesiastes 2 in the LSV
Ecclesiastes 2 in the MAAL
Ecclesiastes 2 in the MBV
Ecclesiastes 2 in the MBV2
Ecclesiastes 2 in the MHNT
Ecclesiastes 2 in the MKNFD
Ecclesiastes 2 in the MNG
Ecclesiastes 2 in the MNT
Ecclesiastes 2 in the MNT2
Ecclesiastes 2 in the MRS1T
Ecclesiastes 2 in the NAA
Ecclesiastes 2 in the NASB
Ecclesiastes 2 in the NBLA
Ecclesiastes 2 in the NBS
Ecclesiastes 2 in the NBVTP
Ecclesiastes 2 in the NET2
Ecclesiastes 2 in the NIV11
Ecclesiastes 2 in the NNT
Ecclesiastes 2 in the NNT2
Ecclesiastes 2 in the NNT3
Ecclesiastes 2 in the PDDPT
Ecclesiastes 2 in the PFNT
Ecclesiastes 2 in the RMNT
Ecclesiastes 2 in the SBIAS
Ecclesiastes 2 in the SBIBS
Ecclesiastes 2 in the SBIBS2
Ecclesiastes 2 in the SBICS
Ecclesiastes 2 in the SBIDS
Ecclesiastes 2 in the SBIGS
Ecclesiastes 2 in the SBIHS
Ecclesiastes 2 in the SBIIS
Ecclesiastes 2 in the SBIIS2
Ecclesiastes 2 in the SBIIS3
Ecclesiastes 2 in the SBIKS
Ecclesiastes 2 in the SBIKS2
Ecclesiastes 2 in the SBIMS
Ecclesiastes 2 in the SBIOS
Ecclesiastes 2 in the SBIPS
Ecclesiastes 2 in the SBISS
Ecclesiastes 2 in the SBITS
Ecclesiastes 2 in the SBITS2
Ecclesiastes 2 in the SBITS3
Ecclesiastes 2 in the SBITS4
Ecclesiastes 2 in the SBIUS
Ecclesiastes 2 in the SBIVS
Ecclesiastes 2 in the SBT
Ecclesiastes 2 in the SBT1E
Ecclesiastes 2 in the SCHL
Ecclesiastes 2 in the SNT
Ecclesiastes 2 in the SUSU
Ecclesiastes 2 in the SUSU2
Ecclesiastes 2 in the SYNO
Ecclesiastes 2 in the TBIAOTANT
Ecclesiastes 2 in the TBT1E
Ecclesiastes 2 in the TBT1E2
Ecclesiastes 2 in the TFTIP
Ecclesiastes 2 in the TFTU
Ecclesiastes 2 in the TGNTATF3T
Ecclesiastes 2 in the THAI
Ecclesiastes 2 in the TNFD
Ecclesiastes 2 in the TNT
Ecclesiastes 2 in the TNTIK
Ecclesiastes 2 in the TNTIL
Ecclesiastes 2 in the TNTIN
Ecclesiastes 2 in the TNTIP
Ecclesiastes 2 in the TNTIZ
Ecclesiastes 2 in the TOMA
Ecclesiastes 2 in the TTENT
Ecclesiastes 2 in the UBG
Ecclesiastes 2 in the UGV
Ecclesiastes 2 in the UGV2
Ecclesiastes 2 in the UGV3
Ecclesiastes 2 in the VBL
Ecclesiastes 2 in the VDCC
Ecclesiastes 2 in the YALU
Ecclesiastes 2 in the YAPE
Ecclesiastes 2 in the YBVTP
Ecclesiastes 2 in the ZBP