Ephesians 6 (BOSCB)
1 Vana, teererai vabereki venyu muna She, nokuti ndizvo zvakanaka. 2 “Kudza baba namai vako,” ndiwo murayiro wokutanga une chipikirwa, 3 “kuti uitirwe zvakanaka uye kuti ugare upenyu hurefu panyika.” 4 Vanababa, regai kutsamwisa vana venyu; asi, muvarere mukurovedza nokurayira kwaShe. 5 Varanda, teererai vatenzi venyu vapanyika noruremekedzo uye nokutya, uye nomwoyo wakatendeka, sokuteerera kwamunoita Kristu. 6 Musangovateerera kuti vakufarirei pavanenge vachikuonai chete, asi savaranda vaKristu, vanoita kuda kwaMwari zvichibva pamwoyo yavo. 7 Mushande nomwoyo wose, sokunge munoshandira Ishe, kwete munhu, 8 nokuti munoziva kuti Ishe achapa mubayiro mumwe nomumwe pane zvose zvakanaka zvaanoita, angava muranda kana akasununguka. 9 Uye imi vatenzi, mubate varanda venyu nenzira imwe cheteyo. Musavatyisa, sezvo muchiziva kuti Tenzi wavo nowenyu ari kudenga, uye haana rusaruro maari. 10 Pakupedzisira, ivai nesimba muna She nomusimba rake guru. 11 Shongai nhumbi dzose dzokurwa nadzo dzaMwari kuti mugogona kumira muchirwa namano adhiabhori. 12 Nokuti hatirwi nenyama neropa, asi navabati, navanesimba, namasimba enyika ino yerima uye namasimba emweya yakaipa ari muchadenga. 13 Naizvozvo shongai nhumbi dzose dzokurwa nadzo dzaMwari, kuti panosvika zuva rakaipa, mugokwanisa kumira, uye mushure mokunge maita zvinhu zvose, kuti mumire. 14 Zvino mirai nesimba, makasunga bhanhire rechokwadi muchiuno chenyu, nechidzitiro chechipfuva chokururama, 15 uye tsoka dzenyu dzakashongedzwa negadziriro inobva pavhangeri rorugare. 16 Pamusoro paizvozvi zvose, torai nhoo yokutenda, iyo yamunogona kudzima nayo miseve inopfuta yowakaipa. 17 Torai nguwani yoruponeso nomunondo womweya, iro shoko raMwari. 18 Uye munyengetere muMweya nguva dzose nemhando dzose dzeminyengetero nemikumbiro. Muine izvi mupfungwa dzenyu, murinde uye murambe muchinyengeterera vatsvene. 19 Munyengeterere neniwo, kuti pose pandinoshama muromo wangu, ndipiwe mashoko kuitira kuti ndigozivisa chakavanzika chevhangeri ndisingatyi, 20 iro randiri nhume yakasungwa nengetani. Nyengeterai kuti ndiritaure ndisingatyi, sezvandinofanira. 21 Tikikasi, hama inodikanwa nomuranda akatendeka muna She, achakuudzai zvinhu zvose, kuitira kuti nemiwo muzive zvandiri nezvandinoita. 22 Ndiri kumutuma kwamuri nokuda kwechinangwa ichi, kuti muzive zvatiri, uye kuti akukurudzirei. 23 Rugare kuhama, norudo nokutenda zvinobva kuna Mwari Baba naIshe Jesu Kristu. 24 Nyasha kuna vose vanoda Ishe wedu Jesu Kristu norudo rusingaperi.
In Other Versions
Ephesians 6 in the ANGEFD
Ephesians 6 in the ANTPNG2D
Ephesians 6 in the AS21
Ephesians 6 in the BAGH
Ephesians 6 in the BBPNG
Ephesians 6 in the BBT1E
Ephesians 6 in the BDS
Ephesians 6 in the BEV
Ephesians 6 in the BHAD
Ephesians 6 in the BIB
Ephesians 6 in the BLPT
Ephesians 6 in the BNT
Ephesians 6 in the BNTABOOT
Ephesians 6 in the BNTLV
Ephesians 6 in the BOATCB
Ephesians 6 in the BOATCB2
Ephesians 6 in the BOBCV
Ephesians 6 in the BOCNT
Ephesians 6 in the BOECS
Ephesians 6 in the BOGWICC
Ephesians 6 in the BOHCB
Ephesians 6 in the BOHCV
Ephesians 6 in the BOHLNT
Ephesians 6 in the BOHNTLTAL
Ephesians 6 in the BOICB
Ephesians 6 in the BOILNTAP
Ephesians 6 in the BOITCV
Ephesians 6 in the BOKCV
Ephesians 6 in the BOKCV2
Ephesians 6 in the BOKHWOG
Ephesians 6 in the BOKSSV
Ephesians 6 in the BOLCB
Ephesians 6 in the BOLCB2
Ephesians 6 in the BOMCV
Ephesians 6 in the BONAV
Ephesians 6 in the BONCB
Ephesians 6 in the BONLT
Ephesians 6 in the BONUT2
Ephesians 6 in the BOPLNT
Ephesians 6 in the BOSNC
Ephesians 6 in the BOTLNT
Ephesians 6 in the BOVCB
Ephesians 6 in the BOYCB
Ephesians 6 in the BPBB
Ephesians 6 in the BPH
Ephesians 6 in the BSB
Ephesians 6 in the CCB
Ephesians 6 in the CUV
Ephesians 6 in the CUVS
Ephesians 6 in the DBT
Ephesians 6 in the DGDNT
Ephesians 6 in the DHNT
Ephesians 6 in the DNT
Ephesians 6 in the ELBE
Ephesians 6 in the EMTV
Ephesians 6 in the ESV
Ephesians 6 in the FBV
Ephesians 6 in the FEB
Ephesians 6 in the GGMNT
Ephesians 6 in the GNT
Ephesians 6 in the HARY
Ephesians 6 in the HNT
Ephesians 6 in the IRVA
Ephesians 6 in the IRVB
Ephesians 6 in the IRVG
Ephesians 6 in the IRVH
Ephesians 6 in the IRVK
Ephesians 6 in the IRVM
Ephesians 6 in the IRVM2
Ephesians 6 in the IRVO
Ephesians 6 in the IRVP
Ephesians 6 in the IRVT
Ephesians 6 in the IRVT2
Ephesians 6 in the IRVU
Ephesians 6 in the ISVN
Ephesians 6 in the JSNT
Ephesians 6 in the KAPI
Ephesians 6 in the KBT1ETNIK
Ephesians 6 in the KBV
Ephesians 6 in the KJV
Ephesians 6 in the KNFD
Ephesians 6 in the LBA
Ephesians 6 in the LBLA
Ephesians 6 in the LNT
Ephesians 6 in the LSV
Ephesians 6 in the MAAL
Ephesians 6 in the MBV
Ephesians 6 in the MBV2
Ephesians 6 in the MHNT
Ephesians 6 in the MKNFD
Ephesians 6 in the MNG
Ephesians 6 in the MNT
Ephesians 6 in the MNT2
Ephesians 6 in the MRS1T
Ephesians 6 in the NAA
Ephesians 6 in the NASB
Ephesians 6 in the NBLA
Ephesians 6 in the NBS
Ephesians 6 in the NBVTP
Ephesians 6 in the NET2
Ephesians 6 in the NIV11
Ephesians 6 in the NNT
Ephesians 6 in the NNT2
Ephesians 6 in the NNT3
Ephesians 6 in the PDDPT
Ephesians 6 in the PFNT
Ephesians 6 in the RMNT
Ephesians 6 in the SBIAS
Ephesians 6 in the SBIBS
Ephesians 6 in the SBIBS2
Ephesians 6 in the SBICS
Ephesians 6 in the SBIDS
Ephesians 6 in the SBIGS
Ephesians 6 in the SBIHS
Ephesians 6 in the SBIIS
Ephesians 6 in the SBIIS2
Ephesians 6 in the SBIIS3
Ephesians 6 in the SBIKS
Ephesians 6 in the SBIKS2
Ephesians 6 in the SBIMS
Ephesians 6 in the SBIOS
Ephesians 6 in the SBIPS
Ephesians 6 in the SBISS
Ephesians 6 in the SBITS
Ephesians 6 in the SBITS2
Ephesians 6 in the SBITS3
Ephesians 6 in the SBITS4
Ephesians 6 in the SBIUS
Ephesians 6 in the SBIVS
Ephesians 6 in the SBT
Ephesians 6 in the SBT1E
Ephesians 6 in the SCHL
Ephesians 6 in the SNT
Ephesians 6 in the SUSU
Ephesians 6 in the SUSU2
Ephesians 6 in the SYNO
Ephesians 6 in the TBIAOTANT
Ephesians 6 in the TBT1E
Ephesians 6 in the TBT1E2
Ephesians 6 in the TFTIP
Ephesians 6 in the TFTU
Ephesians 6 in the TGNTATF3T
Ephesians 6 in the THAI
Ephesians 6 in the TNFD
Ephesians 6 in the TNT
Ephesians 6 in the TNTIK
Ephesians 6 in the TNTIL
Ephesians 6 in the TNTIN
Ephesians 6 in the TNTIP
Ephesians 6 in the TNTIZ
Ephesians 6 in the TOMA
Ephesians 6 in the TTENT
Ephesians 6 in the UBG
Ephesians 6 in the UGV
Ephesians 6 in the UGV2
Ephesians 6 in the UGV3
Ephesians 6 in the VBL
Ephesians 6 in the VDCC
Ephesians 6 in the YALU
Ephesians 6 in the YAPE
Ephesians 6 in the YBVTP
Ephesians 6 in the ZBP