Esther 8 (BOSCB)

1 Pazuva iroro Mambo Zekisesi akapa imba yaHamani muvengi wavaJudha kuna vaHosi Esteri. Uye Modhekai akauya pamberi pamambo, nokuti Esteri akanga amuudza nezvoukama hwake naye. 2 Mambo akabvisa mhete yake yechindori, yaakanga atorazve kubva kuna Hamani, ndokuipa Modhekai. Uye Esteri akamugadza kuti ave mutariri weimba yaHamani. 3 Ipapo Esteri akakumbirisa zvakare akawira patsoka dzake achichema. Akakumbirisa kuti amise urongwa hwakaipa hwaHamani muAgagi, hwaakanga arongera vaJudha. 4 Ipapo mambo akatambanudzira tsvimbo yake yegoridhe kuna Esteri iye akasimuka akamira pamberi pake. 5 Akati, “Kana zvichifadza mambo, uye kana achinditarisa nenyasha nokufunga kuti chinhu chakanaka kuita, uye kana achindifarira, murayiro ngaunyorwe unodzima tsamba dzakanga dzanyorwa naHamani mwanakomana waHamedhata, muAgagi, dzokuparadza vaJudha mumatunhu ose amambo. 6 Ndingagona seiko kuona kuparadzwa kuchiwira kuvanhu vangu? Ndingashinga sei ndichiona kuparadzwa kworudzi rwangu?” 7 Ipapo Mambo Zekisesi akapindura vaHosi Esteri naModhekai muJudha achiti, “Nokuti Hamani akarwisa vaJudha, ndapa imba yake kuna Esteri, uye ivo vamuturika padanda. 8 Zvino chinyorai chimwe chirevo muzita ramambo sezvamunoona zvakakunakirai mugochisimbisa nemhete yamambo, nokuti hakuna gwaro rakanyorwa muzita ramambo rikasimbiswa nemhete yake ringashandurwa.” 9 Pakarepo vanyori vamambo vakadaidzwa, pazuva ramakumi maviri namatatu romwedzi wechitatu, mumwedzi waSivhana. Vakapa zvose zvakarayirwa naModhekai kuvaJudha, nokuvakuru vehondo, navabati uye namakurukota enyika dzaiva zana namakumi maviri nenomwe kubva kuIndia kusvika kuEtiopia. Zvakarayirwa izvi zvakanyorwa namanyorerwo enyika imwe neimwe nomutauro wenyika imwe neimwe. 10 Modhekai akanyora muzita raMambo Zekisesi, uye akasimbisa tsamba dzacho nemhete yamambo, uye akadzitumira navatakuri vetsamba vainge vakatasva mabhiza aimhanya kwazvo akanga akapfuwirwa mambo. 11 Chirevo chamambo chakapa vaJudha vaiva muguta rimwe nerimwe mvumo yokuungana nokuzvidzivirira; kuuraya nokuparadza zvachose varwi vapi zvavo vakapakata zvombo, vorudzi rupi norupi, kana nyika ipi yaigona kuzovarwisa ivo navakadzi vavo navana vavo; uye kupamba midziyo yavavengi vavo. 12 Zuva regumi namatatu romwedzi waAdhari ndiro zuva rakanga rakatsaurirwa vaJudha kuti vaite izvi munyika yose yaMambo Zekisesi. 13 Chinyorwa chechirevo ichi chaifanira kupiwa somutemo mudunhu rimwe nerimwe nokuziviswa kuvanhu vamarudzi ose kuitira kuti pazuva iroro vaJudha vange vakagadzirira kutsiva vavengi vavo. 14 Vatakuri vetsamba vakatasva mabhiza ashe vakaamhanyisa kwazvo, vachisundwa nokurayira kwamambo. Uye chirevo chakaziviswawo munhare yeShushani. 15 Modhekai akabva pamberi pamambo akapfeka nhumbi dzoumambo dzaiva namavara ebhuruu namachena, korona huru yegoridhe nenguo yepepuru yomucheka wakaisvonaka. Guta reShushani rakaita mhemberero nomufaro mukuru. 16 KuvaJudha kwaiva nechiedza, nomufaro nokufarisisa nokukudzwa. 17 Munyika imwe neimwe, uye mumaguta ose, makasvika chirevo chamambo, maiva nomufaro nokufarisisa pakati pavaJudha, vachiita mabiko nokupembera. Uye vanhu vazhinji vedzimwe ndudzi vakava vaJudha nokuda kwokutya kwakanga kwavabata.

In Other Versions

Esther 8 in the ANGEFD

Esther 8 in the ANTPNG2D

Esther 8 in the AS21

Esther 8 in the BAGH

Esther 8 in the BBPNG

Esther 8 in the BBT1E

Esther 8 in the BDS

Esther 8 in the BEV

Esther 8 in the BHAD

Esther 8 in the BIB

Esther 8 in the BLPT

Esther 8 in the BNT

Esther 8 in the BNTABOOT

Esther 8 in the BNTLV

Esther 8 in the BOATCB

Esther 8 in the BOATCB2

Esther 8 in the BOBCV

Esther 8 in the BOCNT

Esther 8 in the BOECS

Esther 8 in the BOGWICC

Esther 8 in the BOHCB

Esther 8 in the BOHCV

Esther 8 in the BOHLNT

Esther 8 in the BOHNTLTAL

Esther 8 in the BOICB

Esther 8 in the BOILNTAP

Esther 8 in the BOITCV

Esther 8 in the BOKCV

Esther 8 in the BOKCV2

Esther 8 in the BOKHWOG

Esther 8 in the BOKSSV

Esther 8 in the BOLCB

Esther 8 in the BOLCB2

Esther 8 in the BOMCV

Esther 8 in the BONAV

Esther 8 in the BONCB

Esther 8 in the BONLT

Esther 8 in the BONUT2

Esther 8 in the BOPLNT

Esther 8 in the BOSNC

Esther 8 in the BOTLNT

Esther 8 in the BOVCB

Esther 8 in the BOYCB

Esther 8 in the BPBB

Esther 8 in the BPH

Esther 8 in the BSB

Esther 8 in the CCB

Esther 8 in the CUV

Esther 8 in the CUVS

Esther 8 in the DBT

Esther 8 in the DGDNT

Esther 8 in the DHNT

Esther 8 in the DNT

Esther 8 in the ELBE

Esther 8 in the EMTV

Esther 8 in the ESV

Esther 8 in the FBV

Esther 8 in the FEB

Esther 8 in the GGMNT

Esther 8 in the GNT

Esther 8 in the HARY

Esther 8 in the HNT

Esther 8 in the IRVA

Esther 8 in the IRVB

Esther 8 in the IRVG

Esther 8 in the IRVH

Esther 8 in the IRVK

Esther 8 in the IRVM

Esther 8 in the IRVM2

Esther 8 in the IRVO

Esther 8 in the IRVP

Esther 8 in the IRVT

Esther 8 in the IRVT2

Esther 8 in the IRVU

Esther 8 in the ISVN

Esther 8 in the JSNT

Esther 8 in the KAPI

Esther 8 in the KBT1ETNIK

Esther 8 in the KBV

Esther 8 in the KJV

Esther 8 in the KNFD

Esther 8 in the LBA

Esther 8 in the LBLA

Esther 8 in the LNT

Esther 8 in the LSV

Esther 8 in the MAAL

Esther 8 in the MBV

Esther 8 in the MBV2

Esther 8 in the MHNT

Esther 8 in the MKNFD

Esther 8 in the MNG

Esther 8 in the MNT

Esther 8 in the MNT2

Esther 8 in the MRS1T

Esther 8 in the NAA

Esther 8 in the NASB

Esther 8 in the NBLA

Esther 8 in the NBS

Esther 8 in the NBVTP

Esther 8 in the NET2

Esther 8 in the NIV11

Esther 8 in the NNT

Esther 8 in the NNT2

Esther 8 in the NNT3

Esther 8 in the PDDPT

Esther 8 in the PFNT

Esther 8 in the RMNT

Esther 8 in the SBIAS

Esther 8 in the SBIBS

Esther 8 in the SBIBS2

Esther 8 in the SBICS

Esther 8 in the SBIDS

Esther 8 in the SBIGS

Esther 8 in the SBIHS

Esther 8 in the SBIIS

Esther 8 in the SBIIS2

Esther 8 in the SBIIS3

Esther 8 in the SBIKS

Esther 8 in the SBIKS2

Esther 8 in the SBIMS

Esther 8 in the SBIOS

Esther 8 in the SBIPS

Esther 8 in the SBISS

Esther 8 in the SBITS

Esther 8 in the SBITS2

Esther 8 in the SBITS3

Esther 8 in the SBITS4

Esther 8 in the SBIUS

Esther 8 in the SBIVS

Esther 8 in the SBT

Esther 8 in the SBT1E

Esther 8 in the SCHL

Esther 8 in the SNT

Esther 8 in the SUSU

Esther 8 in the SUSU2

Esther 8 in the SYNO

Esther 8 in the TBIAOTANT

Esther 8 in the TBT1E

Esther 8 in the TBT1E2

Esther 8 in the TFTIP

Esther 8 in the TFTU

Esther 8 in the TGNTATF3T

Esther 8 in the THAI

Esther 8 in the TNFD

Esther 8 in the TNT

Esther 8 in the TNTIK

Esther 8 in the TNTIL

Esther 8 in the TNTIN

Esther 8 in the TNTIP

Esther 8 in the TNTIZ

Esther 8 in the TOMA

Esther 8 in the TTENT

Esther 8 in the UBG

Esther 8 in the UGV

Esther 8 in the UGV2

Esther 8 in the UGV3

Esther 8 in the VBL

Esther 8 in the VDCC

Esther 8 in the YALU

Esther 8 in the YAPE

Esther 8 in the YBVTP

Esther 8 in the ZBP