Exodus 18 (BOSCB)

1 Zvino Jeturo, muprista weMidhiani uye ari tezvara waMozisi, akanzwa zvinhu zvose zvakaitirwa Mozisi naMwari uye nokuvanhu vake vaIsraeri, uye kuti Jehovha akanga abudisa vaIsraeri sei kubva muIjipiti. 2 Shure kwokunge Mozisi adzosera Zipora mukadzi wake, tezvara wake Jeturo akagamuchira Zipora 3 navanakomana vake vaviri. Mumwe mwanakomana akatumidzwa kunzi Gerishomi nokuti akati, “Ndava mutorwa munyika yavamwe;” 4 uye mumwe akatumidzwa kunzi Eriezeri, nokuti akati, “Mwari wababa vangu akanga ari mubatsiri wangu; akandiponesa kubva pamunondo waFaro.” 5 Jeturo, tezvara waMozisi, pamwe chete navanakomana vaMozisi nomukadzi wake, vakauya kwaari kurenje, kwaakanga akadzika musasa pedyo negomo raMwari. 6 Jeturo akanga atumira shoko kwaari achiti, “Ini, tezvara wako Jeturo, ndiri kuuya kwauri nomukadzi wako navanakomana vako vaviri.” 7 Saka Mozisi akabuda kundochingamidza tezvara vake uye akakotama pasi akamutsvoda. Vakakwazisana ndokubva vapinda mutende. 8 Mozisi akataurira tezvara wake zvinhu zvose zvakaitwa naJehovha kuna Faro nokuvaIjipita nokuda kwavaIsraeri, uyewo nokutambudzika kwavakasangana nako munzira, uye kuti Jehovha akavaponesa sei. 9 Jeturo akafara kunzwa nezvezvinhu zvose zvakanaka zvakaitirwa vaIsraeri naJehovha, mukuvanunura kubva muruoko rwavaIjipita. 10 Akati, “Jehovha ngaarumbidzwe, iye akakununura kubva muruoko rwavaIjipita norwaFaro, uye iye akanunura vanhu kubva muruoko rwavaIjipita. 11 Zvino ndava kuziva kuti Jehovha mukuru kupfuura vamwe vamwari vose, nokuti akaita izvi kuna avo vakabata vaIsraeri nokuzvikudza.” 12 Ipapo Jeturo, tezvara waMozisi, akauya nechipiriso chinopiswa nezvimwewo zvibayiro kuna Mwari, uye Aroni akauya navakuru vose veIsraeri kuti vazodya chingwa pamwe chete natezvara waMozisi pamberi paMwari. 13 Fume mangwana, Mozisi akagara pachigaro chake kuti ashande somutongi wavanhu, uye ivo vakamira vakamupoteredza kubva mangwanani kusvikira madekwana. 14 Tezvara wake akati aona zvose zvakanga zvichiitwa naMozisi kuvanhu, akati, “Chiiko ichi chauri kuitira vanhu? Seiko iwe uchitonga uri woga, asi vanhu vose ava vamire vakakupoteredza kubva mangwanani kusvikira madekwana?” 15 Mozisi akamupindura akati, “Nokuti vanhu vanouya kwandiri kuzotsvaka kuda kwaMwari. 16 Pose pavanouya negakava vanouya kwandiri, uye ini ndotonga pakati pavo uye ndovazivisa mitemo nemirayiro yaMwari.” 17 Tezvara waMozisi akapindura akati, “Zvauri kuita hazvina kunaka. 18 Iwe navanhu ava vanouya kwauri muchangozvinetesa chete. Basa iri rinorema kwazvo kwauri; haungagoni kuriita uri woga. 19 Nditeerere iye zvino ndigokupa zano, uye Mwari ngaave newe. Unofanira kuva mumiririri wavanhu pamberi paMwari uye ugouyisa magakava avo kwaari. 20 Uvadzidzise mitemo nemirayiro, ugovaratidza nzira yokurarama namabasa avanofanira kuita. 21 Asi sarudza varume vanokwanisa kubva pakati pavanhu vose, varume vanotya Mwari, varume vakatendeka vanovenga fufuro, ugovagadza samachinda pamusoro pezviuru, pamusoro pamazana, pamusoro pamakumi mashanu napamusoro pegumi. 22 Uvaite kuti vashande savatongi vavanhu panguva dzose, asi uvaite kuti vauye kwauri nenyaya dzose dzakaoma; nyaya dzakareruka ngavatonge ivo pachavo. Izvozvo zvicharerutsa mutoro wako, nokuti vanenge vachigovana newe. 23 Kana uchiita izvi uye Mwari achikurayira, uchagona kutakura mutoro uyu, uye vanhu vose ava vachaenda kudzimba vagutsikana.” 24 Mozisi akateerera tezvara wake akaita zvinhu zvose zvaakareva. 25 Akasarudza varume vaikwanisa kubva pakati pavaIsraeri vose akavaita vatungamiriri vavanhu, akavaita vabati vezviuru, vabati vamazana, vabati vamakumi mashanu, navabati vegumi. 26 Vakashanda savatongi vavanhu nguva dzose. Mhaka dzakaoma ndidzo dzavakauya nadzo kuna Mozisi, asi dzakareruka ndivo vaitonga ivo pachavo. 27 Ipapo Mozisi akatendera tezvara vake kuti vaende havo, uye Jeturo akadzokera kunyika yake.

In Other Versions

Exodus 18 in the ANGEFD

Exodus 18 in the ANTPNG2D

Exodus 18 in the AS21

Exodus 18 in the BAGH

Exodus 18 in the BBPNG

Exodus 18 in the BBT1E

Exodus 18 in the BDS

Exodus 18 in the BEV

Exodus 18 in the BHAD

Exodus 18 in the BIB

Exodus 18 in the BLPT

Exodus 18 in the BNT

Exodus 18 in the BNTABOOT

Exodus 18 in the BNTLV

Exodus 18 in the BOATCB

Exodus 18 in the BOATCB2

Exodus 18 in the BOBCV

Exodus 18 in the BOCNT

Exodus 18 in the BOECS

Exodus 18 in the BOGWICC

Exodus 18 in the BOHCB

Exodus 18 in the BOHCV

Exodus 18 in the BOHLNT

Exodus 18 in the BOHNTLTAL

Exodus 18 in the BOICB

Exodus 18 in the BOILNTAP

Exodus 18 in the BOITCV

Exodus 18 in the BOKCV

Exodus 18 in the BOKCV2

Exodus 18 in the BOKHWOG

Exodus 18 in the BOKSSV

Exodus 18 in the BOLCB

Exodus 18 in the BOLCB2

Exodus 18 in the BOMCV

Exodus 18 in the BONAV

Exodus 18 in the BONCB

Exodus 18 in the BONLT

Exodus 18 in the BONUT2

Exodus 18 in the BOPLNT

Exodus 18 in the BOSNC

Exodus 18 in the BOTLNT

Exodus 18 in the BOVCB

Exodus 18 in the BOYCB

Exodus 18 in the BPBB

Exodus 18 in the BPH

Exodus 18 in the BSB

Exodus 18 in the CCB

Exodus 18 in the CUV

Exodus 18 in the CUVS

Exodus 18 in the DBT

Exodus 18 in the DGDNT

Exodus 18 in the DHNT

Exodus 18 in the DNT

Exodus 18 in the ELBE

Exodus 18 in the EMTV

Exodus 18 in the ESV

Exodus 18 in the FBV

Exodus 18 in the FEB

Exodus 18 in the GGMNT

Exodus 18 in the GNT

Exodus 18 in the HARY

Exodus 18 in the HNT

Exodus 18 in the IRVA

Exodus 18 in the IRVB

Exodus 18 in the IRVG

Exodus 18 in the IRVH

Exodus 18 in the IRVK

Exodus 18 in the IRVM

Exodus 18 in the IRVM2

Exodus 18 in the IRVO

Exodus 18 in the IRVP

Exodus 18 in the IRVT

Exodus 18 in the IRVT2

Exodus 18 in the IRVU

Exodus 18 in the ISVN

Exodus 18 in the JSNT

Exodus 18 in the KAPI

Exodus 18 in the KBT1ETNIK

Exodus 18 in the KBV

Exodus 18 in the KJV

Exodus 18 in the KNFD

Exodus 18 in the LBA

Exodus 18 in the LBLA

Exodus 18 in the LNT

Exodus 18 in the LSV

Exodus 18 in the MAAL

Exodus 18 in the MBV

Exodus 18 in the MBV2

Exodus 18 in the MHNT

Exodus 18 in the MKNFD

Exodus 18 in the MNG

Exodus 18 in the MNT

Exodus 18 in the MNT2

Exodus 18 in the MRS1T

Exodus 18 in the NAA

Exodus 18 in the NASB

Exodus 18 in the NBLA

Exodus 18 in the NBS

Exodus 18 in the NBVTP

Exodus 18 in the NET2

Exodus 18 in the NIV11

Exodus 18 in the NNT

Exodus 18 in the NNT2

Exodus 18 in the NNT3

Exodus 18 in the PDDPT

Exodus 18 in the PFNT

Exodus 18 in the RMNT

Exodus 18 in the SBIAS

Exodus 18 in the SBIBS

Exodus 18 in the SBIBS2

Exodus 18 in the SBICS

Exodus 18 in the SBIDS

Exodus 18 in the SBIGS

Exodus 18 in the SBIHS

Exodus 18 in the SBIIS

Exodus 18 in the SBIIS2

Exodus 18 in the SBIIS3

Exodus 18 in the SBIKS

Exodus 18 in the SBIKS2

Exodus 18 in the SBIMS

Exodus 18 in the SBIOS

Exodus 18 in the SBIPS

Exodus 18 in the SBISS

Exodus 18 in the SBITS

Exodus 18 in the SBITS2

Exodus 18 in the SBITS3

Exodus 18 in the SBITS4

Exodus 18 in the SBIUS

Exodus 18 in the SBIVS

Exodus 18 in the SBT

Exodus 18 in the SBT1E

Exodus 18 in the SCHL

Exodus 18 in the SNT

Exodus 18 in the SUSU

Exodus 18 in the SUSU2

Exodus 18 in the SYNO

Exodus 18 in the TBIAOTANT

Exodus 18 in the TBT1E

Exodus 18 in the TBT1E2

Exodus 18 in the TFTIP

Exodus 18 in the TFTU

Exodus 18 in the TGNTATF3T

Exodus 18 in the THAI

Exodus 18 in the TNFD

Exodus 18 in the TNT

Exodus 18 in the TNTIK

Exodus 18 in the TNTIL

Exodus 18 in the TNTIN

Exodus 18 in the TNTIP

Exodus 18 in the TNTIZ

Exodus 18 in the TOMA

Exodus 18 in the TTENT

Exodus 18 in the UBG

Exodus 18 in the UGV

Exodus 18 in the UGV2

Exodus 18 in the UGV3

Exodus 18 in the VBL

Exodus 18 in the VDCC

Exodus 18 in the YALU

Exodus 18 in the YAPE

Exodus 18 in the YBVTP

Exodus 18 in the ZBP