Exodus 19 (BOSCB)
1 Mumwedzi wechitatu shure kwokunge vaIsraeri vabva kuIjipiti, pazuva racho iroro, vakasvika kuRenje reSinai. 2 Shure kwokusimuka kwavo kubva paRefidhimu, vakapinda muRenje reSinai, uye vaIsraeri vakadzika misasa imomo murenje pamberi pegomo. 3 Ipapo Mozisi akakwira kuna Mwari, uye Jehovha akadana kwaari ari mugomo akati, “Izvi ndizvo zvaunofanira kutaura kuimba yaJakobho uye zvaunofanira kuudza vanhu veIsraeri: 4 ‘Iwe pachako wakaona zvandakaita kuIjipiti, uye kuti ndakakutakurai sei pamapapiro egondo ndikakusvitsai kwandiri. 5 Zvino kana muchinditeerera nomwoyo wose uye mukachengeta sungano yangu, ipapo muchava pfuma yangu chaiyo pakati pendudzi dzose. Kunyange hazvo nyika yose iri yangu, 6 muchava kwandiri umambo hwavaprista uye rudzi rutsvene.’ Aya ndiwo mashoko aunofanira kutaura kuvaIsraeri.” 7 Saka Mozisi akadzokera akadana vakuru vavanhu akaisa pamberi pavo mashoko ose aakanga arayirwa naJehovha kuti ataure. 8 Vanhu vose vakapindura pamwe chete vachiti, “Tichaita zvose zvakarehwa naJehovha.” Saka Mozisi akadzosera mhinduro yavo kuna Jehovha. 9 Jehovha akati kuna Mozisi, “Ndiri kuzouya kwauri ndiri mugore gobvu, kuitira kuti vanhu vagondinzwa ndichitaura newe vagoramba vachivimba newe.” Ipapo Mozisi akaudza Jehovha zvakanga zvarehwa navanhu. 10 Uye Jehovha akati kuna Mozisi, “Enda kuvanhu undovanatsa nhasi namangwana. Uite kuti vawache nguo dzavo 11 uye vange vagadzirira nezuva rechitatu, nokuti pazuva iroro Jehovha achaburuka paGomo reSinai pamberi pavanhu vose. 12 Uisire vanhu miganhu yakapoteredza gomo ugovaudza kuti, ‘Chenjerai kuti murege kukwira mugomo kana kubata mujinga maro. Ani naani achabata gomo achaurayiwa, zvirokwazvo. 13 Zvirokwazvo achatakwa namabwe kana kubayiwa nemiseve; hakuna ruoko ruchamubata. Angava munhu kana chipfuwo, haangatenderwi kurarama.’ Vangakwira havo kugomo kana bedzi hwamanda yorunyanga rwegondobwe yaramba ichirira.” 14 Shure kwokuburuka kwaMozisi mugomo achienda kuvanhu, akavanatsa, uye ivo vakashambidza nguo dzavo. 15 Ipapo akati kuvanhu, “Zvigadzirirei nezvezuva rechitatu. Murege kurara navakadzi venyu.” 16 Panguva yamangwanani yezuva rechitatu pakava nokutinhira uye nemheni, negore gobvu rakafukidza gomo, uye kurira kukuru kwehwamanda. Munhu wose aiva mumisasa akadedera. 17 Ipapo Mozisi akatungamirira vanhu vachibuda mumisasa kuti vandosangana naMwari, uye vakandomira mujinga megomo. 18 Gomo reSinai rakanga rakafukidzwa noutsi, nokuti Jehovha akanga aburukira pamusoro paro ari mumoto. Utsi hwakapfungaira huchikwira kumusoro soutsi hwakanga huchibva pavira romoto, gomo rose rakazungunuka nesimba guru, 19 uye inzwi rehwamanda rakanyanya kurira nokurira kukuru. Ipapo Mozisi akataura uye inzwi raMwari rikamupindura. 20 Jehovha akaburukira pamusoro peGomo reSinai uye akadana Mozisi kuti auye pamusoro pegomo. Saka Mozisi akakwirako 21 uye Jehovha akati kwaari, “Buruka unoyambira vanhu kuti varege kumanikidzira kupinda kuti vandoona Jehovha vazhinji vavo vakazofa. 22 Kunyange vaprista, vanoswedera kuna Jehovha, vanofanira kuzvinatsa, kuti Jehovha arege kuvaparadza.” 23 Mozisi akati kuna Jehovha, “Vanhu havangakwiri muGomo reSinai, nokuti imi pachenyu makatiyambira mukati, ‘Isai miganhu yakapoteredza gomo uye muritsaure kuti rive dzvene.’ ” 24 Jehovha akapindura akati, “Buruka undotora Aroni ukwire naye kuno. Asi vaprista navanhu havafaniri kumanikidzira kusvika kuno kuna Jehovha, nokuti angavaparadza.” 25 Saka Mozisi akaburuka akaenda kuvanhu akandovaudza.
In Other Versions
Exodus 19 in the ANGEFD
Exodus 19 in the ANTPNG2D
Exodus 19 in the AS21
Exodus 19 in the BAGH
Exodus 19 in the BBPNG
Exodus 19 in the BBT1E
Exodus 19 in the BDS
Exodus 19 in the BEV
Exodus 19 in the BHAD
Exodus 19 in the BIB
Exodus 19 in the BLPT
Exodus 19 in the BNT
Exodus 19 in the BNTABOOT
Exodus 19 in the BNTLV
Exodus 19 in the BOATCB
Exodus 19 in the BOATCB2
Exodus 19 in the BOBCV
Exodus 19 in the BOCNT
Exodus 19 in the BOECS
Exodus 19 in the BOGWICC
Exodus 19 in the BOHCB
Exodus 19 in the BOHCV
Exodus 19 in the BOHLNT
Exodus 19 in the BOHNTLTAL
Exodus 19 in the BOICB
Exodus 19 in the BOILNTAP
Exodus 19 in the BOITCV
Exodus 19 in the BOKCV
Exodus 19 in the BOKCV2
Exodus 19 in the BOKHWOG
Exodus 19 in the BOKSSV
Exodus 19 in the BOLCB
Exodus 19 in the BOLCB2
Exodus 19 in the BOMCV
Exodus 19 in the BONAV
Exodus 19 in the BONCB
Exodus 19 in the BONLT
Exodus 19 in the BONUT2
Exodus 19 in the BOPLNT
Exodus 19 in the BOSNC
Exodus 19 in the BOTLNT
Exodus 19 in the BOVCB
Exodus 19 in the BOYCB
Exodus 19 in the BPBB
Exodus 19 in the BPH
Exodus 19 in the BSB
Exodus 19 in the CCB
Exodus 19 in the CUV
Exodus 19 in the CUVS
Exodus 19 in the DBT
Exodus 19 in the DGDNT
Exodus 19 in the DHNT
Exodus 19 in the DNT
Exodus 19 in the ELBE
Exodus 19 in the EMTV
Exodus 19 in the ESV
Exodus 19 in the FBV
Exodus 19 in the FEB
Exodus 19 in the GGMNT
Exodus 19 in the GNT
Exodus 19 in the HARY
Exodus 19 in the HNT
Exodus 19 in the IRVA
Exodus 19 in the IRVB
Exodus 19 in the IRVG
Exodus 19 in the IRVH
Exodus 19 in the IRVK
Exodus 19 in the IRVM
Exodus 19 in the IRVM2
Exodus 19 in the IRVO
Exodus 19 in the IRVP
Exodus 19 in the IRVT
Exodus 19 in the IRVT2
Exodus 19 in the IRVU
Exodus 19 in the ISVN
Exodus 19 in the JSNT
Exodus 19 in the KAPI
Exodus 19 in the KBT1ETNIK
Exodus 19 in the KBV
Exodus 19 in the KJV
Exodus 19 in the KNFD
Exodus 19 in the LBA
Exodus 19 in the LBLA
Exodus 19 in the LNT
Exodus 19 in the LSV
Exodus 19 in the MAAL
Exodus 19 in the MBV
Exodus 19 in the MBV2
Exodus 19 in the MHNT
Exodus 19 in the MKNFD
Exodus 19 in the MNG
Exodus 19 in the MNT
Exodus 19 in the MNT2
Exodus 19 in the MRS1T
Exodus 19 in the NAA
Exodus 19 in the NASB
Exodus 19 in the NBLA
Exodus 19 in the NBS
Exodus 19 in the NBVTP
Exodus 19 in the NET2
Exodus 19 in the NIV11
Exodus 19 in the NNT
Exodus 19 in the NNT2
Exodus 19 in the NNT3
Exodus 19 in the PDDPT
Exodus 19 in the PFNT
Exodus 19 in the RMNT
Exodus 19 in the SBIAS
Exodus 19 in the SBIBS
Exodus 19 in the SBIBS2
Exodus 19 in the SBICS
Exodus 19 in the SBIDS
Exodus 19 in the SBIGS
Exodus 19 in the SBIHS
Exodus 19 in the SBIIS
Exodus 19 in the SBIIS2
Exodus 19 in the SBIIS3
Exodus 19 in the SBIKS
Exodus 19 in the SBIKS2
Exodus 19 in the SBIMS
Exodus 19 in the SBIOS
Exodus 19 in the SBIPS
Exodus 19 in the SBISS
Exodus 19 in the SBITS
Exodus 19 in the SBITS2
Exodus 19 in the SBITS3
Exodus 19 in the SBITS4
Exodus 19 in the SBIUS
Exodus 19 in the SBIVS
Exodus 19 in the SBT
Exodus 19 in the SBT1E
Exodus 19 in the SCHL
Exodus 19 in the SNT
Exodus 19 in the SUSU
Exodus 19 in the SUSU2
Exodus 19 in the SYNO
Exodus 19 in the TBIAOTANT
Exodus 19 in the TBT1E
Exodus 19 in the TBT1E2
Exodus 19 in the TFTIP
Exodus 19 in the TFTU
Exodus 19 in the TGNTATF3T
Exodus 19 in the THAI
Exodus 19 in the TNFD
Exodus 19 in the TNT
Exodus 19 in the TNTIK
Exodus 19 in the TNTIL
Exodus 19 in the TNTIN
Exodus 19 in the TNTIP
Exodus 19 in the TNTIZ
Exodus 19 in the TOMA
Exodus 19 in the TTENT
Exodus 19 in the UBG
Exodus 19 in the UGV
Exodus 19 in the UGV2
Exodus 19 in the UGV3
Exodus 19 in the VBL
Exodus 19 in the VDCC
Exodus 19 in the YALU
Exodus 19 in the YAPE
Exodus 19 in the YBVTP
Exodus 19 in the ZBP