Exodus 2 (BOSCB)
1 Zvino mumwe murume weimba yaRevhi akawana mukadzi, 2 uye mukadzi uyu akava nemimba akabereka mwanakomana. Paakaona kuti akanga ari mwana akanaka, akamuvanza kwemwedzi mitatu. 3 Asi akati asisagoni kumuvanza, akamutorera tswanda yenhokwe akainama netara nenamo. Ipapo akaisa mwana imomo ndokuiisa pakati petsanga dzaiva mumahombekombe aNairi. 4 Hanzvadzi yake yakamira iri chinhambwe kuti ione kuti chii chaizoitika kwaari. 5 Ipapo mwanasikana waFaro akaburuka akaenda kurwizi Nairi kuti andoshamba, uye varandakadzi vake vakanga vachifamba vachitevedza mahombekombe. Akaona tswanda pakati petsanga ndokubva atuma murandakadzi wake kuti andoitora. 6 Akaizarura akaona mwana. Akanga achichema, uye akamunzwira tsitsi. Akati, “Uyu ndomumwe wavana vavaHebheru.” 7 Ipapo hanzvadzi yake yakakumbira mwanasikana waFaro ikati, “Ndingaenda here ndikandokutorerai mumwe wavakadzi vechiHebheru kuti azokurererai mwana?” 8 Uye mwanasikana waFaro akapindura akati, “Hongu.” Uye musikana akaenda akandotora mai vomwana. 9 Mwanasikana waFaro akati kwavari, “Tora mwana uyu unondirererawo, uye ini ndichakupa muripo wako.” Saka mukadzi akatora mwana akamurera. 10 Mwana akati akura, akamutora akaenda naye kumwanasikana waFaro akava mwanakomana wake. Akamutumidza zita rokuti Mozisi, achiti, “Ndakamutora mumvura.” 11 Rimwe zuva Mozisi akura, akaenda kwakanga kuna vanhu vokwake uye akavatarira vari pabasa ravo rakaoma. Akaona muIjipita achirova muHebheru, mumwe wavanhu vokwake. 12 Akaringa-ringa ndokuona kusina munhu achibva auraya muIjipita, ndokumuviga mujecha. 13 Zuva rakatevera, akabuda akaona vaHebheru vaviri vachirwa. Akabvunza uya akanga akanganisa akati, “Seiko uchirova mumwe wako muHebheru?” 14 Murume uya akati, “Ndianiko akakuita mubati nomutongi pamusoro pedu? Uri kuda kundiuraya sokuuraya kwawakaita muIjipita nhai?” Ipapo Mozisi akatya akafunga akati, “Zvandakaita zvinofanira kuva zvava kuzivikanwa.” 15 Faro akati anzwa izvi, akaedza kuuraya Mozisi, asi Mozisi akatiza Faro akaenda kundogara kuMidhiani, uye akagara patsime. 16 Zvino muprista weMidhiani akanga ana vanasikana vanomwe uye vakauya kuzochera mvura yokuti vazadze midziyo yainwira zvipfuwo zvababa vavo. 17 Vamwe vafudzi vakasvika vakavadzinga, asi Mozisi akasimuka akavanunura uye akanwisa zvipfuwo zvavo. 18 Vasikana pavakadzokera kuna Reueri baba vavo, akavabvunza akati, “Makurumidza seiko kudzoka nhasi?” 19 Vakapindura vakati, “Tanunurwa nomuIjipita kubva kuvafudzi. Abva aticherera mvura uye akanwisa zvipfuwo.” 20 Akabvunza vanasikana vake akati, “Aripiko? Mamusiyirei? Mudanei, auye azodya.” 21 Mozisi akabvuma kugara nomurume uyu, uyo akazopa mwanasikana wake Zipora kuna Mozisi kuti ave mukadzi wake. 22 Zipora akabereka mwanakomana, uye Mozisi akamutumidza zita rokuti Gerishomi, achiti, “Ndava mueni munyika yavatorwa.” 23 Zvino makore mazhinji akati apfuura, mambo weIjipiti akafa. VaIsraeri vakagomera muutapwa hwavo uye vakachema, kuchemera rubatsiro rwavo nokuda kwoutapwa hwavo kukakwira kuna Mwari. 24 Mwari akanzwa kugomera kwavo uye akarangarira sungano yake naAbhurahama, naIsaka uye naJakobho. 25 Saka Mwari akatarisa pamusoro pavaIsraeri akava nehanya navo.
In Other Versions
Exodus 2 in the ANGEFD
Exodus 2 in the ANTPNG2D
Exodus 2 in the AS21
Exodus 2 in the BAGH
Exodus 2 in the BBPNG
Exodus 2 in the BBT1E
Exodus 2 in the BDS
Exodus 2 in the BEV
Exodus 2 in the BHAD
Exodus 2 in the BIB
Exodus 2 in the BLPT
Exodus 2 in the BNT
Exodus 2 in the BNTABOOT
Exodus 2 in the BNTLV
Exodus 2 in the BOATCB
Exodus 2 in the BOATCB2
Exodus 2 in the BOBCV
Exodus 2 in the BOCNT
Exodus 2 in the BOECS
Exodus 2 in the BOGWICC
Exodus 2 in the BOHCB
Exodus 2 in the BOHCV
Exodus 2 in the BOHLNT
Exodus 2 in the BOHNTLTAL
Exodus 2 in the BOICB
Exodus 2 in the BOILNTAP
Exodus 2 in the BOITCV
Exodus 2 in the BOKCV
Exodus 2 in the BOKCV2
Exodus 2 in the BOKHWOG
Exodus 2 in the BOKSSV
Exodus 2 in the BOLCB
Exodus 2 in the BOLCB2
Exodus 2 in the BOMCV
Exodus 2 in the BONAV
Exodus 2 in the BONCB
Exodus 2 in the BONLT
Exodus 2 in the BONUT2
Exodus 2 in the BOPLNT
Exodus 2 in the BOSNC
Exodus 2 in the BOTLNT
Exodus 2 in the BOVCB
Exodus 2 in the BOYCB
Exodus 2 in the BPBB
Exodus 2 in the BPH
Exodus 2 in the BSB
Exodus 2 in the CCB
Exodus 2 in the CUV
Exodus 2 in the CUVS
Exodus 2 in the DBT
Exodus 2 in the DGDNT
Exodus 2 in the DHNT
Exodus 2 in the DNT
Exodus 2 in the ELBE
Exodus 2 in the EMTV
Exodus 2 in the ESV
Exodus 2 in the FBV
Exodus 2 in the FEB
Exodus 2 in the GGMNT
Exodus 2 in the GNT
Exodus 2 in the HARY
Exodus 2 in the HNT
Exodus 2 in the IRVA
Exodus 2 in the IRVB
Exodus 2 in the IRVG
Exodus 2 in the IRVH
Exodus 2 in the IRVK
Exodus 2 in the IRVM
Exodus 2 in the IRVM2
Exodus 2 in the IRVO
Exodus 2 in the IRVP
Exodus 2 in the IRVT
Exodus 2 in the IRVT2
Exodus 2 in the IRVU
Exodus 2 in the ISVN
Exodus 2 in the JSNT
Exodus 2 in the KAPI
Exodus 2 in the KBT1ETNIK
Exodus 2 in the KBV
Exodus 2 in the KJV
Exodus 2 in the KNFD
Exodus 2 in the LBA
Exodus 2 in the LBLA
Exodus 2 in the LNT
Exodus 2 in the LSV
Exodus 2 in the MAAL
Exodus 2 in the MBV
Exodus 2 in the MBV2
Exodus 2 in the MHNT
Exodus 2 in the MKNFD
Exodus 2 in the MNG
Exodus 2 in the MNT
Exodus 2 in the MNT2
Exodus 2 in the MRS1T
Exodus 2 in the NAA
Exodus 2 in the NASB
Exodus 2 in the NBLA
Exodus 2 in the NBS
Exodus 2 in the NBVTP
Exodus 2 in the NET2
Exodus 2 in the NIV11
Exodus 2 in the NNT
Exodus 2 in the NNT2
Exodus 2 in the NNT3
Exodus 2 in the PDDPT
Exodus 2 in the PFNT
Exodus 2 in the RMNT
Exodus 2 in the SBIAS
Exodus 2 in the SBIBS
Exodus 2 in the SBIBS2
Exodus 2 in the SBICS
Exodus 2 in the SBIDS
Exodus 2 in the SBIGS
Exodus 2 in the SBIHS
Exodus 2 in the SBIIS
Exodus 2 in the SBIIS2
Exodus 2 in the SBIIS3
Exodus 2 in the SBIKS
Exodus 2 in the SBIKS2
Exodus 2 in the SBIMS
Exodus 2 in the SBIOS
Exodus 2 in the SBIPS
Exodus 2 in the SBISS
Exodus 2 in the SBITS
Exodus 2 in the SBITS2
Exodus 2 in the SBITS3
Exodus 2 in the SBITS4
Exodus 2 in the SBIUS
Exodus 2 in the SBIVS
Exodus 2 in the SBT
Exodus 2 in the SBT1E
Exodus 2 in the SCHL
Exodus 2 in the SNT
Exodus 2 in the SUSU
Exodus 2 in the SUSU2
Exodus 2 in the SYNO
Exodus 2 in the TBIAOTANT
Exodus 2 in the TBT1E
Exodus 2 in the TBT1E2
Exodus 2 in the TFTIP
Exodus 2 in the TFTU
Exodus 2 in the TGNTATF3T
Exodus 2 in the THAI
Exodus 2 in the TNFD
Exodus 2 in the TNT
Exodus 2 in the TNTIK
Exodus 2 in the TNTIL
Exodus 2 in the TNTIN
Exodus 2 in the TNTIP
Exodus 2 in the TNTIZ
Exodus 2 in the TOMA
Exodus 2 in the TTENT
Exodus 2 in the UBG
Exodus 2 in the UGV
Exodus 2 in the UGV2
Exodus 2 in the UGV3
Exodus 2 in the VBL
Exodus 2 in the VDCC
Exodus 2 in the YALU
Exodus 2 in the YAPE
Exodus 2 in the YBVTP
Exodus 2 in the ZBP