Exodus 36 (BOSCB)

1 “Saka Bhezareri, Ohoriabhu uye nomunhu wose wounyanzvi apiwa unyanzvi naJehovha uye kugona kuziva maitirwo ebasa rokuvaka imba tsvene ngavaite basa sezvakarayirwa naJehovha.” 2 Ipapo Mozisi akadana Bhezareri naOhoriabhu uye nomunhu wose wounyanzvi uyo akapiwa kugona naJehovha uye akanga achida hake kuuya kuzoshanda basa. 3 Vakagamuchira kubva kuna Mozisi zvipo zvose zvakanga zvauya navaIsraeri kuti zvishandiswe pabasa rokuvaka imba tsvene. Uye vanhu vakaramba vachiuyisa zvipo zvokupa nokuzvisarudzira mangwanani oga oga. 4 Saka varume vose voumhizha vakanga vachiita basa rose rapaimba tsvene vakasiya basa ravo 5 vakati kuna Mozisi, “Vanhu vari kuuya nezvakawandisa zvokuitisa basa rakarayirwa naJehovha kuti riitwe.” 6 Ipapo Mozisi akarayira uye vakatuma shoko iri pakati pomusasa wose vachiti, “Ngakurege kuva nomurume kana mukadzi achaitazve chimwe chinhu sechipo chenzvimbo tsvene.” Nokudaro vanhu vakadziviswa kuuyisa zvimwe, 7 nokuti zvavakanga vatova nazvo zvakanga zvatowandisa pane zvaidiwa kuita basa rose. 8 Varume vose vounyanzvi vakaita tabhenakeri nezvidzitiro gumi zvemicheka yakarukwa zvakaisvonaka newuru yebhuruu, pepuru netsvuku, namakerubhi akasonerwa mazviri nemhizha ino unyanzvi. 9 Zvidzitiro zvose zvakanga zvakaenzana, zvakareba makubhiti makumi maviri namasere uye makubhiti mana paupamhi. 10 Vakabatanidza zvimwe zvidzitiro zvishanu pamwe chete uye vakaita zvimwe chetezvo pane zvimwe zvishanu. 11 Ipapo vakaita zvishwe zvomucheka webhuruu zvichitevedza mupendero wechidzitiro chokumucheto mumubatanidzwa mumwe chete, zvimwe chetezvo zvikaitwawo kune chimwe chidzitiro chokumucheto. 12 Vakaitawo zvishwe makumi mashanu pachidzitiro chimwe chete uye zvishwe makumi mashanu pachidzitiro chokupedzisira chezvimwe zvakabatanidzwa nezvishwe zvakanga zvakatarisana. 13 Ipapo vakaita zvikorekedzo zvegoridhe makumi mashanu ndokuzvishandisa kusonanidza zvibatanidzwa zviviri zvezvidzitiro pamwe chete kuitira kuti tabhenakeri ive chinhu chimwe chete. 14 Vakaita zvidzitiro zvemvere dzembudzi zvetende rapamusoro petabhenakeri, gumi nechimwe pamwe chete. 15 Zvidzitiro zvose zviri gumi nechimwe zvakanga zvakaenzana, makubhiti makumi matatu pakureba uye makubhiti mana paupamhi. 16 Vakabatanidza zvidzitiro zvishanu pamwe chete kuti zvive mubatanidzwa mumwe chete, uye zvimwe zvitanhatu kuti zvive pamwe chete. 17 Ipapo vakaita zvishwe makumi mashanu zvaitevedza mupendero wechidzitiro chokupedzisira muchibatanidzwa chimwe chete uyewo zvichitevedza mupendero wechidzitiro chokupedzisira muno mumwe mubatanidzwa. 18 Vakaita zvikorekedzo zvendarira makumi mashanu kuti zvisunganidze tende pamwe chete zvive sechinhu chimwe chete. 19 Ipapo vakagadzirira tende chifukidzo chamatehwe amakondobwe akapendwa zvitsvuku, uye pamusoro pacho chifunhiro chamatehwe emombe dzomugungwa. 20 Vakaita mapuranga akamiswa amatanda omuunga etabhenakeri. 21 Puranga rimwe nerimwe rakanga rakareba makubhiti gumi uye kubhiti rimwe nehafu paupamhi, 22 nembambo mbiri dzakamiswa dzakatarisana. Vakaita mapuranga ose etabhenakeri nenzira iyi. 23 Vakaita mapuranga makumi maviri kurutivi rwezasi kwetabhenakeri 24 uye vakaita makumi mana ezvigadziko zvesirivha kuti zviende pasi pazvo, zvigadziko zviviri pasi pepuranga rimwe nerimwe, chimwe chete pasi pembato imwe neimwe. 25 Kuno rumwe rutivi, rutivi rwokumusoro kwetabhenakeri, vakaita mapuranga makumi maviri 26 uye makumi mana ezvigadziko zvesirivha, zviviri zviri pasi pepuranga rimwe nerimwe. 27 Vakaita mapuranga matanhatu okumucheto cheto, iko kumavirira kwetabhenakeri, 28 uye mapuranga maviri akanga akagadzirirwa makona etabhenakeri nechokumucheto cheto. 29 Pamakona maviri aya mapuranga aiva maviri kubva pasi kusvikira kumusoro uye akaiswa mumhete imwe chete; ose akanga akagadzirwa zvakafanana. 30 Saka pakanga pana mapuranga masere uye zvigadziko gumi nezvitanhatu zvesirivha, zviviri zviri pasi pepuranga rimwe nerimwe. 31 Vakaitawo mbariro dzomuti womuunga: shanu dzamapuranga aiva pano rumwe rutivi rwetabhenakeri, 32 shanu dzaaya aiva kuno rumwe rutivi, uye shanu dzamapuranga aiva kumavirira, pamucheto cheto kwetabhenakeri. 33 Vakaita mbariro yapakati kuitira kuti ichinjike kubva kumucheto kusvikira kumucheto pakati pamapuranga. 34 Vakafukidza mapuranga negoridhe uye vakaita mhete dzegoridhe kuti dzibate mbariro. Vakafukidzawo mbariro negoridhe. 35 Vakaita zvidzitiro zvewuru yebhuruu, pepuru netsvuku uye nomucheka wakarukwa zvakaisvonaka, namakerubhi akasonerwa pauri nemhizha ino unyanzvi. 36 Vakaita matanda mana omuti womuunga vakaafukidza negoridhe. Vakaaitira zvikorekedzo zvegoridhe uye vakaumba zvigadziko zvawo zvina zvesirivha. 37 Vakaita chidzitiro chomukova wokupinda mutende chewuru yebhuruu, pepuru netsvuku uye mucheka wakarukwa zvakaisvonaka, basa romuruki; 38 uye vakaita matanda mashanu nezvikorekedzo zvawo. Vakafukidza misoro yamatanda nehata dzawo negoridhe uye vakaita zvigadziko zvawo zvishanu zvendarira.

In Other Versions

Exodus 36 in the ANGEFD

Exodus 36 in the ANTPNG2D

Exodus 36 in the AS21

Exodus 36 in the BAGH

Exodus 36 in the BBPNG

Exodus 36 in the BBT1E

Exodus 36 in the BDS

Exodus 36 in the BEV

Exodus 36 in the BHAD

Exodus 36 in the BIB

Exodus 36 in the BLPT

Exodus 36 in the BNT

Exodus 36 in the BNTABOOT

Exodus 36 in the BNTLV

Exodus 36 in the BOATCB

Exodus 36 in the BOATCB2

Exodus 36 in the BOBCV

Exodus 36 in the BOCNT

Exodus 36 in the BOECS

Exodus 36 in the BOGWICC

Exodus 36 in the BOHCB

Exodus 36 in the BOHCV

Exodus 36 in the BOHLNT

Exodus 36 in the BOHNTLTAL

Exodus 36 in the BOICB

Exodus 36 in the BOILNTAP

Exodus 36 in the BOITCV

Exodus 36 in the BOKCV

Exodus 36 in the BOKCV2

Exodus 36 in the BOKHWOG

Exodus 36 in the BOKSSV

Exodus 36 in the BOLCB

Exodus 36 in the BOLCB2

Exodus 36 in the BOMCV

Exodus 36 in the BONAV

Exodus 36 in the BONCB

Exodus 36 in the BONLT

Exodus 36 in the BONUT2

Exodus 36 in the BOPLNT

Exodus 36 in the BOSNC

Exodus 36 in the BOTLNT

Exodus 36 in the BOVCB

Exodus 36 in the BOYCB

Exodus 36 in the BPBB

Exodus 36 in the BPH

Exodus 36 in the BSB

Exodus 36 in the CCB

Exodus 36 in the CUV

Exodus 36 in the CUVS

Exodus 36 in the DBT

Exodus 36 in the DGDNT

Exodus 36 in the DHNT

Exodus 36 in the DNT

Exodus 36 in the ELBE

Exodus 36 in the EMTV

Exodus 36 in the ESV

Exodus 36 in the FBV

Exodus 36 in the FEB

Exodus 36 in the GGMNT

Exodus 36 in the GNT

Exodus 36 in the HARY

Exodus 36 in the HNT

Exodus 36 in the IRVA

Exodus 36 in the IRVB

Exodus 36 in the IRVG

Exodus 36 in the IRVH

Exodus 36 in the IRVK

Exodus 36 in the IRVM

Exodus 36 in the IRVM2

Exodus 36 in the IRVO

Exodus 36 in the IRVP

Exodus 36 in the IRVT

Exodus 36 in the IRVT2

Exodus 36 in the IRVU

Exodus 36 in the ISVN

Exodus 36 in the JSNT

Exodus 36 in the KAPI

Exodus 36 in the KBT1ETNIK

Exodus 36 in the KBV

Exodus 36 in the KJV

Exodus 36 in the KNFD

Exodus 36 in the LBA

Exodus 36 in the LBLA

Exodus 36 in the LNT

Exodus 36 in the LSV

Exodus 36 in the MAAL

Exodus 36 in the MBV

Exodus 36 in the MBV2

Exodus 36 in the MHNT

Exodus 36 in the MKNFD

Exodus 36 in the MNG

Exodus 36 in the MNT

Exodus 36 in the MNT2

Exodus 36 in the MRS1T

Exodus 36 in the NAA

Exodus 36 in the NASB

Exodus 36 in the NBLA

Exodus 36 in the NBS

Exodus 36 in the NBVTP

Exodus 36 in the NET2

Exodus 36 in the NIV11

Exodus 36 in the NNT

Exodus 36 in the NNT2

Exodus 36 in the NNT3

Exodus 36 in the PDDPT

Exodus 36 in the PFNT

Exodus 36 in the RMNT

Exodus 36 in the SBIAS

Exodus 36 in the SBIBS

Exodus 36 in the SBIBS2

Exodus 36 in the SBICS

Exodus 36 in the SBIDS

Exodus 36 in the SBIGS

Exodus 36 in the SBIHS

Exodus 36 in the SBIIS

Exodus 36 in the SBIIS2

Exodus 36 in the SBIIS3

Exodus 36 in the SBIKS

Exodus 36 in the SBIKS2

Exodus 36 in the SBIMS

Exodus 36 in the SBIOS

Exodus 36 in the SBIPS

Exodus 36 in the SBISS

Exodus 36 in the SBITS

Exodus 36 in the SBITS2

Exodus 36 in the SBITS3

Exodus 36 in the SBITS4

Exodus 36 in the SBIUS

Exodus 36 in the SBIVS

Exodus 36 in the SBT

Exodus 36 in the SBT1E

Exodus 36 in the SCHL

Exodus 36 in the SNT

Exodus 36 in the SUSU

Exodus 36 in the SUSU2

Exodus 36 in the SYNO

Exodus 36 in the TBIAOTANT

Exodus 36 in the TBT1E

Exodus 36 in the TBT1E2

Exodus 36 in the TFTIP

Exodus 36 in the TFTU

Exodus 36 in the TGNTATF3T

Exodus 36 in the THAI

Exodus 36 in the TNFD

Exodus 36 in the TNT

Exodus 36 in the TNTIK

Exodus 36 in the TNTIL

Exodus 36 in the TNTIN

Exodus 36 in the TNTIP

Exodus 36 in the TNTIZ

Exodus 36 in the TOMA

Exodus 36 in the TTENT

Exodus 36 in the UBG

Exodus 36 in the UGV

Exodus 36 in the UGV2

Exodus 36 in the UGV3

Exodus 36 in the VBL

Exodus 36 in the VDCC

Exodus 36 in the YALU

Exodus 36 in the YAPE

Exodus 36 in the YBVTP

Exodus 36 in the ZBP