Ezekiel 13 (BOSCB)
1 Shoko raJehovha rakasvika kwandiri richiti, 2 “Mwanakomana womunhu, profita pamusoro pavaprofita vaIsraeri vari kukuprofitirai zvino. Uti kuna avo vanoprofita zvinobva pamurangariro wavo, ‘Inzwai shoko raJehovha! 3 Zvanzi naIshe Jehovha: Vane nhamo vaprofita mapenzi vanotevera mweya yavo pachavo ivo vasina chavakaona! 4 Vaprofita venyu, imi vaIsraeri, vakafanana namakava ari pakati pamatongo. 5 Hamuna kukwira pakakoromoka porusvingo kuti mupagadzirire imba yaIsraeri, kuti igomira yakasimba pahondo pazuva raJehovha. 6 Zviratidzo zvavo ndezvenhema uye kuvuka kwavo inhema. Ivo vanoti, “Jehovha anoti,” asi Jehovha asina kuvatuma; asi vanotarisira kuti mashoko avo azadzisike. 7 Hauna kuona zviratidzo zvenhema here uye mukataura nhema pakuvuka pamainge muchiti, “Jehovha anoti,” kunyange zvangu ndisina kutaura? 8 “ ‘Naizvozvo, zvanzi naIshe Jehovha: Nokuda kwamashoko enyu enhema nezviratidzo zvenhema ndinokupai mhosva, ndizvo zvinotaura Ishe Jehovha. 9 Ruoko rwangu rucharwa navaprofita vanoona zviratidzo zvenhema uye vanotaura kuvuka kwenhema. Havangavi pakati pamakurukota avanhu vangu kana kunyorwa muzvinyorwa zveimba yaIsraeri, uye havangapindi munyika yaIsraeri. Ipapo muchaziva kuti ndini Ishe Jehovha. 10 “ ‘Nokuda kwokuti vanotsausa vanhu vangu, vachiti, “Rugare,” ipo pasina rugare, uye nokuti pavanovaka rusvingo rwakatetepa vanorupenda nependi chena. 11 Naizvozvo udza ivavo vanorupenda kuti ruchawa. Mvura ichanaya yakawanda, uye ndichatuma chimvuramabwe chicharova pasi, uye mhepo dzine simba dzichavhuvhuta. 12 Panoondomoka rusvingo vanhu havazokubvunzi here vachiti, “Iripiko pendi chena yamakarupenda nayo?” 13 “ ‘Naizvozvo zvanzi naIshe Jehovha: Muhasha dzangu ndichasunungura mhepo ine simba, uye pakutsamwa kwangu chimvuramabwe nemvura zhinji zvichanaya nokuparadza kunotyisa. 14 Ndichaparadza rusvingo rwawakapenda nependi chena uye ndicharukoromora ndigorusiya rwati ware ware pasi zvokuti nheyo dzarwo dzichasara dzava pachena. Paruchakoromoka, nemi muchaparadzwa murimo; uye muchaziva kuti ndini Jehovha. 15 Saka ndichapedzera hasha dzangu parusvingo napamusoro pavaya vairupenda nependi chena. Ndichati kwamuri, “Rusvingo rwaparara uye naivowo vakarupenda nependi chena, 16 vaya vaprofita veIsraeri vakaprofita pamusoro peJerusarema uye vakaona zviratidzo zvorugare rwaro nyamba kwakanga kusina rugare, ndizvo zvinotaura Ishe Jehovha.” ’ 17 “Zvino, iwe mwanakomana womunhu, rinzira chiso chako pamusoro pavanasikana vavanhu vako vanoprofita zvinobva mundangariro dzavo. Profita pamusoro pavo, 18 uti, ‘Zvanzi naIshe Jehovha: Vane nhamo vakadzi vanosonera mazango pamaoko avo uye vanoita zvifukidzo zvemisoro yavo zvemhando dzakasiyana-siyana pakureba vachiitira kuti vateye vanhu nazvo. Ko, imi muchateya upenyu hwavanhu vangu asi muchichengetedza hwenyu here? 19 Makandisvibisa pakati pavanhu vangu nokuda kwezviyero zvishoma zvebhari namafufu echingwa. Pamakareva nhema kuvanhu vangu, vanoteerera nhema, makauraya vaya vakanga vasingafaniri kufa, mukasiya vakanga vasingafaniri kurarama. 20 “ ‘Naizvozvo, zvanzi naIshe Jehovha: Ndinovenga mazango enyu amunoteya nawo vanhu kunge munoteya shiri, zvino ndichaadambura pamaoko enyu; ndichasunungura vanhu vamunoteya seshiri. 21 Ndichabvarura mavhoiri enyu ndigoponesa vanhu vangu pamaoko enyu, uye havachazovi nyama mumaoko enyu, uye havachazobatwizve nesimba renyu. Ipapo muchaziva kuti ndini Jehovha. 22 Nokuti makaodza mwoyo yavakarurama nenhema dzenyu, vandakanga ndisina kuchemedza ini, uye nokuti makakurudzira vakaipa kuti varege kutendeuka panzira dzavo dzakaipa nokudaro vaponese mweya yavo, 23 naizvozvo hamuchazoonizve zviratidzo zvenhema kana kuita zvokuvuka. Ndichaponesa vanhu vangu pamaoko enyu. Ipapo zvino muchaziva kuti ndini Jehovha.’ ”
In Other Versions
Ezekiel 13 in the ANGEFD
Ezekiel 13 in the ANTPNG2D
Ezekiel 13 in the AS21
Ezekiel 13 in the BAGH
Ezekiel 13 in the BBPNG
Ezekiel 13 in the BBT1E
Ezekiel 13 in the BDS
Ezekiel 13 in the BEV
Ezekiel 13 in the BHAD
Ezekiel 13 in the BIB
Ezekiel 13 in the BLPT
Ezekiel 13 in the BNT
Ezekiel 13 in the BNTABOOT
Ezekiel 13 in the BNTLV
Ezekiel 13 in the BOATCB
Ezekiel 13 in the BOATCB2
Ezekiel 13 in the BOBCV
Ezekiel 13 in the BOCNT
Ezekiel 13 in the BOECS
Ezekiel 13 in the BOGWICC
Ezekiel 13 in the BOHCB
Ezekiel 13 in the BOHCV
Ezekiel 13 in the BOHLNT
Ezekiel 13 in the BOHNTLTAL
Ezekiel 13 in the BOICB
Ezekiel 13 in the BOILNTAP
Ezekiel 13 in the BOITCV
Ezekiel 13 in the BOKCV
Ezekiel 13 in the BOKCV2
Ezekiel 13 in the BOKHWOG
Ezekiel 13 in the BOKSSV
Ezekiel 13 in the BOLCB
Ezekiel 13 in the BOLCB2
Ezekiel 13 in the BOMCV
Ezekiel 13 in the BONAV
Ezekiel 13 in the BONCB
Ezekiel 13 in the BONLT
Ezekiel 13 in the BONUT2
Ezekiel 13 in the BOPLNT
Ezekiel 13 in the BOSNC
Ezekiel 13 in the BOTLNT
Ezekiel 13 in the BOVCB
Ezekiel 13 in the BOYCB
Ezekiel 13 in the BPBB
Ezekiel 13 in the BPH
Ezekiel 13 in the BSB
Ezekiel 13 in the CCB
Ezekiel 13 in the CUV
Ezekiel 13 in the CUVS
Ezekiel 13 in the DBT
Ezekiel 13 in the DGDNT
Ezekiel 13 in the DHNT
Ezekiel 13 in the DNT
Ezekiel 13 in the ELBE
Ezekiel 13 in the EMTV
Ezekiel 13 in the ESV
Ezekiel 13 in the FBV
Ezekiel 13 in the FEB
Ezekiel 13 in the GGMNT
Ezekiel 13 in the GNT
Ezekiel 13 in the HARY
Ezekiel 13 in the HNT
Ezekiel 13 in the IRVA
Ezekiel 13 in the IRVB
Ezekiel 13 in the IRVG
Ezekiel 13 in the IRVH
Ezekiel 13 in the IRVK
Ezekiel 13 in the IRVM
Ezekiel 13 in the IRVM2
Ezekiel 13 in the IRVO
Ezekiel 13 in the IRVP
Ezekiel 13 in the IRVT
Ezekiel 13 in the IRVT2
Ezekiel 13 in the IRVU
Ezekiel 13 in the ISVN
Ezekiel 13 in the JSNT
Ezekiel 13 in the KAPI
Ezekiel 13 in the KBT1ETNIK
Ezekiel 13 in the KBV
Ezekiel 13 in the KJV
Ezekiel 13 in the KNFD
Ezekiel 13 in the LBA
Ezekiel 13 in the LBLA
Ezekiel 13 in the LNT
Ezekiel 13 in the LSV
Ezekiel 13 in the MAAL
Ezekiel 13 in the MBV
Ezekiel 13 in the MBV2
Ezekiel 13 in the MHNT
Ezekiel 13 in the MKNFD
Ezekiel 13 in the MNG
Ezekiel 13 in the MNT
Ezekiel 13 in the MNT2
Ezekiel 13 in the MRS1T
Ezekiel 13 in the NAA
Ezekiel 13 in the NASB
Ezekiel 13 in the NBLA
Ezekiel 13 in the NBS
Ezekiel 13 in the NBVTP
Ezekiel 13 in the NET2
Ezekiel 13 in the NIV11
Ezekiel 13 in the NNT
Ezekiel 13 in the NNT2
Ezekiel 13 in the NNT3
Ezekiel 13 in the PDDPT
Ezekiel 13 in the PFNT
Ezekiel 13 in the RMNT
Ezekiel 13 in the SBIAS
Ezekiel 13 in the SBIBS
Ezekiel 13 in the SBIBS2
Ezekiel 13 in the SBICS
Ezekiel 13 in the SBIDS
Ezekiel 13 in the SBIGS
Ezekiel 13 in the SBIHS
Ezekiel 13 in the SBIIS
Ezekiel 13 in the SBIIS2
Ezekiel 13 in the SBIIS3
Ezekiel 13 in the SBIKS
Ezekiel 13 in the SBIKS2
Ezekiel 13 in the SBIMS
Ezekiel 13 in the SBIOS
Ezekiel 13 in the SBIPS
Ezekiel 13 in the SBISS
Ezekiel 13 in the SBITS
Ezekiel 13 in the SBITS2
Ezekiel 13 in the SBITS3
Ezekiel 13 in the SBITS4
Ezekiel 13 in the SBIUS
Ezekiel 13 in the SBIVS
Ezekiel 13 in the SBT
Ezekiel 13 in the SBT1E
Ezekiel 13 in the SCHL
Ezekiel 13 in the SNT
Ezekiel 13 in the SUSU
Ezekiel 13 in the SUSU2
Ezekiel 13 in the SYNO
Ezekiel 13 in the TBIAOTANT
Ezekiel 13 in the TBT1E
Ezekiel 13 in the TBT1E2
Ezekiel 13 in the TFTIP
Ezekiel 13 in the TFTU
Ezekiel 13 in the TGNTATF3T
Ezekiel 13 in the THAI
Ezekiel 13 in the TNFD
Ezekiel 13 in the TNT
Ezekiel 13 in the TNTIK
Ezekiel 13 in the TNTIL
Ezekiel 13 in the TNTIN
Ezekiel 13 in the TNTIP
Ezekiel 13 in the TNTIZ
Ezekiel 13 in the TOMA
Ezekiel 13 in the TTENT
Ezekiel 13 in the UBG
Ezekiel 13 in the UGV
Ezekiel 13 in the UGV2
Ezekiel 13 in the UGV3
Ezekiel 13 in the VBL
Ezekiel 13 in the VDCC
Ezekiel 13 in the YALU
Ezekiel 13 in the YAPE
Ezekiel 13 in the YBVTP
Ezekiel 13 in the ZBP