Ezekiel 29 (BOSCB)
1 Mugore regumi, mumwedzi wegumi pazuva regumi namaviri, shoko raJehovha rakasvika kwandiri richiti, 2 “Mwanakomana womunhu, rinzira chiso chako pamusoro paFaro mambo weIjipiti. 3 Taura kwaari kuti, ‘Zvanzi naIshe Jehovha:“ ‘Ndine mhaka newe, iwe Faro mambo weIjipiti,iyewe shato huru uvete pakati pehova dzako.Iwe unoti, “Nairi ndorwangu;ndakazvigadzirira pachangu.” 4 Asi ndichaisa zvikokovono mushaya dzako,uye ndichaita kuti hove dzomuhova dzako dzinamatire pamakwati ako.Ndichakukwevera kunze ubve pakati pehova dzako,nehove dzose dzakanamatira pamakwati ako. 5 Ndichakusiya mugwenga,iwe nehove dzose dzomuhova dzako.Uchawira pasi pabani pachena zvapo,uye haungaunganidzwi kana kunongwa.Ndichakupa sechokudyakuzvikara zvenyika neshiri dzedenga. 6 Ipapo vose vagere muIjipiti vachaziva kuti ndini Jehovha.“ ‘Wakanga uri tsvimbo yorutsanga kuimba yaIsraeri. 7 Vakati vachikubata namaoko avo, iwe ukatsemuka, ukabvarura mapfudzi avo; pavakasendamira pauri, wakavhunika misana yavo ndokuminama. 8 “ ‘Naizvozvo zvanzi naIshe Jehovha: Ndichauyisa munondo kuzokurwisa nokuuraya vanhu vako nezvipfuwo zvavo. 9 Ijipiti ichava dongo rakaparadzwa. Ipapo vachaziva kuti ndini Jehovha.“ ‘Nokuti iwe wakati, “Nairi ndorwangu; ndini ndakaruita,” 10 naizvozvo ndine mhaka newe nehova dzako, uye ndichaita kuti nyika yeIjipiti iparadzwe ive dongo kubva kuMigidhori kusvikira kuAswani, kundosvika kumuganhu weEtiopia. 11 Hakuna rutsoka kana rwemhuka ruchapfuura nomo; hakuna achagaramo kwamakore makumi mana. 12 Nyika yeIjipiti ndichaiita dongo pakati penyika dzakaparadzwa, uye maguta ayo achava matongo kwamakore makumi mana pakati pamaguta akaitwa matongo. Uye ndichaparadzira vaIjipita pakati pendudzi, ndichavadzingira kunyika zhinji. 13 “ ‘Asi zvanzi naIshe Jehovha: Mushure mamakore makumi mana ndichaunganidza vaIjipita kubva kundudzi dzandakanga ndavadzingira. 14 Ndichavadzosa kubva kuutapwa ndigovadzosera kunyika yePatirosi, nyika yamadzitateguru avo. Vachava ushe hwakazvidzwa ikoko. 15 Huchava ushe hwakazvidzika chose uye hahuchazozvisimudzirizve pamusoro pedzimwe ndudzi. 16 Ijipiti haichazombovizve chivimbo chavanhu veIsraeri asi ichava chirangaridzo chechivi chavo chokucheukira kwairi kuti vabatsirwe. Ipapo vachaziva kuti ndini Ishe Jehovha.’ ” 17 Mugore ramakumi maviri namanomwe, nomwedzi wokutanga pazuva rokutanga, shoko rakasvika kwandiri richiti, 18 “Mwanakomana womunhu, Nebhukadhinezari mambo weBhabhironi akabatisa hondo yake basa guru rokurwa neTire; musoro mumwe nomumwe wakasvuurwa uye pfudzi rimwe nerimwe rakasvotorwa. Kunyange zvakadaro iye nehondo yake havana kuwana mubayiro pamusoro pebasa ravakaita achirwa naro. 19 Naizvozvo zvanzi naIshe Jehovha: Ndiri kuzopa nyika yeIjipiti kuna Nebhukadhinezari mambo weBhabhironi, uye iye achatapa pfuma yayo. Achapamba nokutora nyika somuripo wehondo yake. 20 Ndakamupa Ijipiti somubayiro wokushingaira kwake nokuti iye nehondo yake vakandibatira ini, ndizvo zvinotaura Ishe Jehovha. 21 “Pazuva iro ndichameresa runyanga rweimba yaIsraeri, uye ndichazarura muromo wako pakati pavo. Ipapo vachaziva kuti ndini Jehovha.”
In Other Versions
Ezekiel 29 in the ANGEFD
Ezekiel 29 in the ANTPNG2D
Ezekiel 29 in the AS21
Ezekiel 29 in the BAGH
Ezekiel 29 in the BBPNG
Ezekiel 29 in the BBT1E
Ezekiel 29 in the BDS
Ezekiel 29 in the BEV
Ezekiel 29 in the BHAD
Ezekiel 29 in the BIB
Ezekiel 29 in the BLPT
Ezekiel 29 in the BNT
Ezekiel 29 in the BNTABOOT
Ezekiel 29 in the BNTLV
Ezekiel 29 in the BOATCB
Ezekiel 29 in the BOATCB2
Ezekiel 29 in the BOBCV
Ezekiel 29 in the BOCNT
Ezekiel 29 in the BOECS
Ezekiel 29 in the BOGWICC
Ezekiel 29 in the BOHCB
Ezekiel 29 in the BOHCV
Ezekiel 29 in the BOHLNT
Ezekiel 29 in the BOHNTLTAL
Ezekiel 29 in the BOICB
Ezekiel 29 in the BOILNTAP
Ezekiel 29 in the BOITCV
Ezekiel 29 in the BOKCV
Ezekiel 29 in the BOKCV2
Ezekiel 29 in the BOKHWOG
Ezekiel 29 in the BOKSSV
Ezekiel 29 in the BOLCB
Ezekiel 29 in the BOLCB2
Ezekiel 29 in the BOMCV
Ezekiel 29 in the BONAV
Ezekiel 29 in the BONCB
Ezekiel 29 in the BONLT
Ezekiel 29 in the BONUT2
Ezekiel 29 in the BOPLNT
Ezekiel 29 in the BOSNC
Ezekiel 29 in the BOTLNT
Ezekiel 29 in the BOVCB
Ezekiel 29 in the BOYCB
Ezekiel 29 in the BPBB
Ezekiel 29 in the BPH
Ezekiel 29 in the BSB
Ezekiel 29 in the CCB
Ezekiel 29 in the CUV
Ezekiel 29 in the CUVS
Ezekiel 29 in the DBT
Ezekiel 29 in the DGDNT
Ezekiel 29 in the DHNT
Ezekiel 29 in the DNT
Ezekiel 29 in the ELBE
Ezekiel 29 in the EMTV
Ezekiel 29 in the ESV
Ezekiel 29 in the FBV
Ezekiel 29 in the FEB
Ezekiel 29 in the GGMNT
Ezekiel 29 in the GNT
Ezekiel 29 in the HARY
Ezekiel 29 in the HNT
Ezekiel 29 in the IRVA
Ezekiel 29 in the IRVB
Ezekiel 29 in the IRVG
Ezekiel 29 in the IRVH
Ezekiel 29 in the IRVK
Ezekiel 29 in the IRVM
Ezekiel 29 in the IRVM2
Ezekiel 29 in the IRVO
Ezekiel 29 in the IRVP
Ezekiel 29 in the IRVT
Ezekiel 29 in the IRVT2
Ezekiel 29 in the IRVU
Ezekiel 29 in the ISVN
Ezekiel 29 in the JSNT
Ezekiel 29 in the KAPI
Ezekiel 29 in the KBT1ETNIK
Ezekiel 29 in the KBV
Ezekiel 29 in the KJV
Ezekiel 29 in the KNFD
Ezekiel 29 in the LBA
Ezekiel 29 in the LBLA
Ezekiel 29 in the LNT
Ezekiel 29 in the LSV
Ezekiel 29 in the MAAL
Ezekiel 29 in the MBV
Ezekiel 29 in the MBV2
Ezekiel 29 in the MHNT
Ezekiel 29 in the MKNFD
Ezekiel 29 in the MNG
Ezekiel 29 in the MNT
Ezekiel 29 in the MNT2
Ezekiel 29 in the MRS1T
Ezekiel 29 in the NAA
Ezekiel 29 in the NASB
Ezekiel 29 in the NBLA
Ezekiel 29 in the NBS
Ezekiel 29 in the NBVTP
Ezekiel 29 in the NET2
Ezekiel 29 in the NIV11
Ezekiel 29 in the NNT
Ezekiel 29 in the NNT2
Ezekiel 29 in the NNT3
Ezekiel 29 in the PDDPT
Ezekiel 29 in the PFNT
Ezekiel 29 in the RMNT
Ezekiel 29 in the SBIAS
Ezekiel 29 in the SBIBS
Ezekiel 29 in the SBIBS2
Ezekiel 29 in the SBICS
Ezekiel 29 in the SBIDS
Ezekiel 29 in the SBIGS
Ezekiel 29 in the SBIHS
Ezekiel 29 in the SBIIS
Ezekiel 29 in the SBIIS2
Ezekiel 29 in the SBIIS3
Ezekiel 29 in the SBIKS
Ezekiel 29 in the SBIKS2
Ezekiel 29 in the SBIMS
Ezekiel 29 in the SBIOS
Ezekiel 29 in the SBIPS
Ezekiel 29 in the SBISS
Ezekiel 29 in the SBITS
Ezekiel 29 in the SBITS2
Ezekiel 29 in the SBITS3
Ezekiel 29 in the SBITS4
Ezekiel 29 in the SBIUS
Ezekiel 29 in the SBIVS
Ezekiel 29 in the SBT
Ezekiel 29 in the SBT1E
Ezekiel 29 in the SCHL
Ezekiel 29 in the SNT
Ezekiel 29 in the SUSU
Ezekiel 29 in the SUSU2
Ezekiel 29 in the SYNO
Ezekiel 29 in the TBIAOTANT
Ezekiel 29 in the TBT1E
Ezekiel 29 in the TBT1E2
Ezekiel 29 in the TFTIP
Ezekiel 29 in the TFTU
Ezekiel 29 in the TGNTATF3T
Ezekiel 29 in the THAI
Ezekiel 29 in the TNFD
Ezekiel 29 in the TNT
Ezekiel 29 in the TNTIK
Ezekiel 29 in the TNTIL
Ezekiel 29 in the TNTIN
Ezekiel 29 in the TNTIP
Ezekiel 29 in the TNTIZ
Ezekiel 29 in the TOMA
Ezekiel 29 in the TTENT
Ezekiel 29 in the UBG
Ezekiel 29 in the UGV
Ezekiel 29 in the UGV2
Ezekiel 29 in the UGV3
Ezekiel 29 in the VBL
Ezekiel 29 in the VDCC
Ezekiel 29 in the YALU
Ezekiel 29 in the YAPE
Ezekiel 29 in the YBVTP
Ezekiel 29 in the ZBP