Galatians 2 (BOSCB)

1 Mushure mamakore gumi namana ndakakwirazve kuJerusarema, panguva iyi ndakanga ndina Bhanabhasi. Ndakaendawo naTito. 2 Ndakaenda nokuda kwokuzarurirwa uye ndikarondedzera pamberi pavo vhangeri randakaparidza pakati peveDzimwe Ndudzi. Asi ndakaita izvi kuna avo vakanga vari vatungamiri vari voga, nokuti ndaitya kuti ndakanga ndichimhanya kana kuti ndatomhanya nhangemutange yangu pasina. 3 Asi kunyange naTito, akanga aneni, haana kumanikidzwa kuti adzingiswe, kunyange zvazvo akanga ari muGiriki. 4 Nyaya iyi yakamutswa nokuda kwedzimwe hama dzenhema dzakanga dzapinda munzvimbo dzedu kuti vazosora rusununguko rwatinarwo muna Kristu Jesu uye kuti vagotiita nhapwa. 5 Hatina kuvapa mukana napaduku, kuitira kuti chokwadi chevhangeri chigare mamuri. 6 Kana vari vaya vanonzi vanoremekedzwa, hazvinei kuti vakanga vakadii, kwandiri hazvina mutsauko; Mwari haatongi nezvinoonekwa zvokunze, varume ivavo havana chavakawedzera pashoko rangu. 7 Zvisinei hazvo, vakaona kuti ndakapiwa basa rokuparidza vhangeri kune veDzimwe Ndudzi, sezvakaitwawo Petro kuvaJudha. 8 Nokuti Mwari, iye akanga achishanda muushumiri hwaPetro somupostori kuvaJudha, akanga achishandawo muushumiri hwangu somupostori kune veDzimwe Ndudzi. 9 Jakobho, Petro, naJohani, ivo vainzi mbiru, vakandimbunda ini naBhanabhasi noruoko rworudyi rwokuwadzana pavakaona nyasha dzandakanga ndapiwa. Vakabvuma kuti tinofanira kuenda kune veDzimwe Ndudzi, uye ivo vaende kuvaJudha. 10 Zvavakangokumbira zvakanga zviri zvokuti isu tirambe tichirangarira varombo, chinova ndicho chinhu chandaidisa kuita. 11 Petro akati asvika kuAndioki, ndakamutsoropodza pachena, nokuti akanga akanganisa zviri pachena. 12 Vamwe varume vakabva kuna Jakobho vasati vasvika, akanga achimbodya neveDzimwe Ndudzi. Asi pavakasvika, akatanga kusuduruka uye akazvitsaura kubva kune veDzimwe Ndudzi nokuti akanga achitya vaya vakanga vari veboka rokudzingiswa. 13 Vamwe vaJudha vakabatana naye pakunyengera kwake, zvokuti nokunyengera kwavo, naBhanabhasi akanga atsauswawo. 14 Ndakati ndaona kuti vakanga vasingafambi muchokwadi chevhangeri, ndakati kuna Petro pamberi pavo vose, “Iwe uri muJudha, asi unoda kurarama somuHedheni, kwete somuJudha. Seiko, zvino, uchimanikidza veDzimwe Ndudzi kuti vatevere tsika dzechiJudha? 15 “Isu tiri vaJudha pakuzvarwa uye hatisi vatadzi ve‘Dzimwe Ndudzi’ 16 uye tinoziva kuti munhu haaruramisirwi nokuchengeta murayiro, asi nokutenda muna Jesu Kristu. Saka nesuwo, takaisa kutenda kwedu muna Kristu Jesu kuti tiruramisirwe nokutenda muna Kristu, uye kwete nokuchengeta murayiro, nokuti hakuna munhu acharuramisirwa nokuchengeta murayiro. 17 “Kana tichitsvaka kuti kururamisirwa muna Kristu, zvikazoonekwa kuti isu pachedu tiri vatadzi, zvinoreva here kuti Kristu anosimudzira chivi? Kwete napaduku! 18 Kana ndikavakazve chandakamboputsa, ndinoratidza kuti ndiri mudariki womurayiro. 19 Nokuti kubudikidza nomurayiro ndakafa kumurayiro kuitira kuti ndiraramire Mwari. 20 Ndakarovererwa pamwe chete naKristu uye handichisiri ini ndinorarama, asi Kristu anorarama mandiri. Kurarama kwandinako munyama, ndinorarama nokutenda muMwanakomana waMwari, akandida uye akazvipa nokuda kwangu. 21 Handikonesi nyasha dzaMwari, nokuti kana kururama kuchigona kuwanikwa nomurayiro, Kristu akafira pasina!”

In Other Versions

Galatians 2 in the ANGEFD

Galatians 2 in the ANTPNG2D

Galatians 2 in the AS21

Galatians 2 in the BAGH

Galatians 2 in the BBPNG

Galatians 2 in the BBT1E

Galatians 2 in the BDS

Galatians 2 in the BEV

Galatians 2 in the BHAD

Galatians 2 in the BIB

Galatians 2 in the BLPT

Galatians 2 in the BNT

Galatians 2 in the BNTABOOT

Galatians 2 in the BNTLV

Galatians 2 in the BOATCB

Galatians 2 in the BOATCB2

Galatians 2 in the BOBCV

Galatians 2 in the BOCNT

Galatians 2 in the BOECS

Galatians 2 in the BOGWICC

Galatians 2 in the BOHCB

Galatians 2 in the BOHCV

Galatians 2 in the BOHLNT

Galatians 2 in the BOHNTLTAL

Galatians 2 in the BOICB

Galatians 2 in the BOILNTAP

Galatians 2 in the BOITCV

Galatians 2 in the BOKCV

Galatians 2 in the BOKCV2

Galatians 2 in the BOKHWOG

Galatians 2 in the BOKSSV

Galatians 2 in the BOLCB

Galatians 2 in the BOLCB2

Galatians 2 in the BOMCV

Galatians 2 in the BONAV

Galatians 2 in the BONCB

Galatians 2 in the BONLT

Galatians 2 in the BONUT2

Galatians 2 in the BOPLNT

Galatians 2 in the BOSNC

Galatians 2 in the BOTLNT

Galatians 2 in the BOVCB

Galatians 2 in the BOYCB

Galatians 2 in the BPBB

Galatians 2 in the BPH

Galatians 2 in the BSB

Galatians 2 in the CCB

Galatians 2 in the CUV

Galatians 2 in the CUVS

Galatians 2 in the DBT

Galatians 2 in the DGDNT

Galatians 2 in the DHNT

Galatians 2 in the DNT

Galatians 2 in the ELBE

Galatians 2 in the EMTV

Galatians 2 in the ESV

Galatians 2 in the FBV

Galatians 2 in the FEB

Galatians 2 in the GGMNT

Galatians 2 in the GNT

Galatians 2 in the HARY

Galatians 2 in the HNT

Galatians 2 in the IRVA

Galatians 2 in the IRVB

Galatians 2 in the IRVG

Galatians 2 in the IRVH

Galatians 2 in the IRVK

Galatians 2 in the IRVM

Galatians 2 in the IRVM2

Galatians 2 in the IRVO

Galatians 2 in the IRVP

Galatians 2 in the IRVT

Galatians 2 in the IRVT2

Galatians 2 in the IRVU

Galatians 2 in the ISVN

Galatians 2 in the JSNT

Galatians 2 in the KAPI

Galatians 2 in the KBT1ETNIK

Galatians 2 in the KBV

Galatians 2 in the KJV

Galatians 2 in the KNFD

Galatians 2 in the LBA

Galatians 2 in the LBLA

Galatians 2 in the LNT

Galatians 2 in the LSV

Galatians 2 in the MAAL

Galatians 2 in the MBV

Galatians 2 in the MBV2

Galatians 2 in the MHNT

Galatians 2 in the MKNFD

Galatians 2 in the MNG

Galatians 2 in the MNT

Galatians 2 in the MNT2

Galatians 2 in the MRS1T

Galatians 2 in the NAA

Galatians 2 in the NASB

Galatians 2 in the NBLA

Galatians 2 in the NBS

Galatians 2 in the NBVTP

Galatians 2 in the NET2

Galatians 2 in the NIV11

Galatians 2 in the NNT

Galatians 2 in the NNT2

Galatians 2 in the NNT3

Galatians 2 in the PDDPT

Galatians 2 in the PFNT

Galatians 2 in the RMNT

Galatians 2 in the SBIAS

Galatians 2 in the SBIBS

Galatians 2 in the SBIBS2

Galatians 2 in the SBICS

Galatians 2 in the SBIDS

Galatians 2 in the SBIGS

Galatians 2 in the SBIHS

Galatians 2 in the SBIIS

Galatians 2 in the SBIIS2

Galatians 2 in the SBIIS3

Galatians 2 in the SBIKS

Galatians 2 in the SBIKS2

Galatians 2 in the SBIMS

Galatians 2 in the SBIOS

Galatians 2 in the SBIPS

Galatians 2 in the SBISS

Galatians 2 in the SBITS

Galatians 2 in the SBITS2

Galatians 2 in the SBITS3

Galatians 2 in the SBITS4

Galatians 2 in the SBIUS

Galatians 2 in the SBIVS

Galatians 2 in the SBT

Galatians 2 in the SBT1E

Galatians 2 in the SCHL

Galatians 2 in the SNT

Galatians 2 in the SUSU

Galatians 2 in the SUSU2

Galatians 2 in the SYNO

Galatians 2 in the TBIAOTANT

Galatians 2 in the TBT1E

Galatians 2 in the TBT1E2

Galatians 2 in the TFTIP

Galatians 2 in the TFTU

Galatians 2 in the TGNTATF3T

Galatians 2 in the THAI

Galatians 2 in the TNFD

Galatians 2 in the TNT

Galatians 2 in the TNTIK

Galatians 2 in the TNTIL

Galatians 2 in the TNTIN

Galatians 2 in the TNTIP

Galatians 2 in the TNTIZ

Galatians 2 in the TOMA

Galatians 2 in the TTENT

Galatians 2 in the UBG

Galatians 2 in the UGV

Galatians 2 in the UGV2

Galatians 2 in the UGV3

Galatians 2 in the VBL

Galatians 2 in the VDCC

Galatians 2 in the YALU

Galatians 2 in the YAPE

Galatians 2 in the YBVTP

Galatians 2 in the ZBP