Galatians 4 (BOSCB)
1 Zvandinoreva ndezvokuti kana mudyi wenhaka achiri mwana, haana kusiyana nenhapwa, kunyange hazvo ari muridzi wezvinhu zvose. 2 Ari pasi pavatariri navachengeti kusvikira panguva yakatarwa nababa vake. 3 Saizvozvowo, patakanga tiri vana, takanga tiri muutapwa pasi pezvokuvamba zvenyika. 4 Asi nguva yakati yakwana, Mwari akatuma Mwanakomana wake, akaberekwa nomukadzi, akaberekwa pasi pomurayiro, 5 kuti adzikinure avo vari pasi pomurayiro, kuti tigamuchire kodzero yakazara yavanakomana. 6 Nokuda kwokuti muri vanakomana, Mwari akatuma Mweya woMwanakomana wake mumwoyo yedu, Mweya anodana achiti, “Abha, Baba.” 7 Saka hamuchisiri nhapwa, asi vanakomana; uye sezvo muri vanakomana, Mwari akakuitaiwo vadyi venhaka. 8 Kare, pamakanga musingazivi Mwari, makanga muri nhapwa kuna avo vakanga vasiri vamwari chaivo. 9 Asi zvino zvamava kuziva Mwari, kana kuti munozivikanwa naMwari, seiko mava kudzokera kune zvokuvamba zvisina simba uye zvinonzwisa urombo? Munodazve kuitwa nhapwa nazvo here? 10 Muri kucherechedza mazuva akasarudzika uye mwedzi nemwaka namakore! 11 Ndinokutyirai kuti zvichida ndakatambisa simba rangu pamusoro penyu. 12 Ndinokumbira zvikuru kwamuri, hama, kuti muve seni, nokuti ini ndakaita semi. Hamuna kunditadzira. 13 Sezvamunoziva imi, kuti nokuda kwourwere ndakatanga kuparidza vhangeri kwamuri. 14 Kunyange zvazvo kurwara kwangu kwaiva muedzo kwamuri, hamuna kundisema kana kundimhura. Asi, makandigamuchira sokunge ndaiva mutumwa waMwari, sokunge ndakanga ndiri Jesu Kristu chaiye. 15 Ko, chii chakaitika kumufaro wenyu wose uya? Ndinogona kupupura kuti dai zvaibvira, mungadai makatumbura meso enyu makaapa kwandiri. 16 Zvino ndava muvengi wenyu zvandakuudzai chokwadi here? 17 Vanhu ivavo vanoshingaira kuti vakubatei, asi pazvinhu zvisina kunaka. Zvavanoda ndezvokukutsausai kubva kwatiri, kuitira kuti imi mugovashingairira. 18 Zvakanaka kwazvo kushingaira, kana chinangwa chacho chakanaka, uye kuti muite izvozvo nguva dzose kwete kana ndinemi bedzi. 19 Vana vangu vanodikanwa, vandinotamburirazve pakubereka kusvikira Kristu aumbwa mamuri, 20 ndaida sei kuti ndive nemi zvino uye ndishandure matauriro angu, nokuti ndiri kukanganisika nokuda kwenyu. 21 Ndiudzei, imi munoda kuva pasi pomurayiro, hamuzivi here zvinoreva murayiro? 22 Nokuti kwakanyorwa kuti Abhurahama akanga ana vanakomana vaviri, mumwe nomukadzi woutapwa uye mumwe nomukadzi akasununguka. 23 Mwanakomana wake womukadzi mutapwa akaberekwa nenzira yenyama; asi mwanakomana wake womukadzi akasununguka akaberekwa nokuda kwechipikirwa. 24 Zvinhu izvi zvinofananidzira, nokuti vakadzi ava vanomirira sungano mbiri. Imwe sungano inobva paGomo reSinai uye inobereka vana vanofanira kuva nhapwa: Ndiye Hagari. 25 Zvino Hagari anomirira Gomo reSinai muArabhia uye rakaenzana neguta reJerusarema razvino, nokuti riri pautapwa navana varo. 26 Asi Jerusarema riri kumusoro rakasununguka, uye ndivo mai vedu. 27 Nokuti kwakanyorwa kuchinzi:“Fara iwe mukadzi asingabereki,asingabereki vana;pembera udanidzire,iwe usingarwadziwi nokubereka;nokuti vana vomukadzi akasiyiwa vazhinjikupfuura vouyo ano murume.” 28 Zvino imi hama, muri vana vechipikirwa saIsaka. 29 Panguva iyoyo mwanakomana akazvarwa nenzira yenyama akatambudza mwanakomana akaberekwa nesimba roMweya. Zvakadaro nanhasi. 30 Asi Rugwaro runoti kudiniko? “Dzinga murandakadzi nomwanakomana wake, nokuti mwanakomana womurandakadzi haangatongogovani nhaka nomwanakomana womukadzi akasununguka.” 31 Naizvozvo, hama, isu hatizi vana vomurandakadzi, asi vomukadzi akasununguka.
In Other Versions
Galatians 4 in the ANGEFD
Galatians 4 in the ANTPNG2D
Galatians 4 in the AS21
Galatians 4 in the BAGH
Galatians 4 in the BBPNG
Galatians 4 in the BBT1E
Galatians 4 in the BDS
Galatians 4 in the BEV
Galatians 4 in the BHAD
Galatians 4 in the BIB
Galatians 4 in the BLPT
Galatians 4 in the BNT
Galatians 4 in the BNTABOOT
Galatians 4 in the BNTLV
Galatians 4 in the BOATCB
Galatians 4 in the BOATCB2
Galatians 4 in the BOBCV
Galatians 4 in the BOCNT
Galatians 4 in the BOECS
Galatians 4 in the BOGWICC
Galatians 4 in the BOHCB
Galatians 4 in the BOHCV
Galatians 4 in the BOHLNT
Galatians 4 in the BOHNTLTAL
Galatians 4 in the BOICB
Galatians 4 in the BOILNTAP
Galatians 4 in the BOITCV
Galatians 4 in the BOKCV
Galatians 4 in the BOKCV2
Galatians 4 in the BOKHWOG
Galatians 4 in the BOKSSV
Galatians 4 in the BOLCB
Galatians 4 in the BOLCB2
Galatians 4 in the BOMCV
Galatians 4 in the BONAV
Galatians 4 in the BONCB
Galatians 4 in the BONLT
Galatians 4 in the BONUT2
Galatians 4 in the BOPLNT
Galatians 4 in the BOSNC
Galatians 4 in the BOTLNT
Galatians 4 in the BOVCB
Galatians 4 in the BOYCB
Galatians 4 in the BPBB
Galatians 4 in the BPH
Galatians 4 in the BSB
Galatians 4 in the CCB
Galatians 4 in the CUV
Galatians 4 in the CUVS
Galatians 4 in the DBT
Galatians 4 in the DGDNT
Galatians 4 in the DHNT
Galatians 4 in the DNT
Galatians 4 in the ELBE
Galatians 4 in the EMTV
Galatians 4 in the ESV
Galatians 4 in the FBV
Galatians 4 in the FEB
Galatians 4 in the GGMNT
Galatians 4 in the GNT
Galatians 4 in the HARY
Galatians 4 in the HNT
Galatians 4 in the IRVA
Galatians 4 in the IRVB
Galatians 4 in the IRVG
Galatians 4 in the IRVH
Galatians 4 in the IRVK
Galatians 4 in the IRVM
Galatians 4 in the IRVM2
Galatians 4 in the IRVO
Galatians 4 in the IRVP
Galatians 4 in the IRVT
Galatians 4 in the IRVT2
Galatians 4 in the IRVU
Galatians 4 in the ISVN
Galatians 4 in the JSNT
Galatians 4 in the KAPI
Galatians 4 in the KBT1ETNIK
Galatians 4 in the KBV
Galatians 4 in the KJV
Galatians 4 in the KNFD
Galatians 4 in the LBA
Galatians 4 in the LBLA
Galatians 4 in the LNT
Galatians 4 in the LSV
Galatians 4 in the MAAL
Galatians 4 in the MBV
Galatians 4 in the MBV2
Galatians 4 in the MHNT
Galatians 4 in the MKNFD
Galatians 4 in the MNG
Galatians 4 in the MNT
Galatians 4 in the MNT2
Galatians 4 in the MRS1T
Galatians 4 in the NAA
Galatians 4 in the NASB
Galatians 4 in the NBLA
Galatians 4 in the NBS
Galatians 4 in the NBVTP
Galatians 4 in the NET2
Galatians 4 in the NIV11
Galatians 4 in the NNT
Galatians 4 in the NNT2
Galatians 4 in the NNT3
Galatians 4 in the PDDPT
Galatians 4 in the PFNT
Galatians 4 in the RMNT
Galatians 4 in the SBIAS
Galatians 4 in the SBIBS
Galatians 4 in the SBIBS2
Galatians 4 in the SBICS
Galatians 4 in the SBIDS
Galatians 4 in the SBIGS
Galatians 4 in the SBIHS
Galatians 4 in the SBIIS
Galatians 4 in the SBIIS2
Galatians 4 in the SBIIS3
Galatians 4 in the SBIKS
Galatians 4 in the SBIKS2
Galatians 4 in the SBIMS
Galatians 4 in the SBIOS
Galatians 4 in the SBIPS
Galatians 4 in the SBISS
Galatians 4 in the SBITS
Galatians 4 in the SBITS2
Galatians 4 in the SBITS3
Galatians 4 in the SBITS4
Galatians 4 in the SBIUS
Galatians 4 in the SBIVS
Galatians 4 in the SBT
Galatians 4 in the SBT1E
Galatians 4 in the SCHL
Galatians 4 in the SNT
Galatians 4 in the SUSU
Galatians 4 in the SUSU2
Galatians 4 in the SYNO
Galatians 4 in the TBIAOTANT
Galatians 4 in the TBT1E
Galatians 4 in the TBT1E2
Galatians 4 in the TFTIP
Galatians 4 in the TFTU
Galatians 4 in the TGNTATF3T
Galatians 4 in the THAI
Galatians 4 in the TNFD
Galatians 4 in the TNT
Galatians 4 in the TNTIK
Galatians 4 in the TNTIL
Galatians 4 in the TNTIN
Galatians 4 in the TNTIP
Galatians 4 in the TNTIZ
Galatians 4 in the TOMA
Galatians 4 in the TTENT
Galatians 4 in the UBG
Galatians 4 in the UGV
Galatians 4 in the UGV2
Galatians 4 in the UGV3
Galatians 4 in the VBL
Galatians 4 in the VDCC
Galatians 4 in the YALU
Galatians 4 in the YAPE
Galatians 4 in the YBVTP
Galatians 4 in the ZBP