Genesis 1 (BOSCB)

1 Pakutanga Mwari akasika matenga nenyika. 2 Zvino nyika yakanga isina kugadzirwa uye isina chinhu, rima rakanga riri pamusoro pemvura yakadzika, uye Mweya waMwari wakanga uchigara pamusoro pemvura. 3 Uye Mwari akati, “Chiedza ngachivepo,” chiedza chikavapo. 4 Mwari akaona kuti chiedza chakanga chakanaka, uye akaparadzanisa chiedza nerima. 5 Mwari akatumidza chiedza kuti “masikati,” uye rima akaritumidza kuti “usiku.” Uye madekwana akavapo, namangwanani akavapo, zuva rokutanga. 6 Uye Mwari akati, “Ngapave nenzvimbo pakati pemvura kuti iparadzanise mvura nemvura.” 7 Saka Mwari akaita nzvimbo uye akaparadzanisa mvura yakanga iri pasi penzvimbo iyi kubva pamvura yakanga iri pamusoro payo. Uye zvakaita saizvozvo. 8 Mwari akatumidza nzvimbo iyi kuti “denga.” Uye madekwana akavapo, namangwanani akavapo, zuva rechipiri. 9 Uye Mwari akati, “Mvura iri pasi pedenga ngaiungane panzvimbo imwe chete, uye pasi pakaoma ngapaonekwe.” Uye zvakaita saizvozvo. 10 Mwari akatumidza pasi pakaoma kuti, “nyika,” uye mvura yakaungana akaiti “makungwa.” Uye Mwari akaona kuti zvakanga zvakanaka. 11 Ipapo Mwari akati, “Nyika ngaimerese uswa: miriwo inobereka mbeu nemiti panyika inobereka michero ine mhodzi mukati mayo, maererano nemhando dzayo dzakasiyana-siyana.” Uye zvakaita saizvozvo. 12 Nyika yakameresa uswa: miriwo inobereka mbeu maererano nemhando dzayo nemiti inobereka michero ine mhodzi mukati mayo, maererano nemhando dzayo. Uye Mwari akaona kuti zvakanga zvakanaka. 13 Uye madekwana akavapo, namangwanani akavapo, zuva rechitatu. 14 Uye Mwari akati, “Ngakuve nezviedza munzvimbo yedenga kuti zviparadzanise masikati kubva pausiku, uye ngazvishande sezviratidzo zvokucherechedza mwaka namazuva namakore, 15 uye ngazvive zviedza munzvimbo yedenga kuti zvivhenekere panyika.” Uye zvakaita saizvozvo. 16 Mwari akaita zviedza zvikuru zviviri, chiedza chikuru kuti chibate ushe masikati uye chiedza chiduku kuti chibate ushe usiku. Akaitawo nyeredzi. 17 Mwari akazviisa munzvimbo yedenga kuti zvivhenekere panyika, 18 kuti zvibate ushe masikati nousiku, uye kuti zviparadzanise chiedza kubva parima. Uye Mwari akaona kuti zvakanga zvakanaka. 19 Uye madekwana akavapo, namangwanani akavapo, zuva rechina. 20 Uye Mwari akati, “Mvura ngaive nezvisikwa zvipenyu, uye shiri ngadzibhururuke pamusoro penyika munzvimbo yedenga.” 21 Saka Mwari akasika zvisikwa zvikuru zvegungwa nezvipenyu zvose zvinokambaira zvinogara mumvura, maererano namarudzi azvo, uye neshiri dzina mapapiro, maererano namarudzi adzo. Uye Mwari akaona kuti zvakanga zvakanaka. 22 Mwari akazviropafadza akati, “Berekanai muwande muzadze mvura iri mumakungwa, uye shiri ngadziwande panyika.” 23 Uye madekwana akavapo, namangwanani akavapo, zuva rechishanu. 24 Uye Mwari akati, “Nyika ngaibereke zvisikwa zvipenyu maererano namarudzi azvo: zvipfuwo, zvisikwa zvinokambaira panyika, nezvikara zvesango, chimwe nechimwe nemhando yacho.” Uye zvakaita saizvozvo. 25 Mwari akaita mhuka dzesango maererano namarudzi adzo, zvipfuwo namarudzi azvo, nezvisikwa zvose zvinokambaira panyika maererano namarudzi azvo. Uye Mwari akaona kuti zvakanga zvakanaka. 26 Ipapo Mwari akati, “Ngatiitei munhu nomufananidzo wedu, akafanana nesu, uye ngavave nesimba pamusoro pehove dzegungwa napamusoro peshiri dzedenga, napamusoro pemombe, napamusoro penyika yose, uye napamusoro pezvisikwa zvose zvinokambaira panyika.” 27 Saka Mwari akasika munhu nomufananidzo wake,akamusika mumufananidzo waMwari;akavasika murume nomukadzi. 28 Mwari akavaropafadza akati kwavari, “Berekanai muwande; zadzai nyika uye mubate ushe pamusoro payo. Muve nesimba pamusoro pehove dzegungwa napamusoro peshiri dzedenga napamusoro pezvisikwa zvipenyu zvinokambaira panyika.” 29 Ipapo Mwari akati, “Ndinokupai miriwo yose inobereka iri pamusoro penyika yose nemiti yose ine michero, ine mhodzi mukati mayo. Zvichava zvokudya zvenyu. 30 Uye kumhuka dzose dzapanyika neshiri dzose dzedenga nokuzvisikwa zvose zvinokambaira panyika, zvose zvinofema, ndinozvipa miriwo minyoro kuti zvive zvokudya zvazvo.” Uye zvakaita saizvozvo. 31 Mwari akaona zvose zvaakanga aita, kuti zvakanga zvakanaka kwazvo. Uye madekwana akavapo, namangwanani akavapo, zuva rechitanhatu.

In Other Versions

Genesis 1 in the ANGEFD

Genesis 1 in the ANTPNG2D

Genesis 1 in the AS21

Genesis 1 in the BAGH

Genesis 1 in the BBPNG

Genesis 1 in the BBT1E

Genesis 1 in the BDS

Genesis 1 in the BEV

Genesis 1 in the BHAD

Genesis 1 in the BIB

Genesis 1 in the BLPT

Genesis 1 in the BNT

Genesis 1 in the BNTABOOT

Genesis 1 in the BNTLV

Genesis 1 in the BOATCB

Genesis 1 in the BOATCB2

Genesis 1 in the BOBCV

Genesis 1 in the BOCNT

Genesis 1 in the BOECS

Genesis 1 in the BOGWICC

Genesis 1 in the BOHCB

Genesis 1 in the BOHCV

Genesis 1 in the BOHLNT

Genesis 1 in the BOHNTLTAL

Genesis 1 in the BOICB

Genesis 1 in the BOILNTAP

Genesis 1 in the BOITCV

Genesis 1 in the BOKCV

Genesis 1 in the BOKCV2

Genesis 1 in the BOKHWOG

Genesis 1 in the BOKSSV

Genesis 1 in the BOLCB

Genesis 1 in the BOLCB2

Genesis 1 in the BOMCV

Genesis 1 in the BONAV

Genesis 1 in the BONCB

Genesis 1 in the BONLT

Genesis 1 in the BONUT2

Genesis 1 in the BOPLNT

Genesis 1 in the BOSNC

Genesis 1 in the BOTLNT

Genesis 1 in the BOVCB

Genesis 1 in the BOYCB

Genesis 1 in the BPBB

Genesis 1 in the BPH

Genesis 1 in the BSB

Genesis 1 in the CCB

Genesis 1 in the CUV

Genesis 1 in the CUVS

Genesis 1 in the DBT

Genesis 1 in the DGDNT

Genesis 1 in the DHNT

Genesis 1 in the DNT

Genesis 1 in the ELBE

Genesis 1 in the EMTV

Genesis 1 in the ESV

Genesis 1 in the FBV

Genesis 1 in the FEB

Genesis 1 in the GGMNT

Genesis 1 in the GNT

Genesis 1 in the HARY

Genesis 1 in the HNT

Genesis 1 in the IRVA

Genesis 1 in the IRVB

Genesis 1 in the IRVG

Genesis 1 in the IRVH

Genesis 1 in the IRVK

Genesis 1 in the IRVM

Genesis 1 in the IRVM2

Genesis 1 in the IRVO

Genesis 1 in the IRVP

Genesis 1 in the IRVT

Genesis 1 in the IRVT2

Genesis 1 in the IRVU

Genesis 1 in the ISVN

Genesis 1 in the JSNT

Genesis 1 in the KAPI

Genesis 1 in the KBT1ETNIK

Genesis 1 in the KBV

Genesis 1 in the KJV

Genesis 1 in the KNFD

Genesis 1 in the LBA

Genesis 1 in the LBLA

Genesis 1 in the LNT

Genesis 1 in the LSV

Genesis 1 in the MAAL

Genesis 1 in the MBV

Genesis 1 in the MBV2

Genesis 1 in the MHNT

Genesis 1 in the MKNFD

Genesis 1 in the MNG

Genesis 1 in the MNT

Genesis 1 in the MNT2

Genesis 1 in the MRS1T

Genesis 1 in the NAA

Genesis 1 in the NASB

Genesis 1 in the NBLA

Genesis 1 in the NBS

Genesis 1 in the NBVTP

Genesis 1 in the NET2

Genesis 1 in the NIV11

Genesis 1 in the NNT

Genesis 1 in the NNT2

Genesis 1 in the NNT3

Genesis 1 in the PDDPT

Genesis 1 in the PFNT

Genesis 1 in the RMNT

Genesis 1 in the SBIAS

Genesis 1 in the SBIBS

Genesis 1 in the SBIBS2

Genesis 1 in the SBICS

Genesis 1 in the SBIDS

Genesis 1 in the SBIGS

Genesis 1 in the SBIHS

Genesis 1 in the SBIIS

Genesis 1 in the SBIIS2

Genesis 1 in the SBIIS3

Genesis 1 in the SBIKS

Genesis 1 in the SBIKS2

Genesis 1 in the SBIMS

Genesis 1 in the SBIOS

Genesis 1 in the SBIPS

Genesis 1 in the SBISS

Genesis 1 in the SBITS

Genesis 1 in the SBITS2

Genesis 1 in the SBITS3

Genesis 1 in the SBITS4

Genesis 1 in the SBIUS

Genesis 1 in the SBIVS

Genesis 1 in the SBT

Genesis 1 in the SBT1E

Genesis 1 in the SCHL

Genesis 1 in the SNT

Genesis 1 in the SUSU

Genesis 1 in the SUSU2

Genesis 1 in the SYNO

Genesis 1 in the TBIAOTANT

Genesis 1 in the TBT1E

Genesis 1 in the TBT1E2

Genesis 1 in the TFTIP

Genesis 1 in the TFTU

Genesis 1 in the TGNTATF3T

Genesis 1 in the THAI

Genesis 1 in the TNFD

Genesis 1 in the TNT

Genesis 1 in the TNTIK

Genesis 1 in the TNTIL

Genesis 1 in the TNTIN

Genesis 1 in the TNTIP

Genesis 1 in the TNTIZ

Genesis 1 in the TOMA

Genesis 1 in the TTENT

Genesis 1 in the UBG

Genesis 1 in the UGV

Genesis 1 in the UGV2

Genesis 1 in the UGV3

Genesis 1 in the VBL

Genesis 1 in the VDCC

Genesis 1 in the YALU

Genesis 1 in the YAPE

Genesis 1 in the YBVTP

Genesis 1 in the ZBP