Genesis 18 (BOSCB)
1 Jehovha akazviratidza kuna Abhurahama pedyo nemiti mikuru yeMamure panguva yaakanga agere pamukova wokupinda patende rake masikati zuva richipisa. 2 Abhurahama akasimudza meso ake ndokuona varume vatatu vamire naye. Akati avaona, akamhanya achibva pamukova wetende rake kuti andosangana navo uye akakotamira pasi. 3 Akati, “Kana ndawana nyasha pamberi penyu, ishe wangu, musapfuura henyu muranda wenyu. 4 Regai muvigirwe mvura shoma, mugoshamba tsoka dzenyu mose uye mugozorora pasi pomuti uyu. 5 Regai ndikutorerei zvokudya kuti mudye, kuitira kuti musimbiswe ipapo mugoenderera henyu mberi norwendo rwenyu, sezvo zvino masvika pamuranda wenyu.”Vakapindura vakati, “Zvakanaka, ita hako sezvawareva.” 6 Saka Abhurahama akakurumidza kuenda kutende kuna Sara. Akati kwaari, “Kurumidza, tora zviero zvitatu zvoupfu hwakatsetseka uhukanye ugobika chingwa.” 7 Ipapo iye akamhanyira kumombe akandosarudza mhuru yakaisvonaka, akaipa kumuranda, uyo akakurumidza kuigadzira. 8 Ipapo akauyisa ruomba nomukaka uye nemhuru yakanga yagadzirwa, akazvigadzika pamberi pavo. Pavakanga vachidya, akamira pedyo navo pasi pomuti. 9 Vakamubvunza vakati, “Mukadzi wako Sara aripiko?”Iye akati, “Ari mutende umo.” 10 Ipapo Jehovha akati, “Zvirokwazvo ndichadzokazve gore rinouya nenguva inenge seino, uye Sara mukadzi wako achava nomwanakomana.”Zvino Sara akanga achiteerera ari pamukova wetende wakanga uri shure kwake. 11 Abhurahama naSara vakanga vakwegura uye vava namakore mazhinji, uye Sara akanga atopfuura zera rokubereka vana. 12 Saka Sara akaseka mumwoyo make paakafunga achiti, “Ndichazovawo nomufaro uyu here zvino shure kwokuchembera kwangu, vatenzi vangu vakwegura?” 13 Ipapo Jehovha akati kuna Abhurahama, “Seiko Sara aseka achiti, ‘Ndichava nomwana zvechokwadi here, sezvo zvino ndakwegura?’ 14 Pane chinhu chakaoma kuna Jehovha here? Ndichadzokazve kwauri gore rinouya senguva dzakatarwa uye Sara achava nomwanakomana.” 15 Sara akatya, saka akareva nhema akati, “Handina kuseka.”Asi iye akati, “Hongu, waseka.” 16 Varume vakati vasimuka kuti vaende, vakatarisa vakananga zasi kuSodhomu, uye Abhurahama akafamba navo achivaperekedza. 17 Ipapo Jehovha akati, “Ko, ndichavanzira Abhurahama zvandiri kuda kuita here. 18 Zvirokwazvo Abhurahama achava rudzi rukuru rune simba, uye ndudzi dzose dzapanyika dzicharopafadzwa kubudikidza naye. 19 Nokuti ndakamusarudza kuti agotungamirira vana vake neveimba yake kuti vachengete nzira yaJehovha nokuita zvakanaka nezvakarurama, kuitira kuti Jehovha agouyisa pamusoro paAbhurahama zvaakamuvimbisa.” 20 Ipapo Jehovha akati, “Kuchema pamusoro peSodhomu neGomora kukuru kwazvo uye chivi chavo chaipisisa 21 zvokuti ndichaburuka kuti ndinoona kana zvavakaita zvakanyanya kuipa sokuchema kwakasvika kwandiri. Kana zvisina kudaro, ndichazviziva.” 22 Vanhu vaya vakabvapo uye vakaenda vakananga kuSodhomu, asi Abhurahama akaramba amire pamberi paJehovha. 23 Ipapo Abhurahama akaswedera kwaari akati, “Ko, muchaparadza vakarurama pamwe chete navakaipa here? 24 Ko, kana muguta mune vanhu makumi mashanu vakarurama? Muchariparadza zvechokwadi here mukasasiya nzvimbo iyo nokuda kwavanhu makumi mashanu varimo? 25 Zvakadaro ngazvive kure nemi kuti muite chinhu chakadai, kuti muuraye vakarurama pamwe chete navatadzi, muchiitira vakarurama zvakafanana navatadzi. Zvakadaro ngazvive kure nemi! Ko, mutongi wenyika yose haangaiti zvakarurama here?” 26 Jehovha akati, “Kana ndikawana vanhu vakarurama makumi mashanu vari muguta reSodhomu, ndichaponesa nzvimbo yose nokuda kwavo.” 27 Ipapo Abhurahama akataurazve akati, “Zvino zvandatanga kudai kuti nditaure kuna Ishe, kunyange hazvo ndisiri chinhu asi guruva namadota, 28 ko, kana kukashayikwa vashanu kune vakarurama vana makumi mashanu? Muchaparadza guta rose nokuda kwavashanu ava here?”Akati, “Kana ndikawana makumi mana navashanu imomo, handingariparadzi.” 29 Zvakarezve akataura kwaari akati, “Ko, kana kukawanikwa makumi mana chete?”Iye akati, “Nokuda kwamakumi mana iwayo, handingaiti izvozvo.” 30 Ipapo akati, “Ishe ngaarege kunditsamwira, asi regai nditaure hangu. Ko, kana makumi matatu chete vakawanikwamo?”Iye akapindura akati, “Handingaiti izvozvo kana ndikawana makumi matatu chete.” 31 Abhurahama akati, “Zvino zvandatsunga hangu kudai kuti nditaure kuna Ishe, ko, kana makumi maviri akawanikwamo?”Iye akati, “Nokuda kwamakumi maviri iwayo, handingariparadzi.” 32 Ipapo akati, “Ishe ngaarege kunditsamwira, asi regai hangu nditaurezve kamwe chete. Ko, kana gumi chete vakawanikwamo?”Iye akapindura akati, “Nokuda kwaivavo gumi, handingariparadzi.” 33 Jehovha akati apedza kutaura naAbhurahama, akabva, uye Abhurahama akadzoka kumba kwake.