Genesis 21 (BOSCB)

1 Zvino Jehovha akaitira Sara nyasha sezvaakanga areva, uye Jehovha akaitira Sara zvaakanga avimbisa. 2 Sara akava nemimba uye akaberekera Abhurahama mwanakomana munguva yokukwegura kwake, panguva chaiyo yakanga yavimbiswa naMwari. 3 Abhurahama akatumidza mwanakomana waakaberekerwa naSara zita rokuti Isaka. 4 Mwanakomana wake Isaka paakanga ava namazuva masere okuberekwa, Abhurahama akamudzingisa, sezvaakanga arayirwa naMwari. 5 Abhurahama akanga ava namakore okuberekwa zana paakaberekerwa mwanakomana wake Isaka. 6 Sara akati, “Mwari andivigira kuseka, uye vose vachanzwa nezvazvo vachaseka neni.” 7 Uye akatizve, “Ndianiko aizoti kuna Abhurahama, Sara achazorera vana? Asi ndamuberekera mwanakomana panguva yokukwegura kwake.” 8 Mwana akakura uye akarumurwa, uye pazuva rakarumurwa Isaka, Abhurahama akaita mutambo mukuru. 9 Asi Sara akaona mwanakomana akanga aberekerwa Abhurahama naHagari muIjipita achiseka, 10 ndokubva ati kuna Abhurahama, “Dzinga mukadzi murandakadzi uyo nomwanakomana wake, nokuti mwanakomana womurandakadzi uyo haangatongogovani nhaka nomwanakomana wangu Isaka.” 11 Nyaya iyi yakatambudza Abhurahama zvikuru kwazvo nokuti yaiva nechokuita nomwanakomana wake. 12 Asi Mwari akati kwaari, “Usanyanya kutambudzika hako pamusoro pomukomana uye napamusoro pomurandakadzi wako. Teerera zvaunoudzwa naSara, nokuti muna Isaka ndimo muchaverengerwa vana vako. 13 Ndichaitawo rudzi kubudikidza nomwanakomana womurandakadzi, nokuti naiyewo mwana wako.” 14 Mangwanani akatevera, Abhurahama akatora zvokudya neguchu redehwe rine mvura akazvipa kuna Hagari. Akazviisa pamapfudzi ake ipapo akamuendesa pamwe chete nomukomana. Akaenda uye akadzungaira ari mugwenga reBheerishebha. 15 Mvura yaiva muguchu redehwe yakati yapera, akaisa mukomana pasi pegwenzi. 16 Ipapo akabvapo akandogara pedyo naipapo, nhambwe inenge ingasvika museve, nokuti akafunga mumwoyo make akati, “Handingatariri mukomana achifa.” Uye agere pedyo ipapo akatanga kuchema. 17 Mwari akanzwa mukomana achichema, uye mutumwa waMwari akadana Hagari kubva kudenga akati kwaari, “Zvaita seiko Hagari? Usatya; Mwari anzwa kuchema kwomukomana paakavata apo. 18 Simudza mukomana umubate noruoko, nokuti ndichamuita rudzi rukuru.” 19 Ipapo Mwari akasvinudza meso ake uye akaona tsime remvura. Saka akaenda akandozadza guchu nemvura ndokubva apa mukomana kuti anwe. 20 Mwari akava nomukomana pakukura kwake. Akagara mugwenga akazova munhu aipfura nouta. 21 Paakanga achigara mugwenga reParani, mai vake vakamutsvakira mukadzi aibva kuIjipiti. 22 Panguva iyoyo Abhimereki naPikori mukuru wamauto ake, akati kuna Abhurahama, “Mwari anewe pazvinhu zvose zvaunoita. 23 Zvino ndipikire pano pamberi paMwari kuti hauzondinyengeri ini, kana vana vangu kana zvizvarwa zvangu. Ndiitirei tsitsi ini nenyika yaugere mairi somutorwa, kuti sezvandakakuitira tsitsi uchaita zvimwe chetezvo newewo.” 24 Abhurahama akati, “Ndinopika.” 25 Ipapo Abhurahama akamhanʼara kuna Abhimereki pamusoro petsime remvura rakanga ratorwa navaranda vaAbhimereki. 26 Asi Abhimereki akati, “Handizivi akaita izvozvo. Iwe hauna kundiudza, uye ndatozvinzwa izvozvo nhasi chaiye.” 27 Saka Abhurahama akauya namakwai nemombe akazvipa kuna Abhimereki, uye varume vaviri ava vakaita sungano. 28 Abhurahama akatsaura sheche nomwe dzamakwayana kubva kuboka, 29 uye Abhimereki akabvunza Abhurahama akati, “Sheche dzamakwai idzi dzawatsaura dzinoreveiko?” 30 Akapindura achiti, “Gamuchira makwayana manomwe aya kubva muruoko rwangu sechapupu chokuti ndini ndakachera tsime iri.” 31 Saka nzvimbo iyo yakanzi Bheerishebha, nokuti varume vaviri ava vakapika mhiko ipapo. 32 Mushure mokuitwa kwesungano paBheerishebha, Abhimereki naPikori mukuru wamauto ake vakadzokera kunyika yavaFiristia. 33 Abhurahama akadyara muti womutamarisiki muBheerishebha, uye ipapo akadana kuzita raJehovha, Mwari Wokusingaperi. 34 Uye Abhurahama akagara munyika yavaFiristia kwenguva refu.

In Other Versions

Genesis 21 in the ANGEFD

Genesis 21 in the ANTPNG2D

Genesis 21 in the AS21

Genesis 21 in the BAGH

Genesis 21 in the BBPNG

Genesis 21 in the BBT1E

Genesis 21 in the BDS

Genesis 21 in the BEV

Genesis 21 in the BHAD

Genesis 21 in the BIB

Genesis 21 in the BLPT

Genesis 21 in the BNT

Genesis 21 in the BNTABOOT

Genesis 21 in the BNTLV

Genesis 21 in the BOATCB

Genesis 21 in the BOATCB2

Genesis 21 in the BOBCV

Genesis 21 in the BOCNT

Genesis 21 in the BOECS

Genesis 21 in the BOGWICC

Genesis 21 in the BOHCB

Genesis 21 in the BOHCV

Genesis 21 in the BOHLNT

Genesis 21 in the BOHNTLTAL

Genesis 21 in the BOICB

Genesis 21 in the BOILNTAP

Genesis 21 in the BOITCV

Genesis 21 in the BOKCV

Genesis 21 in the BOKCV2

Genesis 21 in the BOKHWOG

Genesis 21 in the BOKSSV

Genesis 21 in the BOLCB

Genesis 21 in the BOLCB2

Genesis 21 in the BOMCV

Genesis 21 in the BONAV

Genesis 21 in the BONCB

Genesis 21 in the BONLT

Genesis 21 in the BONUT2

Genesis 21 in the BOPLNT

Genesis 21 in the BOSNC

Genesis 21 in the BOTLNT

Genesis 21 in the BOVCB

Genesis 21 in the BOYCB

Genesis 21 in the BPBB

Genesis 21 in the BPH

Genesis 21 in the BSB

Genesis 21 in the CCB

Genesis 21 in the CUV

Genesis 21 in the CUVS

Genesis 21 in the DBT

Genesis 21 in the DGDNT

Genesis 21 in the DHNT

Genesis 21 in the DNT

Genesis 21 in the ELBE

Genesis 21 in the EMTV

Genesis 21 in the ESV

Genesis 21 in the FBV

Genesis 21 in the FEB

Genesis 21 in the GGMNT

Genesis 21 in the GNT

Genesis 21 in the HARY

Genesis 21 in the HNT

Genesis 21 in the IRVA

Genesis 21 in the IRVB

Genesis 21 in the IRVG

Genesis 21 in the IRVH

Genesis 21 in the IRVK

Genesis 21 in the IRVM

Genesis 21 in the IRVM2

Genesis 21 in the IRVO

Genesis 21 in the IRVP

Genesis 21 in the IRVT

Genesis 21 in the IRVT2

Genesis 21 in the IRVU

Genesis 21 in the ISVN

Genesis 21 in the JSNT

Genesis 21 in the KAPI

Genesis 21 in the KBT1ETNIK

Genesis 21 in the KBV

Genesis 21 in the KJV

Genesis 21 in the KNFD

Genesis 21 in the LBA

Genesis 21 in the LBLA

Genesis 21 in the LNT

Genesis 21 in the LSV

Genesis 21 in the MAAL

Genesis 21 in the MBV

Genesis 21 in the MBV2

Genesis 21 in the MHNT

Genesis 21 in the MKNFD

Genesis 21 in the MNG

Genesis 21 in the MNT

Genesis 21 in the MNT2

Genesis 21 in the MRS1T

Genesis 21 in the NAA

Genesis 21 in the NASB

Genesis 21 in the NBLA

Genesis 21 in the NBS

Genesis 21 in the NBVTP

Genesis 21 in the NET2

Genesis 21 in the NIV11

Genesis 21 in the NNT

Genesis 21 in the NNT2

Genesis 21 in the NNT3

Genesis 21 in the PDDPT

Genesis 21 in the PFNT

Genesis 21 in the RMNT

Genesis 21 in the SBIAS

Genesis 21 in the SBIBS

Genesis 21 in the SBIBS2

Genesis 21 in the SBICS

Genesis 21 in the SBIDS

Genesis 21 in the SBIGS

Genesis 21 in the SBIHS

Genesis 21 in the SBIIS

Genesis 21 in the SBIIS2

Genesis 21 in the SBIIS3

Genesis 21 in the SBIKS

Genesis 21 in the SBIKS2

Genesis 21 in the SBIMS

Genesis 21 in the SBIOS

Genesis 21 in the SBIPS

Genesis 21 in the SBISS

Genesis 21 in the SBITS

Genesis 21 in the SBITS2

Genesis 21 in the SBITS3

Genesis 21 in the SBITS4

Genesis 21 in the SBIUS

Genesis 21 in the SBIVS

Genesis 21 in the SBT

Genesis 21 in the SBT1E

Genesis 21 in the SCHL

Genesis 21 in the SNT

Genesis 21 in the SUSU

Genesis 21 in the SUSU2

Genesis 21 in the SYNO

Genesis 21 in the TBIAOTANT

Genesis 21 in the TBT1E

Genesis 21 in the TBT1E2

Genesis 21 in the TFTIP

Genesis 21 in the TFTU

Genesis 21 in the TGNTATF3T

Genesis 21 in the THAI

Genesis 21 in the TNFD

Genesis 21 in the TNT

Genesis 21 in the TNTIK

Genesis 21 in the TNTIL

Genesis 21 in the TNTIN

Genesis 21 in the TNTIP

Genesis 21 in the TNTIZ

Genesis 21 in the TOMA

Genesis 21 in the TTENT

Genesis 21 in the UBG

Genesis 21 in the UGV

Genesis 21 in the UGV2

Genesis 21 in the UGV3

Genesis 21 in the VBL

Genesis 21 in the VDCC

Genesis 21 in the YALU

Genesis 21 in the YAPE

Genesis 21 in the YBVTP

Genesis 21 in the ZBP