Genesis 39 (BOSCB)

1 Zvino Josefa akanga atorwa akaendeswa kuIjipiti. Potifa muIjipita uyo akanga ari mumwe wamachinda aFaro ari mukuru wavarindi, akamutenga kuvaIshumaeri avo vakanga vamuendesa ikoko. 2 Jehovha akanga ana Josefa uye akaita kuti abudirire, uye aigara mumba momuIjipita, tenzi wake. 3 Tenzi wake akati achiona kuti Jehovha akanga anaye uye kuti Jehovha akamuita kuti abudirire muzvinhu zvose zvaakanga achiita, 4 Josefa akawana nyasha pamberi pake uye akava mubatiri wake. Potifa akamuita kuti ave mutariri weimba yake, uye akamuita muchengeti wezvinhu zvose zvakanga zviri zvake. 5 Kubvira panguva yaakamuisa kuti ave mutariri weimba yake nowezvinhu zvose zvaaiva nazvo, Jehovha akaropafadza imba yomuIjipita nokuda kwaJosefa. Maropafadzo aJehovha akanga ari pamusoro pezvinhu zvose zvakanga zviri zvaPotifa, zvose mumba nomumunda. 6 Saka akaisa mumaoko aJosefa zvinhu zvose zvaakanga anazvo; Josefa ari mutariri, iye haana kumbova nehanya nezvimwe zvinhu kunze kwezvokudya zvaaidya bedzi.Zvino Josefa akanga akanyatsoumbwa, akanaka, 7 uye shure kwechinguva mukadzi watenzi wake akatarira Josefa ndokubva ati kwaari, “Uya uzovata neni!” 8 Asi akaramba. Akati kwaari, “Ini somutariri, tenzi wangu haana kuva nehanya nezvinhu zvose zviri mumba make; zvose zvaanazvo, akazviisa mumaoko angu. 9 Hamuna munhu mukuru muno mumba kupfuura ini. Tenzi wangu havana kundinyima kana chinhu chimwe zvacho kunze kwenyu, nokuti imi muri mukadzi wavo. Zvino ndingaitirei chinhu chakaipa kudai uye ndichitadzira Mwari?” 10 Uye kunyange zvake aitaura naJosefa zuva nezuva, iye akaramba kuenda panhoo naye, kana kutombova naye. 11 Rimwe zuva akapinda mumba kuti andoita mabasa ake, uye kwakanga kusina mumwe wavashandi vomumba aivamo. 12 Akamubata nejasi rake uye akati, “Uya kumubhedha uzovata neni!” Asi akasiya jasi rake muruoko rwake akamhanya ndokubuda kunze kwemba. 13 Akati aona kuti asiya jasi rake muruoko rwake uye kuti akanga abuda kunze kwemba, 14 akadanidzira kuvashandi, akati, “Tarirai, muHebheru uyu akauyiswa kwatiri kuti azotidadira! Apinda muno kuti azovata neni, asi ndaridza mhere. 15 Paanzwa ndoridza mhere kuti ndibatsirwe, abva asiya jasi rake pandiri ndokutizira kunze kwemba.” 16 Akachengeta jasi rake parutivi pake kusvikira tenzi wake auya kumba. 17 Ipapo akamutaurira nyaya iyi akati, “Uya muranda wechiHebheru wamakauyisa kwatiri akauya kwandiri kuti azondidadira. 18 Asi pandangoridza mhere kuti ndibatsirwe, akabva asiya jasi rake pandiri ndokutizira kunze kwemba.” 19 Tenzi wake akati anzwa nyaya yaakaudzwa nomukadzi wake achiti, “Izvi ndizvo zvandakaitirwa nomuranda wako,” akavira nehasha. 20 Tenzi waJosefa akamutora akamuisa mutorongo, nzvimbo yaichengeterwa vasungwa vamambo; saka akava mutorongo. 21 Jehovha akava naJosefa; akamunzwira tsitsi akamuitira nyasha pamberi pomutariri womutorongo. 22 Saka mutariri womutorongo akaita kuti Josefa ave mutariri wavose vaiva vakabatwa mutorongo, uye ndiye aiona nezvose zvaiitwa imomo. 23 Mutariri wetorongo akanga asina hanya nechinhu chipi zvacho chaiva pasi paJosefa, nokuti Jehovha akanga ana Josefa uye akaita kuti abudirire pane zvose zvaaiita.

In Other Versions

Genesis 39 in the ANGEFD

Genesis 39 in the ANTPNG2D

Genesis 39 in the AS21

Genesis 39 in the BAGH

Genesis 39 in the BBPNG

Genesis 39 in the BBT1E

Genesis 39 in the BDS

Genesis 39 in the BEV

Genesis 39 in the BHAD

Genesis 39 in the BIB

Genesis 39 in the BLPT

Genesis 39 in the BNT

Genesis 39 in the BNTABOOT

Genesis 39 in the BNTLV

Genesis 39 in the BOATCB

Genesis 39 in the BOATCB2

Genesis 39 in the BOBCV

Genesis 39 in the BOCNT

Genesis 39 in the BOECS

Genesis 39 in the BOGWICC

Genesis 39 in the BOHCB

Genesis 39 in the BOHCV

Genesis 39 in the BOHLNT

Genesis 39 in the BOHNTLTAL

Genesis 39 in the BOICB

Genesis 39 in the BOILNTAP

Genesis 39 in the BOITCV

Genesis 39 in the BOKCV

Genesis 39 in the BOKCV2

Genesis 39 in the BOKHWOG

Genesis 39 in the BOKSSV

Genesis 39 in the BOLCB

Genesis 39 in the BOLCB2

Genesis 39 in the BOMCV

Genesis 39 in the BONAV

Genesis 39 in the BONCB

Genesis 39 in the BONLT

Genesis 39 in the BONUT2

Genesis 39 in the BOPLNT

Genesis 39 in the BOSNC

Genesis 39 in the BOTLNT

Genesis 39 in the BOVCB

Genesis 39 in the BOYCB

Genesis 39 in the BPBB

Genesis 39 in the BPH

Genesis 39 in the BSB

Genesis 39 in the CCB

Genesis 39 in the CUV

Genesis 39 in the CUVS

Genesis 39 in the DBT

Genesis 39 in the DGDNT

Genesis 39 in the DHNT

Genesis 39 in the DNT

Genesis 39 in the ELBE

Genesis 39 in the EMTV

Genesis 39 in the ESV

Genesis 39 in the FBV

Genesis 39 in the FEB

Genesis 39 in the GGMNT

Genesis 39 in the GNT

Genesis 39 in the HARY

Genesis 39 in the HNT

Genesis 39 in the IRVA

Genesis 39 in the IRVB

Genesis 39 in the IRVG

Genesis 39 in the IRVH

Genesis 39 in the IRVK

Genesis 39 in the IRVM

Genesis 39 in the IRVM2

Genesis 39 in the IRVO

Genesis 39 in the IRVP

Genesis 39 in the IRVT

Genesis 39 in the IRVT2

Genesis 39 in the IRVU

Genesis 39 in the ISVN

Genesis 39 in the JSNT

Genesis 39 in the KAPI

Genesis 39 in the KBT1ETNIK

Genesis 39 in the KBV

Genesis 39 in the KJV

Genesis 39 in the KNFD

Genesis 39 in the LBA

Genesis 39 in the LBLA

Genesis 39 in the LNT

Genesis 39 in the LSV

Genesis 39 in the MAAL

Genesis 39 in the MBV

Genesis 39 in the MBV2

Genesis 39 in the MHNT

Genesis 39 in the MKNFD

Genesis 39 in the MNG

Genesis 39 in the MNT

Genesis 39 in the MNT2

Genesis 39 in the MRS1T

Genesis 39 in the NAA

Genesis 39 in the NASB

Genesis 39 in the NBLA

Genesis 39 in the NBS

Genesis 39 in the NBVTP

Genesis 39 in the NET2

Genesis 39 in the NIV11

Genesis 39 in the NNT

Genesis 39 in the NNT2

Genesis 39 in the NNT3

Genesis 39 in the PDDPT

Genesis 39 in the PFNT

Genesis 39 in the RMNT

Genesis 39 in the SBIAS

Genesis 39 in the SBIBS

Genesis 39 in the SBIBS2

Genesis 39 in the SBICS

Genesis 39 in the SBIDS

Genesis 39 in the SBIGS

Genesis 39 in the SBIHS

Genesis 39 in the SBIIS

Genesis 39 in the SBIIS2

Genesis 39 in the SBIIS3

Genesis 39 in the SBIKS

Genesis 39 in the SBIKS2

Genesis 39 in the SBIMS

Genesis 39 in the SBIOS

Genesis 39 in the SBIPS

Genesis 39 in the SBISS

Genesis 39 in the SBITS

Genesis 39 in the SBITS2

Genesis 39 in the SBITS3

Genesis 39 in the SBITS4

Genesis 39 in the SBIUS

Genesis 39 in the SBIVS

Genesis 39 in the SBT

Genesis 39 in the SBT1E

Genesis 39 in the SCHL

Genesis 39 in the SNT

Genesis 39 in the SUSU

Genesis 39 in the SUSU2

Genesis 39 in the SYNO

Genesis 39 in the TBIAOTANT

Genesis 39 in the TBT1E

Genesis 39 in the TBT1E2

Genesis 39 in the TFTIP

Genesis 39 in the TFTU

Genesis 39 in the TGNTATF3T

Genesis 39 in the THAI

Genesis 39 in the TNFD

Genesis 39 in the TNT

Genesis 39 in the TNTIK

Genesis 39 in the TNTIL

Genesis 39 in the TNTIN

Genesis 39 in the TNTIP

Genesis 39 in the TNTIZ

Genesis 39 in the TOMA

Genesis 39 in the TTENT

Genesis 39 in the UBG

Genesis 39 in the UGV

Genesis 39 in the UGV2

Genesis 39 in the UGV3

Genesis 39 in the VBL

Genesis 39 in the VDCC

Genesis 39 in the YALU

Genesis 39 in the YAPE

Genesis 39 in the YBVTP

Genesis 39 in the ZBP