Genesis 40 (BOSCB)

1 Shure kwaizvozvo, mudiri nomubiki wamambo weIjipiti vakatadzira tenzi wavo, mambo weIjipiti. 2 Faro akatsamwira varanda vake vaviri, mudiri mukuru nomubiki mukuru, 3 akaita kuti vachengetwe mumba yomukuru wavarindi, mutorongo rimwe chetero makanga makapfigirwa Josefa. 4 Mukuru wavarindi akavatumira kuna Josefa, akavachengeta uye vakava muchitokisi kwechinguva. 5 Vose vari vaviri vakarota hope, mudiri nomubiki wamambo weIjipiti, avo vakanga vakabatwa vari mutorongo, vakarota usiku humwe chetehwo, uye kurota kumwe nokumwe kwakanga kune zvakunoreva. 6 Josefa akati auya kwavari mangwanani akatevera, akaona kuti vakanga vakasurukirwa. 7 Saka akabvunza varanda vaFaro vakanga vari muchitokisi naye mumba matenzi wake akati, “Seiko nhasi zviso zvenyu zvichipunyaira kudai?” 8 Vakapindura vakati, “Tose tiri vaviri tarota hope, asi hakuna munhu angadzidudzira.”Ipapo Josefa akati kwavari, “Ko, kududzira hakuzi kwaMwari here? Ndiudzei kurota kwenyu.” 9 Saka mudiri mukuru akataurira Josefa kurota kwake. Akati kwaari, “Mukurota kwangu ndaona muzambiringa pamberi pangu, 10 uye mumuzambiringa manga mune matavi matatu. Wati uchangobuka, waita maruva, uye masumbu awo aibva akava mazambiringa. 11 Mukombe waFaro wanga uri muruoko rwangu, uye ndatora mazambiringa, ndikaasvinira mumukombe waFaro uye ndikaisa mukombe muruoko rwake.” 12 Josefa akati kwavari, “Uku ndiko kududzirwa kwadzo. Matavi matatu ndiwo mazuva matatu. 13 Mukati mamazuva matatu, Faro achasimudza musoro wako agokudzosera pabasa rako, uye uchaisa mukombe waFaro muruoko rwake, sezvawaisimboita pawakanga uri mudiri wake. 14 Asi pazvinenge zvakunakira iwe, undirangarire uye undiitirewo ngoni; undireverere kuna Faro kuti ndigobudiswa mutorongo rino. 15 Nokuti ndakatorwa nokumanikidzwa kubva kunyika yavaHebheru, kunyange pano handina kuita chinhu chakafanira kuti ndipinzwe mugomba rino.” 16 Mubiki mukuru akati aona kuti Josefa akanga apa dudziro yakanaka, akati kuna Josefa, “Neniwo ndarota hope. Pamusoro pangu panga pane matengu matatu echingwa. 17 Mudengu rapamusoro manga mune mhando dzose dzezvinhu zvakabikwa zvaFaro, asi shiri dzanga dzichidya kubva mudengu ranga riri pamusoro pangu.” 18 Josefa akati, “Uku ndiko kududzirwa kwazvo. Matengu matatu ndiwo mazuva matatu. 19 Mukati mamazuva matatu, Faro achasimudza musoro wako kubva pauri agokuturika pamuti. Uye shiri dzichadya nyama yako.” 20 Zvino zuva rechitatu rakanga riri zuva rokuzvarwa kwaFaro, uye akaitira varanda vake vose mutambo. Akasimudza misoro yavaranda vake vaiti mudiri mukuru nomubiki mukuru pamberi pavaranda vake. 21 Akadzosera mudiri mukuru pabasa rake, zvokuti akaisazve mukombe muruoko rwaFaro, 22 asi akaturika mubiki mukuru pamuti, sezvazvakanga zvataurwa naJosefa kwavari mukududzira kwake. 23 Kunyange zvakadaro hazvo, mudiri mukuru haana kurangarira Josefa; akamukanganwa.

In Other Versions

Genesis 40 in the ANGEFD

Genesis 40 in the ANTPNG2D

Genesis 40 in the AS21

Genesis 40 in the BAGH

Genesis 40 in the BBPNG

Genesis 40 in the BBT1E

Genesis 40 in the BDS

Genesis 40 in the BEV

Genesis 40 in the BHAD

Genesis 40 in the BIB

Genesis 40 in the BLPT

Genesis 40 in the BNT

Genesis 40 in the BNTABOOT

Genesis 40 in the BNTLV

Genesis 40 in the BOATCB

Genesis 40 in the BOATCB2

Genesis 40 in the BOBCV

Genesis 40 in the BOCNT

Genesis 40 in the BOECS

Genesis 40 in the BOGWICC

Genesis 40 in the BOHCB

Genesis 40 in the BOHCV

Genesis 40 in the BOHLNT

Genesis 40 in the BOHNTLTAL

Genesis 40 in the BOICB

Genesis 40 in the BOILNTAP

Genesis 40 in the BOITCV

Genesis 40 in the BOKCV

Genesis 40 in the BOKCV2

Genesis 40 in the BOKHWOG

Genesis 40 in the BOKSSV

Genesis 40 in the BOLCB

Genesis 40 in the BOLCB2

Genesis 40 in the BOMCV

Genesis 40 in the BONAV

Genesis 40 in the BONCB

Genesis 40 in the BONLT

Genesis 40 in the BONUT2

Genesis 40 in the BOPLNT

Genesis 40 in the BOSNC

Genesis 40 in the BOTLNT

Genesis 40 in the BOVCB

Genesis 40 in the BOYCB

Genesis 40 in the BPBB

Genesis 40 in the BPH

Genesis 40 in the BSB

Genesis 40 in the CCB

Genesis 40 in the CUV

Genesis 40 in the CUVS

Genesis 40 in the DBT

Genesis 40 in the DGDNT

Genesis 40 in the DHNT

Genesis 40 in the DNT

Genesis 40 in the ELBE

Genesis 40 in the EMTV

Genesis 40 in the ESV

Genesis 40 in the FBV

Genesis 40 in the FEB

Genesis 40 in the GGMNT

Genesis 40 in the GNT

Genesis 40 in the HARY

Genesis 40 in the HNT

Genesis 40 in the IRVA

Genesis 40 in the IRVB

Genesis 40 in the IRVG

Genesis 40 in the IRVH

Genesis 40 in the IRVK

Genesis 40 in the IRVM

Genesis 40 in the IRVM2

Genesis 40 in the IRVO

Genesis 40 in the IRVP

Genesis 40 in the IRVT

Genesis 40 in the IRVT2

Genesis 40 in the IRVU

Genesis 40 in the ISVN

Genesis 40 in the JSNT

Genesis 40 in the KAPI

Genesis 40 in the KBT1ETNIK

Genesis 40 in the KBV

Genesis 40 in the KJV

Genesis 40 in the KNFD

Genesis 40 in the LBA

Genesis 40 in the LBLA

Genesis 40 in the LNT

Genesis 40 in the LSV

Genesis 40 in the MAAL

Genesis 40 in the MBV

Genesis 40 in the MBV2

Genesis 40 in the MHNT

Genesis 40 in the MKNFD

Genesis 40 in the MNG

Genesis 40 in the MNT

Genesis 40 in the MNT2

Genesis 40 in the MRS1T

Genesis 40 in the NAA

Genesis 40 in the NASB

Genesis 40 in the NBLA

Genesis 40 in the NBS

Genesis 40 in the NBVTP

Genesis 40 in the NET2

Genesis 40 in the NIV11

Genesis 40 in the NNT

Genesis 40 in the NNT2

Genesis 40 in the NNT3

Genesis 40 in the PDDPT

Genesis 40 in the PFNT

Genesis 40 in the RMNT

Genesis 40 in the SBIAS

Genesis 40 in the SBIBS

Genesis 40 in the SBIBS2

Genesis 40 in the SBICS

Genesis 40 in the SBIDS

Genesis 40 in the SBIGS

Genesis 40 in the SBIHS

Genesis 40 in the SBIIS

Genesis 40 in the SBIIS2

Genesis 40 in the SBIIS3

Genesis 40 in the SBIKS

Genesis 40 in the SBIKS2

Genesis 40 in the SBIMS

Genesis 40 in the SBIOS

Genesis 40 in the SBIPS

Genesis 40 in the SBISS

Genesis 40 in the SBITS

Genesis 40 in the SBITS2

Genesis 40 in the SBITS3

Genesis 40 in the SBITS4

Genesis 40 in the SBIUS

Genesis 40 in the SBIVS

Genesis 40 in the SBT

Genesis 40 in the SBT1E

Genesis 40 in the SCHL

Genesis 40 in the SNT

Genesis 40 in the SUSU

Genesis 40 in the SUSU2

Genesis 40 in the SYNO

Genesis 40 in the TBIAOTANT

Genesis 40 in the TBT1E

Genesis 40 in the TBT1E2

Genesis 40 in the TFTIP

Genesis 40 in the TFTU

Genesis 40 in the TGNTATF3T

Genesis 40 in the THAI

Genesis 40 in the TNFD

Genesis 40 in the TNT

Genesis 40 in the TNTIK

Genesis 40 in the TNTIL

Genesis 40 in the TNTIN

Genesis 40 in the TNTIP

Genesis 40 in the TNTIZ

Genesis 40 in the TOMA

Genesis 40 in the TTENT

Genesis 40 in the UBG

Genesis 40 in the UGV

Genesis 40 in the UGV2

Genesis 40 in the UGV3

Genesis 40 in the VBL

Genesis 40 in the VDCC

Genesis 40 in the YALU

Genesis 40 in the YAPE

Genesis 40 in the YBVTP

Genesis 40 in the ZBP