Genesis 45 (BOSCB)
1 Ipapo Josefa akanga asisagoni kuzvidzora pamberi pavashandiri vake vose, uye akadanidzira akati, “Munhu wose ngaabve pamberi pangu!” Saka pakanga pasisina mumwe munhu pana Josefa paakazvizivisa kuhama dzake. 2 Uye akachema zvikuru kwazvo zvokuti vaIjipita vakamunzwa, uye veimba yaFaro vakanzwa nezvazvo. 3 Josefa akati kuhama dzake, “Ndini Josefa! Ko, baba vangu vachiri vapenyu here?” Asi hama dzake hadzina kugona kumupindura, nokuti vakanga vachitya pamberi pake. 4 Ipapo Josefa akati kuhama dzake, “Swederai henyu kwandiri.” Vakati vaita izvozvo, akati, “Ndini Josefa hama yenyu, wamakatengesa kuIjipiti! 5 Uye zvino, musatambudzika uye musazvitsamwira nokuda kwokuti makanditengesa kuno, nokuti Mwari akandituma mberi kwenyu kuti ndigoponesa upenyu hwavanhu. 6 Nokuti pava namakore maviri zvino nzara yava munyika, uye makore mashanu ari kutevera kuchange kusingarimwi kana kukohwewa. 7 Asi Mwari akandituma mberi kwenyu kuti ndikuchengeterei vanosara panyika uye kuti ndiponese upenyu hwenyu nokusunungurwa kukuru. 8 “Saka zvino, hamusimi makandituma kuno, asi Mwari. Akandiita baba kuna Faro, ishe weimba yake yose nomutongi weIjipiti yose. 9 Zvino kurumidzai mudzokere kuna baba vangu mundoti kwavari, ‘Zvanzi nomwanakomana wenyu Josefa: Mwari akandiita ishe weIjipiti yose. Burukai muuye kwandiri; musanonoka. 10 Muchandogara munyika yeGosheni muve pedyo neni, imi, vana venyu navazukuru venyu, zvipfuwo zvenyu nemombe dzenyu nezvose zvamunazvo. 11 Ndichakuriritirai ikoko, nokuti mamwe makore mashanu enzara ari kuuya. Kana zvikasadaro imi neveimba yenyu navose vamunavo mungazova varombo.’ 12 “Muri kuzvionera pachenyu, uye kana mununʼuna wangu uyu Bhenjamini, kuti ndini chaiye ari kutaura nemi. 13 Muudze baba vangu pamusoro pokukudzwa kwangu muIjipiti uye napamusoro pezvinhu zvose zvamaona. Uye muuye nababa vangu kuno nokukurumidza.” 14 Ipapo akawira pamutsipa womununʼuna wake Bhenjamini akachema, uye Bhenjamini akamumbundikirawo achichema. 15 Uye akatsvoda madzikoma ake ose uye akachema pamusoro pavo. Shure kwaizvozvo, madzikoma ake akataura naye. 16 Shoko rakati rasvika kumuzinda waFaro kuti madzikoma aJosefa akanga auya, Faro namachinda ake ose vakafara. 17 Faro akati kuna Josefa, “Taurira hama dzako uti, ‘Itai izvi: Takudzai zvipfuwo zvenyu mudzokere kunyika yeKenani, 18 mundouya nababa venyu uye nemhuri kuno kwandiri. Ndichakupai nyika yakaisvonaka yeIjipiti uye mugofara nezvakakora zvenyika.’ 19 “Iwe unorayirwawo kuti uvaudze kuti, ‘Itai izvi: Torerai vana navakadzi venyu dzimwe ngoro dzinobva muIjipiti uye mundotora baba venyu mugodzoka. 20 Musafunganya henyu nezvenhumbi dzenyu, nokuti zvakaisvonaka zvose zveIjipiti zvichava zvenyu.’ ” 21 Saka vanakomana vaIsraeri vakaita saizvozvo. Josefa akavapa ngoro, sezvakanga zvarayirwa naFaro, uye akavapawo mbuva yorwendo rwavo. 22 Akapa mumwe nomumwe wavo nguo itsva, asi akapa Bhenjamini mazana matatu amashekeri esirivha nenguo shanu dzokupfeka. 23 Uye izvi ndizvo zvaakatumira kuna baba vake: Mbongoro hono gumi dzakanga dzakatakura zvinhu zvakaisvonaka zveIjipiti, nembongoro hadzi gumi dzakanga dzakatakura zviyo nechingwa nezvimwe zvembuva yorwendo. 24 Ipapo akaendesa hama dzake uye pavakanga voenda akati kwavari, “Musakakavadzana munzira!” 25 Saka vakabuda muIjipiti uye vakaenda vakandosvika kuna baba vavo Jakobho kunyika yeKenani. 26 Uye vakati kwavari, “Josefa mupenyu! Uye ndiye mutongi weIjipiti yose.” Jakobho akati rukutu; haana kuvatenda. 27 Asi pavakavaudza zvose zvakanga zvarehwa naJosefa kwavari, uye paakaona ngoro dzakanga dzatumirwa kwavari naJosefa kuti dzizovatakura, mweya wababa wavo Jakobho wakamutsiridzwa. 28 Uye Israeri akati, “Ndagutsikana! Mwana wangu Josefa achiri mupenyu. Ndichaenda kundomuona ndisati ndafa.”
In Other Versions
Genesis 45 in the ANGEFD
Genesis 45 in the ANTPNG2D
Genesis 45 in the AS21
Genesis 45 in the BAGH
Genesis 45 in the BBPNG
Genesis 45 in the BBT1E
Genesis 45 in the BDS
Genesis 45 in the BEV
Genesis 45 in the BHAD
Genesis 45 in the BIB
Genesis 45 in the BLPT
Genesis 45 in the BNT
Genesis 45 in the BNTABOOT
Genesis 45 in the BNTLV
Genesis 45 in the BOATCB
Genesis 45 in the BOATCB2
Genesis 45 in the BOBCV
Genesis 45 in the BOCNT
Genesis 45 in the BOECS
Genesis 45 in the BOGWICC
Genesis 45 in the BOHCB
Genesis 45 in the BOHCV
Genesis 45 in the BOHLNT
Genesis 45 in the BOHNTLTAL
Genesis 45 in the BOICB
Genesis 45 in the BOILNTAP
Genesis 45 in the BOITCV
Genesis 45 in the BOKCV
Genesis 45 in the BOKCV2
Genesis 45 in the BOKHWOG
Genesis 45 in the BOKSSV
Genesis 45 in the BOLCB
Genesis 45 in the BOLCB2
Genesis 45 in the BOMCV
Genesis 45 in the BONAV
Genesis 45 in the BONCB
Genesis 45 in the BONLT
Genesis 45 in the BONUT2
Genesis 45 in the BOPLNT
Genesis 45 in the BOSNC
Genesis 45 in the BOTLNT
Genesis 45 in the BOVCB
Genesis 45 in the BOYCB
Genesis 45 in the BPBB
Genesis 45 in the BPH
Genesis 45 in the BSB
Genesis 45 in the CCB
Genesis 45 in the CUV
Genesis 45 in the CUVS
Genesis 45 in the DBT
Genesis 45 in the DGDNT
Genesis 45 in the DHNT
Genesis 45 in the DNT
Genesis 45 in the ELBE
Genesis 45 in the EMTV
Genesis 45 in the ESV
Genesis 45 in the FBV
Genesis 45 in the FEB
Genesis 45 in the GGMNT
Genesis 45 in the GNT
Genesis 45 in the HARY
Genesis 45 in the HNT
Genesis 45 in the IRVA
Genesis 45 in the IRVB
Genesis 45 in the IRVG
Genesis 45 in the IRVH
Genesis 45 in the IRVK
Genesis 45 in the IRVM
Genesis 45 in the IRVM2
Genesis 45 in the IRVO
Genesis 45 in the IRVP
Genesis 45 in the IRVT
Genesis 45 in the IRVT2
Genesis 45 in the IRVU
Genesis 45 in the ISVN
Genesis 45 in the JSNT
Genesis 45 in the KAPI
Genesis 45 in the KBT1ETNIK
Genesis 45 in the KBV
Genesis 45 in the KJV
Genesis 45 in the KNFD
Genesis 45 in the LBA
Genesis 45 in the LBLA
Genesis 45 in the LNT
Genesis 45 in the LSV
Genesis 45 in the MAAL
Genesis 45 in the MBV
Genesis 45 in the MBV2
Genesis 45 in the MHNT
Genesis 45 in the MKNFD
Genesis 45 in the MNG
Genesis 45 in the MNT
Genesis 45 in the MNT2
Genesis 45 in the MRS1T
Genesis 45 in the NAA
Genesis 45 in the NASB
Genesis 45 in the NBLA
Genesis 45 in the NBS
Genesis 45 in the NBVTP
Genesis 45 in the NET2
Genesis 45 in the NIV11
Genesis 45 in the NNT
Genesis 45 in the NNT2
Genesis 45 in the NNT3
Genesis 45 in the PDDPT
Genesis 45 in the PFNT
Genesis 45 in the RMNT
Genesis 45 in the SBIAS
Genesis 45 in the SBIBS
Genesis 45 in the SBIBS2
Genesis 45 in the SBICS
Genesis 45 in the SBIDS
Genesis 45 in the SBIGS
Genesis 45 in the SBIHS
Genesis 45 in the SBIIS
Genesis 45 in the SBIIS2
Genesis 45 in the SBIIS3
Genesis 45 in the SBIKS
Genesis 45 in the SBIKS2
Genesis 45 in the SBIMS
Genesis 45 in the SBIOS
Genesis 45 in the SBIPS
Genesis 45 in the SBISS
Genesis 45 in the SBITS
Genesis 45 in the SBITS2
Genesis 45 in the SBITS3
Genesis 45 in the SBITS4
Genesis 45 in the SBIUS
Genesis 45 in the SBIVS
Genesis 45 in the SBT
Genesis 45 in the SBT1E
Genesis 45 in the SCHL
Genesis 45 in the SNT
Genesis 45 in the SUSU
Genesis 45 in the SUSU2
Genesis 45 in the SYNO
Genesis 45 in the TBIAOTANT
Genesis 45 in the TBT1E
Genesis 45 in the TBT1E2
Genesis 45 in the TFTIP
Genesis 45 in the TFTU
Genesis 45 in the TGNTATF3T
Genesis 45 in the THAI
Genesis 45 in the TNFD
Genesis 45 in the TNT
Genesis 45 in the TNTIK
Genesis 45 in the TNTIL
Genesis 45 in the TNTIN
Genesis 45 in the TNTIP
Genesis 45 in the TNTIZ
Genesis 45 in the TOMA
Genesis 45 in the TTENT
Genesis 45 in the UBG
Genesis 45 in the UGV
Genesis 45 in the UGV2
Genesis 45 in the UGV3
Genesis 45 in the VBL
Genesis 45 in the VDCC
Genesis 45 in the YALU
Genesis 45 in the YAPE
Genesis 45 in the YBVTP
Genesis 45 in the ZBP