Genesis 49 (BOSCB)
1 Ipapo Jakobho akadana vanakomana vake akati, “Unganai kuti ndikuudzei zvichaitika kwamuri pamazuva anouya. 2 “Unganai muteerere, imi vanakomana vaJakobho;teererai kuna baba venyu Israeri. 3 “Rubheni, iwe uri dangwe rangu,simba rangu, chiratidzo chokutanga chesimba rangu,unokunda mukukudzwa, unokunda musimba. 4 Unozunguzika semvura zhinji, hauchazokundizve,nokuti wakakwira panhoo yababa vako,panhoo yangu uye ukaisvibisa. 5 “Simeoni naRevhi mukoma nomununʼuna,minondo yavo zvombo zvokurwa. 6 Ngandirege kupinda parangano yavo,ngandirege kuva paungano yavo,nokuti vakauraya vanhu mukutsamwa kwavouye vakagura marunda enzombe sezvavaida. 7 Kutsamwa kwavo ngakutukwe, kunotyisa zvakadai,uye hasha dzavo, dzaiva noutsinye kudai!Ndichavaparadzira muna Jakobhouye ndigovatsaura muna Israeri. 8 “Judha, hama dzako dzichakurumbidza;ruoko rwako ruchava pamitsipa yavavengi vako;vanakomana vababa vako vachakotama kwauri. 9 Uri mwana weshumba, iwe Judha;unodzoka kubva kune zvaunouraya, mwana wangu.Seshumba anonyangira uye anovata pasi,seshumbakadzi, ndiani anotsunga kumumutsa? 10 Tsvimbo youshe haingabvi kuna Judha,uye mudonzvo womutongi pakati pamakumbo ake,kusvikira asvika kumuridzi wawo,uye kuteerera kwendudzi ndokwake. 11 Achasungirira mbongoro yake pamuzambiringa,nomwana wayo padavi rakaisvonaka;achasuka nguo dzake muwaini,zvokufuka zvake muropa ramazambiringa. 12 Meso ake achasviba kupfuura waini,meno ake achachena kupfuura mukaka. 13 “Zebhuruni achagara kumahombekombe egungwauye achava zororo rezvikepe;muganhu wake uchasvika paSidhoni. 14 “Isakari imbongoro ine simba,ivete pasi pakati pamatanga amakwai. 15 Paanoona nzvimbo yake yokuzorora kuti yanaka seiuye kuti nyika yake inofadza sei,acharerekera pfudzi rake kumutorouye achava mubatiri wechibharo. 16 “Dhani acharuramisira vanhu vakesomumwe wamarudzi aIsraeri. 17 Dhani achava nyoka iri parutivi pomugwagwa,semhakure iri munzira,inoruma chitsitsinho chebhizakuitira kuti mutasvi waro awire pasi neshure. 18 “Ndakamirira rusununguko rwenyu, imi Jehovha. 19 “Gadhi acharohwa neboka ravapambi,asi achavarova pazvitsitsinho zvavo. 20 “Zvokudya zvaAsheri zvichava zvakakora;achauya nezvinonaka zvakafanira madzimambo. 21 “Nafutari isheche yemhembwe yakasunungurwa,inobereka tsvana dzakaisvonaka. 22 “Josefa muzambiringa unobereka mazambiringa,unobereka uri pedyo netsime,matavi awo anokwira pamadziro. 23 Neshungu vapfuri vanomurwisa;vanomupfura noruvengo. 24 Asi uta hwake hwakaramba hwakasimba,maoko ake akasimba, akagwinya,nokuda kworuoko rwaIye Anesimba waJakobho,nokuda kwoMufudzi, iye Dombo raIsraeri, 25 nokuda kwaMwari wababa vako anokubatsira,nokuda kwoWamasimba Ose anokuropafadzanamaropafadzo okumatenga kumusoro,maropafadzo okwakadzika kuri pasi,maropafadzo amazamu neechizvaro. 26 Maropafadzo ababa vako makurukupfuura maropafadzo amakomo ekare,kupfuura zvakawanda zvezvikomo zvamakore ekare.Zvose izvi ngazvigare pamusoro waJosefa,pamusoro womuchinda ari pakati pehama dzake. 27 “Bhenjamini ibere rinoparadza;mangwanani anodya nyama,madekwana anogovera zvaapamba.” 28 Ava vose ndiwo marudzi gumi namaviri aIsraeri, uye izvi ndizvo zvakataurwa nababa vavo kwavari pavakavaropafadza, vachipa mumwe nomumwe kuropafadzwa kwakamufanira. 29 Ipapo akavarayira akati, “Ini ndava kuzosanganiswa navanhu vokwangu. Mundivige namadzibaba angu mubako mumunda waEfuroni muHiti, 30 bako riri mumunda weMakapera, pedyo neMamure muKenani, rakatengwa kubva kuna Efuroni naAbhurahama senzvimbo yokuviga pamwe chete nomunda. 31 Ndipo pakavigwa Abhurahama nomukadzi wake Sara, ndipozve pakavigwa Isaka nomukadzi wake Rabheka, uye Rea akavigwa ipapo. 32 Munda nebako riri mauri zvakatengwa kubva kuvaHiti.” 33 Jakobho akati apedza kurayira vanakomana vake, akadzora tsoka dzake mumubhedha, akabudisa mweya wake akasanganiswa navanhu vokwake.
In Other Versions
Genesis 49 in the ANGEFD
Genesis 49 in the ANTPNG2D
Genesis 49 in the AS21
Genesis 49 in the BAGH
Genesis 49 in the BBPNG
Genesis 49 in the BBT1E
Genesis 49 in the BDS
Genesis 49 in the BEV
Genesis 49 in the BHAD
Genesis 49 in the BIB
Genesis 49 in the BLPT
Genesis 49 in the BNT
Genesis 49 in the BNTABOOT
Genesis 49 in the BNTLV
Genesis 49 in the BOATCB
Genesis 49 in the BOATCB2
Genesis 49 in the BOBCV
Genesis 49 in the BOCNT
Genesis 49 in the BOECS
Genesis 49 in the BOGWICC
Genesis 49 in the BOHCB
Genesis 49 in the BOHCV
Genesis 49 in the BOHLNT
Genesis 49 in the BOHNTLTAL
Genesis 49 in the BOICB
Genesis 49 in the BOILNTAP
Genesis 49 in the BOITCV
Genesis 49 in the BOKCV
Genesis 49 in the BOKCV2
Genesis 49 in the BOKHWOG
Genesis 49 in the BOKSSV
Genesis 49 in the BOLCB
Genesis 49 in the BOLCB2
Genesis 49 in the BOMCV
Genesis 49 in the BONAV
Genesis 49 in the BONCB
Genesis 49 in the BONLT
Genesis 49 in the BONUT2
Genesis 49 in the BOPLNT
Genesis 49 in the BOSNC
Genesis 49 in the BOTLNT
Genesis 49 in the BOVCB
Genesis 49 in the BOYCB
Genesis 49 in the BPBB
Genesis 49 in the BPH
Genesis 49 in the BSB
Genesis 49 in the CCB
Genesis 49 in the CUV
Genesis 49 in the CUVS
Genesis 49 in the DBT
Genesis 49 in the DGDNT
Genesis 49 in the DHNT
Genesis 49 in the DNT
Genesis 49 in the ELBE
Genesis 49 in the EMTV
Genesis 49 in the ESV
Genesis 49 in the FBV
Genesis 49 in the FEB
Genesis 49 in the GGMNT
Genesis 49 in the GNT
Genesis 49 in the HARY
Genesis 49 in the HNT
Genesis 49 in the IRVA
Genesis 49 in the IRVB
Genesis 49 in the IRVG
Genesis 49 in the IRVH
Genesis 49 in the IRVK
Genesis 49 in the IRVM
Genesis 49 in the IRVM2
Genesis 49 in the IRVO
Genesis 49 in the IRVP
Genesis 49 in the IRVT
Genesis 49 in the IRVT2
Genesis 49 in the IRVU
Genesis 49 in the ISVN
Genesis 49 in the JSNT
Genesis 49 in the KAPI
Genesis 49 in the KBT1ETNIK
Genesis 49 in the KBV
Genesis 49 in the KJV
Genesis 49 in the KNFD
Genesis 49 in the LBA
Genesis 49 in the LBLA
Genesis 49 in the LNT
Genesis 49 in the LSV
Genesis 49 in the MAAL
Genesis 49 in the MBV
Genesis 49 in the MBV2
Genesis 49 in the MHNT
Genesis 49 in the MKNFD
Genesis 49 in the MNG
Genesis 49 in the MNT
Genesis 49 in the MNT2
Genesis 49 in the MRS1T
Genesis 49 in the NAA
Genesis 49 in the NASB
Genesis 49 in the NBLA
Genesis 49 in the NBS
Genesis 49 in the NBVTP
Genesis 49 in the NET2
Genesis 49 in the NIV11
Genesis 49 in the NNT
Genesis 49 in the NNT2
Genesis 49 in the NNT3
Genesis 49 in the PDDPT
Genesis 49 in the PFNT
Genesis 49 in the RMNT
Genesis 49 in the SBIAS
Genesis 49 in the SBIBS
Genesis 49 in the SBIBS2
Genesis 49 in the SBICS
Genesis 49 in the SBIDS
Genesis 49 in the SBIGS
Genesis 49 in the SBIHS
Genesis 49 in the SBIIS
Genesis 49 in the SBIIS2
Genesis 49 in the SBIIS3
Genesis 49 in the SBIKS
Genesis 49 in the SBIKS2
Genesis 49 in the SBIMS
Genesis 49 in the SBIOS
Genesis 49 in the SBIPS
Genesis 49 in the SBISS
Genesis 49 in the SBITS
Genesis 49 in the SBITS2
Genesis 49 in the SBITS3
Genesis 49 in the SBITS4
Genesis 49 in the SBIUS
Genesis 49 in the SBIVS
Genesis 49 in the SBT
Genesis 49 in the SBT1E
Genesis 49 in the SCHL
Genesis 49 in the SNT
Genesis 49 in the SUSU
Genesis 49 in the SUSU2
Genesis 49 in the SYNO
Genesis 49 in the TBIAOTANT
Genesis 49 in the TBT1E
Genesis 49 in the TBT1E2
Genesis 49 in the TFTIP
Genesis 49 in the TFTU
Genesis 49 in the TGNTATF3T
Genesis 49 in the THAI
Genesis 49 in the TNFD
Genesis 49 in the TNT
Genesis 49 in the TNTIK
Genesis 49 in the TNTIL
Genesis 49 in the TNTIN
Genesis 49 in the TNTIP
Genesis 49 in the TNTIZ
Genesis 49 in the TOMA
Genesis 49 in the TTENT
Genesis 49 in the UBG
Genesis 49 in the UGV
Genesis 49 in the UGV2
Genesis 49 in the UGV3
Genesis 49 in the VBL
Genesis 49 in the VDCC
Genesis 49 in the YALU
Genesis 49 in the YAPE
Genesis 49 in the YBVTP
Genesis 49 in the ZBP