Haggai 2 (BOSCB)

1 Pazuva ramakumi maviri nerimwe romwedzi wechinomwe, shoko raJehovha rakasvika nokuna muprofita Hagai richiti, 2 “Taura naZerubhabheri mwanakomana waShearitieri, mubati weJudha, kuna Joshua mwanakomana waJehozadhaki muprista mukuru, nokuvanhu vakasara. Uvabvunze kuti, 3 ‘Ndiani pakati penyu vakasara akaona imba ino pakubwinya kwayo kwokutanga? Munoionawo sei zvino? Pakuona kwenyu haina kuita sapasina here? 4 Asi zvino chiva nesimba, iwe Zerubhabheri,’ ndizvo zvinotaura Jehovha. ‘Iva nesimba, iwe Joshua mwanakomana waJehozadhaki, muprista mukuru. Ivai nesimba, imi mose vanhu venyika,’ ndizvo zvinotaura Jehovha, ‘uye mushande. Nokuti ndinemi,’ ndizvo zvinotaura Jehovha Wamasimba Ose. 5 ‘Ndiro shoko resungano yandakaita nemi, nguva yamakabuda kubvira muIjipiti. Uye Mweya wangu uchagara pakati penyu. Musatya.’ 6 “Zvanzi naJehovha Wamasimba Ose: ‘Munguva shoma shoma, ndichazungunusa matenga nenyika, negungwa nenyika yakaoma. 7 Ndichazungunusa ndudzi dzose, uye zvinodikanwa nendudzi dzose zvichauya, uye ndichazadza imba ino nokubwinya,’ ndizvo zvinotaura Jehovha Wamasimba Ose. 8 ‘Sirivha ndeyangu negoridhe nderangu,’ ndizvo zvinotaura Jehovha Wamasimba Ose. 9 ‘Kubwinya kweimba iripo nhasi kuchapfuura kubwinya kweyokutanga,’ ndizvo zvinotaura Jehovha Wamasimba Ose. ‘Uye panzvimbo ino ndichauyisa rugare,’ ndizvo zvinotaura Jehovha Wamasimba Ose.” 10 Pazuva ramakumi maviri namana romwedzi wechipfumbamwe, mugore rechipiri raDhariasi, shoko raJehovha rakasvika kumuprofita Hagai, richiti, 11 “Zvanzi naJehovha Wamasimba Ose: ‘Bvunza vaprista kuti murayiro unorevei: 12 Kana munhu akatakura nyama tsvene mumupendero wenguo yake, uye mupendero ukagunzva chingwa kana nyama yakabikwa, kana waini, kana mafuta kana zvimwe zvokudya, zvichava zvitsvene here?’ ”Vaprista vakapindura vakati, “Kwete.” 13 Ipapo Hagai akapindura akati, “Kana munhu asvibiswa nokubata kwaaita chitunha, akabata chimwe chaizvozvi, ko, chingasvibiswa here?” Vaprista vakapindura vakati, “Hongu chinosvibiswa.” 14 Ipapo Hagai akapindura akati, “ ‘Ndizvo zvakaita vanhu ava norudzi urwu pamberi pangu,’ ndizvo zvinotaura Jehovha. ‘Zvose zvavanoita uye zvose zvavanopa sechibayiro ipapo zvakasvibiswa. 15 “ ‘Zvino fungisisai, kubvira pazuva ranhasi, muchidzokera shure, chimbofungai zvazvakanga zvakaita ibwe rimwe richigere kuiswa pamusoro perimwe ibwe mutemberi yaJehovha. 16 Munhu aiti kana achinge asvika pamurwi wezviyero makumi maviri, paingova negumi chete. Munhu aiti kana asvika pachisviniro chewaini achida kuchera zviyero makumi mashanu, kwaingova nezviyero makumi maviri chete. 17 Ndakarova mabasa ose amaoko enyu nenyunje, nokuvhuvha nechimvuramabwe, asi hamuna kutendeukira kwandiri,’ ndizvo zvinotaura Jehovha. 18 Kubvira pazuva ranhasi zvichienda mberi, kubvira pazuva ramakumi maviri namana romwedzi wepfumbamwe, fungisisai zuva riya rakateyiwa nheyo dzetemberi yaJehovha. Fungisisai izvozvo: 19 Ko, muchine mbeu yakasara mudura here? Kusvikira zvino, muzambiringa nomuonde, mutamba nomuorivhi hazvina kubereka michero.“ ‘Kubvira pazuva ranhasi ndichakuropafadzai.’ ” 20 Shoko raJehovha rakasvika kuna Hagai kechipiri pazuva ramakumi maviri namana romwedzi richiti, 21 “Udza Zerubhabheri mubati weJudha kuti ndichazungunusa matenga nenyika. 22 Ndichawisira pasi zvigaro zvoushe uye ndichaparadza simba roushe hwavatorwa. Ndichawisira pasi ngoro navafambisi vadzo; mabhiza navatasvi vawo zvichawira pasi, mumwe nomumwe nomunondo wehama yake. 23 “ ‘Pazuva iroro,’ ndizvo zvinotaura Jehovha Wamasimba Ose, ‘ndichakutora iwe, muranda wangu, Zerubhabheri mwanakomana waShearitieri,’ ndizvo zvinotaura Jehovha, ‘uye ndichakuita sechisimbiso changu, nokuti ndakakusarudza,’ ndizvo zvinotaura Jehovha Wamasimba Ose.”

In Other Versions

Haggai 2 in the ANGEFD

Haggai 2 in the ANTPNG2D

Haggai 2 in the AS21

Haggai 2 in the BAGH

Haggai 2 in the BBPNG

Haggai 2 in the BBT1E

Haggai 2 in the BDS

Haggai 2 in the BEV

Haggai 2 in the BHAD

Haggai 2 in the BIB

Haggai 2 in the BLPT

Haggai 2 in the BNT

Haggai 2 in the BNTABOOT

Haggai 2 in the BNTLV

Haggai 2 in the BOATCB

Haggai 2 in the BOATCB2

Haggai 2 in the BOBCV

Haggai 2 in the BOCNT

Haggai 2 in the BOECS

Haggai 2 in the BOGWICC

Haggai 2 in the BOHCB

Haggai 2 in the BOHCV

Haggai 2 in the BOHLNT

Haggai 2 in the BOHNTLTAL

Haggai 2 in the BOICB

Haggai 2 in the BOILNTAP

Haggai 2 in the BOITCV

Haggai 2 in the BOKCV

Haggai 2 in the BOKCV2

Haggai 2 in the BOKHWOG

Haggai 2 in the BOKSSV

Haggai 2 in the BOLCB

Haggai 2 in the BOLCB2

Haggai 2 in the BOMCV

Haggai 2 in the BONAV

Haggai 2 in the BONCB

Haggai 2 in the BONLT

Haggai 2 in the BONUT2

Haggai 2 in the BOPLNT

Haggai 2 in the BOSNC

Haggai 2 in the BOTLNT

Haggai 2 in the BOVCB

Haggai 2 in the BOYCB

Haggai 2 in the BPBB

Haggai 2 in the BPH

Haggai 2 in the BSB

Haggai 2 in the CCB

Haggai 2 in the CUV

Haggai 2 in the CUVS

Haggai 2 in the DBT

Haggai 2 in the DGDNT

Haggai 2 in the DHNT

Haggai 2 in the DNT

Haggai 2 in the ELBE

Haggai 2 in the EMTV

Haggai 2 in the ESV

Haggai 2 in the FBV

Haggai 2 in the FEB

Haggai 2 in the GGMNT

Haggai 2 in the GNT

Haggai 2 in the HARY

Haggai 2 in the HNT

Haggai 2 in the IRVA

Haggai 2 in the IRVB

Haggai 2 in the IRVG

Haggai 2 in the IRVH

Haggai 2 in the IRVK

Haggai 2 in the IRVM

Haggai 2 in the IRVM2

Haggai 2 in the IRVO

Haggai 2 in the IRVP

Haggai 2 in the IRVT

Haggai 2 in the IRVT2

Haggai 2 in the IRVU

Haggai 2 in the ISVN

Haggai 2 in the JSNT

Haggai 2 in the KAPI

Haggai 2 in the KBT1ETNIK

Haggai 2 in the KBV

Haggai 2 in the KJV

Haggai 2 in the KNFD

Haggai 2 in the LBA

Haggai 2 in the LBLA

Haggai 2 in the LNT

Haggai 2 in the LSV

Haggai 2 in the MAAL

Haggai 2 in the MBV

Haggai 2 in the MBV2

Haggai 2 in the MHNT

Haggai 2 in the MKNFD

Haggai 2 in the MNG

Haggai 2 in the MNT

Haggai 2 in the MNT2

Haggai 2 in the MRS1T

Haggai 2 in the NAA

Haggai 2 in the NASB

Haggai 2 in the NBLA

Haggai 2 in the NBS

Haggai 2 in the NBVTP

Haggai 2 in the NET2

Haggai 2 in the NIV11

Haggai 2 in the NNT

Haggai 2 in the NNT2

Haggai 2 in the NNT3

Haggai 2 in the PDDPT

Haggai 2 in the PFNT

Haggai 2 in the RMNT

Haggai 2 in the SBIAS

Haggai 2 in the SBIBS

Haggai 2 in the SBIBS2

Haggai 2 in the SBICS

Haggai 2 in the SBIDS

Haggai 2 in the SBIGS

Haggai 2 in the SBIHS

Haggai 2 in the SBIIS

Haggai 2 in the SBIIS2

Haggai 2 in the SBIIS3

Haggai 2 in the SBIKS

Haggai 2 in the SBIKS2

Haggai 2 in the SBIMS

Haggai 2 in the SBIOS

Haggai 2 in the SBIPS

Haggai 2 in the SBISS

Haggai 2 in the SBITS

Haggai 2 in the SBITS2

Haggai 2 in the SBITS3

Haggai 2 in the SBITS4

Haggai 2 in the SBIUS

Haggai 2 in the SBIVS

Haggai 2 in the SBT

Haggai 2 in the SBT1E

Haggai 2 in the SCHL

Haggai 2 in the SNT

Haggai 2 in the SUSU

Haggai 2 in the SUSU2

Haggai 2 in the SYNO

Haggai 2 in the TBIAOTANT

Haggai 2 in the TBT1E

Haggai 2 in the TBT1E2

Haggai 2 in the TFTIP

Haggai 2 in the TFTU

Haggai 2 in the TGNTATF3T

Haggai 2 in the THAI

Haggai 2 in the TNFD

Haggai 2 in the TNT

Haggai 2 in the TNTIK

Haggai 2 in the TNTIL

Haggai 2 in the TNTIN

Haggai 2 in the TNTIP

Haggai 2 in the TNTIZ

Haggai 2 in the TOMA

Haggai 2 in the TTENT

Haggai 2 in the UBG

Haggai 2 in the UGV

Haggai 2 in the UGV2

Haggai 2 in the UGV3

Haggai 2 in the VBL

Haggai 2 in the VDCC

Haggai 2 in the YALU

Haggai 2 in the YAPE

Haggai 2 in the YBVTP

Haggai 2 in the ZBP