Isaiah 41 (BOSCB)

1 “Nyararai pamberi pangu, imi zviwi!Ndudzi ngadzivandudze simba radzo!Ngadziswedere mberi dzitaure;ngatisanganei pamwe chete panzvimbo inotongerwa mhaka. 2 “Ndianiko akamutsa mumwe kubva kumabvazuva,akamudana nokururama kuushumiri hwake?Anopa ndudzi kwaari,uye anoisa madzimambo pasi pake.Anovashandura vagova guruva nomunondo wake,vagova hundi inopepereswa nemhepo nouta hwake. 3 Anovadzinganisa agopfuurira mberi asina vanga,nenzira yaasina kumbotsika netsoka dzake kare. 4 Ndiani akabata basa iri akaripedza,akadana zvizvarwa kubva pakutanga?Ini, Jehovha, iye wokutanga wavonewokupedzisira, ndini iye.” 5 Zviwi zvakazviona zvikatya;magumo enyika anodedera.Vanoswedera uye vagouya mberi; 6 mumwe nomumwe anobatsira wokwake,achiti kuhama yake, “Simba!” 7 Mhizha inokurudzira mupfuri wegoridhe,uye iye anotsetsenura nenyundoanokurudzira uyo anorova panhera.Anoti kune chakanamwa nomoto, “Ichi chakanaka.”Anoroverera chifananidzo pasi nechipikiri kuti chisazungunuka. 8 “Asi iwe, Israeri, muranda wangu,Jakobho, wandakasarudza,imi vana vaAbhurahama, shamwari yangu, 9 ndakakutora kubva kumagumo enyika,ndikakudana kubva kumakona ayo ari kure.Ndakati kwauri, ‘Uri muranda wangu,’ndakakusarudza uye handina kukuramba. 10 Naizvozvo usatya, nokuti ndinewe;usavhunduka, nokuti ndini Mwari wako.Ndichakusimbisa uye ndichakubatsira;ndichakutsigira noruoko rwangu rworudyi rwokururama. 11 “Vose vanokutsamwirazvirokwazvo vachanyadziswa uye vachanyara;vose vanokakavadzana newevachava sechinhu chisipo uye vachaparara. 12 Kunyange ukatsvaka vavengi vako,hauzovawani.Avo vanorwa newevachava sechinhu chisipo chose. 13 Nokuti ndini Jehovha, Mwari wako,anobata ruoko rwako rworudyiachiti kwauri, Usatya;ndichakubatsira. 14 Usatya Jakobho iwe honye,iwe mudiki Israeri,nokuti ini iyeni ndichakubatsira,” ndizvo zvinotaura Jehovha,Mudzikinuri wako, Mutsvene waIsraeri. 15 “Tarira, ndichakuita mupuro, mutsva unopinza,una meno mazhinji.Uchapura makomo ugoapwanya,uye uchaderedza zvikomo zvikava hundi. 16 Uchaapepeta, achatorwa nemhepo,uye chamupupuri chichaaparadzira.Asi iwe uchafara muna Jehovha,uye uchazvirumbidza muMutsvene waIsraeri. 17 “Varombo navanoshaya vanotsvaka mvuraasi hakuna;ndimi dzavo dzaoma nenyota.Asi ini Jehovha ndichavapindura;ini, Mwari waIsraeri, handizovasiya. 18 Ndichaita kuti nzizi dziyerere pamitunhu isina miti,namatsime pakati pemipata.Ndichashandura gwenga rikava madziva emvura,nenyika yakaoma ikava matsime. 19 Ndichaisa mugwenga musidhari nomuakasiya,mumite nomuorivhi.Ndichaisa mipaini musango,misipuresi nemifiri pamwe chete, 20 kuitira kuti vanhu vaone uye vagoziva,varangarire vagonzwisisa,kuti ruoko rwaJehovha rwakaita izvozvi,kuti Mutsvene waIsraeri ndiye akazvisika. 21 “Sumai mhaka yenyu,” ndizvo zvinotaura Jehovha.“Uyai namashoko enyu akasimba,” ndizvo zvinotaura Mambo waJakobho. 22 “Uyai nezvifananidzo zvenyu zvitiudzezvichaitika.Tiudzei zvinhu zvakare kuti zvaiva zvipi,kuti zvimwe tizviongororetigoziva magumo azvo.Kana kuti tizivisei, zvinhu zvichaitika, 23 tiudzei kuti ramangwana rinei,kuti tizive kana imi muri vanamwari.Itai chimwe chinhu, chingava chakanaka kana chakaipa,kuitira kuti tigoshamiswa tigozadzwa nokutya. 24 Asi imi hamusi chinhu,uye mabasa enyu haana maturo chose;anokusarudzai anonyangadza. 25 “Ndamutsa mumwe anobva kumusoro, zvino ari kuuya,mumwe anobva kumabvazuva anodana kuzita rangu.Iye anotsika pamusoro pavabati kunge anotsika dope,kuita sokunge muumbi wehari anokanya ivhu. 26 Ndianiko akazvireva kubva pakutanga, kuti zvimwe,tingaziva, kana kuti zvichigere kuitika, kuti zvimwe tigoti, ‘Akanga anatsa?’Hapana akataura izvozvi,hapana akataura kuti zvichauya,hapana akanzwa kana shoko kubva kwamuri. 27 Ndini akava wokutanga kuudza Zioni kuti, ‘Tarira, ava vari pano!’Ndakapa kuJerusarema nhume yamashoko akanaka. 28 Ndinotarisa asi hapana munhu,hapana pakati pavo anopa zano,hapana anondipindura pandinovabvunza. 29 Tarirai, vose inhema dzoga!Mabasa avo haana maturo;zvifananidzo zvavo imhepo nenyonganiso.

In Other Versions

Isaiah 41 in the ANGEFD

Isaiah 41 in the ANTPNG2D

Isaiah 41 in the AS21

Isaiah 41 in the BAGH

Isaiah 41 in the BBPNG

Isaiah 41 in the BBT1E

Isaiah 41 in the BDS

Isaiah 41 in the BEV

Isaiah 41 in the BHAD

Isaiah 41 in the BIB

Isaiah 41 in the BLPT

Isaiah 41 in the BNT

Isaiah 41 in the BNTABOOT

Isaiah 41 in the BNTLV

Isaiah 41 in the BOATCB

Isaiah 41 in the BOATCB2

Isaiah 41 in the BOBCV

Isaiah 41 in the BOCNT

Isaiah 41 in the BOECS

Isaiah 41 in the BOGWICC

Isaiah 41 in the BOHCB

Isaiah 41 in the BOHCV

Isaiah 41 in the BOHLNT

Isaiah 41 in the BOHNTLTAL

Isaiah 41 in the BOICB

Isaiah 41 in the BOILNTAP

Isaiah 41 in the BOITCV

Isaiah 41 in the BOKCV

Isaiah 41 in the BOKCV2

Isaiah 41 in the BOKHWOG

Isaiah 41 in the BOKSSV

Isaiah 41 in the BOLCB

Isaiah 41 in the BOLCB2

Isaiah 41 in the BOMCV

Isaiah 41 in the BONAV

Isaiah 41 in the BONCB

Isaiah 41 in the BONLT

Isaiah 41 in the BONUT2

Isaiah 41 in the BOPLNT

Isaiah 41 in the BOSNC

Isaiah 41 in the BOTLNT

Isaiah 41 in the BOVCB

Isaiah 41 in the BOYCB

Isaiah 41 in the BPBB

Isaiah 41 in the BPH

Isaiah 41 in the BSB

Isaiah 41 in the CCB

Isaiah 41 in the CUV

Isaiah 41 in the CUVS

Isaiah 41 in the DBT

Isaiah 41 in the DGDNT

Isaiah 41 in the DHNT

Isaiah 41 in the DNT

Isaiah 41 in the ELBE

Isaiah 41 in the EMTV

Isaiah 41 in the ESV

Isaiah 41 in the FBV

Isaiah 41 in the FEB

Isaiah 41 in the GGMNT

Isaiah 41 in the GNT

Isaiah 41 in the HARY

Isaiah 41 in the HNT

Isaiah 41 in the IRVA

Isaiah 41 in the IRVB

Isaiah 41 in the IRVG

Isaiah 41 in the IRVH

Isaiah 41 in the IRVK

Isaiah 41 in the IRVM

Isaiah 41 in the IRVM2

Isaiah 41 in the IRVO

Isaiah 41 in the IRVP

Isaiah 41 in the IRVT

Isaiah 41 in the IRVT2

Isaiah 41 in the IRVU

Isaiah 41 in the ISVN

Isaiah 41 in the JSNT

Isaiah 41 in the KAPI

Isaiah 41 in the KBT1ETNIK

Isaiah 41 in the KBV

Isaiah 41 in the KJV

Isaiah 41 in the KNFD

Isaiah 41 in the LBA

Isaiah 41 in the LBLA

Isaiah 41 in the LNT

Isaiah 41 in the LSV

Isaiah 41 in the MAAL

Isaiah 41 in the MBV

Isaiah 41 in the MBV2

Isaiah 41 in the MHNT

Isaiah 41 in the MKNFD

Isaiah 41 in the MNG

Isaiah 41 in the MNT

Isaiah 41 in the MNT2

Isaiah 41 in the MRS1T

Isaiah 41 in the NAA

Isaiah 41 in the NASB

Isaiah 41 in the NBLA

Isaiah 41 in the NBS

Isaiah 41 in the NBVTP

Isaiah 41 in the NET2

Isaiah 41 in the NIV11

Isaiah 41 in the NNT

Isaiah 41 in the NNT2

Isaiah 41 in the NNT3

Isaiah 41 in the PDDPT

Isaiah 41 in the PFNT

Isaiah 41 in the RMNT

Isaiah 41 in the SBIAS

Isaiah 41 in the SBIBS

Isaiah 41 in the SBIBS2

Isaiah 41 in the SBICS

Isaiah 41 in the SBIDS

Isaiah 41 in the SBIGS

Isaiah 41 in the SBIHS

Isaiah 41 in the SBIIS

Isaiah 41 in the SBIIS2

Isaiah 41 in the SBIIS3

Isaiah 41 in the SBIKS

Isaiah 41 in the SBIKS2

Isaiah 41 in the SBIMS

Isaiah 41 in the SBIOS

Isaiah 41 in the SBIPS

Isaiah 41 in the SBISS

Isaiah 41 in the SBITS

Isaiah 41 in the SBITS2

Isaiah 41 in the SBITS3

Isaiah 41 in the SBITS4

Isaiah 41 in the SBIUS

Isaiah 41 in the SBIVS

Isaiah 41 in the SBT

Isaiah 41 in the SBT1E

Isaiah 41 in the SCHL

Isaiah 41 in the SNT

Isaiah 41 in the SUSU

Isaiah 41 in the SUSU2

Isaiah 41 in the SYNO

Isaiah 41 in the TBIAOTANT

Isaiah 41 in the TBT1E

Isaiah 41 in the TBT1E2

Isaiah 41 in the TFTIP

Isaiah 41 in the TFTU

Isaiah 41 in the TGNTATF3T

Isaiah 41 in the THAI

Isaiah 41 in the TNFD

Isaiah 41 in the TNT

Isaiah 41 in the TNTIK

Isaiah 41 in the TNTIL

Isaiah 41 in the TNTIN

Isaiah 41 in the TNTIP

Isaiah 41 in the TNTIZ

Isaiah 41 in the TOMA

Isaiah 41 in the TTENT

Isaiah 41 in the UBG

Isaiah 41 in the UGV

Isaiah 41 in the UGV2

Isaiah 41 in the UGV3

Isaiah 41 in the VBL

Isaiah 41 in the VDCC

Isaiah 41 in the YALU

Isaiah 41 in the YAPE

Isaiah 41 in the YBVTP

Isaiah 41 in the ZBP