Judges 15 (BOSCB)
1 Mushure mechinguva, panguva yokukohwa gorosi, Samusoni akatora mbudzana akaenda kundoshanyira mukadzi wake. Akati, “Ndinoda kupinda mumba nomukadzi wangu.” Asi baba vomukadzi wake havana kumutendera kupinda. 2 Baba vomukadzi wake vakati, “Ndakanga ndine chokwadi chaizvo kuti unomuvenga kwazvo zvokuti ndakamupa kushamwari yako. Ko, mununʼuna wake haana kunaka kukunda iye here? Chimutora iye panzvimbo yake.” 3 Samusoni akati kwaari, “Panguva ino ndine mvumo yokuti nditsive kuvaFiristia; ndichavaitira zvakaipa chaizvo.” 4 Saka akabuda akandobata makava mazana matatu akaasunganidza miswe yawo achiita maviri maviri. Ipapo akaisa zhenje pakati pemiswe miviri miviri yacho. 5 Akatungidza mazhenje akaregedza makava akapinda muzviyo zvavaFiristia zvakanga zvimire. Akapisa zviyo zvakanga zvakohwewa nezvakanga zvimire mumunda, pamwe chete neminda yemizambiringa neyemiorivhi. 6 VaFiristia pavakabvunza kuti, “Ndianiko aita izvi?” vakaudzwa kuti, “NdiSamusoni, mukuwasha womuTimina, nemhaka yokuti mukadzi wake akapiwa kushamwari yake.”Saka vaFiristia vakaenda vakandomupisa iye nababa vake vakafa. 7 Samusoni akati kwavari, “Sezvo maita kudai, ini handitombomiri kusvikira ndakutsivai.” 8 Akavarwisa zvakasimba uye akauraya vazhinji vavo. Ipapo akaburuka akandogara mubako redombo reEtami. 9 VaFiristia vakakwidza vakandodzika musasa wavo muJudha, vakapararira kusvika pedyo neRehi. 10 Varume veJudha vakavabvunza vakati, “Mauyireiko kuzorwa nesu?”Ivo vakapindura vakati, “Tauya kuzotora Samusoni kuti ave musungwa, uye kuti tiite kwaari zvaakatiitira isu.” 11 Ipapo varume zviuru zvitatu vaibva kuJudha vakaburuka kubako reEtami vakandoti kuna Samusoni, “Ko, haunzwi here kuti vaFiristia vanotitonga? Chiiko chawatiitira?”Akapindura akati, “Ndakangovaitira zvavakandiitira.” 12 Ivo vakati kwaari, “Tauya kuzokusunga kuti tikuise kuvaFiristia.”Samusoni akati, “Pikai kwandiri kuti imi hamundiurayi pachenyu.” 13 Ivo vakati, “Hongu, isu tichangokusunga bedzi tigokuisa mumaoko avo. Hatikuurayi isu.” Saka vakamusunga namabote matsva maviri vakamutungamirira kuruware. 14 Akati aswedera kuRehi, vaFiristia vakauya kwaari vachidanidzira. Mweya waJehovha wakauya paari nesimba. Mabote akanga ari mumaoko ake akaita sorushinda, uye zvisungo zvikadonha mumaoko ake. 15 Akawana rushaya rutsva rwembongoro, akarubata akauraya varume chiuru. 16 Ipapo Samusoni akati,“Norushaya rwembongorondavaita mbongoro.Norushaya rwembongorondauraya varume chiuru.” 17 Akati apedza kutaura, akakanda rushaya kure; uye nzvimbo iyoyo ikanzi Ramati Rehi. 18 Nokuti akanga ava nenyota chaizvo, akadanidzira kuna Jehovha akati, “Mapa muranda wenyu kukunda kukuru. Zvino ndofira pano nenyota here ndigowira mumaoko avasina kudzingiswa?” 19 Ipapo Mwari akazarura mukaha muRehi, mvura ikabuda mauri. Samusoni akati anwa, simba rake rakadzoka maari uye akamutsiridzwazve. Saka tsime iro rakanzi Eni Hakore, uye richirimo muRehi. 20 Samusoni akatungamirira vaIsraeri kwamakore makumi maviri mumazuva avaFiristia.
In Other Versions
Judges 15 in the ANGEFD
Judges 15 in the ANTPNG2D
Judges 15 in the AS21
Judges 15 in the BAGH
Judges 15 in the BBPNG
Judges 15 in the BBT1E
Judges 15 in the BDS
Judges 15 in the BEV
Judges 15 in the BHAD
Judges 15 in the BIB
Judges 15 in the BLPT
Judges 15 in the BNT
Judges 15 in the BNTABOOT
Judges 15 in the BNTLV
Judges 15 in the BOATCB
Judges 15 in the BOATCB2
Judges 15 in the BOBCV
Judges 15 in the BOCNT
Judges 15 in the BOECS
Judges 15 in the BOGWICC
Judges 15 in the BOHCB
Judges 15 in the BOHCV
Judges 15 in the BOHLNT
Judges 15 in the BOHNTLTAL
Judges 15 in the BOICB
Judges 15 in the BOILNTAP
Judges 15 in the BOITCV
Judges 15 in the BOKCV
Judges 15 in the BOKCV2
Judges 15 in the BOKHWOG
Judges 15 in the BOKSSV
Judges 15 in the BOLCB
Judges 15 in the BOLCB2
Judges 15 in the BOMCV
Judges 15 in the BONAV
Judges 15 in the BONCB
Judges 15 in the BONLT
Judges 15 in the BONUT2
Judges 15 in the BOPLNT
Judges 15 in the BOSNC
Judges 15 in the BOTLNT
Judges 15 in the BOVCB
Judges 15 in the BOYCB
Judges 15 in the BPBB
Judges 15 in the BPH
Judges 15 in the BSB
Judges 15 in the CCB
Judges 15 in the CUV
Judges 15 in the CUVS
Judges 15 in the DBT
Judges 15 in the DGDNT
Judges 15 in the DHNT
Judges 15 in the DNT
Judges 15 in the ELBE
Judges 15 in the EMTV
Judges 15 in the ESV
Judges 15 in the FBV
Judges 15 in the FEB
Judges 15 in the GGMNT
Judges 15 in the GNT
Judges 15 in the HARY
Judges 15 in the HNT
Judges 15 in the IRVA
Judges 15 in the IRVB
Judges 15 in the IRVG
Judges 15 in the IRVH
Judges 15 in the IRVK
Judges 15 in the IRVM
Judges 15 in the IRVM2
Judges 15 in the IRVO
Judges 15 in the IRVP
Judges 15 in the IRVT
Judges 15 in the IRVT2
Judges 15 in the IRVU
Judges 15 in the ISVN
Judges 15 in the JSNT
Judges 15 in the KAPI
Judges 15 in the KBT1ETNIK
Judges 15 in the KBV
Judges 15 in the KJV
Judges 15 in the KNFD
Judges 15 in the LBA
Judges 15 in the LBLA
Judges 15 in the LNT
Judges 15 in the LSV
Judges 15 in the MAAL
Judges 15 in the MBV
Judges 15 in the MBV2
Judges 15 in the MHNT
Judges 15 in the MKNFD
Judges 15 in the MNG
Judges 15 in the MNT
Judges 15 in the MNT2
Judges 15 in the MRS1T
Judges 15 in the NAA
Judges 15 in the NASB
Judges 15 in the NBLA
Judges 15 in the NBS
Judges 15 in the NBVTP
Judges 15 in the NET2
Judges 15 in the NIV11
Judges 15 in the NNT
Judges 15 in the NNT2
Judges 15 in the NNT3
Judges 15 in the PDDPT
Judges 15 in the PFNT
Judges 15 in the RMNT
Judges 15 in the SBIAS
Judges 15 in the SBIBS
Judges 15 in the SBIBS2
Judges 15 in the SBICS
Judges 15 in the SBIDS
Judges 15 in the SBIGS
Judges 15 in the SBIHS
Judges 15 in the SBIIS
Judges 15 in the SBIIS2
Judges 15 in the SBIIS3
Judges 15 in the SBIKS
Judges 15 in the SBIKS2
Judges 15 in the SBIMS
Judges 15 in the SBIOS
Judges 15 in the SBIPS
Judges 15 in the SBISS
Judges 15 in the SBITS
Judges 15 in the SBITS2
Judges 15 in the SBITS3
Judges 15 in the SBITS4
Judges 15 in the SBIUS
Judges 15 in the SBIVS
Judges 15 in the SBT
Judges 15 in the SBT1E
Judges 15 in the SCHL
Judges 15 in the SNT
Judges 15 in the SUSU
Judges 15 in the SUSU2
Judges 15 in the SYNO
Judges 15 in the TBIAOTANT
Judges 15 in the TBT1E
Judges 15 in the TBT1E2
Judges 15 in the TFTIP
Judges 15 in the TFTU
Judges 15 in the TGNTATF3T
Judges 15 in the THAI
Judges 15 in the TNFD
Judges 15 in the TNT
Judges 15 in the TNTIK
Judges 15 in the TNTIL
Judges 15 in the TNTIN
Judges 15 in the TNTIP
Judges 15 in the TNTIZ
Judges 15 in the TOMA
Judges 15 in the TTENT
Judges 15 in the UBG
Judges 15 in the UGV
Judges 15 in the UGV2
Judges 15 in the UGV3
Judges 15 in the VBL
Judges 15 in the VDCC
Judges 15 in the YALU
Judges 15 in the YAPE
Judges 15 in the YBVTP
Judges 15 in the ZBP