Jeremiah 27 (BOSCB)
1 Pakutanga kwokubata ushe kwaZedhekia mwanakomana waJosia mambo weJudha, shoko iri rakasvika kuna Jeremia richibva kuna Jehovha, richiti: 2 Izvi ndizvo zvataurwa naJehovha kwandiri: “Ita joko remakashu namatanda ugoriisa pamutsipa wako. 3 Ipapo ugotuma shoko kuna mambo weEdhomu, nokuna mambo weMoabhu, noweAmoni, noweTire neSidhoni noruoko rwenhume dzinouya kuJerusarema kuna Zedhekia mambo weJudha. 4 Uvape shoko ravanatenzi vavo uchiti, ‘Zvanzi naJehovha Wamasimba Ose iye Mwari waIsraeri, “Taurai izvi kuna vanatenzi venyu kuti: 5 Ndakaita nyika navanhu vayo, nemhuka dziri mairi nesimba rangu guru uye noruoko rwakatambanudzwa, uye ndinoipa kuna ani zvake anondifadza. 6 Zvino, ndichapa nyika dzako dzose kumuranda wangu Nebhukadhinezari mambo weBhabhironi; uye kuti kunyange zvikara zvesango zvive pasi pake. 7 Ndudzi dzose dzichamushandira, iye nemwanakomana wake, nomuzukuru wake, kusvikira nguva yenyika yake yasvika; ipapo ndudzi zhinji namadzimambo makuru vachamuita muranda. 8 “ ‘ “Kunyange zvakadaro, kana rudzi rupi norupi kana ushe hupi nohupi hukasazoshandira Nebhukadhinezari mambo weBhabhironi kana hukazoisa mutsipa warwo pasi pejoko rake, ndicharanga rudzi urwo nomunondo, nenzara uye nedenda, kusvikira ndarupedza noruoko rwake, ndizvo zvinotaura Jehovha. 9 Saka musateerera vaprofita venyu, navavuki venyu, kana vanodudzira hope kana vafemberi kana varoyi vanokuudzai kuti, ‘Hamungashandiri mambo weBhabhironi’. 10 Vanokuprofitirai nhema dzichangoita kuti mubviswe muendeswe kure nenyika dzenyu; ndichakudzingai uye muchaparara. 11 Asi kana rudzi rupi norupi rukazoisa mutsipa warwo pasi pejoko ramambo weBhabhironi rukamushandira, ndichaita kuti rudzi urwo rurambe rwuri munyika yarwo kuti varime vagogaramo, ndizvo zvinotaura Jehovha.” ’ ” 12 Ndakapa shoko rimwe chetero kuna Zedhekia mambo weJudha. Ndakati, “Isa mutsipa wako pasi pejoko ramambo weBhabhironi; umushandire iye navanhu vake, ugorarama. 13 Ko, iwe navanhu vako muchafireiko nomunondo, nenzara uye nedenda izvo zvakanzi naJehovha ndichaitira rudzi rupi norupi rucharega kushandira mambo weBhabhironi? 14 Regai kuteerera mashoko avaprofita vanoti kwamuri, ‘Hamungashandiri mambo weBhabhironi,’ nokuti vanoprofita nhema pamusoro penyu. 15 ‘Ini handina kuvatuma,’ ndizvo zvinotaura Jehovha. ‘Vari kuprofita nhema muzita rangu. Naizvozvo, ndichakudzingai, mugoparara mose imi navaprofita vanoprofita kwamuri.’ ” 16 Ipapo ndakati kuvaprista navanhu vose ava, “Zvanzi naJehovha: Regai kuteerera vaprofita vanoti, ‘Iye zvino, nokukurumidza, midziyo yakabviswa mutemberi yaJehovha ichadzoswazve kubva kuBhabhironi.’ Vari kukuprofitirai nhema. 17 Regai kuvateerera. Shandirai mambo weBhabhironi, mugorarama. Guta rino richaitireiko dongo? 18 Kana vari vaprofita uye vane shoko raJehovha ngavakumbirise kuna Jehovha, Wamasimba Ose kuti midziyo yakasara muimba yaJehovha, nomumuzinda wamambo weJudha neJerusarema irege kutakurwa ichiendeswa kuBhabhironi. 19 Nokuti izvi ndizvo zvinotaura Jehovha Wamasimba Ose pamusoro pembiru, neGungwa, napamusoro pezvigadziko zvinofambiswa nemimwe midziyo yakasara muguta rino, 20 zvisina kutorwa naNebhukadhinezari mambo weBhabhironi paakatapa Jehoyakini, mwanakomana waJehoyakimi mambo weJudha, pamwe chete navakuru vose veJudha neJerusarema, kubva kuJerusarema achivaendesa kuBhabhironi. 21 Hongu, zvanzi naJehovha Wamasimba Ose, Mwari waIsraeri, pamusoro pezvinhu zvakasiyiwa mutemberi yaJehovha nomumuzinda wamambo weJudha uye nomuJerusarema: 22 ‘Zvichatakurwa zvichiendeswa kuBhabhironi uye ndiko kwazvichagara kusvikira pazuva randichavavinga,’ ndizvo zvinotaura Jehovha. ‘Ipapo ndichavadzosa ndigovagarisazve panzvimbo ino.’ ”
In Other Versions
Jeremiah 27 in the ANGEFD
Jeremiah 27 in the ANTPNG2D
Jeremiah 27 in the AS21
Jeremiah 27 in the BAGH
Jeremiah 27 in the BBPNG
Jeremiah 27 in the BBT1E
Jeremiah 27 in the BDS
Jeremiah 27 in the BEV
Jeremiah 27 in the BHAD
Jeremiah 27 in the BIB
Jeremiah 27 in the BLPT
Jeremiah 27 in the BNT
Jeremiah 27 in the BNTABOOT
Jeremiah 27 in the BNTLV
Jeremiah 27 in the BOATCB
Jeremiah 27 in the BOATCB2
Jeremiah 27 in the BOBCV
Jeremiah 27 in the BOCNT
Jeremiah 27 in the BOECS
Jeremiah 27 in the BOGWICC
Jeremiah 27 in the BOHCB
Jeremiah 27 in the BOHCV
Jeremiah 27 in the BOHLNT
Jeremiah 27 in the BOHNTLTAL
Jeremiah 27 in the BOICB
Jeremiah 27 in the BOILNTAP
Jeremiah 27 in the BOITCV
Jeremiah 27 in the BOKCV
Jeremiah 27 in the BOKCV2
Jeremiah 27 in the BOKHWOG
Jeremiah 27 in the BOKSSV
Jeremiah 27 in the BOLCB
Jeremiah 27 in the BOLCB2
Jeremiah 27 in the BOMCV
Jeremiah 27 in the BONAV
Jeremiah 27 in the BONCB
Jeremiah 27 in the BONLT
Jeremiah 27 in the BONUT2
Jeremiah 27 in the BOPLNT
Jeremiah 27 in the BOSNC
Jeremiah 27 in the BOTLNT
Jeremiah 27 in the BOVCB
Jeremiah 27 in the BOYCB
Jeremiah 27 in the BPBB
Jeremiah 27 in the BPH
Jeremiah 27 in the BSB
Jeremiah 27 in the CCB
Jeremiah 27 in the CUV
Jeremiah 27 in the CUVS
Jeremiah 27 in the DBT
Jeremiah 27 in the DGDNT
Jeremiah 27 in the DHNT
Jeremiah 27 in the DNT
Jeremiah 27 in the ELBE
Jeremiah 27 in the EMTV
Jeremiah 27 in the ESV
Jeremiah 27 in the FBV
Jeremiah 27 in the FEB
Jeremiah 27 in the GGMNT
Jeremiah 27 in the GNT
Jeremiah 27 in the HARY
Jeremiah 27 in the HNT
Jeremiah 27 in the IRVA
Jeremiah 27 in the IRVB
Jeremiah 27 in the IRVG
Jeremiah 27 in the IRVH
Jeremiah 27 in the IRVK
Jeremiah 27 in the IRVM
Jeremiah 27 in the IRVM2
Jeremiah 27 in the IRVO
Jeremiah 27 in the IRVP
Jeremiah 27 in the IRVT
Jeremiah 27 in the IRVT2
Jeremiah 27 in the IRVU
Jeremiah 27 in the ISVN
Jeremiah 27 in the JSNT
Jeremiah 27 in the KAPI
Jeremiah 27 in the KBT1ETNIK
Jeremiah 27 in the KBV
Jeremiah 27 in the KJV
Jeremiah 27 in the KNFD
Jeremiah 27 in the LBA
Jeremiah 27 in the LBLA
Jeremiah 27 in the LNT
Jeremiah 27 in the LSV
Jeremiah 27 in the MAAL
Jeremiah 27 in the MBV
Jeremiah 27 in the MBV2
Jeremiah 27 in the MHNT
Jeremiah 27 in the MKNFD
Jeremiah 27 in the MNG
Jeremiah 27 in the MNT
Jeremiah 27 in the MNT2
Jeremiah 27 in the MRS1T
Jeremiah 27 in the NAA
Jeremiah 27 in the NASB
Jeremiah 27 in the NBLA
Jeremiah 27 in the NBS
Jeremiah 27 in the NBVTP
Jeremiah 27 in the NET2
Jeremiah 27 in the NIV11
Jeremiah 27 in the NNT
Jeremiah 27 in the NNT2
Jeremiah 27 in the NNT3
Jeremiah 27 in the PDDPT
Jeremiah 27 in the PFNT
Jeremiah 27 in the RMNT
Jeremiah 27 in the SBIAS
Jeremiah 27 in the SBIBS
Jeremiah 27 in the SBIBS2
Jeremiah 27 in the SBICS
Jeremiah 27 in the SBIDS
Jeremiah 27 in the SBIGS
Jeremiah 27 in the SBIHS
Jeremiah 27 in the SBIIS
Jeremiah 27 in the SBIIS2
Jeremiah 27 in the SBIIS3
Jeremiah 27 in the SBIKS
Jeremiah 27 in the SBIKS2
Jeremiah 27 in the SBIMS
Jeremiah 27 in the SBIOS
Jeremiah 27 in the SBIPS
Jeremiah 27 in the SBISS
Jeremiah 27 in the SBITS
Jeremiah 27 in the SBITS2
Jeremiah 27 in the SBITS3
Jeremiah 27 in the SBITS4
Jeremiah 27 in the SBIUS
Jeremiah 27 in the SBIVS
Jeremiah 27 in the SBT
Jeremiah 27 in the SBT1E
Jeremiah 27 in the SCHL
Jeremiah 27 in the SNT
Jeremiah 27 in the SUSU
Jeremiah 27 in the SUSU2
Jeremiah 27 in the SYNO
Jeremiah 27 in the TBIAOTANT
Jeremiah 27 in the TBT1E
Jeremiah 27 in the TBT1E2
Jeremiah 27 in the TFTIP
Jeremiah 27 in the TFTU
Jeremiah 27 in the TGNTATF3T
Jeremiah 27 in the THAI
Jeremiah 27 in the TNFD
Jeremiah 27 in the TNT
Jeremiah 27 in the TNTIK
Jeremiah 27 in the TNTIL
Jeremiah 27 in the TNTIN
Jeremiah 27 in the TNTIP
Jeremiah 27 in the TNTIZ
Jeremiah 27 in the TOMA
Jeremiah 27 in the TTENT
Jeremiah 27 in the UBG
Jeremiah 27 in the UGV
Jeremiah 27 in the UGV2
Jeremiah 27 in the UGV3
Jeremiah 27 in the VBL
Jeremiah 27 in the VDCC
Jeremiah 27 in the YALU
Jeremiah 27 in the YAPE
Jeremiah 27 in the YBVTP
Jeremiah 27 in the ZBP