John 15 (BOSCB)
1 “Ndini muzambiringa wechokwadi, uye Baba vangu murimi. 2 Davi rimwe nerimwe riri mandiri risingabereki vanoritema, asi davi rimwe nerimwe rinobereka michero vanorichekerera kuitira kuti rigozobereka michero yakawanda. 3 Imi matonatswa nokuda kweshoko randataura kwamuri. 4 Garai mandiri, uye ini ndichagara mamuri. Hakuna davi rinobereka michero riri roga; rinofanira kugara mumuzambiringa. Nemi hamungabereki zvibereko kunze kwokunge magara mandiri. 5 “Ini ndiri muzambiringa; imi muri matavi. Kana munhu akagara mandiri uye neni maari, achabereka zvibereko zvakawanda; kunze kwangu hamugoni kuita chinhu. 6 Kana munhu asingagari mandiri, akaita sedavi rakarasirwa kure rikaoma; matavi akadaro anotorwa, okandwa mumoto agopiswa. 7 Kana muchigara mandiri uye mashoko angu achigara mamuri, kumbirai zvose zvamunoda, uye muchazvipiwa. 8 Baba vangu vanokudzwa naizvozvo kuti mubereke zvibereko zvakawanda, muchizviratidza kuti muri vadzidzi vangu. 9 “Sezvo Baba vakandida, neniwo ndakakudai, zvino, chigarai murudo rwangu. 10 Kana muchiteerera mirayiro yangu, muchagara murudo rwangu, sezvandakateerera mirayiro yaBaba vangu uye ndikagara murudo rwavo. 11 Ndakuudzai izvi kuitira kuti mufaro wangu uve mamuri uye kuti mufaro wenyu uve wakakwana. 12 Murayiro wangu ndouyu: Dananai, sezvo ini ndakakudai. 13 Hakuna munhu ano rudo rukuru kuno urwu, kuti munhu ape upenyu hwake nokuda kweshamwari dzake. 14 Muri shamwari dzangu kana muchiita zvandinokurayirai. 15 Handichakuidzii varanda, nokuti muranda haazivi zvinoitwa natenzi wake. Asi ndinokuidzai shamwari, nokuti zvose zvandakadzidza kubva kuna Baba vangu ndakakuzivisai. 16 Imi hamuna kundisarudza, asi ndakakusarudzai uye ndikakugadzai kuti muende mugondobereka zvibereko, izvo zvibereko zvinogara. Ipapo Baba vachakupai zvose zvamuchakumbira muzita rangu. 17 Uyu ndiwo murayiro wangu: Dananai. 18 “Kana nyika ichikuvengai, muyeuke kuti yakatanga kuvenga ini. 19 Dai manga muri venyika, ingadai ichikudai sezvainoda vayo. Zvino, hamusi venyika, asi ini ndakakusarudzai kuti mubude munyika. Ndokusaka nyika ichikuvengai. 20 Rangarirai mashoko andakataura kwamuri anoti, ‘Hakuna muranda angava mukuru kuna tenzi wake.’ Kana vakatambudza ini, vachakutambudzaiwo imi. Kana vakateerera kudzidzisa kwangu, vachateererawo kudzidzisa kwenyu. 21 Vachakubatai nenzira iyi nokuda kwezita rangu, nokuti havazivi Iye akandituma. 22 Dai ndakanga ndisina kuuya ndikataura kwavari, vangadai vasina mhosva yechivi ichi. Zvino, kunyange zvakadaro, havana chikonzero chokuita chivi chavo. 23 Uyo anondivenga anovengawo Baba vangu. 24 Dai ndanga ndisina kuita pakati pavo zvisina kutongoitwa nomunhu, vangadai vasina mhosva yechivi. Asi zvino vakaona zviratidzo izvi, asi vakandivenga ini naBaba vangu. 25 Asi uku ndiko kuzadziswa kwezvakanyorwa muMurayiro wavo zvinoti: ‘Vakandivenga pasina chikonzero.’ 26 “Kana Munyaradzi asvika, iye wandichatuma kwamuri achibva kuna Baba, iye Mweya wechokwadi anobuda achibva kuna Baba, achapupura nezvangu. 27 Nemiwo munofanira kupupura, nokuti makanga muneni kubva pakutanga.
In Other Versions
John 15 in the ANGEFD
John 15 in the ANTPNG2D
John 15 in the AS21
John 15 in the BAGH
John 15 in the BBPNG
John 15 in the BBT1E
John 15 in the BDS
John 15 in the BEV
John 15 in the BHAD
John 15 in the BIB
John 15 in the BLPT
John 15 in the BNT
John 15 in the BNTABOOT
John 15 in the BNTLV
John 15 in the BOATCB
John 15 in the BOATCB2
John 15 in the BOBCV
John 15 in the BOCNT
John 15 in the BOECS
John 15 in the BOGWICC
John 15 in the BOHCB
John 15 in the BOHCV
John 15 in the BOHLNT
John 15 in the BOHNTLTAL
John 15 in the BOICB
John 15 in the BOILNTAP
John 15 in the BOITCV
John 15 in the BOKCV
John 15 in the BOKCV2
John 15 in the BOKHWOG
John 15 in the BOKSSV
John 15 in the BOLCB
John 15 in the BOLCB2
John 15 in the BOMCV
John 15 in the BONAV
John 15 in the BONCB
John 15 in the BONLT
John 15 in the BONUT2
John 15 in the BOPLNT
John 15 in the BOSNC
John 15 in the BOTLNT
John 15 in the BOVCB
John 15 in the BOYCB
John 15 in the BPBB
John 15 in the BPH
John 15 in the BSB
John 15 in the CCB
John 15 in the CUV
John 15 in the CUVS
John 15 in the DBT
John 15 in the DGDNT
John 15 in the DHNT
John 15 in the DNT
John 15 in the ELBE
John 15 in the EMTV
John 15 in the ESV
John 15 in the FBV
John 15 in the FEB
John 15 in the GGMNT
John 15 in the GNT
John 15 in the HARY
John 15 in the HNT
John 15 in the IRVA
John 15 in the IRVB
John 15 in the IRVG
John 15 in the IRVH
John 15 in the IRVK
John 15 in the IRVM
John 15 in the IRVM2
John 15 in the IRVO
John 15 in the IRVP
John 15 in the IRVT
John 15 in the IRVT2
John 15 in the IRVU
John 15 in the ISVN
John 15 in the JSNT
John 15 in the KAPI
John 15 in the KBT1ETNIK
John 15 in the KBV
John 15 in the KJV
John 15 in the KNFD
John 15 in the LBA
John 15 in the LBLA
John 15 in the LNT
John 15 in the LSV
John 15 in the MAAL
John 15 in the MBV
John 15 in the MBV2
John 15 in the MHNT
John 15 in the MKNFD
John 15 in the MNG
John 15 in the MNT
John 15 in the MNT2
John 15 in the MRS1T
John 15 in the NAA
John 15 in the NASB
John 15 in the NBLA
John 15 in the NBS
John 15 in the NBVTP
John 15 in the NET2
John 15 in the NIV11
John 15 in the NNT
John 15 in the NNT2
John 15 in the NNT3
John 15 in the PDDPT
John 15 in the PFNT
John 15 in the RMNT
John 15 in the SBIAS
John 15 in the SBIBS
John 15 in the SBIBS2
John 15 in the SBICS
John 15 in the SBIDS
John 15 in the SBIGS
John 15 in the SBIHS
John 15 in the SBIIS
John 15 in the SBIIS2
John 15 in the SBIIS3
John 15 in the SBIKS
John 15 in the SBIKS2
John 15 in the SBIMS
John 15 in the SBIOS
John 15 in the SBIPS
John 15 in the SBISS
John 15 in the SBITS
John 15 in the SBITS2
John 15 in the SBITS3
John 15 in the SBITS4
John 15 in the SBIUS
John 15 in the SBIVS
John 15 in the SBT
John 15 in the SBT1E
John 15 in the SCHL
John 15 in the SNT
John 15 in the SUSU
John 15 in the SUSU2
John 15 in the SYNO
John 15 in the TBIAOTANT
John 15 in the TBT1E
John 15 in the TBT1E2
John 15 in the TFTIP
John 15 in the TFTU
John 15 in the TGNTATF3T
John 15 in the THAI
John 15 in the TNFD
John 15 in the TNT
John 15 in the TNTIK
John 15 in the TNTIL
John 15 in the TNTIN
John 15 in the TNTIP
John 15 in the TNTIZ
John 15 in the TOMA
John 15 in the TTENT
John 15 in the UBG
John 15 in the UGV
John 15 in the UGV2
John 15 in the UGV3
John 15 in the VBL
John 15 in the VDCC
John 15 in the YALU
John 15 in the YAPE
John 15 in the YBVTP
John 15 in the ZBP