Job 1 (BOSCB)

1 Munyika yeUzi maiva nomumwe murume ainzi Jobho. Murume uyu akanga asina chaangapomerwa uye akarurama; aitya Mwari uye ainzvenga zvakaipa. 2 Akanga ana vanakomana vanomwe navanasikana vatatu, 3 uye akanga ana makwai zviuru zvinomwe, ngamera zviuru zvitatu, nenzombe dzairingana majoko mazana mashanu, uye mazana mashanu embongoro hadzi, navaranda vakawanda kwazvo. Akanga ari munhu mukuru kuna vose pakati pavanhu vokumabvazuva. 4 Vanakomana vake vaisiita madzoro okuita mutambo mudzimba dzavo, uye vaikokawo hanzvadzi dzavo nhatu kuzodya nokunwa pamwe chete navo. 5 Nguva yomutambo yapera, Jobho aituma nhume kundovadana kuti vazonatswa. Aimuka mangwanani-ngwanani achibayira mwana mumwe nomumwe chipiriso chinopiswa, achiti, “Zvichida vana vangu vakatadza uye vakatuka Mwari mumwoyo yavo.” Aya ndiwo aiva maitiro aJobho nguva dzose. 6 Zvino rimwe zuva vatumwa vakauya kuzomira pamberi paJehovha, naSataniwo akasvika pamwe chete navo. 7 Jehovha akati kuna Satani, “Wabvepiko?” Satani akapindura Jehovha akati, “Ndabva pakupota-pota nenyika napakukwidza nokudzika mairi.” 8 Ipapo Jehovha akati kuna Satani, “Warangarira muranda wangu Jobho here? Hakuna munhu akafanana naye panyika, haana chaanopomerwa uye akarurama, munhu anotya Mwari uye anonzvenga chakaipa.” 9 Satani akati, “Ko, Jobho anongotya Mwari pasina here? 10 Ko, hamuna kumupoteredza noruzhowa iye neimba yake nezvose zvaanazvo here? Makaropafadza basa ramaoko ake, uye pfuma yake yakatekeshera munyika yose. 11 Asi tambanudzai henyu ruoko rwenyu murove zvose zvaanazvo, zvirokwazvo achakutukai pachena.” 12 Jehovha akati kuna Satani, “Saka zvakanaka, zvose zvaanazvo zviri mumaoko ako, asi iye usamubata.”Ipapo Satani akabva pamberi paJehovha. 13 Rimwe zuva vanakomana vaJobho navanasikana vake vakati vachidya uye vachinwa waini vari paimba yomukoma wavo mukuru, 14 nhume yakasvika kuna Jobho ikati, “Nzombe dzanga dzichirima uye mbongoro dzanga dzichifura nechapedyo, 15 vaSebhia vakarwisa vakazvitora vakaenda nazvo. Vauraya varanda nomunondo ini ndoga ndini ndapunyuka kuti ndizokuzivisai!” 16 Achiri kutaura kudaro, imwe nhume yakasvika ikati, “Moto waMwari waburuka kudenga ukapisa makwai navaranda, uye ini ndoga ndini ndapunyuka kuti ndizokuzivisai!” 17 Achiri kutaura kudaro, imwe nhume yakasvika ikati, “VaKaradhea vaita mapoka matatu okupamba vakatora ngamera dzenyu vakaenda nadzo. Vauraya varanda venyu nomunondo, uye ini ndoga ndini ndapunyuka kuti ndizokuzivisai!” 18 Achiri kutaura kudaro, imwezve nhume yakasvika ikati, “Vanakomana venyu navanasikana venyu vanga vachidya nokunwa waini vari mumba momukoma wavo mukuru, 19 pakarepo mhepo huru yavhuvhuta ichibva kugwenga ikarova makona mana eimba. Yawira pamusoro pavo uye vafa, uye ini ndoga ndini ndasara kuti ndizokuzivisai!” 20 Ipapo Jobho akasimuka ndokubvarura nguo dzake akaveura musoro wake. Ipapo akawira pasi 21 akanamata achiti:“Ndakabuda mudumbu ramai vangu ndiri mushwi,uye ndichadzokera ndiri mushwi.Jehovha akapa uye Jehovha akatora,Zita raJehovha ngarirumbidzwe.” 22 Pazvinhu izvi zvose, Jobho haana kutadza kana kupa Mwari mhosva.

In Other Versions

Job 1 in the ANGEFD

Job 1 in the ANTPNG2D

Job 1 in the AS21

Job 1 in the BAGH

Job 1 in the BBPNG

Job 1 in the BBT1E

Job 1 in the BDS

Job 1 in the BEV

Job 1 in the BHAD

Job 1 in the BIB

Job 1 in the BLPT

Job 1 in the BNT

Job 1 in the BNTABOOT

Job 1 in the BNTLV

Job 1 in the BOATCB

Job 1 in the BOATCB2

Job 1 in the BOBCV

Job 1 in the BOCNT

Job 1 in the BOECS

Job 1 in the BOGWICC

Job 1 in the BOHCB

Job 1 in the BOHCV

Job 1 in the BOHLNT

Job 1 in the BOHNTLTAL

Job 1 in the BOICB

Job 1 in the BOILNTAP

Job 1 in the BOITCV

Job 1 in the BOKCV

Job 1 in the BOKCV2

Job 1 in the BOKHWOG

Job 1 in the BOKSSV

Job 1 in the BOLCB

Job 1 in the BOLCB2

Job 1 in the BOMCV

Job 1 in the BONAV

Job 1 in the BONCB

Job 1 in the BONLT

Job 1 in the BONUT2

Job 1 in the BOPLNT

Job 1 in the BOSNC

Job 1 in the BOTLNT

Job 1 in the BOVCB

Job 1 in the BOYCB

Job 1 in the BPBB

Job 1 in the BPH

Job 1 in the BSB

Job 1 in the CCB

Job 1 in the CUV

Job 1 in the CUVS

Job 1 in the DBT

Job 1 in the DGDNT

Job 1 in the DHNT

Job 1 in the DNT

Job 1 in the ELBE

Job 1 in the EMTV

Job 1 in the ESV

Job 1 in the FBV

Job 1 in the FEB

Job 1 in the GGMNT

Job 1 in the GNT

Job 1 in the HARY

Job 1 in the HNT

Job 1 in the IRVA

Job 1 in the IRVB

Job 1 in the IRVG

Job 1 in the IRVH

Job 1 in the IRVK

Job 1 in the IRVM

Job 1 in the IRVM2

Job 1 in the IRVO

Job 1 in the IRVP

Job 1 in the IRVT

Job 1 in the IRVT2

Job 1 in the IRVU

Job 1 in the ISVN

Job 1 in the JSNT

Job 1 in the KAPI

Job 1 in the KBT1ETNIK

Job 1 in the KBV

Job 1 in the KJV

Job 1 in the KNFD

Job 1 in the LBA

Job 1 in the LBLA

Job 1 in the LNT

Job 1 in the LSV

Job 1 in the MAAL

Job 1 in the MBV

Job 1 in the MBV2

Job 1 in the MHNT

Job 1 in the MKNFD

Job 1 in the MNG

Job 1 in the MNT

Job 1 in the MNT2

Job 1 in the MRS1T

Job 1 in the NAA

Job 1 in the NASB

Job 1 in the NBLA

Job 1 in the NBS

Job 1 in the NBVTP

Job 1 in the NET2

Job 1 in the NIV11

Job 1 in the NNT

Job 1 in the NNT2

Job 1 in the NNT3

Job 1 in the PDDPT

Job 1 in the PFNT

Job 1 in the RMNT

Job 1 in the SBIAS

Job 1 in the SBIBS

Job 1 in the SBIBS2

Job 1 in the SBICS

Job 1 in the SBIDS

Job 1 in the SBIGS

Job 1 in the SBIHS

Job 1 in the SBIIS

Job 1 in the SBIIS2

Job 1 in the SBIIS3

Job 1 in the SBIKS

Job 1 in the SBIKS2

Job 1 in the SBIMS

Job 1 in the SBIOS

Job 1 in the SBIPS

Job 1 in the SBISS

Job 1 in the SBITS

Job 1 in the SBITS2

Job 1 in the SBITS3

Job 1 in the SBITS4

Job 1 in the SBIUS

Job 1 in the SBIVS

Job 1 in the SBT

Job 1 in the SBT1E

Job 1 in the SCHL

Job 1 in the SNT

Job 1 in the SUSU

Job 1 in the SUSU2

Job 1 in the SYNO

Job 1 in the TBIAOTANT

Job 1 in the TBT1E

Job 1 in the TBT1E2

Job 1 in the TFTIP

Job 1 in the TFTU

Job 1 in the TGNTATF3T

Job 1 in the THAI

Job 1 in the TNFD

Job 1 in the TNT

Job 1 in the TNTIK

Job 1 in the TNTIL

Job 1 in the TNTIN

Job 1 in the TNTIP

Job 1 in the TNTIZ

Job 1 in the TOMA

Job 1 in the TTENT

Job 1 in the UBG

Job 1 in the UGV

Job 1 in the UGV2

Job 1 in the UGV3

Job 1 in the VBL

Job 1 in the VDCC

Job 1 in the YALU

Job 1 in the YAPE

Job 1 in the YBVTP

Job 1 in the ZBP