Joshua 17 (BOSCB)

1 Uyu ndiwo mugove worudzi rwaManase sedangwe raJosefa, ndiko kuti mugove waMakiri dangwe raManase. Makiri ndiye akanga ari tateguru wavaGireadhi, uye akanga apiwa Gireadhi neBhashani nokuti vaMakiri vakanga vari varwi vakuru. 2 Saka mugove uyu wakanga uri wavanhu vakasara vaManase dzimba dzaAbhiezeri, Hereki, Asirieri, Shekemu, Hefa naShemidha. Izvi ndizvo zvimwe zvizvarwa zvechirume zvaManase mwanakomana waJosefa nedzimba dzavo. 3 Zvino Zerofehadhi mwanakomana waHeferi, mwanakomana waGireadhi, mwanakomana waMakiri, mwanakomana waManase, akanga asina vanakomana asi vanasikana chete. Mazita avo aiti Mara, Noa, Hogira, Mirika, naTiriza. 4 Ivo vakaenda kuna Ereazari muprista nokuna Joshua mwanakomana waNuni, nokuvatungamiri vakandoti, “Jehovha akarayira Mozisi kuti atipe nhaka pakati pehama dzedu.” Naizvozvo Joshua akavapa nhaka pamwe chete navanunʼuna vababa vavo, sezvakanga zvarayirwa naJehovha. 5 Mugove waManase waisanganisira matunhu gumi tisingaverengi Gireadhi neBhashani dzaiva kumabvazuva kweJorodhani, 6 nokuti vanasikana vorudzi rwaManase vakapiwa nhaka pakati pavanakomana. Nyika yeGireadhi yakanga iri yezvimwe zvizvarwa zvose zvaManase. 7 Nyika yaManase yaitangira kuAsheri ichindosvika kuMikimetati kumabvazuva kweShekemu. Muganhu wainanga nechezasi uchibva ikoko uye waisanganisira vanhu vakanga vagere muEni Tapua. 8 (Nyika yeTapua yakanga iri yaManase asi guta reTapua pacharo raiva pamuganhu waManase, rakanga riri ravaEfuremu.) 9 Zvino muganhu waipfuurira zasi kuRwizi rweKana. Kwakanga kuna maguta aiva aEfuremu akanga ari pakati pamaguta aManase, asi muganhu waManase wakanga uri nechokumusoro kworwizi uchindogumira pagungwa. 10 Nechezasi nyika iyi yakanga iri yaEfuremu uye kurutivi rwokumusoro yakanga iri yaManase. Nyika yaManase yaisvika kugungwa uye yaiganhurana naAsheri nechokumusoro uye naIsakari kumabvazuva. 11 Mukati meIsakari neAsheri, Manase akanga ainewo Bheti Shani, Ibhireami navanhu veDhori, Enidhori, Tanaki neMegidho, pamwe chete nemisha yakapoteredza (yechitatu pakuverengwa iNafoti). 12 Asi vana vaManase havana kugona kugara mumaguta aya, nokuti vaKenani vakashinga kugara munyika iyoyo. 13 Kunyange zvakadaro hazvo, vaIsraeri vakati vava nesimba, vakaisa vaKenani pasi pavo ndokuvashandisa chibharo, asi havana kuvadzinga zvachose. 14 Vanhu vaJosefa vakati kuna Joshua, “Makatipireiko mugove mumwe chete nechikamu chimwe chete kuti ive nhaka yedu? Tiri vanhu vazhinji uye Jehovha akatiropafadza zvikuru.” 15 Joshua akapindura achiti, “Kana muri vanhu vazhinji, uye kana nyika yezvikomo yaEfuremu iri diki chaizvo kwamuri, endai kudondo munozvitemera nzvimbo ikoko kunyika yavaPerizi neyavaRefaiti.” 16 Vanhu vaJosefa vakati, “Nyika yamakomo haitikwaniri, uye vaKenani vose vanogara mubani vane ngoro dzesimbi, ivo vose vari muBheti Sheani nemisha yaro pamwe chete navari muMupata weJezireeri.” 17 Asi Joshua akati kuimba yaJosefa, imba yaEfuremu naManase, “Imi muri vanhu vazhinji uye mune simba guru. Hamungave nomugove mumwe chete 18 asi nyika yamakomo ichava yenyu; nokuti kunyange riri dondo, muchafanira kuritema rigova renyu kusvikira kwarinoperera, nokuti munofanira kudzinga vaKenani, kunyange vane ngoro dzesimbi uye vane simba.”

In Other Versions

Joshua 17 in the ANGEFD

Joshua 17 in the ANTPNG2D

Joshua 17 in the AS21

Joshua 17 in the BAGH

Joshua 17 in the BBPNG

Joshua 17 in the BBT1E

Joshua 17 in the BDS

Joshua 17 in the BEV

Joshua 17 in the BHAD

Joshua 17 in the BIB

Joshua 17 in the BLPT

Joshua 17 in the BNT

Joshua 17 in the BNTABOOT

Joshua 17 in the BNTLV

Joshua 17 in the BOATCB

Joshua 17 in the BOATCB2

Joshua 17 in the BOBCV

Joshua 17 in the BOCNT

Joshua 17 in the BOECS

Joshua 17 in the BOGWICC

Joshua 17 in the BOHCB

Joshua 17 in the BOHCV

Joshua 17 in the BOHLNT

Joshua 17 in the BOHNTLTAL

Joshua 17 in the BOICB

Joshua 17 in the BOILNTAP

Joshua 17 in the BOITCV

Joshua 17 in the BOKCV

Joshua 17 in the BOKCV2

Joshua 17 in the BOKHWOG

Joshua 17 in the BOKSSV

Joshua 17 in the BOLCB

Joshua 17 in the BOLCB2

Joshua 17 in the BOMCV

Joshua 17 in the BONAV

Joshua 17 in the BONCB

Joshua 17 in the BONLT

Joshua 17 in the BONUT2

Joshua 17 in the BOPLNT

Joshua 17 in the BOSNC

Joshua 17 in the BOTLNT

Joshua 17 in the BOVCB

Joshua 17 in the BOYCB

Joshua 17 in the BPBB

Joshua 17 in the BPH

Joshua 17 in the BSB

Joshua 17 in the CCB

Joshua 17 in the CUV

Joshua 17 in the CUVS

Joshua 17 in the DBT

Joshua 17 in the DGDNT

Joshua 17 in the DHNT

Joshua 17 in the DNT

Joshua 17 in the ELBE

Joshua 17 in the EMTV

Joshua 17 in the ESV

Joshua 17 in the FBV

Joshua 17 in the FEB

Joshua 17 in the GGMNT

Joshua 17 in the GNT

Joshua 17 in the HARY

Joshua 17 in the HNT

Joshua 17 in the IRVA

Joshua 17 in the IRVB

Joshua 17 in the IRVG

Joshua 17 in the IRVH

Joshua 17 in the IRVK

Joshua 17 in the IRVM

Joshua 17 in the IRVM2

Joshua 17 in the IRVO

Joshua 17 in the IRVP

Joshua 17 in the IRVT

Joshua 17 in the IRVT2

Joshua 17 in the IRVU

Joshua 17 in the ISVN

Joshua 17 in the JSNT

Joshua 17 in the KAPI

Joshua 17 in the KBT1ETNIK

Joshua 17 in the KBV

Joshua 17 in the KJV

Joshua 17 in the KNFD

Joshua 17 in the LBA

Joshua 17 in the LBLA

Joshua 17 in the LNT

Joshua 17 in the LSV

Joshua 17 in the MAAL

Joshua 17 in the MBV

Joshua 17 in the MBV2

Joshua 17 in the MHNT

Joshua 17 in the MKNFD

Joshua 17 in the MNG

Joshua 17 in the MNT

Joshua 17 in the MNT2

Joshua 17 in the MRS1T

Joshua 17 in the NAA

Joshua 17 in the NASB

Joshua 17 in the NBLA

Joshua 17 in the NBS

Joshua 17 in the NBVTP

Joshua 17 in the NET2

Joshua 17 in the NIV11

Joshua 17 in the NNT

Joshua 17 in the NNT2

Joshua 17 in the NNT3

Joshua 17 in the PDDPT

Joshua 17 in the PFNT

Joshua 17 in the RMNT

Joshua 17 in the SBIAS

Joshua 17 in the SBIBS

Joshua 17 in the SBIBS2

Joshua 17 in the SBICS

Joshua 17 in the SBIDS

Joshua 17 in the SBIGS

Joshua 17 in the SBIHS

Joshua 17 in the SBIIS

Joshua 17 in the SBIIS2

Joshua 17 in the SBIIS3

Joshua 17 in the SBIKS

Joshua 17 in the SBIKS2

Joshua 17 in the SBIMS

Joshua 17 in the SBIOS

Joshua 17 in the SBIPS

Joshua 17 in the SBISS

Joshua 17 in the SBITS

Joshua 17 in the SBITS2

Joshua 17 in the SBITS3

Joshua 17 in the SBITS4

Joshua 17 in the SBIUS

Joshua 17 in the SBIVS

Joshua 17 in the SBT

Joshua 17 in the SBT1E

Joshua 17 in the SCHL

Joshua 17 in the SNT

Joshua 17 in the SUSU

Joshua 17 in the SUSU2

Joshua 17 in the SYNO

Joshua 17 in the TBIAOTANT

Joshua 17 in the TBT1E

Joshua 17 in the TBT1E2

Joshua 17 in the TFTIP

Joshua 17 in the TFTU

Joshua 17 in the TGNTATF3T

Joshua 17 in the THAI

Joshua 17 in the TNFD

Joshua 17 in the TNT

Joshua 17 in the TNTIK

Joshua 17 in the TNTIL

Joshua 17 in the TNTIN

Joshua 17 in the TNTIP

Joshua 17 in the TNTIZ

Joshua 17 in the TOMA

Joshua 17 in the TTENT

Joshua 17 in the UBG

Joshua 17 in the UGV

Joshua 17 in the UGV2

Joshua 17 in the UGV3

Joshua 17 in the VBL

Joshua 17 in the VDCC

Joshua 17 in the YALU

Joshua 17 in the YAPE

Joshua 17 in the YBVTP

Joshua 17 in the ZBP