Joshua 19 (BOSCB)

1 Mugove wechipiri wakapiwa kuna Simeoni, mhuri nemhuri. Nhaka yavo yakanga iri pakati penyika yavaJudha. 2 Nhaka yavo yaisanganisira:Bheerishebha (kana kuti Shebha), Moradha, 3 Hazari Shuari, Bhara, Ezemi, 4 Eritoradhi, Bheturi, Homa, 5 Zikiragi, Bheti Makabhoti, Hazari Susa, 6 Bheti Rebhaoti neShareheni, maguta gumi namatatu nemisha yawo; 7 Aini, Rimoni, Eteri neAshani, maguta mana nemisha yawo, 8 nemisha yose yakanga yakapoteredza maguta ose aya kusvikira kuBhaarati Bheeri (Rama muNegevhi).Iyi ndiyo yakanga iri nhaka yorudzi rwavaSimeoni, mhuri nemhuri. 9 Nhaka yavaSimeoni yakanga yatorwa pamugove waJudha, nokuti mugove waJudha wakanga wakakura kupfuura zvavaida. Saka vaSimeoni vakapiwa nhaka mukati menyika yaJudha. 10 Mugove wechitatu wakapiwa kuna Zebhuruni, mhuri nemhuri:Muganhu wenyika yavo waisvika kuSaridhi. 11 Wainanga kumavirira uchisvika kuMarara, ndokundobata Dhabhesheti, uye waitandavara kusvika kurukova rwuri pedyo neJokineami. 12 Wakanga uchidzokera kumabvazuva uchibva kuSaridhi wakananga kumabvazuva uchienda kunyika yeKisiroti Tabhori ndokupfuurira kuDhabherati uchindokwidza kuJafia. 13 Ipapo wakaramba wakananga kumabvazuva uchienda kuGati Hefa neEti Kazini; uchindobudira paRimoni ndokudzoka wakananga kuNea. 14 Ipapo muganhu wakapoterera nechokumusoro uchienda kuHanatoni ndokugumira paMupata weIfita Eri. 15 Waisanganisirawo Katati, Naharari, Shimironi, Idhara neBheterehema. Pakanga pane maguta gumi namaviri nemisha yawo. 16 Maguta aya nemisha yawo ndiwo akanga ari nhaka yaZebhuruni, mhuri nemhuri. 17 Mugove wechina wakapiwa Isakari, mhuri nemhuri. 18 Nyika yavo yaisanganisira:Jezireeri, Kesuroti, Shunami, 19 Hafaraimi, Shioni, Anaharati, 20 Rabhiti, Kishioni, Ebhezi, 21 Remeti, Eni Ganimi, Eni Hadha, Bheti Pazezi. 22 Muganhu waindobatawo Tabhori, Shahazuma, neBheti Shameshi ndokuguma paJorodhani. Paiva namaguta gumi namatanhatu nemisha yawo. 23 Maguta aya nemisha yawo akanga ari nhaka yorudzi rwaIsakari, mhuri nemhuri. 24 Mugove wechishanu wakapiwa rudzi rwavana vaAsheri, mhuri nemhuri. 25 Nyika yavo yaisanganisira:Herikati, Hari, Bheteni, Akishafi, 26 Aramereki, Amadhi, neMishari. Nechokumavirira, muganhu waibata Karimeri neShihori Ribhinati. 27 Ipapo waidzokera kumabvazuva wakananga kumusoro kuBheti Dhagoni, ugobata Zebhuruni noMupata weIfita Eri, uye ugonanga kumusoro kuBheti Emeki nokuNeyeri, uchipfuura Kabhuri iri nechokuruboshwe. 28 Wakananga kuAdhudhoni, Rehobhu, Hamoni neKana, kusvikira kuSidhoni Huru. 29 Ipapo muganhu wakadzokera kumashure wakananga kuRama ukaenda kuguta rakakomberedzwa reTire, ndokudzokera kuHosa ukandobudira pagungwa riri mudunhu reAkizibhi, 30 Uma, Afeki neRehobhi. Pakanga pane maguta makumi maviri namaviri nemisha yawo. 31 Maguta aya nemisha yawo ndiwo akanga ari nhaka yorudzi rwaAsheri, mhuri nemhuri. 32 Mugove wechitanhatu wakapiwa kuna Nafutari, mhuri nemhuri: 33 Muganhu wavo wakatangira paHerefi napamuti mukuru weZaananimi, uchipfuura napaAdhoni Nekebhi, neJabhuneeri, kusvikira paRakumi uye uchigumira paJorodhani. 34 Muganhu wakaenda kumavirira ndokupfuura napaAzinoti Tabhori uye ukandobudira paHukoki. Waindobata Zebhuruni nechezasi, Asheri riri kumavirira neJorodhani rwuri kumabvazuva. 35 Maguta akanga ane masvingo aiti Zidhimu, Zeri, Hamati, Rakati, Kinereti, 36 Adhama, Rama, Hazori, 37 Kedheshi, Edhirei, Eni Hazori, 38 Ironi, Migidhari Eri, Horemi, Bheti Anati neBheti Shemeshi. Paiva namaguta gumi namapfumbamwe nemisha yawo. 39 Maguta aya nemisha yawo ndiwo akanga ari nhaka yorudzi rwaNafutari, mhuri nemhuri. 40 Mugove wechinomwe wakapiwa kurudzi rwaDhani, mhuri nemhuri. 41 Nyika yenhaka yavo yaisanganisira:Zora, Eshitaori, Iri Shemeshi, 42 Shaarabhini, Aijaroni, Itira, 43 Eroni, Timuna, Ekironi, 44 Eriteke, Gibhetoni, Bhaarati, 45 Jehudhi, Bhene Bheraki, Gati Rimoni, 46 Me Jakironi, Rakoni nenyika yakatarisana neJopa. 47 (Asi vana vaDhani vakaomerwa nokutora nyika yavo, saka vakaenda vakandorwisa Reshemi, vakaitora, vakaibaya nomunondo, ndokugara mairi. Vakagara muReshemi ndokuitumidza kuti Dhani zita ratateguru wavo.) 48 Maguta aya nemisha yawo ndiwo akanga ari nhaka yorudzi rwaDhani, mhuri nemhuri. 49 Pavakapedza kugoverana nyika muzvikamu zvakafanira, vaIsraeri vakapa Joshua mwanakomana waNuni nhaka yake pakati pavo, 50 sezvakanga zvarayirwa naJehovha. Vakamupa guta raakanga akumbira, Timunati Sera panyika yamakomo yaEfuremu. Uye akavaka guta iri akagaramo. 51 Idzi ndidzo nyika dzakagoverwa nemijenya paShiro pamberi paJehovha pamukova weTende Rokusangana, nomuprista Ereazari naJoshua mwanakomana waNuni, navakuru vedzimba dzamarudzi avana vaIsraeri. Naizvozvo vakapedza kukamura-kamura nyika.

In Other Versions

Joshua 19 in the ANGEFD

Joshua 19 in the ANTPNG2D

Joshua 19 in the AS21

Joshua 19 in the BAGH

Joshua 19 in the BBPNG

Joshua 19 in the BBT1E

Joshua 19 in the BDS

Joshua 19 in the BEV

Joshua 19 in the BHAD

Joshua 19 in the BIB

Joshua 19 in the BLPT

Joshua 19 in the BNT

Joshua 19 in the BNTABOOT

Joshua 19 in the BNTLV

Joshua 19 in the BOATCB

Joshua 19 in the BOATCB2

Joshua 19 in the BOBCV

Joshua 19 in the BOCNT

Joshua 19 in the BOECS

Joshua 19 in the BOGWICC

Joshua 19 in the BOHCB

Joshua 19 in the BOHCV

Joshua 19 in the BOHLNT

Joshua 19 in the BOHNTLTAL

Joshua 19 in the BOICB

Joshua 19 in the BOILNTAP

Joshua 19 in the BOITCV

Joshua 19 in the BOKCV

Joshua 19 in the BOKCV2

Joshua 19 in the BOKHWOG

Joshua 19 in the BOKSSV

Joshua 19 in the BOLCB

Joshua 19 in the BOLCB2

Joshua 19 in the BOMCV

Joshua 19 in the BONAV

Joshua 19 in the BONCB

Joshua 19 in the BONLT

Joshua 19 in the BONUT2

Joshua 19 in the BOPLNT

Joshua 19 in the BOSNC

Joshua 19 in the BOTLNT

Joshua 19 in the BOVCB

Joshua 19 in the BOYCB

Joshua 19 in the BPBB

Joshua 19 in the BPH

Joshua 19 in the BSB

Joshua 19 in the CCB

Joshua 19 in the CUV

Joshua 19 in the CUVS

Joshua 19 in the DBT

Joshua 19 in the DGDNT

Joshua 19 in the DHNT

Joshua 19 in the DNT

Joshua 19 in the ELBE

Joshua 19 in the EMTV

Joshua 19 in the ESV

Joshua 19 in the FBV

Joshua 19 in the FEB

Joshua 19 in the GGMNT

Joshua 19 in the GNT

Joshua 19 in the HARY

Joshua 19 in the HNT

Joshua 19 in the IRVA

Joshua 19 in the IRVB

Joshua 19 in the IRVG

Joshua 19 in the IRVH

Joshua 19 in the IRVK

Joshua 19 in the IRVM

Joshua 19 in the IRVM2

Joshua 19 in the IRVO

Joshua 19 in the IRVP

Joshua 19 in the IRVT

Joshua 19 in the IRVT2

Joshua 19 in the IRVU

Joshua 19 in the ISVN

Joshua 19 in the JSNT

Joshua 19 in the KAPI

Joshua 19 in the KBT1ETNIK

Joshua 19 in the KBV

Joshua 19 in the KJV

Joshua 19 in the KNFD

Joshua 19 in the LBA

Joshua 19 in the LBLA

Joshua 19 in the LNT

Joshua 19 in the LSV

Joshua 19 in the MAAL

Joshua 19 in the MBV

Joshua 19 in the MBV2

Joshua 19 in the MHNT

Joshua 19 in the MKNFD

Joshua 19 in the MNG

Joshua 19 in the MNT

Joshua 19 in the MNT2

Joshua 19 in the MRS1T

Joshua 19 in the NAA

Joshua 19 in the NASB

Joshua 19 in the NBLA

Joshua 19 in the NBS

Joshua 19 in the NBVTP

Joshua 19 in the NET2

Joshua 19 in the NIV11

Joshua 19 in the NNT

Joshua 19 in the NNT2

Joshua 19 in the NNT3

Joshua 19 in the PDDPT

Joshua 19 in the PFNT

Joshua 19 in the RMNT

Joshua 19 in the SBIAS

Joshua 19 in the SBIBS

Joshua 19 in the SBIBS2

Joshua 19 in the SBICS

Joshua 19 in the SBIDS

Joshua 19 in the SBIGS

Joshua 19 in the SBIHS

Joshua 19 in the SBIIS

Joshua 19 in the SBIIS2

Joshua 19 in the SBIIS3

Joshua 19 in the SBIKS

Joshua 19 in the SBIKS2

Joshua 19 in the SBIMS

Joshua 19 in the SBIOS

Joshua 19 in the SBIPS

Joshua 19 in the SBISS

Joshua 19 in the SBITS

Joshua 19 in the SBITS2

Joshua 19 in the SBITS3

Joshua 19 in the SBITS4

Joshua 19 in the SBIUS

Joshua 19 in the SBIVS

Joshua 19 in the SBT

Joshua 19 in the SBT1E

Joshua 19 in the SCHL

Joshua 19 in the SNT

Joshua 19 in the SUSU

Joshua 19 in the SUSU2

Joshua 19 in the SYNO

Joshua 19 in the TBIAOTANT

Joshua 19 in the TBT1E

Joshua 19 in the TBT1E2

Joshua 19 in the TFTIP

Joshua 19 in the TFTU

Joshua 19 in the TGNTATF3T

Joshua 19 in the THAI

Joshua 19 in the TNFD

Joshua 19 in the TNT

Joshua 19 in the TNTIK

Joshua 19 in the TNTIL

Joshua 19 in the TNTIN

Joshua 19 in the TNTIP

Joshua 19 in the TNTIZ

Joshua 19 in the TOMA

Joshua 19 in the TTENT

Joshua 19 in the UBG

Joshua 19 in the UGV

Joshua 19 in the UGV2

Joshua 19 in the UGV3

Joshua 19 in the VBL

Joshua 19 in the VDCC

Joshua 19 in the YALU

Joshua 19 in the YAPE

Joshua 19 in the YBVTP

Joshua 19 in the ZBP