Joshua 2 (BOSCB)
1 Zvino Joshua mwanakomana waNuni akatuma vasori vaviri muchivande kubva kuShitimu. Akati, “Endai munotarisa nyika, kunyanya Jeriko.” Naizvozvo vakaenda vakandopinda mumba mechifeve chainzi Rahabhi vakagaramo. 2 Zvino mambo weJeriko akaudzwa kuti, “Tarirai! Kune vamwe vaIsraeri vauya muno manheru anhasi kuzosora nyika.” 3 Naizvozvo mambo weJeriko akatumira shoko kuna Rahabhi achiti, “Budisa varume vauya kwauri vakapinda mumba mako, nokuti vauya kuzosora nyika yose.” 4 Asi mukadzi uyu akanga atora varume vaviri vaya akavavanza. Iye ndokuti, “Ichokwadi, varume ava vakauya kwandiri, asi handina kuziva kuti vakanga vabvepi. 5 Zvino kwati zvarara yava nguva yokupfiga suo reguta, varume ava vakaenda. Handizivi kuti vakaenda vakanangepi. Vateverei nokukurumidza, pamwe mungangovabata.” 6 (Asi iye akanga avatora ndokuvaisa pamusoro pemba ndokuvavanza mumashanga aakanga aunganidza pamusoro pemba.) 7 Naizvozvo varume vakasimuka votevera vasori nenzira yainanga kumazambuko eJorodhani, uye vaitevera vachangobuda, suo rakabva rapfigwa. 8 Vasori vasati varara, iye akakwira padenga remba, 9 ndokuti kwavari, “Ndinozviziva kuti Jehovha akupai nyika ino, uye kuti kutyiwa kwenyu kukuru kuri pamusoro pedu, zvokuti vose vanogara munyika muno vari kubvunda nokutya nokuda kwenyu. 10 Takanzwa maomeserwo akaitwa mvura yeGungwa Dzvuku naJehovha nokuda kwenyu pamakabuda muIjipiti, uye zvamakaita kuna Sihoni naOgi, madzimambo maviri avaAmori kumabvazuva kweJorodhani, avo vamakaparadza zvachose. 11 Patakazvinzwa mwoyo yedu yakarukutika, uye hapana akasara nokutsunga maari nokuda kwenyu, nokuti Jehovha Mwari wenyu ndiMwari kumusoro kudenga napasi panyika. 12 Zvino ndapota, pikai kwandiri naJehovha kuti muchaitira mhuri yangu tsitsi, nokuti ini ndakuitiraiwo tsitsi. Ndipei chiratidzo chechokwadi chakasimba 13 chokuti muchararamisa baba vangu namai vangu, hanzvadzi dzangu namadzikoma angu, nemhuri dzavo dzose, uye kuti muchatiponesa kubva parufu.” 14 Ipapo varume vaya vakamuvimbisa vachiti, “Isu ngatife pachinzvimbo chenyu. Kana ukasareva zvatiri kuita tichakubata zvakanaka nokutendeka kana Jehovha atipa nyika ino.” 15 Saka akavadzikisa pasi netambo napawindo, nokuti imba yaaigara yaiva mumasvingo eguta. 16 Zvino akati kwavari, “Endai kumakomo kuitira kuti vateveri varege kukuwanai. Muvande ikoko kwamazuva matatu kusvikira vadzoka, mozoenda henyu nenzira yenyu.” 17 Varume vaya ndokuti kwaari, “Mhiko yawatipikisa iyi haizotisungi 18 kunze kwokuti, patinopinda munyika, uchange wasungirira tambo tsvuku iyi pawindo rawatidzikisa naro, uye kunze kwokunge wapinza baba vako namai vako, hanzvadzi dzako nemhuri yako yose mumba mako. 19 Ani naani anobuda mumba mako achienda panze, ropa rake richava pamusoro wake, isu hatizova nemhosva. Asi wose anenge ari mumba pamwe chete newe, ropa rake richava pamisoro yedu kana pakangowana anomubata chete. 20 Asi ukangoreva zvatiri kuita, tichasunungurwa pamhiko yawatipikisa.” 21 Iye akapindura akati, “Ngazviitwe sokutaura kwenyu.” Naizvozvo akavati vaende ivo ndokuenda. Ipapo akabva asungirira tambo tsvuku pawindo. 22 Pavakabva, vakaenda mumakomo vakagaramo kwamazuva matatu, kusvikira vateveri vatsvaka nzira yose vakavashayiwa vakadzoka. 23 Ipapo varume vaviri vaya vakatanga kudzokera. Vakadzika kubva muzvikomo ndokuyambuka rwizi vakasvika kuna Joshua mwanakomana waNuni vakamuudza zvose zvakanga zvaitika kwavari. 24 Vakati kuna Joshua, “Zvirokwazvo Jehovha aisa nyika yose mumaoko edu; vanhu vose vari kugwagwadza nokutitya.”
In Other Versions
Joshua 2 in the ANGEFD
Joshua 2 in the ANTPNG2D
Joshua 2 in the AS21
Joshua 2 in the BAGH
Joshua 2 in the BBPNG
Joshua 2 in the BBT1E
Joshua 2 in the BDS
Joshua 2 in the BEV
Joshua 2 in the BHAD
Joshua 2 in the BIB
Joshua 2 in the BLPT
Joshua 2 in the BNT
Joshua 2 in the BNTABOOT
Joshua 2 in the BNTLV
Joshua 2 in the BOATCB
Joshua 2 in the BOATCB2
Joshua 2 in the BOBCV
Joshua 2 in the BOCNT
Joshua 2 in the BOECS
Joshua 2 in the BOGWICC
Joshua 2 in the BOHCB
Joshua 2 in the BOHCV
Joshua 2 in the BOHLNT
Joshua 2 in the BOHNTLTAL
Joshua 2 in the BOICB
Joshua 2 in the BOILNTAP
Joshua 2 in the BOITCV
Joshua 2 in the BOKCV
Joshua 2 in the BOKCV2
Joshua 2 in the BOKHWOG
Joshua 2 in the BOKSSV
Joshua 2 in the BOLCB
Joshua 2 in the BOLCB2
Joshua 2 in the BOMCV
Joshua 2 in the BONAV
Joshua 2 in the BONCB
Joshua 2 in the BONLT
Joshua 2 in the BONUT2
Joshua 2 in the BOPLNT
Joshua 2 in the BOSNC
Joshua 2 in the BOTLNT
Joshua 2 in the BOVCB
Joshua 2 in the BOYCB
Joshua 2 in the BPBB
Joshua 2 in the BPH
Joshua 2 in the BSB
Joshua 2 in the CCB
Joshua 2 in the CUV
Joshua 2 in the CUVS
Joshua 2 in the DBT
Joshua 2 in the DGDNT
Joshua 2 in the DHNT
Joshua 2 in the DNT
Joshua 2 in the ELBE
Joshua 2 in the EMTV
Joshua 2 in the ESV
Joshua 2 in the FBV
Joshua 2 in the FEB
Joshua 2 in the GGMNT
Joshua 2 in the GNT
Joshua 2 in the HARY
Joshua 2 in the HNT
Joshua 2 in the IRVA
Joshua 2 in the IRVB
Joshua 2 in the IRVG
Joshua 2 in the IRVH
Joshua 2 in the IRVK
Joshua 2 in the IRVM
Joshua 2 in the IRVM2
Joshua 2 in the IRVO
Joshua 2 in the IRVP
Joshua 2 in the IRVT
Joshua 2 in the IRVT2
Joshua 2 in the IRVU
Joshua 2 in the ISVN
Joshua 2 in the JSNT
Joshua 2 in the KAPI
Joshua 2 in the KBT1ETNIK
Joshua 2 in the KBV
Joshua 2 in the KJV
Joshua 2 in the KNFD
Joshua 2 in the LBA
Joshua 2 in the LBLA
Joshua 2 in the LNT
Joshua 2 in the LSV
Joshua 2 in the MAAL
Joshua 2 in the MBV
Joshua 2 in the MBV2
Joshua 2 in the MHNT
Joshua 2 in the MKNFD
Joshua 2 in the MNG
Joshua 2 in the MNT
Joshua 2 in the MNT2
Joshua 2 in the MRS1T
Joshua 2 in the NAA
Joshua 2 in the NASB
Joshua 2 in the NBLA
Joshua 2 in the NBS
Joshua 2 in the NBVTP
Joshua 2 in the NET2
Joshua 2 in the NIV11
Joshua 2 in the NNT
Joshua 2 in the NNT2
Joshua 2 in the NNT3
Joshua 2 in the PDDPT
Joshua 2 in the PFNT
Joshua 2 in the RMNT
Joshua 2 in the SBIAS
Joshua 2 in the SBIBS
Joshua 2 in the SBIBS2
Joshua 2 in the SBICS
Joshua 2 in the SBIDS
Joshua 2 in the SBIGS
Joshua 2 in the SBIHS
Joshua 2 in the SBIIS
Joshua 2 in the SBIIS2
Joshua 2 in the SBIIS3
Joshua 2 in the SBIKS
Joshua 2 in the SBIKS2
Joshua 2 in the SBIMS
Joshua 2 in the SBIOS
Joshua 2 in the SBIPS
Joshua 2 in the SBISS
Joshua 2 in the SBITS
Joshua 2 in the SBITS2
Joshua 2 in the SBITS3
Joshua 2 in the SBITS4
Joshua 2 in the SBIUS
Joshua 2 in the SBIVS
Joshua 2 in the SBT
Joshua 2 in the SBT1E
Joshua 2 in the SCHL
Joshua 2 in the SNT
Joshua 2 in the SUSU
Joshua 2 in the SUSU2
Joshua 2 in the SYNO
Joshua 2 in the TBIAOTANT
Joshua 2 in the TBT1E
Joshua 2 in the TBT1E2
Joshua 2 in the TFTIP
Joshua 2 in the TFTU
Joshua 2 in the TGNTATF3T
Joshua 2 in the THAI
Joshua 2 in the TNFD
Joshua 2 in the TNT
Joshua 2 in the TNTIK
Joshua 2 in the TNTIL
Joshua 2 in the TNTIN
Joshua 2 in the TNTIP
Joshua 2 in the TNTIZ
Joshua 2 in the TOMA
Joshua 2 in the TTENT
Joshua 2 in the UBG
Joshua 2 in the UGV
Joshua 2 in the UGV2
Joshua 2 in the UGV3
Joshua 2 in the VBL
Joshua 2 in the VDCC
Joshua 2 in the YALU
Joshua 2 in the YAPE
Joshua 2 in the YBVTP
Joshua 2 in the ZBP