Leviticus 21 (BOSCB)
1 Jehovha akati kuna Mozisi, “Taura kuvaprista vanakomana vaAroni uti kwavari: ‘Muprista haafaniri kuzvisvibisa, achiitira kunyange ani zvake pakati pavanhu vake vanofa. 2 Kunze kwehama yepedyo yakaita samai kana baba vake, mwanakomana kana mwanasikana wake, mukoma kana mununʼuna wake, 3 kana hanzvadzi yake isina kuroorwa yaanochengeta sezvo asina murume nokuda kwaiyeyu angagona kuzvisvibisa. 4 Haafaniri kuzvisvibisa nokuda kwavanhu vano ukama naye hwokuwanana, akadaro azvisvibisa. 5 “ ‘Vaprista havafaniri kuveurwa misoro kana kudimburira ndebvu dzavo kana kutema miviri yavo nyora. 6 Vanofanira kuva vatsvene kuna Mwari wavo uye havafaniri kumhura zita raMwari wavo. Nokuti vanouyisa kuna Jehovha zvipiriso zvinoitwa nomoto, nezvokudya zvaMwari wavo; naizvozvo vanofanira kuva vatsvene. 7 “ ‘Havafaniri kuwana vakadzi vakasvibiswa noufeve kana kuti vakarambwa navarume vavo nokuti muprista mutsvene kuna Mwari wake. 8 Mutsaurei somutsvene nokuti ndiye anouya nezvokudya zvaMwari wenyu. Mutsaurei somutsvene nokuti ini Jehovha ndiri mutsvene, ini ndinokuitai vatsvene. 9 “ ‘Kana mwanasikana womuprista akazvisvibisa nokuva chifeve, anonyadzisa baba vake; anofanira kupiswa mumoto. 10 “ ‘Muprista mukuru, uyo ari pakati pamadzikoma ake navanunʼuna vake, akadirwa mafuta okuzodzwa pamusoro pake uye akagadzwa kuti apfeke nguo dzouprista, haafaniri kurega bvudzi rake risina kukamiwa, kana kubvarura nguo dzake. 11 Haafaniri kupinda munzvimbo ine chitunha. Haafaniri kuzvisvibisa kunyange nokuda kwababa vake kana mai vake, 12 kana kubva munzvimbo tsvene yaMwari kana kuisvibisa, nokuti akakumikidzwa namafuta okuzodza aMwari wake. Ndini Jehovha. 13 “ ‘Mukadzi waanowana anofanira kunge ari mhandara izere. 14 Haafaniri kuwana chirikadzi, mukadzi akarambwa kana mukadzi akasvibiswa noufeve asi mhandara yakazara bedzi kubva kuvanhu vokwake, 15 kuitira kuti arege kuzosvibisa zvizvarwa zvake pakati pavanhu vokwake. Ndini Jehovha ndinomuita mutsvene.’ ” 16 Jehovha akati kuna Mozisi, 17 “Uti kuna Aroni, ‘Kuzvizvarwa zvichatevera hakuna mumwe wezvizvarwa zvako akaremara angaswedera pedyo kuzopa zvokudya zvaMwari wake. 18 Hapana munhu ano urema hupi zvahwo angaswedera pedyo: hakuna bofu kana anokamhina kana akaremara; 19 hakuna munhu ane gumbo rakaremara kana ruoko rwakaremara, 20 kana ane musana wakakombama, munhu akapfupikisa kana ano urema hwamaziso kana ane mamota kana ane mhezi, kana akakuvara manhu ake. 21 Hapana wechizvarwa chaAroni akaremara neipi nzira angaswedera pedyo kuzopa zvipiriso zvinoitirwa Jehovha nomoto. Ano urema; haafaniri kuswedera pedyo kuzopa zvokudya zvaMwari wake. 22 Angadya hake zvokudya zvitsvene-tsvene zvaMwari wake, pamwe chete nezvokudya zvitsvene; 23 asi nokuda kwourema hwake, haafaniri kusvika pedyo nechidzitiro kana kusvika paaritari, agosvibisa nzvimbo yangu tsvene. Ndini Jehovha ndinovaita vatsvene.’ ” 24 Saka Mozisi akataura izvi kuna Aroni navanakomana vake nokuvaIsraeri vose.
In Other Versions
Leviticus 21 in the ANGEFD
Leviticus 21 in the ANTPNG2D
Leviticus 21 in the AS21
Leviticus 21 in the BAGH
Leviticus 21 in the BBPNG
Leviticus 21 in the BBT1E
Leviticus 21 in the BDS
Leviticus 21 in the BEV
Leviticus 21 in the BHAD
Leviticus 21 in the BIB
Leviticus 21 in the BLPT
Leviticus 21 in the BNT
Leviticus 21 in the BNTABOOT
Leviticus 21 in the BNTLV
Leviticus 21 in the BOATCB
Leviticus 21 in the BOATCB2
Leviticus 21 in the BOBCV
Leviticus 21 in the BOCNT
Leviticus 21 in the BOECS
Leviticus 21 in the BOGWICC
Leviticus 21 in the BOHCB
Leviticus 21 in the BOHCV
Leviticus 21 in the BOHLNT
Leviticus 21 in the BOHNTLTAL
Leviticus 21 in the BOICB
Leviticus 21 in the BOILNTAP
Leviticus 21 in the BOITCV
Leviticus 21 in the BOKCV
Leviticus 21 in the BOKCV2
Leviticus 21 in the BOKHWOG
Leviticus 21 in the BOKSSV
Leviticus 21 in the BOLCB
Leviticus 21 in the BOLCB2
Leviticus 21 in the BOMCV
Leviticus 21 in the BONAV
Leviticus 21 in the BONCB
Leviticus 21 in the BONLT
Leviticus 21 in the BONUT2
Leviticus 21 in the BOPLNT
Leviticus 21 in the BOSNC
Leviticus 21 in the BOTLNT
Leviticus 21 in the BOVCB
Leviticus 21 in the BOYCB
Leviticus 21 in the BPBB
Leviticus 21 in the BPH
Leviticus 21 in the BSB
Leviticus 21 in the CCB
Leviticus 21 in the CUV
Leviticus 21 in the CUVS
Leviticus 21 in the DBT
Leviticus 21 in the DGDNT
Leviticus 21 in the DHNT
Leviticus 21 in the DNT
Leviticus 21 in the ELBE
Leviticus 21 in the EMTV
Leviticus 21 in the ESV
Leviticus 21 in the FBV
Leviticus 21 in the FEB
Leviticus 21 in the GGMNT
Leviticus 21 in the GNT
Leviticus 21 in the HARY
Leviticus 21 in the HNT
Leviticus 21 in the IRVA
Leviticus 21 in the IRVB
Leviticus 21 in the IRVG
Leviticus 21 in the IRVH
Leviticus 21 in the IRVK
Leviticus 21 in the IRVM
Leviticus 21 in the IRVM2
Leviticus 21 in the IRVO
Leviticus 21 in the IRVP
Leviticus 21 in the IRVT
Leviticus 21 in the IRVT2
Leviticus 21 in the IRVU
Leviticus 21 in the ISVN
Leviticus 21 in the JSNT
Leviticus 21 in the KAPI
Leviticus 21 in the KBT1ETNIK
Leviticus 21 in the KBV
Leviticus 21 in the KJV
Leviticus 21 in the KNFD
Leviticus 21 in the LBA
Leviticus 21 in the LBLA
Leviticus 21 in the LNT
Leviticus 21 in the LSV
Leviticus 21 in the MAAL
Leviticus 21 in the MBV
Leviticus 21 in the MBV2
Leviticus 21 in the MHNT
Leviticus 21 in the MKNFD
Leviticus 21 in the MNG
Leviticus 21 in the MNT
Leviticus 21 in the MNT2
Leviticus 21 in the MRS1T
Leviticus 21 in the NAA
Leviticus 21 in the NASB
Leviticus 21 in the NBLA
Leviticus 21 in the NBS
Leviticus 21 in the NBVTP
Leviticus 21 in the NET2
Leviticus 21 in the NIV11
Leviticus 21 in the NNT
Leviticus 21 in the NNT2
Leviticus 21 in the NNT3
Leviticus 21 in the PDDPT
Leviticus 21 in the PFNT
Leviticus 21 in the RMNT
Leviticus 21 in the SBIAS
Leviticus 21 in the SBIBS
Leviticus 21 in the SBIBS2
Leviticus 21 in the SBICS
Leviticus 21 in the SBIDS
Leviticus 21 in the SBIGS
Leviticus 21 in the SBIHS
Leviticus 21 in the SBIIS
Leviticus 21 in the SBIIS2
Leviticus 21 in the SBIIS3
Leviticus 21 in the SBIKS
Leviticus 21 in the SBIKS2
Leviticus 21 in the SBIMS
Leviticus 21 in the SBIOS
Leviticus 21 in the SBIPS
Leviticus 21 in the SBISS
Leviticus 21 in the SBITS
Leviticus 21 in the SBITS2
Leviticus 21 in the SBITS3
Leviticus 21 in the SBITS4
Leviticus 21 in the SBIUS
Leviticus 21 in the SBIVS
Leviticus 21 in the SBT
Leviticus 21 in the SBT1E
Leviticus 21 in the SCHL
Leviticus 21 in the SNT
Leviticus 21 in the SUSU
Leviticus 21 in the SUSU2
Leviticus 21 in the SYNO
Leviticus 21 in the TBIAOTANT
Leviticus 21 in the TBT1E
Leviticus 21 in the TBT1E2
Leviticus 21 in the TFTIP
Leviticus 21 in the TFTU
Leviticus 21 in the TGNTATF3T
Leviticus 21 in the THAI
Leviticus 21 in the TNFD
Leviticus 21 in the TNT
Leviticus 21 in the TNTIK
Leviticus 21 in the TNTIL
Leviticus 21 in the TNTIN
Leviticus 21 in the TNTIP
Leviticus 21 in the TNTIZ
Leviticus 21 in the TOMA
Leviticus 21 in the TTENT
Leviticus 21 in the UBG
Leviticus 21 in the UGV
Leviticus 21 in the UGV2
Leviticus 21 in the UGV3
Leviticus 21 in the VBL
Leviticus 21 in the VDCC
Leviticus 21 in the YALU
Leviticus 21 in the YAPE
Leviticus 21 in the YBVTP
Leviticus 21 in the ZBP