Matthew 16 (BOSCB)
1 VaFarisi navaSadhusi vakauya kuna Jesu vakamuedza nokumukumbira kuti avaratidze chiratidzo chinobva kudenga. 2 Akavapindura achiti, “Panosvika nguva yamadekwana munoti, ‘Mamiriro okunze achange akanaka nokuti denga rakatsvuka.’ 3 Uye mangwanani munoti, ‘Nhasi kuchanaya mvura ine dutu nokuti denga rakatsvuka uye kwakakwidibira.’ Munoziva kududzira zvinoonekwa mudenga, asi hamugoni kududzira zviratidzo zvenguva. 4 Rudzi rwakaipa rwoupombwe runotsvaka chiratidzo, asi hapana chichapiwa kwarwuri kunze kwechiratidzo chaJona.” Ipapo Jesu akavasiya, akaenda kumwe. 5 Pavakayambuka mhiri kwegungwa, vadzidzi vakakanganwa kutakura chingwa. 6 Jesu akati kwavari, “Chenjerai mungwarire mbiriso yavaFarisi navaSadhusi.” 7 Vakakurukura nezvenyaya iyi pakati pavo vakati, “Anodaro nokuti hatina kuuya nechingwa.” 8 Achiziva izvi Jesu akavabvunza akati, “Imi vokutenda kuduku, ko, muri kutauriranei pakati penyu nezvokusava nechingwa? 9 Hamusati mava kunzwisisa here? Hamurangariri here zvingwa zvishanu zvavanhu vane zviuru zvishanu uye kuti makazadza matengu mangani ezvamakaunganidza? 10 Kana kuti zvingwa zvinomwe zvavanhu zviuru zvina uye kuti makazadza matengu mangani ezvamakaunganidza? 11 Hamunzwisisi sei kuti ndanga ndisingatauri kwamuri nezvechingwa? Asi chenjererai mbiriso yavaFarisi navaSadhusi.” 12 Ipapo vakanzwisisa kuti ainge asingavaudzi kuti vachenjerere mbiriso inoshandiswa muchingwa, asi nezvedzidziso yavaFarisi navaSadhusi. 13 Jesu akati asvika kudunhu reKesaria Firipi, akabvunza vadzidzi vake akati, “Vanhu vanoti Mwanakomana woMunhu ndiani?” 14 Vakati, “Vamwe vanoti Johani Mubhabhatidzi, vamwewo vanoti Eria, vamwewo vachiti Jeremia kana mumwe wavaprofita.” 15 Akabvunza akati, “Ko, imi munoti ndini ani?” 16 Simoni Petro akapindura akati, “Ndimi Kristu, Mwanakomana waMwari mupenyu.” 17 Jesu akapindura akati, “Wakaropafadzwa iwe Simoni mwanakomana waJona, nokuti izvi hazvina kuzarurirwa kwauri nomunhu asi naBaba vangu vari kudenga. 18 Ndinoti kwauri, iwe ndiwe Petro, paruware urwu ndichavaka kereke yangu, kunyange masuo eHadhesi haangaikundi. 19 Ndichakupa kiyi dzoumambo hwokudenga; chose chaunosunga pano pasi chichasungwa kudenga, uye chose chaunosunungura pano pasi nokudenga chichasunungurwa.” 20 Ipapo akayambira vadzidzi vake kuti vasaudze ani zvake kuti iye ndiye Kristu. 21 Kubva panguva iyoyo Jesu akatanga kutsanangurira vadzidzi vake kuti anofanira kuenda kuJerusarema kundotambudzwa kwazvo pamaoko avakuru navaprista vakuru navadzidzisi vemirayiro uye kuti anofanira kuurayiwa nokumutswazve pazuva retatu. 22 Petro akamutora padivi akatanga kumutsiura achiti, “Hazviitiki, Ishe. Izvi hazvisi kuzoitika kwamuri!” 23 Jesu akatendeukira kwaari akati, “Enda shure kwangu Satani! Uri chigumbuso kwandiri nokuti hauna zvinhu zvaMwari mupfungwa dzako asi zvavanhu.” 24 Ipapo Jesu akati kuvadzidzi vake, “Kana paine anoda kunditevera, ngaazvirambe, atakure muchinjikwa wake, anditevere. 25 Nokuti ani naani anoda kuchengetedza upenyu hwake acharasikirwa nahwo, asi ani naani anorasikirwa noupenyu hwake nokuda kwangu achahuwana. 26 Ko, munhu achabatsirwa nei kana akawana nyika yose, asi achirasikirwa noupenyu hwake? Kana kuti munhu acharipeiko kuti adzikinure upenyu hwake? 27 Nokuti Mwanakomana woMunhu achauya ari mukubwinya kwaBaba vake aine vatumwa vake, ipapo achapa mubayiro kuno mumwe nomumwe maererano namabasa ake. 28 Ndinokuudzai chokwadi kuti vamwe vamire pano havazofi vasati vaona Mwanakomana woMunhu achiuya muumambo hwake.”
In Other Versions
Matthew 16 in the ANGEFD
Matthew 16 in the ANTPNG2D
Matthew 16 in the AS21
Matthew 16 in the BAGH
Matthew 16 in the BBPNG
Matthew 16 in the BBT1E
Matthew 16 in the BDS
Matthew 16 in the BEV
Matthew 16 in the BHAD
Matthew 16 in the BIB
Matthew 16 in the BLPT
Matthew 16 in the BNT
Matthew 16 in the BNTABOOT
Matthew 16 in the BNTLV
Matthew 16 in the BOATCB
Matthew 16 in the BOATCB2
Matthew 16 in the BOBCV
Matthew 16 in the BOCNT
Matthew 16 in the BOECS
Matthew 16 in the BOGWICC
Matthew 16 in the BOHCB
Matthew 16 in the BOHCV
Matthew 16 in the BOHLNT
Matthew 16 in the BOHNTLTAL
Matthew 16 in the BOICB
Matthew 16 in the BOILNTAP
Matthew 16 in the BOITCV
Matthew 16 in the BOKCV
Matthew 16 in the BOKCV2
Matthew 16 in the BOKHWOG
Matthew 16 in the BOKSSV
Matthew 16 in the BOLCB
Matthew 16 in the BOLCB2
Matthew 16 in the BOMCV
Matthew 16 in the BONAV
Matthew 16 in the BONCB
Matthew 16 in the BONLT
Matthew 16 in the BONUT2
Matthew 16 in the BOPLNT
Matthew 16 in the BOSNC
Matthew 16 in the BOTLNT
Matthew 16 in the BOVCB
Matthew 16 in the BOYCB
Matthew 16 in the BPBB
Matthew 16 in the BPH
Matthew 16 in the BSB
Matthew 16 in the CCB
Matthew 16 in the CUV
Matthew 16 in the CUVS
Matthew 16 in the DBT
Matthew 16 in the DGDNT
Matthew 16 in the DHNT
Matthew 16 in the DNT
Matthew 16 in the ELBE
Matthew 16 in the EMTV
Matthew 16 in the ESV
Matthew 16 in the FBV
Matthew 16 in the FEB
Matthew 16 in the GGMNT
Matthew 16 in the GNT
Matthew 16 in the HARY
Matthew 16 in the HNT
Matthew 16 in the IRVA
Matthew 16 in the IRVB
Matthew 16 in the IRVG
Matthew 16 in the IRVH
Matthew 16 in the IRVK
Matthew 16 in the IRVM
Matthew 16 in the IRVM2
Matthew 16 in the IRVO
Matthew 16 in the IRVP
Matthew 16 in the IRVT
Matthew 16 in the IRVT2
Matthew 16 in the IRVU
Matthew 16 in the ISVN
Matthew 16 in the JSNT
Matthew 16 in the KAPI
Matthew 16 in the KBT1ETNIK
Matthew 16 in the KBV
Matthew 16 in the KJV
Matthew 16 in the KNFD
Matthew 16 in the LBA
Matthew 16 in the LBLA
Matthew 16 in the LNT
Matthew 16 in the LSV
Matthew 16 in the MAAL
Matthew 16 in the MBV
Matthew 16 in the MBV2
Matthew 16 in the MHNT
Matthew 16 in the MKNFD
Matthew 16 in the MNG
Matthew 16 in the MNT
Matthew 16 in the MNT2
Matthew 16 in the MRS1T
Matthew 16 in the NAA
Matthew 16 in the NASB
Matthew 16 in the NBLA
Matthew 16 in the NBS
Matthew 16 in the NBVTP
Matthew 16 in the NET2
Matthew 16 in the NIV11
Matthew 16 in the NNT
Matthew 16 in the NNT2
Matthew 16 in the NNT3
Matthew 16 in the PDDPT
Matthew 16 in the PFNT
Matthew 16 in the RMNT
Matthew 16 in the SBIAS
Matthew 16 in the SBIBS
Matthew 16 in the SBIBS2
Matthew 16 in the SBICS
Matthew 16 in the SBIDS
Matthew 16 in the SBIGS
Matthew 16 in the SBIHS
Matthew 16 in the SBIIS
Matthew 16 in the SBIIS2
Matthew 16 in the SBIIS3
Matthew 16 in the SBIKS
Matthew 16 in the SBIKS2
Matthew 16 in the SBIMS
Matthew 16 in the SBIOS
Matthew 16 in the SBIPS
Matthew 16 in the SBISS
Matthew 16 in the SBITS
Matthew 16 in the SBITS2
Matthew 16 in the SBITS3
Matthew 16 in the SBITS4
Matthew 16 in the SBIUS
Matthew 16 in the SBIVS
Matthew 16 in the SBT
Matthew 16 in the SBT1E
Matthew 16 in the SCHL
Matthew 16 in the SNT
Matthew 16 in the SUSU
Matthew 16 in the SUSU2
Matthew 16 in the SYNO
Matthew 16 in the TBIAOTANT
Matthew 16 in the TBT1E
Matthew 16 in the TBT1E2
Matthew 16 in the TFTIP
Matthew 16 in the TFTU
Matthew 16 in the TGNTATF3T
Matthew 16 in the THAI
Matthew 16 in the TNFD
Matthew 16 in the TNT
Matthew 16 in the TNTIK
Matthew 16 in the TNTIL
Matthew 16 in the TNTIN
Matthew 16 in the TNTIP
Matthew 16 in the TNTIZ
Matthew 16 in the TOMA
Matthew 16 in the TTENT
Matthew 16 in the UBG
Matthew 16 in the UGV
Matthew 16 in the UGV2
Matthew 16 in the UGV3
Matthew 16 in the VBL
Matthew 16 in the VDCC
Matthew 16 in the YALU
Matthew 16 in the YAPE
Matthew 16 in the YBVTP
Matthew 16 in the ZBP