Matthew 4 (BOSCB)
1 Ipapo Jesu akatungamirirwa naMweya Mutsvene kurenje kuti andoedzwa nadhiabhori. 2 Mushure mokunge atsanya kwamazuva makumi mana nousiku huna makumi mana, akanzwa nzara. 3 Muedzi akauya kwaari akasvikoti, “Kana uri Mwanakomana waMwari, rayira mabwe aya kuti ave chingwa.” 4 Jesu akapindura akati, “Kwakanyorwa kuchinzi, ‘Munhu haararame nechingwa bedzi, asi neshoko rimwe nerimwe rinobva mumuromo waMwari.’ ” 5 Ipapo dhiabhori akamutora akaenda naye muguta dzvene uye akandomuita kuti amire pachiruvi chetemberi, akati, 6 “Kana uri Mwanakomana waMwari, zviwisire pasi, nokuti kwakanyorwa kuchinzi:“Acharayira vatumwa vake pamusoro pakouye vachakusimudza namaoko avokuti urege kugumburisa rutsoka rwako nebwe.” 7 Jesu akamupindura akati, “Kwakanyorwawo kuchinzi, ‘Usaedza Ishe Mwari wako.’ ” 8 Dhiabhori akamutorazve akaenda naye pamusoro pegomo refu kwazvo uye akamuratidza ushe hwose hwenyika nokubwinya kwahwo, 9 akati, “Zvose izvi ndichakupa kana ukandikotamira uye ukandinamata.” 10 Jesu akati kwaari, “Ibva pandiri Satani! Nokuti kwakanyorwa kuchinzi, ‘Namata Ishe Mwari wako uye umushumire iye oga.’ ” 11 Ipapo dhiabhori akamusiya, uye vatumwa vakauya vakamushandira. 12 Jesu akati anzwa kuti Johani akanga aiswa mutorongo, akadzokera kuGarirea. 13 Achibva kuNazareta, akaenda akandogara kuKapenaume, guta raiva pamahombekombe egungwa mudunhu reZebhuruni neNafutari, 14 kuti azadzise zvakarehwa nomuprofita Isaya achiti: 15 “Nyika yeZebhuruni nenyika yeNafutari,nzira inoenda kugungwa, ichitevedza Jorodhani,Garirea reveDzimwe Ndudzi, 16 vanhu vaigara murimavakaona chiedza chikuru;kune avo vaigara munyika yomumvuri worufu,chiedza chavhenekera.” 17 Kubva panguva iyoyo zvichienda mberi, Jesu akatanga kuparidza achiti, “Tendeukai nokuti umambo hwokudenga hwava pedyo.” 18 Jesu paakanga achifamba pedyo negungwa reGarirea, akaona varume vaviri, Simoni ainzi Petro nomununʼuna wake Andirea. Vakanga vachikanda mambure avo mugungwa nokuti vaiva vabati vehove. 19 Jesu akati kwavari, “Uyai munditevere, uye ndichakuitai vabati vavanhu.” 20 Pakarepo vakabva vasiya mambure avo, vakamutevera. 21 Achibva ipapo, akaonazve vamwe varume vaviri vaiva mukoma nomununʼuna, Jakobho mwanakomana waZebhedhi nomununʼuna wake Johani. Vakanga vari mugwa nababa vavo Zebhedhi vachigadzira mambure avo. Jesu akavadana, 22 uye pakarepo vakasiya igwa nababa vavo vakamutevera. 23 Jesu akapota neGarirea rose achidzidzisa mumasinagoge avo, achiparidza nhau dzakanaka dzoumambo uye achiporesa hosha dzose nourwere hwose pakati pavanhu. 24 Mukurumbira wake wakapararira muSiria yose, uye vanhu vakauya kwaari navose vairwara nezvirwere zvakasiyana-siyana, avo vaitambudzwa namarwadzo akanyanya, vakanga vakabatwa namadhimoni, vaiva nezvipusha, nevakanga vakafa mitezo, uye akavaporesa. 25 Vanhu vazhinji kwazvo vaibva kuGarirea, Dhekapori, Jerusarema, Judhea nedunhu riri mhiri kweJorodhani vakamutevera.
In Other Versions
Matthew 4 in the ANGEFD
Matthew 4 in the ANTPNG2D
Matthew 4 in the AS21
Matthew 4 in the BAGH
Matthew 4 in the BBPNG
Matthew 4 in the BBT1E
Matthew 4 in the BDS
Matthew 4 in the BEV
Matthew 4 in the BHAD
Matthew 4 in the BIB
Matthew 4 in the BLPT
Matthew 4 in the BNT
Matthew 4 in the BNTABOOT
Matthew 4 in the BNTLV
Matthew 4 in the BOATCB
Matthew 4 in the BOATCB2
Matthew 4 in the BOBCV
Matthew 4 in the BOCNT
Matthew 4 in the BOECS
Matthew 4 in the BOGWICC
Matthew 4 in the BOHCB
Matthew 4 in the BOHCV
Matthew 4 in the BOHLNT
Matthew 4 in the BOHNTLTAL
Matthew 4 in the BOICB
Matthew 4 in the BOILNTAP
Matthew 4 in the BOITCV
Matthew 4 in the BOKCV
Matthew 4 in the BOKCV2
Matthew 4 in the BOKHWOG
Matthew 4 in the BOKSSV
Matthew 4 in the BOLCB
Matthew 4 in the BOLCB2
Matthew 4 in the BOMCV
Matthew 4 in the BONAV
Matthew 4 in the BONCB
Matthew 4 in the BONLT
Matthew 4 in the BONUT2
Matthew 4 in the BOPLNT
Matthew 4 in the BOSNC
Matthew 4 in the BOTLNT
Matthew 4 in the BOVCB
Matthew 4 in the BOYCB
Matthew 4 in the BPBB
Matthew 4 in the BPH
Matthew 4 in the BSB
Matthew 4 in the CCB
Matthew 4 in the CUV
Matthew 4 in the CUVS
Matthew 4 in the DBT
Matthew 4 in the DGDNT
Matthew 4 in the DHNT
Matthew 4 in the DNT
Matthew 4 in the ELBE
Matthew 4 in the EMTV
Matthew 4 in the ESV
Matthew 4 in the FBV
Matthew 4 in the FEB
Matthew 4 in the GGMNT
Matthew 4 in the GNT
Matthew 4 in the HARY
Matthew 4 in the HNT
Matthew 4 in the IRVA
Matthew 4 in the IRVB
Matthew 4 in the IRVG
Matthew 4 in the IRVH
Matthew 4 in the IRVK
Matthew 4 in the IRVM
Matthew 4 in the IRVM2
Matthew 4 in the IRVO
Matthew 4 in the IRVP
Matthew 4 in the IRVT
Matthew 4 in the IRVT2
Matthew 4 in the IRVU
Matthew 4 in the ISVN
Matthew 4 in the JSNT
Matthew 4 in the KAPI
Matthew 4 in the KBT1ETNIK
Matthew 4 in the KBV
Matthew 4 in the KJV
Matthew 4 in the KNFD
Matthew 4 in the LBA
Matthew 4 in the LBLA
Matthew 4 in the LNT
Matthew 4 in the LSV
Matthew 4 in the MAAL
Matthew 4 in the MBV
Matthew 4 in the MBV2
Matthew 4 in the MHNT
Matthew 4 in the MKNFD
Matthew 4 in the MNG
Matthew 4 in the MNT
Matthew 4 in the MNT2
Matthew 4 in the MRS1T
Matthew 4 in the NAA
Matthew 4 in the NASB
Matthew 4 in the NBLA
Matthew 4 in the NBS
Matthew 4 in the NBVTP
Matthew 4 in the NET2
Matthew 4 in the NIV11
Matthew 4 in the NNT
Matthew 4 in the NNT2
Matthew 4 in the NNT3
Matthew 4 in the PDDPT
Matthew 4 in the PFNT
Matthew 4 in the RMNT
Matthew 4 in the SBIAS
Matthew 4 in the SBIBS
Matthew 4 in the SBIBS2
Matthew 4 in the SBICS
Matthew 4 in the SBIDS
Matthew 4 in the SBIGS
Matthew 4 in the SBIHS
Matthew 4 in the SBIIS
Matthew 4 in the SBIIS2
Matthew 4 in the SBIIS3
Matthew 4 in the SBIKS
Matthew 4 in the SBIKS2
Matthew 4 in the SBIMS
Matthew 4 in the SBIOS
Matthew 4 in the SBIPS
Matthew 4 in the SBISS
Matthew 4 in the SBITS
Matthew 4 in the SBITS2
Matthew 4 in the SBITS3
Matthew 4 in the SBITS4
Matthew 4 in the SBIUS
Matthew 4 in the SBIVS
Matthew 4 in the SBT
Matthew 4 in the SBT1E
Matthew 4 in the SCHL
Matthew 4 in the SNT
Matthew 4 in the SUSU
Matthew 4 in the SUSU2
Matthew 4 in the SYNO
Matthew 4 in the TBIAOTANT
Matthew 4 in the TBT1E
Matthew 4 in the TBT1E2
Matthew 4 in the TFTIP
Matthew 4 in the TFTU
Matthew 4 in the TGNTATF3T
Matthew 4 in the THAI
Matthew 4 in the TNFD
Matthew 4 in the TNT
Matthew 4 in the TNTIK
Matthew 4 in the TNTIL
Matthew 4 in the TNTIN
Matthew 4 in the TNTIP
Matthew 4 in the TNTIZ
Matthew 4 in the TOMA
Matthew 4 in the TTENT
Matthew 4 in the UBG
Matthew 4 in the UGV
Matthew 4 in the UGV2
Matthew 4 in the UGV3
Matthew 4 in the VBL
Matthew 4 in the VDCC
Matthew 4 in the YALU
Matthew 4 in the YAPE
Matthew 4 in the YBVTP
Matthew 4 in the ZBP