Nehemiah 2 (BOSCB)
1 Mumwedzi waNisani mugore ramakumi maviri raMambo Atazekisesi, panguva yaakavigirwa waini, ndakatora waini ndikapa kuna mambo. Handina kumbenge ndambosuruvara zvakadai pamberi pake. 2 Saka mambo akandibvunza akati, “Ko, chiso chako chinoratidza kusuwa seiko iwe usingarwari? Hapangavi nechimwe chinhu asi shungu dzomwoyo bedzi.”Ndakatya kwazvo, 3 asi ndakati kuna mambo, “Mambo ngaararame nokusingaperi! Ko, chiso changu chingatadza kupunyaira seiko kana guta rakavigwa madzibaba angu rava dongo uye masuo aro aparadzwa nomoto?” 4 Mambo akati kwandiri, “Chii chauri kuda?”Ipapo ndakanyengetera kuna Mwari wokudenga, 5 ndikapindura mambo ndichiti, “Kana zvichifadza mambo uye kana muranda wenyu awana nyasha pamberi pake, mambo ngaanditumire kuguta riri kuJudha kwakavigwa madzibaba angu kuitira kuti ndinorivakazve.” 6 Ipapo mambo, navahosi vakagara parutivi pake, akandibvunza akati, “Rwendo rwako runotora mazuva mangani, uye uchadzoka rinhi?” Naizvozvo zvakafadza mambo kuti anditume; saka ndakatara nguva. 7 Ndakatizve kwaari, “Kana mambo achifadzwa nazvo, ndingapiwawo tsamba here dzinoenda kuvabati vari mhiri kwaYufuratesi, kuitira kuti vagondipa mvumo yokupfuura kusvikira ndasvika muJudha? 8 Uye ndinokumbirawo tsamba inoenda kuna Asafi, muchengeti wesango ramambo, kuitira kuti azondipa matanda okuchinjika pamusoro pamasuo enhare iri patemberi uye neorusvingo rweguta neeimba yandichagara?” Mambo akandipa zvandakakumbira, nokuti ruoko rwenyasha rwaMwari wangu rwaiva pamusoro pangu. 9 Saka ndakaenda kuvabati vaiva mhiri kwaYufuratesi ndikavapa tsamba dzamambo. Zvino mambo akanga atumawo pamwe chete neni vakuru vehondo navatasvi vamabhiza. 10 Sanibharati muHoroni naTobhia muranda wavaAmoni pavakazvinzwa vakashatirwa kwazvo vachiti kwauya mumwe anoda kusimudzira magariro akanaka avaIsraeri. 11 Naizvozvo ndakaenda kuJerusarema ndikagarako kwamazuva matatu. 12 Ndakamuka usiku navarume vashoma shoma. Ndakanga ndisina kumboudza munhu zvakanga zvaiswa mumwoyo mangu naMwari wangu kuti ndiite muJerusarema. Pakanga pasina chimwe chipfuwo kunze kwechandakanga ndakatasva. 13 Ndakabuda usiku ndikapinda napaSuo roMupata ndakananga nokuTsime reShato nokuSuo raMarara, ndichiongorora masvingo eJerusarema, akanga akoromorwa, uye masuo awo, akanga aparadzwa nomoto. 14 Ipapo ndakapfuurira mberi ndakananga kuSuo reTsime nokuDziva raMambo, asi pakanga pasina nzvimbo yokupinda nechipfuwo changu; 15 saka ndakakwidza nokumupata nousiku, ndichiongorora rusvingo. Pakupedzisira, ndakadzoka ndikapindazve napakati peSuo roMupata. 16 Vabati havana kuziva kwandakanga ndaenda kana zvandakanga ndichiita, nokuti ndakanga ndisati ndambotaura chinhu kuvaJudha kana kuvaprista kana vakuru kana vabati, kana vamwewo zvavo vaizoita basa. 17 Ipapo ndakati kwavari, “Muri kuona dambudziko ratinaro here: Jerusarema rava dongo, uye masuo aro akapiswa nomoto. Uyai, ngativakeizve rusvingo rweJerusarema, kuti tisazonyadziswazve.” 18 Ndakavaudza pamusoro poruoko rwenyasha rwaMwari wangu rwaiva pamusoro pangu uye zvakanga zvataurwa namambo kwandiri.Ivo vakati, “Ngatitangei kuvaka.” Saka vakatanga basa rakanaka iri. 19 Asi Sanibharati muHoroni, naTobhia muranda wavaAmoni naGeshemu muArabhu vakati vazvinzwa, vakatiseka uye vakatizvidza. Vakatibvunza vachiti, “Chiiko ichi chamuri kuita? Muri kumukira mambo kanhi?” 20 Ndakavapindura ndikati, “Mwari wokudenga achaita kuti tibudirire. Isu varanda vake tichatanga kuvaka asi kana murimi, hamuna mugove kana simba kana chirangaridzo paJerusarema.”
In Other Versions
Nehemiah 2 in the ANGEFD
Nehemiah 2 in the ANTPNG2D
Nehemiah 2 in the AS21
Nehemiah 2 in the BAGH
Nehemiah 2 in the BBPNG
Nehemiah 2 in the BBT1E
Nehemiah 2 in the BDS
Nehemiah 2 in the BEV
Nehemiah 2 in the BHAD
Nehemiah 2 in the BIB
Nehemiah 2 in the BLPT
Nehemiah 2 in the BNT
Nehemiah 2 in the BNTABOOT
Nehemiah 2 in the BNTLV
Nehemiah 2 in the BOATCB
Nehemiah 2 in the BOATCB2
Nehemiah 2 in the BOBCV
Nehemiah 2 in the BOCNT
Nehemiah 2 in the BOECS
Nehemiah 2 in the BOGWICC
Nehemiah 2 in the BOHCB
Nehemiah 2 in the BOHCV
Nehemiah 2 in the BOHLNT
Nehemiah 2 in the BOHNTLTAL
Nehemiah 2 in the BOICB
Nehemiah 2 in the BOILNTAP
Nehemiah 2 in the BOITCV
Nehemiah 2 in the BOKCV
Nehemiah 2 in the BOKCV2
Nehemiah 2 in the BOKHWOG
Nehemiah 2 in the BOKSSV
Nehemiah 2 in the BOLCB
Nehemiah 2 in the BOLCB2
Nehemiah 2 in the BOMCV
Nehemiah 2 in the BONAV
Nehemiah 2 in the BONCB
Nehemiah 2 in the BONLT
Nehemiah 2 in the BONUT2
Nehemiah 2 in the BOPLNT
Nehemiah 2 in the BOSNC
Nehemiah 2 in the BOTLNT
Nehemiah 2 in the BOVCB
Nehemiah 2 in the BOYCB
Nehemiah 2 in the BPBB
Nehemiah 2 in the BPH
Nehemiah 2 in the BSB
Nehemiah 2 in the CCB
Nehemiah 2 in the CUV
Nehemiah 2 in the CUVS
Nehemiah 2 in the DBT
Nehemiah 2 in the DGDNT
Nehemiah 2 in the DHNT
Nehemiah 2 in the DNT
Nehemiah 2 in the ELBE
Nehemiah 2 in the EMTV
Nehemiah 2 in the ESV
Nehemiah 2 in the FBV
Nehemiah 2 in the FEB
Nehemiah 2 in the GGMNT
Nehemiah 2 in the GNT
Nehemiah 2 in the HARY
Nehemiah 2 in the HNT
Nehemiah 2 in the IRVA
Nehemiah 2 in the IRVB
Nehemiah 2 in the IRVG
Nehemiah 2 in the IRVH
Nehemiah 2 in the IRVK
Nehemiah 2 in the IRVM
Nehemiah 2 in the IRVM2
Nehemiah 2 in the IRVO
Nehemiah 2 in the IRVP
Nehemiah 2 in the IRVT
Nehemiah 2 in the IRVT2
Nehemiah 2 in the IRVU
Nehemiah 2 in the ISVN
Nehemiah 2 in the JSNT
Nehemiah 2 in the KAPI
Nehemiah 2 in the KBT1ETNIK
Nehemiah 2 in the KBV
Nehemiah 2 in the KJV
Nehemiah 2 in the KNFD
Nehemiah 2 in the LBA
Nehemiah 2 in the LBLA
Nehemiah 2 in the LNT
Nehemiah 2 in the LSV
Nehemiah 2 in the MAAL
Nehemiah 2 in the MBV
Nehemiah 2 in the MBV2
Nehemiah 2 in the MHNT
Nehemiah 2 in the MKNFD
Nehemiah 2 in the MNG
Nehemiah 2 in the MNT
Nehemiah 2 in the MNT2
Nehemiah 2 in the MRS1T
Nehemiah 2 in the NAA
Nehemiah 2 in the NASB
Nehemiah 2 in the NBLA
Nehemiah 2 in the NBS
Nehemiah 2 in the NBVTP
Nehemiah 2 in the NET2
Nehemiah 2 in the NIV11
Nehemiah 2 in the NNT
Nehemiah 2 in the NNT2
Nehemiah 2 in the NNT3
Nehemiah 2 in the PDDPT
Nehemiah 2 in the PFNT
Nehemiah 2 in the RMNT
Nehemiah 2 in the SBIAS
Nehemiah 2 in the SBIBS
Nehemiah 2 in the SBIBS2
Nehemiah 2 in the SBICS
Nehemiah 2 in the SBIDS
Nehemiah 2 in the SBIGS
Nehemiah 2 in the SBIHS
Nehemiah 2 in the SBIIS
Nehemiah 2 in the SBIIS2
Nehemiah 2 in the SBIIS3
Nehemiah 2 in the SBIKS
Nehemiah 2 in the SBIKS2
Nehemiah 2 in the SBIMS
Nehemiah 2 in the SBIOS
Nehemiah 2 in the SBIPS
Nehemiah 2 in the SBISS
Nehemiah 2 in the SBITS
Nehemiah 2 in the SBITS2
Nehemiah 2 in the SBITS3
Nehemiah 2 in the SBITS4
Nehemiah 2 in the SBIUS
Nehemiah 2 in the SBIVS
Nehemiah 2 in the SBT
Nehemiah 2 in the SBT1E
Nehemiah 2 in the SCHL
Nehemiah 2 in the SNT
Nehemiah 2 in the SUSU
Nehemiah 2 in the SUSU2
Nehemiah 2 in the SYNO
Nehemiah 2 in the TBIAOTANT
Nehemiah 2 in the TBT1E
Nehemiah 2 in the TBT1E2
Nehemiah 2 in the TFTIP
Nehemiah 2 in the TFTU
Nehemiah 2 in the TGNTATF3T
Nehemiah 2 in the THAI
Nehemiah 2 in the TNFD
Nehemiah 2 in the TNT
Nehemiah 2 in the TNTIK
Nehemiah 2 in the TNTIL
Nehemiah 2 in the TNTIN
Nehemiah 2 in the TNTIP
Nehemiah 2 in the TNTIZ
Nehemiah 2 in the TOMA
Nehemiah 2 in the TTENT
Nehemiah 2 in the UBG
Nehemiah 2 in the UGV
Nehemiah 2 in the UGV2
Nehemiah 2 in the UGV3
Nehemiah 2 in the VBL
Nehemiah 2 in the VDCC
Nehemiah 2 in the YALU
Nehemiah 2 in the YAPE
Nehemiah 2 in the YBVTP
Nehemiah 2 in the ZBP