Nehemiah 4 (BOSCB)
1 Zvino Sanibharati paakanzwa kuti takanga tava kuvakazve rusvingo, akatsamwa uye akava nehasha kwazvo. Akashora vaJudha 2 pamberi pehama dzake nehondo yeSamaria, achiti, “Ko, vaJudha avo vasina simba vari kuiteiko? Ko, vachavakazve rusvingo rwavo here? Vachapa zvibayiro here? Vachapedza nezuva rimwe chete here? Ko, vangadzorera upenyu pamatombo ayo akaunganidzwa, akatsva sezvaakaita izvi here?” 3 Tobhia muAmoni, aiva parutivi pake, akati, “Chavari kuvaka ichi, kana dai gava raikwira pamusoro pacho, raitokoromora rusvingo rwavo rwamatombo!” 4 Haiwa, Mwari wedu, tinzwei, nokuti tiri kuzvidzwa. Dzorerai kutuka kwavo pamusoro pavo. Ngavave sevakapambwa munyika yenhapwa. 5 Musafukidza kuipa kwavo kana kudzima zvivi zvavo pamberi penyu, nokuti vakakusha mashoko okutuka pamberi pavavaki. 6 Saka takavakazve rusvingo kudzamara rwose rwasvika pahafu yokukwirira kwarwo, nokuti vanhu vaishanda nemwoyo yavo yose. 7 Asi Sanibharati, Tobhia, navaArabhu, navaAmoni navarume veAshidhodhi, vakati vanzwa kuti masvingo eJerusarema ari kugadzirwa, uye kuti makakoromoka maivakwa pakare, vakatsamwa kwazvo. 8 Vakarangana vose pamwe chete kuti vazorwa neJerusarema uye kuti varimutsire mhirizhonga. 9 Asi takanyengetera kuna Mwari wedu tikaisawo varindi masikati nousiku kuti vapedze dambudziko rokutyisidzira uku. 10 Zvichakadaro, vanhu vokwaJudha vakati, “Simba ravabati riri kupera, uye pachine mangwandangwanda akawanda zvokuti hatingakwanisi kuvakazve rusvingo.” 11 Uyezve vavengi vedu vakati, “Vasati vazviziva kana kutiona, tichatenge tavapo pakati pavo uye tichavauraya tigoparadza basa ravo.” 12 Ipapo vaJudha vakanga vagere pedyo navo vakauya vakatitaurira rune gumi vachiti, “Kupi nokupi kwamuchaenda, vachauya kuzotirwisa.” 13 Naizvozvo ndakaisa vamwe vanhu seri kwenzvimbo dzakaderera dzorusvingo napanzvimbo dzakashama, ndichivaisa nemhuri dzavo, vane minondo yavo, namapfumo uye neuta. 14 Mushure mokunge ndatarisisa zvinhu izvi, ndakasimuka ndikati kuvakuru, navabati nokuruzhinji rwavanhu, “Musavatya. Rangarirai Jehovha, iye mukuru, anotyisa, uye murwire hama dzenyu, vanakomana venyu, navanasikana venyu, vakadzi venyu nemisha yenyu.” 15 Vavengi vedu pavakanzwa kuti takanga taziva rangano yavo uye kuti Mwari akanga aikonesa, tose takadzokera kurusvingo, mumwe nomumwe pabasa rake. 16 Kubva pazuva iro, zvichienda mberi hafu yavanhu vangu vakashanda basa, asi imwe hafu vakanga vakapakata mapfumo, nhoo, uta nenhumbi dzokurwa nadzo. Vatariri vakamira mumashure mavanhu vose vokwaJudha, 17 vaivaka rusvingo. Avo vaitakura zvokuvakisa vakaita basa ravo noruoko rumwe uye rumwe ruoko vakabata chombo chokurwisa, 18 uye muvaki mumwe nomumwe akanga akapfeka munondo wake parutivi, uku achishanda. Asi munhu airidza hwamanda aiva neni. 19 Ipapo ndakati kuvakuru, navatariri noruzhinji rwavanhu, “Basa iguru iri uye rapararira, uye isu tanyanya kuparadzana mumwe kubva kuno mumwe takatevedza rusvingo. 20 Pose pamuchanzwa kurira kwehwamanda, muuye tibatane ikoko. Mwari wedu achatirwira.” 21 Saka takafambira mberi nebasa, hafu yavarume yakabata mapfumo, kubva mambakwedza kusvikira nyeredzi dzichibuda. 22 Panguva iyo ndakati kuvanhu, “Murume mumwe nomumwe nomubatsiri wake ngaagare mukati meJerusarema panguva dzousiku, kuitira kuti vatibatsire kushanda savarindi usiku uyezve savashandi masikati.” 23 Zvino ini nehama dzangu kana vanhu vangu kana varindi vaiva neni hatina kubvisa nguo dzedu; mumwe nomumwe aiva nomunondo wake, kunyange paaienda kundonwa mvura.
In Other Versions
Nehemiah 4 in the ANGEFD
Nehemiah 4 in the ANTPNG2D
Nehemiah 4 in the AS21
Nehemiah 4 in the BAGH
Nehemiah 4 in the BBPNG
Nehemiah 4 in the BBT1E
Nehemiah 4 in the BDS
Nehemiah 4 in the BEV
Nehemiah 4 in the BHAD
Nehemiah 4 in the BIB
Nehemiah 4 in the BLPT
Nehemiah 4 in the BNT
Nehemiah 4 in the BNTABOOT
Nehemiah 4 in the BNTLV
Nehemiah 4 in the BOATCB
Nehemiah 4 in the BOATCB2
Nehemiah 4 in the BOBCV
Nehemiah 4 in the BOCNT
Nehemiah 4 in the BOECS
Nehemiah 4 in the BOGWICC
Nehemiah 4 in the BOHCB
Nehemiah 4 in the BOHCV
Nehemiah 4 in the BOHLNT
Nehemiah 4 in the BOHNTLTAL
Nehemiah 4 in the BOICB
Nehemiah 4 in the BOILNTAP
Nehemiah 4 in the BOITCV
Nehemiah 4 in the BOKCV
Nehemiah 4 in the BOKCV2
Nehemiah 4 in the BOKHWOG
Nehemiah 4 in the BOKSSV
Nehemiah 4 in the BOLCB
Nehemiah 4 in the BOLCB2
Nehemiah 4 in the BOMCV
Nehemiah 4 in the BONAV
Nehemiah 4 in the BONCB
Nehemiah 4 in the BONLT
Nehemiah 4 in the BONUT2
Nehemiah 4 in the BOPLNT
Nehemiah 4 in the BOSNC
Nehemiah 4 in the BOTLNT
Nehemiah 4 in the BOVCB
Nehemiah 4 in the BOYCB
Nehemiah 4 in the BPBB
Nehemiah 4 in the BPH
Nehemiah 4 in the BSB
Nehemiah 4 in the CCB
Nehemiah 4 in the CUV
Nehemiah 4 in the CUVS
Nehemiah 4 in the DBT
Nehemiah 4 in the DGDNT
Nehemiah 4 in the DHNT
Nehemiah 4 in the DNT
Nehemiah 4 in the ELBE
Nehemiah 4 in the EMTV
Nehemiah 4 in the ESV
Nehemiah 4 in the FBV
Nehemiah 4 in the FEB
Nehemiah 4 in the GGMNT
Nehemiah 4 in the GNT
Nehemiah 4 in the HARY
Nehemiah 4 in the HNT
Nehemiah 4 in the IRVA
Nehemiah 4 in the IRVB
Nehemiah 4 in the IRVG
Nehemiah 4 in the IRVH
Nehemiah 4 in the IRVK
Nehemiah 4 in the IRVM
Nehemiah 4 in the IRVM2
Nehemiah 4 in the IRVO
Nehemiah 4 in the IRVP
Nehemiah 4 in the IRVT
Nehemiah 4 in the IRVT2
Nehemiah 4 in the IRVU
Nehemiah 4 in the ISVN
Nehemiah 4 in the JSNT
Nehemiah 4 in the KAPI
Nehemiah 4 in the KBT1ETNIK
Nehemiah 4 in the KBV
Nehemiah 4 in the KJV
Nehemiah 4 in the KNFD
Nehemiah 4 in the LBA
Nehemiah 4 in the LBLA
Nehemiah 4 in the LNT
Nehemiah 4 in the LSV
Nehemiah 4 in the MAAL
Nehemiah 4 in the MBV
Nehemiah 4 in the MBV2
Nehemiah 4 in the MHNT
Nehemiah 4 in the MKNFD
Nehemiah 4 in the MNG
Nehemiah 4 in the MNT
Nehemiah 4 in the MNT2
Nehemiah 4 in the MRS1T
Nehemiah 4 in the NAA
Nehemiah 4 in the NASB
Nehemiah 4 in the NBLA
Nehemiah 4 in the NBS
Nehemiah 4 in the NBVTP
Nehemiah 4 in the NET2
Nehemiah 4 in the NIV11
Nehemiah 4 in the NNT
Nehemiah 4 in the NNT2
Nehemiah 4 in the NNT3
Nehemiah 4 in the PDDPT
Nehemiah 4 in the PFNT
Nehemiah 4 in the RMNT
Nehemiah 4 in the SBIAS
Nehemiah 4 in the SBIBS
Nehemiah 4 in the SBIBS2
Nehemiah 4 in the SBICS
Nehemiah 4 in the SBIDS
Nehemiah 4 in the SBIGS
Nehemiah 4 in the SBIHS
Nehemiah 4 in the SBIIS
Nehemiah 4 in the SBIIS2
Nehemiah 4 in the SBIIS3
Nehemiah 4 in the SBIKS
Nehemiah 4 in the SBIKS2
Nehemiah 4 in the SBIMS
Nehemiah 4 in the SBIOS
Nehemiah 4 in the SBIPS
Nehemiah 4 in the SBISS
Nehemiah 4 in the SBITS
Nehemiah 4 in the SBITS2
Nehemiah 4 in the SBITS3
Nehemiah 4 in the SBITS4
Nehemiah 4 in the SBIUS
Nehemiah 4 in the SBIVS
Nehemiah 4 in the SBT
Nehemiah 4 in the SBT1E
Nehemiah 4 in the SCHL
Nehemiah 4 in the SNT
Nehemiah 4 in the SUSU
Nehemiah 4 in the SUSU2
Nehemiah 4 in the SYNO
Nehemiah 4 in the TBIAOTANT
Nehemiah 4 in the TBT1E
Nehemiah 4 in the TBT1E2
Nehemiah 4 in the TFTIP
Nehemiah 4 in the TFTU
Nehemiah 4 in the TGNTATF3T
Nehemiah 4 in the THAI
Nehemiah 4 in the TNFD
Nehemiah 4 in the TNT
Nehemiah 4 in the TNTIK
Nehemiah 4 in the TNTIL
Nehemiah 4 in the TNTIN
Nehemiah 4 in the TNTIP
Nehemiah 4 in the TNTIZ
Nehemiah 4 in the TOMA
Nehemiah 4 in the TTENT
Nehemiah 4 in the UBG
Nehemiah 4 in the UGV
Nehemiah 4 in the UGV2
Nehemiah 4 in the UGV3
Nehemiah 4 in the VBL
Nehemiah 4 in the VDCC
Nehemiah 4 in the YALU
Nehemiah 4 in the YAPE
Nehemiah 4 in the YBVTP
Nehemiah 4 in the ZBP