Numbers 1 (BOSCB)

1 Jehovha akataura naMozisi muTende Rokusangana, vari murenje reSinai, nezuva rokutanga romwedzi wechipiri, mugore rechipiri shure kwokubuda kwavaIsraeri muIjipiti, achiti, 2 “Verenga ungano yose yavaIsraeri nedzimba dzavo uye nemhuri dzavo, uchinyora murume wose wose nezita rake, mumwe nomumwe. 3 Iwe naAroni munofanira kuverenga varume vose vari muIsraeri namapoka avo vane makore makumi maviri kana anodarika vanogona kurwa muhondo. 4 Murume mumwe chete kubva kurudzi rumwe norumwe, mumwe nomumwe ari mukuru wemhuri yake achakubatsira. 5 “Aya ndiwo mazita avarume vanofanira kukubatsira: “kubva kwaRubheni, Erizuri mwanakomana waShedheuri; 6 kubva kwaSimeoni, Sherumieri mwanakomana waZurishadhai; 7 kubva kwaJudha, Nashoni mwanakomana waAminadhabhi; 8 kubva kwaIsakari, Netaneri mwanakomana waZuari; 9 kubva kwaZebhuruni, Eriabhi mwanakomana waHeroni; 10 kubva kuvanakomana vaJosefa:kubva kuna Efuremu, Erishama mwanakomana waAmihudhi;kubva kuna Manase, Gamarieri mwanakomana waPedhazuri; 11 kubva kwaBhenjamini, Abhidhani mwanakomana waGidheoni; 12 kubva kwaDhani, Ahiezeri mwanakomana waAmishadhai; 13 kubva kwaAsheri, Pagieri mwanakomana waOkirani; 14 kubva kwaGadhi, Eriasafi mwanakomana waDheueri; 15 kubva kwaNafutari, Ahira mwanakomana waEnani.” 16 Ava ndivo varume vakatsaurwa kubva paungano, vatungamiri vamarudzi amadzibaba avo. Ndivo vaiva vakuru vedzimba dzavaIsraeri. 17 Mozisi naAroni vakatora varume ava vane mazita avakanga vapiwa, 18 vakaunganidza ungano yose pamwe chete pazuva rokutanga romwedzi wechipiri. Vanhu vakaratidza madzitateguru avo, dzimba dzavo nemhuri dzavo, uye varume vaiva namakore makumi maviri kana anodarika vakanyorwa mazita avo mumwe nomumwe, 19 sezvakanga zvarayirwa Mozisi naJehovha. Nokudaro akavaverenga muRenje reSinai: 20 Kubva kuzvizvarwa zvaRubheni mwanakomana wedangwe waIsraeri:Varume vose vaiva namakore makumi maviri kana anodarika vaigona kurwa muhondo vakaverengwa uye vakanyorwa mazita, mumwe nomumwe, maererano nezvinyorwa zvedzimba dzavo nezvemhuri dzavo. 21 Vakaverengwa kubva kurudzi rwaRubheni vaiva zviuru makumi mana nezvitanhatu, namazana mashanu. 22 Kubva kuzvizvarwa zvaSimeoni:Varume vose vaiva namakore makumi maviri kana anodarika vaigona kurwa muhondo vakaverengwa uye vakanyorwa mazita, mumwe nomumwe, maererano nezvinyorwa zvedzimba dzavo nezvemhuri dzavo. 23 Vakaverengwa vaibva kurudzi rwaSimeoni vaisvika zviuru makumi mashanu nezvipfumbamwe, namazana matatu. 24 Kubva kuzvizvarwa zvaGadhi:Varume vose vaiva namakore makumi maviri kana anodarika, vaigona kurwa muhondo, vakanyorwa mazita maererano nezvinyorwa zvedzimba dzavo nezvemhuri dzavo. 25 Vakaverengwa kubva kurudzi rwaGadhi vaisvika zviuru makumi mana nezvishanu, namazana matanhatu namakumi mashanu. 26 Kubva kuzvizvarwa zvaJudha:Varume vose vaiva namakore makumi maviri kana anodarika vaigona kurwa muhondo vakanyorwa mazita, maererano nezvinyorwa zvedzimba dzavo nezvemhuri dzavo. 27 Vakaverengwa kubva kurudzi rwaJudha vaisvika zviuru makumi manomwe nezvina, namazana matanhatu. 28 Kubva kuzvizvarwa zvaIsakari:Varume vose vaiva namakore makumi maviri kana anodarika vaigona kurwa muhondo vakanyorwa mazita, maererano nezvinyorwa zvedzimba dzavo nezvemhuri dzavo. 29 Vakaverengwa kubva kurudzi rwaIsakari vaisvika zviuru makumi mashanu nezvina, namazana mana. 30 Kubva kuzvizvarwa zvaZebhuruni:Varume vose vaiva namakore makumi maviri kana anodarika vaigona kurwa muhondo vakanyorwa mazita, maererano nezvinyorwa zvedzimba dzavo nezvemhuri dzavo. 31 Vakaverengwa kubva kurudzi rwaZebhuruni vaisvika zviuru makumi mashanu nezvinomwe, namazana mana. 32 Kubva kuvanakomana vaJosefa:Kubva kuzvizvarwa zvaEfuremu:Varume vose vaiva namakore makumi maviri kana anodarika vaigona kurwa muhondo vakanyorwa mazita, maererano nezvinyorwa zvedzimba dzavo nezvemhuri dzavo. 33 Vakaverengwa kubva kurudzi rwaEfuremu vaisvika zviuru makumi mana, namazana mashanu. 34 Kubva kuzvizvarwa zvaManase:Varume vose vaiva namakore makumi maviri kana anodarika vaigona kurwa muhondo vakanyorwa mazita, maererano nezvinyorwa zvedzimba dzavo nezvemhuri dzavo. 35 Vakaverengwa kubva kurudzi rwaManase vaisvika zviuru makumi matatu nezviviri, namazana maviri. 36 Kubva kuzvizvarwa zvaBhenjamini:Varume vose vaiva namakore makumi maviri kana anodarika vaigona kurwa muhondo vakanyorwa mazita, maererano nezvinyorwa zvedzimba nezvemhuri dzavo. 37 Vakaverengwa kubva kurudzi rwaBhenjamini vaisvika zviuru makumi matatu nezvishanu, namazana mana. 38 Kubva kuzvizvarwa zvaDhani:Varume vose vaiva namakore makumi maviri kana anodarika, vaigona kurwa muhondo vakanyorwa mazita, maererano nezvinyorwa zvedzimba dzavo nezvemhuri dzavo. 39 Vakaverengwa kubva kurudzi rwaDhani vaisvika zviuru makumi matanhatu nezviviri, namazana manomwe. 40 Kubva kuzvizvarwa zvaAsheri:Varume vose vaiva namakore makumi maviri kana anodarika vaigona kurwa muhondo vakanyorwa mazita, maererano nezvinyorwa zvedzimba dzavo uye nezvemhuri dzavo. 41 Vakaverengwa kubva kurudzi rwaAsheri vaisvika zviuru makumi mana nechimwe chete, namazana mashanu. 42 Kubva kuzvizvarwa zvaNafutari:Varume vose vaiva namakore makumi maviri kana anodarika vaigona kurwa muhondo vakanyorwa mazita, maererano nezvinyorwa zvedzimba dzavo nezvemhuri dzavo. 43 Vakaverengwa kubva kurudzi rwaNafutari vaisvika zviuru makumi mashanu nezvitatu, namazana mana. 44 Ava ndivo varume vakaverengwa naMozisi naAroni navatungamiri veIsraeri gumi nevaviri, mumwe nomumwe achimiririra mhuri yake. 45 VaIsraeri vose vaiva namakore makumi maviri kana anodarika vaigona kurwa muhondo yeIsraeri vakaverengwa maererano nemhuri dzavo. 46 Vose vakaverengwa vakasvika zviuru mazana matanhatu nezvitatu, namazana mashanu ana makumi mashanu. 47 Kunyange zvakadaro, mhuri dzavaRevhi hadzina kuverengwa pamwe chete navamwe. 48 Jehovha akanga ati kuna Mozisi: 49 “Haufaniri kuverenga rudzi rwaRevhi kana kuvabatanidzira pakuverengwa kwavamwe vaIsraeri. 50 Asi ugadze vaRevhi kuti vave vatariri vetabhenakeri yeChipupuriro, napamusoro pemidziyo yayo yose; vanofanira kutakura tabhenakeri nemidziyo yayo yose; vanofanira kuichengeta nokuikomberedza nemisasa yavo. 51 Panguva yose inobviswa tabhenakeri, vaRevhi ndivo vanofanira kuidzikisa pasi, uye panguva yose yainomiswa, vaRevhi ndivo vanofanira kuita izvozvo. Ani zvake mumwewo anoswedera kwairi achaurayiwa. 52 VaIsraeri vanofanira kudzika matende avo namapoka avo, murume mumwe nomumwe mumusasa wake pasi pomureza wokwake. 53 Zvakadaro hazvo, vaRevhi, vanofanira kudzika matende avo vakapoteredza tabhenakeri yeChipupuriro kuitira kuti hasha dzirege kuwira pamusoro peungano yavaIsraeri. VaRevhi ndivo vane basa rokuchengeta tabhenakeri yeChipupuriro.” 54 VaIsraeri vakaita izvi zvose sezvakanga zvarayirwa Mozisi naJehovha.

In Other Versions

Numbers 1 in the ANGEFD

Numbers 1 in the ANTPNG2D

Numbers 1 in the AS21

Numbers 1 in the BAGH

Numbers 1 in the BBPNG

Numbers 1 in the BBT1E

Numbers 1 in the BDS

Numbers 1 in the BEV

Numbers 1 in the BHAD

Numbers 1 in the BIB

Numbers 1 in the BLPT

Numbers 1 in the BNT

Numbers 1 in the BNTABOOT

Numbers 1 in the BNTLV

Numbers 1 in the BOATCB

Numbers 1 in the BOATCB2

Numbers 1 in the BOBCV

Numbers 1 in the BOCNT

Numbers 1 in the BOECS

Numbers 1 in the BOGWICC

Numbers 1 in the BOHCB

Numbers 1 in the BOHCV

Numbers 1 in the BOHLNT

Numbers 1 in the BOHNTLTAL

Numbers 1 in the BOICB

Numbers 1 in the BOILNTAP

Numbers 1 in the BOITCV

Numbers 1 in the BOKCV

Numbers 1 in the BOKCV2

Numbers 1 in the BOKHWOG

Numbers 1 in the BOKSSV

Numbers 1 in the BOLCB

Numbers 1 in the BOLCB2

Numbers 1 in the BOMCV

Numbers 1 in the BONAV

Numbers 1 in the BONCB

Numbers 1 in the BONLT

Numbers 1 in the BONUT2

Numbers 1 in the BOPLNT

Numbers 1 in the BOSNC

Numbers 1 in the BOTLNT

Numbers 1 in the BOVCB

Numbers 1 in the BOYCB

Numbers 1 in the BPBB

Numbers 1 in the BPH

Numbers 1 in the BSB

Numbers 1 in the CCB

Numbers 1 in the CUV

Numbers 1 in the CUVS

Numbers 1 in the DBT

Numbers 1 in the DGDNT

Numbers 1 in the DHNT

Numbers 1 in the DNT

Numbers 1 in the ELBE

Numbers 1 in the EMTV

Numbers 1 in the ESV

Numbers 1 in the FBV

Numbers 1 in the FEB

Numbers 1 in the GGMNT

Numbers 1 in the GNT

Numbers 1 in the HARY

Numbers 1 in the HNT

Numbers 1 in the IRVA

Numbers 1 in the IRVB

Numbers 1 in the IRVG

Numbers 1 in the IRVH

Numbers 1 in the IRVK

Numbers 1 in the IRVM

Numbers 1 in the IRVM2

Numbers 1 in the IRVO

Numbers 1 in the IRVP

Numbers 1 in the IRVT

Numbers 1 in the IRVT2

Numbers 1 in the IRVU

Numbers 1 in the ISVN

Numbers 1 in the JSNT

Numbers 1 in the KAPI

Numbers 1 in the KBT1ETNIK

Numbers 1 in the KBV

Numbers 1 in the KJV

Numbers 1 in the KNFD

Numbers 1 in the LBA

Numbers 1 in the LBLA

Numbers 1 in the LNT

Numbers 1 in the LSV

Numbers 1 in the MAAL

Numbers 1 in the MBV

Numbers 1 in the MBV2

Numbers 1 in the MHNT

Numbers 1 in the MKNFD

Numbers 1 in the MNG

Numbers 1 in the MNT

Numbers 1 in the MNT2

Numbers 1 in the MRS1T

Numbers 1 in the NAA

Numbers 1 in the NASB

Numbers 1 in the NBLA

Numbers 1 in the NBS

Numbers 1 in the NBVTP

Numbers 1 in the NET2

Numbers 1 in the NIV11

Numbers 1 in the NNT

Numbers 1 in the NNT2

Numbers 1 in the NNT3

Numbers 1 in the PDDPT

Numbers 1 in the PFNT

Numbers 1 in the RMNT

Numbers 1 in the SBIAS

Numbers 1 in the SBIBS

Numbers 1 in the SBIBS2

Numbers 1 in the SBICS

Numbers 1 in the SBIDS

Numbers 1 in the SBIGS

Numbers 1 in the SBIHS

Numbers 1 in the SBIIS

Numbers 1 in the SBIIS2

Numbers 1 in the SBIIS3

Numbers 1 in the SBIKS

Numbers 1 in the SBIKS2

Numbers 1 in the SBIMS

Numbers 1 in the SBIOS

Numbers 1 in the SBIPS

Numbers 1 in the SBISS

Numbers 1 in the SBITS

Numbers 1 in the SBITS2

Numbers 1 in the SBITS3

Numbers 1 in the SBITS4

Numbers 1 in the SBIUS

Numbers 1 in the SBIVS

Numbers 1 in the SBT

Numbers 1 in the SBT1E

Numbers 1 in the SCHL

Numbers 1 in the SNT

Numbers 1 in the SUSU

Numbers 1 in the SUSU2

Numbers 1 in the SYNO

Numbers 1 in the TBIAOTANT

Numbers 1 in the TBT1E

Numbers 1 in the TBT1E2

Numbers 1 in the TFTIP

Numbers 1 in the TFTU

Numbers 1 in the TGNTATF3T

Numbers 1 in the THAI

Numbers 1 in the TNFD

Numbers 1 in the TNT

Numbers 1 in the TNTIK

Numbers 1 in the TNTIL

Numbers 1 in the TNTIN

Numbers 1 in the TNTIP

Numbers 1 in the TNTIZ

Numbers 1 in the TOMA

Numbers 1 in the TTENT

Numbers 1 in the UBG

Numbers 1 in the UGV

Numbers 1 in the UGV2

Numbers 1 in the UGV3

Numbers 1 in the VBL

Numbers 1 in the VDCC

Numbers 1 in the YALU

Numbers 1 in the YAPE

Numbers 1 in the YBVTP

Numbers 1 in the ZBP