Numbers 8 (BOSCB)
1 Jehovha akati kuna Mozisi, 2 “Taura naAroni uti kwaari, ‘Kana uchimisa mwenje minonwe, inofanira kuvhenekera nzvimbo iri mberi kwechigadziko chomwenje.’ ” 3 Aroni akaita saizvozvo; akamisa mwenje yakatarisa mberi kuchigadziko chomwenje, sezvakanga zvarayirwa Mozisi naJehovha. 4 Aya ndiwo magadzirirwo akanga akaitwa chigadziko chomwenje: Chakanga chakaitwa negoridhe rakapambadzirwa kubva pahwaro hwacho kusvikira pamaruva acho. Chigadziko chomwenje chakanga chakagadzirwa zvakanyatsofanana nomufananidzo wakanga waratidzwa Mozisi naJehovha. 5 Jehovha akati kuna Mozisi: 6 “Bvisa vaRevhi pakati pavamwe vaIsraeri ugovanatsa. 7 Pakuvanatsa, unofanira kuita izvi: Sasa pamusoro pavo mvura yokuvachenesa; ipapo ugoita kuti vaveure miviri yavo yose vagosuka nguo dzavo, kuitira kuti vazvinatse. 8 Uite kuti vatore hando duku nechipiriso chayo chezviyo choupfu hwakatsetseka hwakavhenganiswa namafuta, ipapo munofanira kutorazve imwe hando duku yechipiriso chechivi. 9 Uuye navaRevhi mberi kweTende Rokusangana ugounganidza ungano yose yavaIsraeri. 10 Unofanira kuuya navaRevhi pamberi paJehovha, uye vaIsraeri vanofanira kuisa maoko avo pamusoro pavo. 11 Aroni anofanira kuisa vaRevhi pamberi paJehovha sechipiriso chokuninira chinobva kuvaIsraeri, kuitira kuti vagadzirire kuita basa raJehovha. 12 “Mushure mokunge vaRevhi vaisa maoko avo pamisoro yehando, ushandise imwe yacho sechipiriso chechivi kuna Jehovha uye imwe yacho sechipiriso chinopiswa, kuti uyananisire vaRevhi. 13 Uite kuti vaRevhi vamire pamberi paAroni navanakomana vake ipapo ugovakumikidza sechipiriso chokuninira kuna Jehovha. 14 Nenzira iyi unofanira kutsaura vaRevhi pakati pavamwe vaIsraeri, uye vaRevhi vachava vangu. 15 “Mushure mokunge wanatsa vaRevhi nokuvakumikidza sechipiriso chokuninira, vanofanira kuuya kuzoita basa ravo paTende Rokusangana. 16 Ivo ndivo vaIsraeri vachapiwa zvachose kwandiri. Ndakavatora kuti vave vangu pachinzvimbo chamatangwe, vanakomana vokutanga vomukadzi mumwe nomumwe womuIsraeri. 17 Chibereko chose chokutanga chechikono muIsraeri, angava munhu kana chipfuwo, ndechangu. Pandakauraya matangwe ose muIjipiti, ndakazvitsaurira ivo kwandiri. 18 Uye ndakatora vaRevhi panzvimbo yavanakomana veIsraeri vamatangwe. 19 PavaIsraeri vose, ndakapa vaRevhi sezvipo kuna Aroni navanakomana vake kuti vaite basa paTende Rokusangana vakamirira vaIsraeri uye kuti vayananisire vaIsraeri kuti varege kuurayiwa nedenda pavanenge vaswedera kunzvimbo tsvene.” 20 Mozisi, Aroni neungano yose yeIsraeri vakaitira vaRevhi sezvakanga zvarayirwa Mozisi naJehovha. 21 VaRevhi vakazvinatsa vakasuka nguo dzavo. Ipapo Aroni akavaisa pamberi paJehovha sechipiriso chokuninira akavayananisira kuti vanatswe. 22 Shure kwaizvozvo, vaRevhi vakauya kuzoshanda basa ravo paTende Rokusangana vachitungamirirwa naAroni navanakomana vake. Vakaitira vaRevhi sezvakanga zvarayirwa Mozisi naJehovha. 23 Jehovha akati kuna Mozisi, 24 “Izvi ndizvo zvichaitwa navaRevhi: Vamwe vana makore makumi maviri namashanu kana anopfuura vachauya kuzoshanda basa paTende Rokusangana, 25 asi kana vasvika makore makumi mashanu, vanofanira kuregedza basa ravo uye varege kuzoshandazve. 26 Vangabatsira havo hama dzavo kuita mabasa apaTende Rokusangana, asi ivo pachavo havafaniri kushanda basa. Zvino, izvi ndizvo zvaunofanira kurayira vaRevhi kuti vaite.”
In Other Versions
Numbers 8 in the ANGEFD
Numbers 8 in the ANTPNG2D
Numbers 8 in the AS21
Numbers 8 in the BAGH
Numbers 8 in the BBPNG
Numbers 8 in the BBT1E
Numbers 8 in the BDS
Numbers 8 in the BEV
Numbers 8 in the BHAD
Numbers 8 in the BIB
Numbers 8 in the BLPT
Numbers 8 in the BNT
Numbers 8 in the BNTABOOT
Numbers 8 in the BNTLV
Numbers 8 in the BOATCB
Numbers 8 in the BOATCB2
Numbers 8 in the BOBCV
Numbers 8 in the BOCNT
Numbers 8 in the BOECS
Numbers 8 in the BOGWICC
Numbers 8 in the BOHCB
Numbers 8 in the BOHCV
Numbers 8 in the BOHLNT
Numbers 8 in the BOHNTLTAL
Numbers 8 in the BOICB
Numbers 8 in the BOILNTAP
Numbers 8 in the BOITCV
Numbers 8 in the BOKCV
Numbers 8 in the BOKCV2
Numbers 8 in the BOKHWOG
Numbers 8 in the BOKSSV
Numbers 8 in the BOLCB
Numbers 8 in the BOLCB2
Numbers 8 in the BOMCV
Numbers 8 in the BONAV
Numbers 8 in the BONCB
Numbers 8 in the BONLT
Numbers 8 in the BONUT2
Numbers 8 in the BOPLNT
Numbers 8 in the BOSNC
Numbers 8 in the BOTLNT
Numbers 8 in the BOVCB
Numbers 8 in the BOYCB
Numbers 8 in the BPBB
Numbers 8 in the BPH
Numbers 8 in the BSB
Numbers 8 in the CCB
Numbers 8 in the CUV
Numbers 8 in the CUVS
Numbers 8 in the DBT
Numbers 8 in the DGDNT
Numbers 8 in the DHNT
Numbers 8 in the DNT
Numbers 8 in the ELBE
Numbers 8 in the EMTV
Numbers 8 in the ESV
Numbers 8 in the FBV
Numbers 8 in the FEB
Numbers 8 in the GGMNT
Numbers 8 in the GNT
Numbers 8 in the HARY
Numbers 8 in the HNT
Numbers 8 in the IRVA
Numbers 8 in the IRVB
Numbers 8 in the IRVG
Numbers 8 in the IRVH
Numbers 8 in the IRVK
Numbers 8 in the IRVM
Numbers 8 in the IRVM2
Numbers 8 in the IRVO
Numbers 8 in the IRVP
Numbers 8 in the IRVT
Numbers 8 in the IRVT2
Numbers 8 in the IRVU
Numbers 8 in the ISVN
Numbers 8 in the JSNT
Numbers 8 in the KAPI
Numbers 8 in the KBT1ETNIK
Numbers 8 in the KBV
Numbers 8 in the KJV
Numbers 8 in the KNFD
Numbers 8 in the LBA
Numbers 8 in the LBLA
Numbers 8 in the LNT
Numbers 8 in the LSV
Numbers 8 in the MAAL
Numbers 8 in the MBV
Numbers 8 in the MBV2
Numbers 8 in the MHNT
Numbers 8 in the MKNFD
Numbers 8 in the MNG
Numbers 8 in the MNT
Numbers 8 in the MNT2
Numbers 8 in the MRS1T
Numbers 8 in the NAA
Numbers 8 in the NASB
Numbers 8 in the NBLA
Numbers 8 in the NBS
Numbers 8 in the NBVTP
Numbers 8 in the NET2
Numbers 8 in the NIV11
Numbers 8 in the NNT
Numbers 8 in the NNT2
Numbers 8 in the NNT3
Numbers 8 in the PDDPT
Numbers 8 in the PFNT
Numbers 8 in the RMNT
Numbers 8 in the SBIAS
Numbers 8 in the SBIBS
Numbers 8 in the SBIBS2
Numbers 8 in the SBICS
Numbers 8 in the SBIDS
Numbers 8 in the SBIGS
Numbers 8 in the SBIHS
Numbers 8 in the SBIIS
Numbers 8 in the SBIIS2
Numbers 8 in the SBIIS3
Numbers 8 in the SBIKS
Numbers 8 in the SBIKS2
Numbers 8 in the SBIMS
Numbers 8 in the SBIOS
Numbers 8 in the SBIPS
Numbers 8 in the SBISS
Numbers 8 in the SBITS
Numbers 8 in the SBITS2
Numbers 8 in the SBITS3
Numbers 8 in the SBITS4
Numbers 8 in the SBIUS
Numbers 8 in the SBIVS
Numbers 8 in the SBT
Numbers 8 in the SBT1E
Numbers 8 in the SCHL
Numbers 8 in the SNT
Numbers 8 in the SUSU
Numbers 8 in the SUSU2
Numbers 8 in the SYNO
Numbers 8 in the TBIAOTANT
Numbers 8 in the TBT1E
Numbers 8 in the TBT1E2
Numbers 8 in the TFTIP
Numbers 8 in the TFTU
Numbers 8 in the TGNTATF3T
Numbers 8 in the THAI
Numbers 8 in the TNFD
Numbers 8 in the TNT
Numbers 8 in the TNTIK
Numbers 8 in the TNTIL
Numbers 8 in the TNTIN
Numbers 8 in the TNTIP
Numbers 8 in the TNTIZ
Numbers 8 in the TOMA
Numbers 8 in the TTENT
Numbers 8 in the UBG
Numbers 8 in the UGV
Numbers 8 in the UGV2
Numbers 8 in the UGV3
Numbers 8 in the VBL
Numbers 8 in the VDCC
Numbers 8 in the YALU
Numbers 8 in the YAPE
Numbers 8 in the YBVTP
Numbers 8 in the ZBP