Philemon 1 (BOSCB)
1 Pauro, musungwa waKristu Jesu, naTimoti hama yedu, kuna Firimoni shamwari yedu inodikanwa uye nomushandi pamwe chete nesu, 2 kuna Afia hanzvadzi yedu, kuna Akipo murwi pamwe chete nesu uye nokukereke inosangana mumba mako: 3 Nyasha ngadzive nemi norugare zvinobva kuna Mwari Baba vedu naIshe Jesu Kristu. 4 Ndinovonga Mwari wangu nguva dzose pandinokurangarira muminyengetero yangu, 5 nokuti ndinonzwa nezvokutenda kwako muna Ishe Jesu uye norudo rwako kuvatsvene vose. 6 Ndinokunyengeterera kuti ugovane navamwe nesimba, kuitira kuti uve noruzivo rwakazara pamusoro pezvinhu zvose zvakanaka zvatinazvo muna Kristu. 7 Rudo rwako rwakandipa mufaro mukuru nokukurudzirwa, nokuti iwe, hama yangu, wakazorodza mwoyo yavatsvene. 8 Naizvozvo, kunyange zvazvo ndisingatyi, muna Kristu, kuti ndikurayire zvaunofanira kuita, 9 asi ndinokukumbira nokuda kworudo. Saka ini, saPauro mutana uye zvino musungwa waKristu Jesu 10 ndinokumbira kwauri pamusoro pomwanakomana wangu Onesimasi, akava mwanakomana wangu pakusungwa kwangu. 11 Akanga asingabatsiri kwauri kare, asi zvino ava kubatsira kwatiri tose iwe neni. 12 Ndiri kumudzosera kwauri, iye mwoyo wangu chaiwo. 13 Ndaida kuti iye agare neni kuti agotora nzvimbo yako pakundibatsira zvandiri muusungwa nokuda kweVhangeri. 14 Asi handina kuda kuita chinhu iwe usina kuchitendera, kuitira kuti zvose zvakanaka zvauchaita zvirege kuva zvokurovedzerwa asi nokuda kwako. 15 Nokuti zvimwe wakaparadzaniswa naye kwechinguva kuti ugozova naye nokusingaperi, 16 asisiri somuranda, asi ava nani kupfuura muranda, sehama inodikanwa. Munhu anodikanwa kwandiri, asi kutonyanya kwauri, zvose somunhu uye sehama muna She. 17 Saka kana uchindiona somumwe wako, mugamuchire sokugamuchira kwaungandiita. 18 Kana ane zvaakakutadzira kana kuti ane mungava newe, uzvireve kwandiri. 19 Ini, Pauro, ndanyora izvi noruoko rwangu. Ndichazviripira, ndisingarevi kuti iwe pachako uri mungava kwandiri. 20 Hama, ndinoshuva, kuti ndiwane rubatsiro kubva kwauri muna She; zorodza mwoyo wangu muna Kristu. 21 Ndanyora kwauri ndichivimba nokuteerera kwako, ndichiziva kuti uchaita kunyange kupfuura zvandakukumbira. 22 Uye chimwe chinhuzve: Ndigadzirirewo pokugara, nokuti ndinotarira kuti ndichapiwa kwamuri pakupindurwa kweminyengetero yenyu. 23 Epafurasi, musungwa pamwe chete neni muna Kristu Jesu, anokukwazisai, 24 uyewo Mako, Aristakusi, Dhemasi, naRuka, vashandi pamwe chete neni. 25 Nyasha dzaIshe Jesu Kristu ngadzive nomweya wako.
In Other Versions
Philemon 1 in the ANGEFD
Philemon 1 in the ANTPNG2D
Philemon 1 in the AS21
Philemon 1 in the BAGH
Philemon 1 in the BBPNG
Philemon 1 in the BBT1E
Philemon 1 in the BDS
Philemon 1 in the BEV
Philemon 1 in the BHAD
Philemon 1 in the BIB
Philemon 1 in the BLPT
Philemon 1 in the BNT
Philemon 1 in the BNTABOOT
Philemon 1 in the BNTLV
Philemon 1 in the BOATCB
Philemon 1 in the BOATCB2
Philemon 1 in the BOBCV
Philemon 1 in the BOCNT
Philemon 1 in the BOECS
Philemon 1 in the BOGWICC
Philemon 1 in the BOHCB
Philemon 1 in the BOHCV
Philemon 1 in the BOHLNT
Philemon 1 in the BOHNTLTAL
Philemon 1 in the BOICB
Philemon 1 in the BOILNTAP
Philemon 1 in the BOITCV
Philemon 1 in the BOKCV
Philemon 1 in the BOKCV2
Philemon 1 in the BOKHWOG
Philemon 1 in the BOKSSV
Philemon 1 in the BOLCB
Philemon 1 in the BOLCB2
Philemon 1 in the BOMCV
Philemon 1 in the BONAV
Philemon 1 in the BONCB
Philemon 1 in the BONLT
Philemon 1 in the BONUT2
Philemon 1 in the BOPLNT
Philemon 1 in the BOSNC
Philemon 1 in the BOTLNT
Philemon 1 in the BOVCB
Philemon 1 in the BOYCB
Philemon 1 in the BPBB
Philemon 1 in the BPH
Philemon 1 in the BSB
Philemon 1 in the CCB
Philemon 1 in the CUV
Philemon 1 in the CUVS
Philemon 1 in the DBT
Philemon 1 in the DGDNT
Philemon 1 in the DHNT
Philemon 1 in the DNT
Philemon 1 in the ELBE
Philemon 1 in the EMTV
Philemon 1 in the ESV
Philemon 1 in the FBV
Philemon 1 in the FEB
Philemon 1 in the GGMNT
Philemon 1 in the GNT
Philemon 1 in the HARY
Philemon 1 in the HNT
Philemon 1 in the IRVA
Philemon 1 in the IRVB
Philemon 1 in the IRVG
Philemon 1 in the IRVH
Philemon 1 in the IRVK
Philemon 1 in the IRVM
Philemon 1 in the IRVM2
Philemon 1 in the IRVO
Philemon 1 in the IRVP
Philemon 1 in the IRVT
Philemon 1 in the IRVT2
Philemon 1 in the IRVU
Philemon 1 in the ISVN
Philemon 1 in the JSNT
Philemon 1 in the KAPI
Philemon 1 in the KBT1ETNIK
Philemon 1 in the KBV
Philemon 1 in the KJV
Philemon 1 in the KNFD
Philemon 1 in the LBA
Philemon 1 in the LBLA
Philemon 1 in the LNT
Philemon 1 in the LSV
Philemon 1 in the MAAL
Philemon 1 in the MBV
Philemon 1 in the MBV2
Philemon 1 in the MHNT
Philemon 1 in the MKNFD
Philemon 1 in the MNG
Philemon 1 in the MNT
Philemon 1 in the MNT2
Philemon 1 in the MRS1T
Philemon 1 in the NAA
Philemon 1 in the NASB
Philemon 1 in the NBLA
Philemon 1 in the NBS
Philemon 1 in the NBVTP
Philemon 1 in the NET2
Philemon 1 in the NIV11
Philemon 1 in the NNT
Philemon 1 in the NNT2
Philemon 1 in the NNT3
Philemon 1 in the PDDPT
Philemon 1 in the PFNT
Philemon 1 in the RMNT
Philemon 1 in the SBIAS
Philemon 1 in the SBIBS
Philemon 1 in the SBIBS2
Philemon 1 in the SBICS
Philemon 1 in the SBIDS
Philemon 1 in the SBIGS
Philemon 1 in the SBIHS
Philemon 1 in the SBIIS
Philemon 1 in the SBIIS2
Philemon 1 in the SBIIS3
Philemon 1 in the SBIKS
Philemon 1 in the SBIKS2
Philemon 1 in the SBIMS
Philemon 1 in the SBIOS
Philemon 1 in the SBIPS
Philemon 1 in the SBISS
Philemon 1 in the SBITS
Philemon 1 in the SBITS2
Philemon 1 in the SBITS3
Philemon 1 in the SBITS4
Philemon 1 in the SBIUS
Philemon 1 in the SBIVS
Philemon 1 in the SBT
Philemon 1 in the SBT1E
Philemon 1 in the SCHL
Philemon 1 in the SNT
Philemon 1 in the SUSU
Philemon 1 in the SUSU2
Philemon 1 in the SYNO
Philemon 1 in the TBIAOTANT
Philemon 1 in the TBT1E
Philemon 1 in the TBT1E2
Philemon 1 in the TFTIP
Philemon 1 in the TFTU
Philemon 1 in the TGNTATF3T
Philemon 1 in the THAI
Philemon 1 in the TNFD
Philemon 1 in the TNT
Philemon 1 in the TNTIK
Philemon 1 in the TNTIL
Philemon 1 in the TNTIN
Philemon 1 in the TNTIP
Philemon 1 in the TNTIZ
Philemon 1 in the TOMA
Philemon 1 in the TTENT
Philemon 1 in the UBG
Philemon 1 in the UGV
Philemon 1 in the UGV2
Philemon 1 in the UGV3
Philemon 1 in the VBL
Philemon 1 in the VDCC
Philemon 1 in the YALU
Philemon 1 in the YAPE
Philemon 1 in the YBVTP
Philemon 1 in the ZBP