Psalms 100 (BOSCB)
undefined Pisarema rokuvonga. 1 Danidzirai nomufaro kuna Jehovha, imi nyika dzose. 2 Shumirai Jehovha nomufaro;uyai pamberi pake nenziyo dzomufaro. 3 Zivai kuti Jehovha ndiye Mwari.Ndiye akatisika, uye tiri vake;tiri vanhu vake, namakwai anofudzwa naye. 4 Pindai pamasuo ake nokuvonganomuvanze dzake nokurumbidza;chimuvongai uye murumbidze zita rake. 5 Nokuti Jehovha akanaka uye rudo rwake runogara nokusingaperi;kutendeka kwake kunoramba kuripo kuzvizvarwa zvose.