Psalms 106 (BOSCB)

1 Rumbidzai Jehovha. Vongai Jehovha, nokuti akanaka;nokuti rudo rwake runogara nokusingaperi. 2 Ndianiko angaparidza mabasa aJehovha esimba,kana kureva kurumbidzwa kwake kwose? 3 Vakaropafadzwa vanochengeta kururamisira,vanogara vachiita zvakarurama. 4 Ndirangarirei, imi Jehovha, pamunoratidza nyasha kuvanhu venyu,pamunovaponesa, mundibatsirewo, 5 kuti ndifadzwe nokubudirira kwavasanangurwa venyu,kuti ndigovane pamufaro wavanhu venyu,uye ndibatane nenhaka yenyu pakurumbidza. 6 Takatadza, sezvakaita madzibaba edu;takaita zvakaipa uye takaita mabasa akaipa. 7 Madzibaba edu paakanga ari muIjipiti,havana kumbofunga nezvezvishamiso zvenyu;havana kurangarira tsitsi dzenyu zhinji,asi vakakumukirai pagungwa, iro Gungwa Dzvuku. 8 Kunyange zvakadaro akavaponesa nokuda kwezita rake,kuti simba rake guru rizivikanwe. 9 Akarayira Gungwa Dzvuku iro rikapwa;uye akavafambisa napakadzika sevanopfuura nomugwenga. 10 Akavaponesa kubva muruoko rwomuvengi;akavadzikinura kubva muruoko rwomuvengi. 11 Mvura zhinji yakafukidza vadzivisi vavo;hakuna mumwe wavo akapona. 12 Ipapo vakatenda vimbiso dzakevakaimba vachimurumbidza. 13 Asi vakakurumidza kukanganwa zvaakanga aita,uye vakasamirira kurayira kwake. 14 Havana kuzvidzora pakukara kwavo mugwenga;vakaedza Mwari murenje. 15 Saka akavapa zvavakakumbira,asi akatuma chirwere chinopedza muviri pamusoro pavo. 16 Vakaitira Mozisi godo mumusasa,naAroni, akanga akatsaurirwa kuna Jehovha. 17 Nyika yakazaruka ikamedza Dhatani;ikaviga boka raAbhiramu. 18 Moto wakapfuta pakati pavateveri vavo;murazvo ukaparadza vakaipa. 19 Vakaumba mhuru paHorebhi,vakanamata chifananidzo chakaumbwa. 20 Vakatsinhanisa kubwinya kwavonomufananidzo wehando, inodya uswa. 21 Vakakanganwa Mwari akavaponesa,uyo akanga aita zvinhu zvikuru muIjipiti, 22 mabasa anoshamisa munyika yaHamunamabasa anotyisa paGungwa Dzvuku. 23 Saka akati, achavaparadza,dai Mozisi, musanangurwa wake,asina kumira pamberi pake kutiadzore hasha dzake pakuvaparadza. 24 Ipapo vakazvidza nyika inofadza;havana kutenda zvaakavimbisa. 25 Vakanyunyuta vari mumatendeavo vakasateerera Jehovha. 26 Saka akapika akasimudza ruoko rwakekuti achavaparadza murenje, 27 achaparadza zvizvarwa zvavo pakati pendudzi,agovaparadzira munyika dzose. 28 Vakazvibatanidza pamwe chete naBhaari wePeori,uye vakadya zvibayiro zvakabayirwa vamwari vakafa. 29 Vakatsamwisa Jehovha namabasa avo akaipa,uye denda rikavapo pakati pavo. 30 Asi Finehasi akasimuka,akaita zvakarurama, denda rikaguma. 31 Izvozvo zvakanzi kwaari kururamakusvikira kuzvizvarwa nezvizvarwa nokusingaperi. 32 Vakatsamwisa Jehovha pamvura zhinji yeMeribha,uye Mozisi akaoneswa nhamo nokuda kwavo; 33 nokuti vakamukira Mweya waMwari,Mozisi akataura nehasha nomuromo wake. 34 Havana kuparadza marudzisokurayirwa kwavakaitwa naJehovha, 35 asi vakavhengana nendudzi,vakatora tsika dzavo. 36 Vakanamata zvifananidzo zvavo,izvo zvakazova musungo kwavari. 37 Vakabayira vanakomana vavonavanasikana vavo kumadhimoni. 38 Vakateura ropa risina mhosva,iro ropa ravanakomana vavo neravanasikana vavo,vavakabayira kuzvifananidzo zveKenani,nyika ikasvibiswa neropa ravo. 39 Vakazvisvibisa nezvavakaita;vakazviitisa ufeve namabasa avo. 40 Naizvozvo Jehovha akatsamwira vanhu vake,akasema nhaka yake. 41 Akavaisa mumaoko endudzi,uye vakatongwa navavengi vavo. 42 Vavengi vavo vakavadzvinyirira,uye vakavaisa pasi pesimba ravo. 43 Akavarwira kakawanda,asi ivo vakanga vakarerekera pakumumukiravakaparadzwa muchivi chavo. 44 Asi akatarisa kutambudzika kwavopaakanzwa kuchema kwavo; 45 akarangarira sungano yake nokuda kwavo,uye akazvidemba nokuda kworudo rwake rukuru. 46 Akaita kuti vanzwirwetsitsi navose vakavatapa. 47 Tiponesei, imi Jehovha Mwari wedu,uye mutiunganidze kubva kundudzi,kuti tigovonga zita renyu dzvene.Tigofara mukurumbidzwa kwenyu. 48 Jehovha ngaarumbidzwe, iye Mwari waIsraeri,kubva pakusingaperi kusvikira pakusingaperi.Vanhu vose ngavati, “Ameni!” Rumbidzai Jehovha.

In Other Versions

Psalms 106 in the ANGEFD

Psalms 106 in the ANTPNG2D

Psalms 106 in the AS21

Psalms 106 in the BAGH

Psalms 106 in the BBPNG

Psalms 106 in the BBT1E

Psalms 106 in the BDS

Psalms 106 in the BEV

Psalms 106 in the BHAD

Psalms 106 in the BIB

Psalms 106 in the BLPT

Psalms 106 in the BNT

Psalms 106 in the BNTABOOT

Psalms 106 in the BNTLV

Psalms 106 in the BOATCB

Psalms 106 in the BOATCB2

Psalms 106 in the BOBCV

Psalms 106 in the BOCNT

Psalms 106 in the BOECS

Psalms 106 in the BOGWICC

Psalms 106 in the BOHCB

Psalms 106 in the BOHCV

Psalms 106 in the BOHLNT

Psalms 106 in the BOHNTLTAL

Psalms 106 in the BOICB

Psalms 106 in the BOILNTAP

Psalms 106 in the BOITCV

Psalms 106 in the BOKCV

Psalms 106 in the BOKCV2

Psalms 106 in the BOKHWOG

Psalms 106 in the BOKSSV

Psalms 106 in the BOLCB

Psalms 106 in the BOLCB2

Psalms 106 in the BOMCV

Psalms 106 in the BONAV

Psalms 106 in the BONCB

Psalms 106 in the BONLT

Psalms 106 in the BONUT2

Psalms 106 in the BOPLNT

Psalms 106 in the BOSNC

Psalms 106 in the BOTLNT

Psalms 106 in the BOVCB

Psalms 106 in the BOYCB

Psalms 106 in the BPBB

Psalms 106 in the BPH

Psalms 106 in the BSB

Psalms 106 in the CCB

Psalms 106 in the CUV

Psalms 106 in the CUVS

Psalms 106 in the DBT

Psalms 106 in the DGDNT

Psalms 106 in the DHNT

Psalms 106 in the DNT

Psalms 106 in the ELBE

Psalms 106 in the EMTV

Psalms 106 in the ESV

Psalms 106 in the FBV

Psalms 106 in the FEB

Psalms 106 in the GGMNT

Psalms 106 in the GNT

Psalms 106 in the HARY

Psalms 106 in the HNT

Psalms 106 in the IRVA

Psalms 106 in the IRVB

Psalms 106 in the IRVG

Psalms 106 in the IRVH

Psalms 106 in the IRVK

Psalms 106 in the IRVM

Psalms 106 in the IRVM2

Psalms 106 in the IRVO

Psalms 106 in the IRVP

Psalms 106 in the IRVT

Psalms 106 in the IRVT2

Psalms 106 in the IRVU

Psalms 106 in the ISVN

Psalms 106 in the JSNT

Psalms 106 in the KAPI

Psalms 106 in the KBT1ETNIK

Psalms 106 in the KBV

Psalms 106 in the KJV

Psalms 106 in the KNFD

Psalms 106 in the LBA

Psalms 106 in the LBLA

Psalms 106 in the LNT

Psalms 106 in the LSV

Psalms 106 in the MAAL

Psalms 106 in the MBV

Psalms 106 in the MBV2

Psalms 106 in the MHNT

Psalms 106 in the MKNFD

Psalms 106 in the MNG

Psalms 106 in the MNT

Psalms 106 in the MNT2

Psalms 106 in the MRS1T

Psalms 106 in the NAA

Psalms 106 in the NASB

Psalms 106 in the NBLA

Psalms 106 in the NBS

Psalms 106 in the NBVTP

Psalms 106 in the NET2

Psalms 106 in the NIV11

Psalms 106 in the NNT

Psalms 106 in the NNT2

Psalms 106 in the NNT3

Psalms 106 in the PDDPT

Psalms 106 in the PFNT

Psalms 106 in the RMNT

Psalms 106 in the SBIAS

Psalms 106 in the SBIBS

Psalms 106 in the SBIBS2

Psalms 106 in the SBICS

Psalms 106 in the SBIDS

Psalms 106 in the SBIGS

Psalms 106 in the SBIHS

Psalms 106 in the SBIIS

Psalms 106 in the SBIIS2

Psalms 106 in the SBIIS3

Psalms 106 in the SBIKS

Psalms 106 in the SBIKS2

Psalms 106 in the SBIMS

Psalms 106 in the SBIOS

Psalms 106 in the SBIPS

Psalms 106 in the SBISS

Psalms 106 in the SBITS

Psalms 106 in the SBITS2

Psalms 106 in the SBITS3

Psalms 106 in the SBITS4

Psalms 106 in the SBIUS

Psalms 106 in the SBIVS

Psalms 106 in the SBT

Psalms 106 in the SBT1E

Psalms 106 in the SCHL

Psalms 106 in the SNT

Psalms 106 in the SUSU

Psalms 106 in the SUSU2

Psalms 106 in the SYNO

Psalms 106 in the TBIAOTANT

Psalms 106 in the TBT1E

Psalms 106 in the TBT1E2

Psalms 106 in the TFTIP

Psalms 106 in the TFTU

Psalms 106 in the TGNTATF3T

Psalms 106 in the THAI

Psalms 106 in the TNFD

Psalms 106 in the TNT

Psalms 106 in the TNTIK

Psalms 106 in the TNTIL

Psalms 106 in the TNTIN

Psalms 106 in the TNTIP

Psalms 106 in the TNTIZ

Psalms 106 in the TOMA

Psalms 106 in the TTENT

Psalms 106 in the UBG

Psalms 106 in the UGV

Psalms 106 in the UGV2

Psalms 106 in the UGV3

Psalms 106 in the VBL

Psalms 106 in the VDCC

Psalms 106 in the YALU

Psalms 106 in the YAPE

Psalms 106 in the YBVTP

Psalms 106 in the ZBP